RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 1/15 pp. 5-9
  • Nhume Dzorugare rwaMwari Dzinoungana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nhume Dzorugare rwaMwari Dzinoungana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Akanaka Sei . . . Unoparidza Rugare”
  • ‘Rugare rwaMwari Runopfuura Mufungo Wose’
  • “Kuchengeta Humwe . . . Muchisungo Chorugare”
  • Hausati Uchizoda Kuipotsa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Uchavapo Here?
    Mukai!—1996
  • “Vazivisi Voumambo Vanoshingaira” Vanoungana Nomufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kubatira Senhume Dzorugare rwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 1/15 pp. 5-9

Nhume Dzorugare rwaMwari Dzinoungana

“TAKAVAKWA nekokorodzano yoruwa iri yose yatakapinda,” anodaro mumwe mukuru wechiKristu wokuUnited States. “Zvisinei, gore rino rakanga risingarondedzereki chaizvo. Takaenda zuva rimwe nerimwe tichishamisika kuti zuva raitevera raizopfuura kariro dzedu sei, uye hatina kuodzwa mwoyo!”

Kana wakapinda imwe yeKokorodzano Dzoruwa dze“Nhume Dzorugare rwaMwari,” pasina mubvunzo ungabvumirana neiyi nhume ine mbavarira. Zuva rimwe nerimwe rekokorodzano rakanangidzira ngwariro parutivi rwakasiyana rwebasa iro Zvapupu zvaJehovha zvinoita senhume dzaMwari. Ngatihwirudzurei purogiramu yacho yamazuva matatu.

“Akanaka Sei . . . Unoparidza Rugare”

Uyu waiva musoro wezuva rokutanga rekokorodzano. Waiva wakavakirwa pana Isaya 52:7. Munguva dzino dzakaoma, vazhinji vari kubatira Jehovha mumamirire ezvinhu anodenha. Hurukuro yaiti “Kunzwa Kuvazivisi Vanoshingaira Vorugare” yakabatanidza kubvunzurudzwa kwevamwe vavakatendeka ivava. Kunzwa zvakaitika zvavo zvomunhu oga zvirokwazvo kwaikurudzira, uye vakokorodzani nokudaro vakavimbiswa kuti Jehovha anogona kuvasimbisawo, kunyange kugovera “simba rinopfuura renguva dzose” kuti avabetsere kutsungirira.—2 VaKorinte 4:7, NW.

Zvinodikanwa zvaJehovha hazviremi. (1 Johane 5:3) Ikoku kwakajekeswa muhurukuro yokupedzisira yepurogiramu yemangwanani, yakaguma nokubudiswa kwebhurocha rine mapeji 32 rine musoro unoti Mwari Anodei Kwatiri? Iyi yamuro itsva yefundo ine mifananidzo yakaisvonaka pasina mubvunzo ichaita rutivi runokosha mukubetsera vazhinji zvikuru kudzidza nezvemadonzo aMwari. Tsinhiro pamusoro pokushandiswa kweichi chinyorwa chitsva dzinowanwa munyaya yefundo yokupedzisira iri mumagazini ino uye papeji 16 ne17.

Hurukuro yaiti “Kutsungirira Mubasa Rakanaka” yakasimbisa kuti Jehovha anoziva zvikuru nezvemiedzo yedu. Kutsungirira kunoreva kuti tinopfuurira uye hatirasikirwi netariro. Jehovha akatipa Shoko rake, mudzimu wake, uye sangano rake kuti zvitibatsire. Zvinoda kutsungirira kuparidza, bva kuparidza kunotibetsera kutsungirira, nokuti kunochengeta kutenda kwedu kwakasimba. Zvatava pedyo kwazvo nomugumo, hatifaniri kurega zvinetso zvedu zvichideredza kushingaira kwedu, nokuti vaya bedzi vanotsungirira kusvikira kumugumo vachaponeswa.—Mateo 24:13.

Hurukuro chaiyo yaiti, “Basa Redu Senhume Dzorugare rwaMwari,” yakadanira ngwariro kukusunungurwa kwenhapwa dzechiJudha muBhabhironi uye kudzorerwa kwekunamata kwakachena muJerusarema muna 537 B.C.E. Chiitiko ichochi, mukurukuri akatsanangura kudaro, chaingova chete kufanoonwa kweizvo Umambo hwaMwari huchakurumidza kuita pamwero wenyika yose. (Pisarema 72:7; Isaya 9:7) Mugove wedu wazvino ndewekuparidza mashoko akanaka nezveuhwu Umambo nokurarama mutsinhirano neshoko iroro. Kuda Mwari nemuvakidzani kunofanira kutisunda kupfuurira mubasa iri tisingaregi.—Mabasa 5:42.

