RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 4/15 p. 31
  • Chikonzero Nei Akashandisa Zita Gurusa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Akashandisa Zita Gurusa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 4/15 p. 31

Chikonzero Nei Akashandisa Zita Gurusa

“Ndakatadza, maererano nomumwe wavanzveri vangu, mukuiswa kweshoko rokuti ‘Jehovha’ panzvimbo pa‘Ishe,’ iro kwezviuru zvamakore rave richiritsiva.”

Iyi yakanga iri tsinhiro yaJ. J. Stewart Perowne musumo yechinyorwa chechipiri cheshanduro yake yebhuku raMapisarema, iro rakatanga kubudiswa muna 1864. Munzveri, achinyora muSaturday Review yaJuly 2, 1864, akaramba kushandiswa kwezita raMwari mushanduro yacho, sezvo rakanga risingachashandiswi muchechi dzechiJudha kana kuti zvimwe dzechiKristu. Iye akataura kuti zita rokuti Jehovha rakasanobatanidzwa navaJudha uye kuti rimwe shoko rinofanira kushandiswa, rakadai sa“Ishe” kana kuti “Mwari,” “iro risinei chokuita nomunzvimbomo kana kuti norudzi pamusoro paro.”

Perowne haana kubvumirana neidzi nharo, sezvo akanga asinga“shuvi kudzima chiratidzo chimwe chete zvacho” cheziviso yaMwari kuvanhu. Iye nenzira yakarurama akaita nharo kuti vashanduri vanoshandura zita rechiHebheru raMwari rokuti “Ishe” vanokundikana kutsauranisa pakati pemashoko maviri echiHebheru.

Uyezve, Perowne akataura kuti pakanga pane zviremera zvakanaka zvikuru izvo zvaida kudzorerwa kwezita raMwari. Iye akanokora mashoko mudetembi wechiNgezi akakurumbira Samuel Taylor Coleridge:

Kupfuurirei kushandura chiHebheru muchiNgezi kechipiri, kupfurikidza neSeptugiant? Hatina kugamuchira shoko rechiHebheru rokuti Jehovha here? Κύριος, kana kuti Ishe, weSeptugiant, harisi kutsiva rechiGiriki muzviitiko zvisingaverengeki here nokuda kwerechiHebheru, Jehovha? Kuregererei, ipapoka, kudzorera shoko rapakuvamba; uye muTestamente Yekare nenzira yorudzidziso kushandura Jehovha, kupfurikidza naJehovha; uye murugwaro rwuri rwose muTestamente Itsva, kunongedzera kune Yekare, kupfurikidza neshoko rechiHebheru murugwaro rwunonongedzerwa kwarwuri?”

Perowne akabvuma kuti kududzwa chaikoiko kweTetragrammaton yechiHebheru hakuchazikanwi, asi iye akati: “Kana nemhaka yematyirawo zvawo okutenda mashura zita racho rakarega kushandiswa muChechi yechiJudha, uye kana nemhaka yokukopa kwokusangwarira zvikuru kweZvinyorwa zvechiGiriki uye chiLatin Chinyorwa chedu timene che[chiNgezi] chakarasa shoko racho, izvi hazvitongori zvikonzero zvakasimba zvokusadzokera kukushandisa kwapakuvamba.” Perowne akada chimiro chokuti “Jehovha” nemhaka yokuti chaisanozivikanwa. Kubvira ipapo shanduro dzakati dzazvino uno zvikuru dzakashandisawo zita raMwari. New World Translation of the Holy Scriptures inoshandisa zita rokuti Jehovha kanopfuura ka7 200 muMagwaro echiKristu echiHebheru neechiGiriki.

Mushanduro yake yeMapisarema, Perowne akaedza kunamatira “zvikuru kuchimiro chechiHebheru, mose muri muviri mumadimikira awo uye mukurongwa kwezvikamu zvamashoko.” Pakushandura Pisarema 69, ndima 5 ne6, iye akaona dikanwo yokutsauranisa mashoko echiHebheru nokuda kwa“Mwari” (ʼElo·himʹ), “Ishe” (ʼAdho·naiʹ), uye “Jehovha”: “Haiwa Mwari [ʼElo·himʹ], Imi munoziva upenzi hwangu, uye kuva nemhaka kwangu hakuna kuvanzwa kwaMuri. Avo vanokumirirayi ngavarege kunyadziswa kupfurikidza neni, Haiwa Ishe [ʼAdho·naiʹ], Jehovha (Mwari we) hondo. Ngavarege kuzvidzwa, kupfurikidza neni, avo vanotsvaka Imi, Haiwa Mwari waIsraeri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe