Unogamuchirwa ku“Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa!
HUNGU, nguva iri kusvika yekokorodzano dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha. Kubvira muna June 1994 kusvika muna January 1995, purogiramu yekokorodzano yamazuva matatu ichanzwiwa mumazana amaguta kupota nyika—kutanga muNorth America, tevere muEastern neWestern Europe, Asia, Central neSouth America, Africa, Australia, uye zvitsuwa zvegungwa.
Musoro unonyandura kufunga zvakadini—“Rutyo Rwoumwari”! Ikoku hakusiri kutya kwakaipa kwomumwe munhu ane upenyu huri mungozi asi kutya Mwari, kutya kunopa rugare rwendangariro nomufaro. Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mubairo wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.” (Zvirevo 22:4) Kutya Mwari kunogona sei kuguma “nepfuma nokukudzwa noupenyu”? Ikoku kuchava pachena sezvo musoro wekokorodzano unosimudzirwa mukati mamazuva matatu akazadzwa nehurukuro, kurukurirano, mienzaniso, uye chinoitika.
Muapostora Pauro akanyora kuti ‘hatifaniri kurega kuungana kwedu timene pamwe chete.’ (VaHebheru 10:25) Zvapupu zvaJehovha zvinorangarira ikoko zvakakomba, kusangana katatu pavhiki nokuda kwokufunda nokunamata kweungano. Zvisinei, kokorodzano yegore negore iri chaiyo. Izvo zvinotarira mberi kwairi nekariro uye zvinotaura pamusoro payo kwemwedzi yakati pashure. Tinokukoka noushamwari, rupi kana rupi rungadzi rudzidziso rwako, kuvakumbanira pakokorodzano yazvo ndokufarikanya ruwadzano rwechiKristu runoushamwari uye mashoko anokosha omudzimu. Mutezo weungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha uchafara kukuudza nzvimbo uye nguva apo kokorodzano iri pedyosa newe ichaitwa.