Yakanga yakatanhamara papurogiramu yeChishanu ihurukuro yokusiyirana yaiti “Ngwarira Misungo Yakavanzwa Yevaraidzo.” Nziyo dzanhasi, mabhaisikopu, mavhidhiyo, mapurogiramu eterevhizheni, mitambo yevhidhiyo, mabhuku, magazini, uye makomiki zvinowanzoratidzira kufunga kweudhemoni. Naizvozvo, tinofanira ku‘venga zvakaipa’ ndoku‘namatira zvakanaka.’ (VaRoma 12:9) Hungu, tinofanira kurangarira varaidzo yakashata seinosemesa ndokuidzivisa, tichifungisisa zvinhu zvakachena, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa. (VaFiripi 4:8) Zvinyorwa nezvishandiswa zvekunzvera zvinogoverwa nesangano raJehovha zvinonyandura ndangariro dzedu nemifungo inovaka ndokutirovedza kusiyanisa zvakarurama nezvakashata. (VaHebheru 5:14) Tinofanira kunamatira kugadziriro idzodzi sezvataizoita kuigwa mugungwa rakavinduka.

Tevere kwakauya hurukuro yaiti “Shora Dhiyabhorosi—Usashivirira Makwikwi.” Nokukurumidza zvisati zvapinda muNyika Yakapikirwa, zviuru zvavaIsraeri zvakaiswa mumusungo neunzenza. Pinehasi, haana kushivirira makwikwi kukunamata kwechokwadi. Akaita chiito chakasimba mukurwisana nevaiti vezvakaipa, uye kuzvipira kwake kwakakwana kwakafadza Jehovha. (Numeri 25:1-13) Vavariro yaSatani ndeyekuita kuti mumwe nomumwe wedu asave akakodzera kupinda munyika itsva yaMwari. Kufanana naPinehasi, tinofanira naizvozvo kushora nhamburiko dzaDhiyabhorosi dzokutisvibisa. Tingave takaroora kana kuti tisina kuroora kana kuti kuroorwa, tinofanira ku‘tiza upombwe.’—1 VaKorinte 6:18.

“Kutsigira Nokuvimbika Kururama kweShoko raMwari” yaiva hurukuro yokugumisa yezuva rokutanga rekokorodzano. Vashanduri vazhinji vanochinja kana kuti kubvisa zvimwe zvikamu zveMagwaro. Somuenzaniso, kuti vafadze vatsigiri vekodzero dzevanhukadzi, vashanduri veThe New Testament and Psalms: An Inclusive Version vanonongedzera kuna Mwari, kwete saBaba, asi saBaba-Amai uye kuna Jesu se“Munhu” panzvimbo pe“Mwanakomana Womunhu.” Mukupesana, New World Translation inonamatira nenzira yakatendeka kwazvo kurugwaro rwomutauro wapakuvamba zvokuti yakabatira kujekesa mafungire edu pamusoro penhau dzeMagwaro dzakati. Somuenzaniso, mukurukuri akati: “Kwakanga kuri kushandurwa kwakarurama kuri muNew World Translation kwakagovera hwaro hwokurongazve kwedu ungano kupfurikidza nokugadza mitumbi yavakuru, mukuwirirana zvikuru nemutoo wakarongwa muungano yechiKristu yezana ramakore rokutanga.” Tinoratidzira kuvimbika kwedu kuShoko raMwari kupfurikidza nokurirava zuva nezuva uye kupfurikidza nokushandisa zano raro. Mukurukuri akatiwo: “Tinoratidza kuti tiri vatsigiri vakavimbika veShoko raMwari kupfurikidza nokuriparidza nokushingaira kuvamwe uye kupfurikidza nokurishandisa nokungwarira sezvatinodzidzisa vamwe, tisingatongoedzi kurikodzeranisa nemifungo yedu kupfurikidza nokumonyanisa kana kuti kuwedzera zvarinotaura.”

‘Rugare rwaMwari Runopfuura Mufungo Wose’

Musoro uyu, wakavakirwa pana VaFiripi 4:7, wakasimbisa chimiro chezuva rechipiri rekokorodzano. Mazhinji emashoko akapiwa akabata nomurangariro wakafanira weushumiri hwemunhu, mhuri, kuzvitsaurira, uye mamwe mativi eupenyu hwezuva nezuva.

Pashure pekurukurirano yerugwaro rwezuva, hurukuro yokusiyirana yakapiwa yaiva nomusoro waiti “Nhume Dzinounza Mashoko Akanaka Orugare.” Shoko redu ndererugare, uye rinofanira kupiwa nomutoo une rugare. (VaEfeso 6:15) Vavariro yedu ndeyekuwana mwoyo, kwete kukunda nharo. Rovedzo nezvinyorwa zvatinogamuchira kusangano raJehovha zvinotibetsera kuita izvozvo chaizvo. Hatifaniri kurega kusakatara kana kuti kusakendenga zvichitiodza mwoyo. Panzvimbo pezvo, tinofanira kupfuurira ku‘ita unani hwedu,’ tichiva nomuitiro wakanaka wefundo yemunhu oga, kupinda misangano, uye kutora rutivi mubasa rokuparidza. (2 Timotio 2:15) Kusingafaniri kufuratirwa kuitira vamwe zvakanaka, zvikurukuru avo vane ukama nesu mukutenda. (VaGaratia 6:10) Chokwadika, kuita unani hwedu hakurevi kuti tinyanyozvishandisa. Izvo mumwe nomumwe anokwanisa kuita maererano nesimba rake amene nemamiriro ezvinhu zvinogamuchirika kuna Jehovha.

Vanhu vaMwari vanopa nguva yavo, simba, uye zvinhu kuti vapfuuridzire pfuma dzoUmambo. Hurukuro yaiti “Kupa Nomufaro Mukati Mesangano raJehovha” yakaonesa kuti sezvo vazhinji vakaita samakwai vanogamuchira shoko roUmambo, pane kudikanwa kwezvinhu zvokuwedzera, nzvimbo dzokusonganira, uye zvivako zvebazu. Mipiro yedu inogonesa sangano kushandisa chipi kana chipi chinodikanwa kuita basa rokuparidza romunyika yose. Kupa kworupo kunokudzawo Jehovha ndokuunza mufaro kumupi. Naizvozvo, savaKristu, hatifaniri kuregeredza urwu rutivi rwunokosha rwekunamata kwedu.—2 VaKorinte 8:1-7.

Yakapfiga rusando rwemangwanani yaiva hurukuro yerubhabhatidzo—nguva dzose yakatanhamara pakuungana kukuru kweZvapupu zvaJehovha. Waiva mufaro wakadini kuona vachangobva kuzvitsaurira vachitevera mumakwara aJesu kupfurikidza nokubhabhatidzwa mumvura! (Mateo 3:13-17) Vose vanoita nhanho iyoyi vakadzidziswa mumanyuko ouchenjeri hukurusa—Bhaibheri. Uyezve, vakawana donzo chairoiro muupenyu, uye vakakomborerwa nerugare rwunobva mukuziva kuti vari kuita zvakarurama.—Muparidzi 12:13.

Zano rakananga rakapiwa muhurukuro yaiti “Nzwisiso Ngaikutaviridze.” Nzwisiso inokosha zvikuru kana toreva nezvekubata nezvebhizimisi. Hatifaniri kupfuuridzira mibato yebhizimisi yomunhu oga muHoro yoUmambo, uyewo hatifaniri kushandisa vaKristu biyedu nokuda kwokuwana mari. (Enzanisa naJohane 2:15, 16.) Nzwisiso inodikanwawo pakuita bhizimisi kana kuti pakukwereta kana kuti kukweretesa mari. “Kukundikana kwemibato yebhizimisi pakati pavaKristu kwakatungamirira kukuodzwa mwoyo uye kunyange kukurasikirwa neumudzimu nokuda kwavamwe avo vakapinda nechimbichimbi muzvirongwa zvine ngozi zvokuita mari,” akadaro mukurukuri. Kunyange zvazvo zvisina kushata kuti vaKristu vaite bhizimisi nomumwe nomumwe, kungwarira zvirokwazvo ndekwekuchenjera. Uye apo chibvumirano chebhizimisi chinoitwa pakati pevanhu vaviri, zvinodikanwa nguva dzose zvinofanira kunyorwa.

Mupimo waMwari nokuda kwavarume navakadzi wakakurukurwa muhurukuro yaiti “Akavasika Munhurume Nomunhukadzi.” Mabasa avarume navakadzi akakanganiswa munhau yose. “Vazhinji nenzira yakakanganiswa vanoenzanisa kuva murume nekudzora kune hasha, kusava netsitsi, kana kuti kudada nokuva murume,” akadaro mukurukuri. “Mudzimwe tsika kungava kwechienzi, kunotonyadzisa, kuti murume acheme pazere vanhu kana kuti kunyange pakavanda. Bva, Johane 11:35 inorondedzera kuti ari muboka rakanga riri kunze kwehwiro hwaRazaro, ‘Jesu akachema.’” Zvakadini navakadzi? Kuva mukadzi kunowanzoenzaniswa nekukwezva kwomuviri. Asi mukurukuri akabvunza kuti: “Kana mukadzi akanaka asi asina mufungo uye achiita nharo, achinyomba, kana kuti achizvikudza, anogona here chaizvoizvo kuva akanaka mupfungwa yechokwadi yeshoko racho, zvirokwazvo kuva munhukadzi?” (Enzanisa naZvirevo 11:22; 31:26.) Mukutaura kwavo, mufambiro, uye rutsvindo, varume navakadzi vechiKristu vanovavarira kutevera mipimo yeBhaibheri. Mukurukuri akati: “Murume anoratidzira chibereko chomudzimu ari nyore kuremekedza, uye mukadzi anoita saizvozvo ari nyore kuda.”—VaGaratia 5:22, 23.

Tevere kwakauya hurukuro yokusiyirana yaiti “Mwari Worugare Anokutarisira.” VaKristu vazhinji vanofunganya pamusoro pemari. Kunyange zvakadaro, Jehovha anopikira kuti: “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” (VaHebheru 13:5) Pasinei zvapo nenhamo dzemari, vamwe vakaratidza chivimbo muchipikirwa ichochi kupfurikidza nokupinda mubasa roupiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzose. Vamwe vasingagoni kupayona zvino vanoisa fariro dzoUmambo pakutanga kupfurikidza nokushandisa mukana uri wose wokupupura. (Mateo 6:33) Nhamburiko dzose dzakadaro dzinofanira kurumbidzwa! Sangano raJehovha rakagovera zvinyorwa zvizhinji zvokutibatsira neushumiri hwedu nokutibetsera kugonana nezvinetso zvedu. Kana tikaratidza kuonga gadziriro dzaJehovha dzomudzimu, achatikomborera nerugare munguva dzino dzakanyongana mune zvemari.—Pisarema 29:11.

Pakuguma kwehurukuro yokupedzisira yezuva, “Ronda Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri,” vakokorodzani vakafadzwa kugamuchira bhuku idzva, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. “Fundai bhuku rino nokushingaira somunhu oga uye samapoka emhuri,” akakurudzira kudaro mukurukuri. “Edzai zvapachokwadi kushandisa zano raro rakavakirwa muBhaibheri, uye mune chokwadi chokuwedzera rugare nemufarwa zvemhuri yenyu.”

“Kuchengeta Humwe . . . Muchisungo Chorugare”

Wakavakirwa pana VaEfeso 4:3, uyu waiva musoro wakakodzera wezuva rokupedzisira rekokorodzano. Zvapupu zvaJehovha, zvakatorwa mumarudzi ose enyika, zvakadzidziswa naMwari. Naizvozvo, zvinoda rugare. Zvinotevera muenzaniso waJesu ndokuedza “kuchengeta humwe hwomweya muchisungo chorugare.”

Rugare rwakatekeshera musangano raMwari rwakasimbiswa muhurukuro yokusiyirana yaiti “Kuziva Rudzi Rwakarurama Rwenhume.” Vaporofita venhema vaivapo muna Israeri wakare. Zvisinei, nhume dzechokwadi dzaMwari—vaporofita vakadai saIsaya, Ezekieri, uye Jeremia—nenzira yakarurama vakafanotaura nezvekuwa kweJerusarema, nhambo yeutapwa, uye kusunungurwa pakupedzisira kwevanhu vaMwari. Mumiriro wezvinhu wakafanana uriko nhasi. Nhume dzenhema dzakawanda munzvimbo dzezvematongerwe enyika norudzidziso rwenhema. Bva, Jehovha akamutsa Zvapupu zvake kuti zvizivise donzo rake pamusoro petsika ino yezvinhu. Zvikurukuru kubvira muna 1919, vabatiri vaJehovha vakashandiswa kuzivisa shoko raMwari. Vakasiyana sei nenhume dzenhema dzechiKristudhomu! Ngatiitei rutivi rwedu nokushingaira mubasa irori kutozosvikira Jehovha ati rapedzwa.

Hurukuro yaiti “Inzwa uye Teerera Shoko raMwari” yakasimbisa kuti Magwaro ndiwo manyuko makurusa enhungamiro, nyaradzo, uye tariro. (Isaya 30:20, 21; VaRoma 15:4) Nyika yanhasi iri kuwedzera kuva yemadiro. Kupfuura nakare kose, tinofanira naizvozvo kuteerera zano rinobva muShoko raMwari nesangano. Jehovha anoziva utera hwedu, uye muShoko rake akaronga zvakajeka nzira ichatibetsera. Kuziva kuti Jehovha ari kutitsigira kunotipa chivimbo chokupfuurira mberi nechinhu chipi nechipi chaanotikumbira.

Iyoyi yakagadzirira mutambo wezvipfeko zvakare wakatevera. Waiva nomusoro unoti “Kuremekedzerei Gadziriro Dzoubati Ushe hwaMwari?” Ichishandisa nhoroondo yeBhaibheri yaGidheoni sehwaro, iyi hurukuro yakasimbisa zvikuru chidzidzo chine simba—tinofanira kutevera mirayiridzo yaMwari uye kwete kutsiva kufunga kwedu timene kana kuti kuedza kudzivisa zano roubati ushe hwaMwari.

Hurukuro yavose yaiva nomusoro waiti “Rugare Rwechokwadi Pakupedzisira!—Kubva Mumanyukoi?” Rugare urwo Mwari anopikira rwunopfuura chinhu chipi nechipi icho nyika ino inogona kufungidzira. “Rugare rwechokwadi rwunoreva rugare zuva riri rose,” akadaro mukurukuri. “Rugare rwaMwari rwunoreva nyika isina chirwere, marwadzo, rusuruvaro, uye rufu.” Bhaibheri rinotiudza kuti Jehovha “unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:9) Achaita izvozvi sei? Kupfurikidza nokubvisa munyanduri wehondo, Satani Dhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 20:1-3) Ikoku kuchazarura nzira yokuti vanyoro ‘vave varidzi vapasi ndokuwana mufaro wavo mukurusa murugare rukuru.’—Pisarema 37:11.

Pashure pekupfupikiswa kwenyaya yefundo yeNharireyomurindi yevhiki yacho, hurukuro yokupedzisira yekokorodzano yakapiwa. Ine musoro waiti “Kupfuurira Mberi Senhume Dzorugare rwaMwari,” iyi hurukuro inonyandura yakasimbisa kuti basa redu rokuparidza riri zvose zviri zviviri rakatanhamara uye rekukurumidzira. Zvino haisi nguva yokuzorora, yokunonozeka, kana kuti yokudzokera kumifungo yakaipa. Takashongedzerwa nezvatinoda—shoko raMwari, mudzimu mutsvene wake, uye gadziriro zhinji dzinobva kusangano rake rine rudo reubati ushe hwaMwari. Savabatiri vaJehovha, naizvozvo ngatifambirei mberi senhume dzorugare rwaMwari!

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9]

Gadziriro Yorudo Nokuda Kwemhuri

Avo vakapinda zuva rechipiri reKokorodzano yoRuwa ye“Nhume Dzorugare rwaMwari” vakafadzwa kugamuchira chinyorwa chitsva chine musoro unoti Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Bhuku iri rine mashoko eMagwaro achabetsera mhuri dzose dzinoda Mwari.

Mumwe mukuru anobva kuConnecticut, U.S.A., anotsinhira kuti: “Pana June 15, takagamuchira bhuku redu raMufarwa Wemhuri. Pakasvika June 16, ndakanga ndava pakati nepakati pokurirava. Musi wa17, takava nefundo yedu yemhuri yokutanga mariri, uye takakurudzirwa kwazvo! Pazuva rimwe chetero, ndakapedza kurava bhuku racho. Ichi chinyorwa chakaisvonaka pasina mubvunzo chichabvumikisa kuva chinokosha kuna vose vanozvibetsera vamene nacho. Kutendeseka kwebhuku racho nemashoko aro anowirirana nenguva zvinopa chimwe chibvumikiso chokuti ‘muranda wakatendeka uye wakachenjera’ ari kupa ‘zvokudya panguva yakafanira’ uye anoziva zvikuru zvinodikanwa zvedu munguva dzino dzinotambudza.”—Mateo 24:45-47.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Vaduku navakuru nenzira yakafanana vanoda kuziva zvinoda Mwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe