RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 3/15 pp. 15-20
  • Kukunda Denho Yokuvimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukunda Denho Yokuvimbika
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutsigira Jehovha
  • Kuvimbika Kusangano raJehovha
  • Kuvimbika Kuvakuru Vakavimbika
  • Kuvimbika Muroorano
  • Yamuro Dzokuramba Takavimbika
  • Tarirai Vakavimbika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Ndimi Mega Makavimbika”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • Ruvimbiko—Pamutengoi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Unofanira Kuva Akavimbika Kunaani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 3/15 pp. 15-20

Kukunda Denho Yokuvimbika

“Mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari paku[vimbika, NW], noutsvene hwezvokwadi.”—VAEFESO 4:24.

1. Nei tichifanira kuvimbika kuna Jehovha Mwari?

KUKUNDA denho yekuvimbika kune mativi mazhinji. Chinokosha zvikurusa ndiko kukunda denho yekuvimbika kuna Jehovha Mwari. Zvirokwazvo, mukurangarira kuti Jehovha ndiani uye izvo akatiitira, uye nemhaka yetsauriro yedu kwaari, tinofanira kuvimbika kwaari. Tinoratidzira sei kuvimbika kuna Jehovha Mwari? Nzira huru ndeyokuva akavimbika kumipimo yaJehovha yakarurama.

2, 3. Ibatanoi iripo pakati pekuvimbika nekururama?

2 Kuti tikunde denho iyeyo, tinofanira kuteerera mashoko anowanwa pana 1 Petro 1:15, 16: “Asi saiye mutsvene wakakudanai, nemiwo mumene muve vatsvene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Ivai vatsvene seni, nokuti ini ndiri mutsvene.” Kuvimbika kuna Jehovha Mwari kuchatiparira kumuteerera panguva dzose, tichipinza mifungo yedu, mashoko, uye zviito mutsinhirano nekuda kwake kutsvene. Kunoreva kuchengeta hana yakanaka, sezvatinorairwa pana 1 Timotio 1:3-5, kuti: “Chinovavarirwa nomurayiro [kurega kudzidzisa dzimwe dzidziso kana kuti kurangarira ngano] ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, napahana yakanaka, napakutenda kusinganyengeri.” Chokwadi, hapana nomumwe wedu akakwana, asi tinofanira kuva tichiedza kuita napatinogona napo pose, hatifaniri here?

3 Kuvimbika kuna Jehovha kuchatidzivisa kubvumiranisa zvisina kufanira nheyo dzakarurama nenzira youdyire. Zvirokwazvo, kuvimbika kuchatidzivisa pakuva chimwe chinhu mukati uye chimwe chinhu kunze. Kuvimbika ndiko kwairangarirwa newezvamapisarema apo akaimba, kuti: “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu, batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” (Pisarema 86:11) Kuvimbika kunoda zvakasanorondedzerwa se“kuteerera zvisingamanikidzirwe.”

4, 5. Kuvimbika kuchatiita kuti tive vanongwarira, kutyira kuti tingaitei?

4 Kuvimbika kuna Jehovha Mwari kuchatidzivirirawo pakuita chinhu chipi nechipi chingaunza ruzvidzo pazita rake noUmambo. Somuenzaniso, vaKristu vaviri vakambopinda muchinetso chakati nomumwe nomumwe zvokuti nenzira isakafanira vakaenda kudare renyika remutemo. Mutongi akabvunza kuti, ‘Mose muri vaviri muri Zvapupu zvaJehovha here?’ Sezviri pachena aisagona kunzwisisa icho vakanga vari kuita mudare. Ikoko kwakanga kuri ruzvidzo rwakadini! Kuvimbika kuna Jehovha Mwari kungadai kwakaparira hama idzodzo kuteerera zano romuapostora Pauro, rokuti: “Zvino matova nemhosva kwazvo pakati penyu, zvamunokwirirana. Munoregereiko kutenda kuitirwa zvisakarurama?” (1 VaKorinte 6:7) Zvirokwazvo, kuvimbika kuna Jehovha Mwari kutambura kurasikirwa kwomunhu oga panzvimbo pokuunza ruzvidzo pana Jehovha nesangano rake.

5 Kuvimbika kuna Jehovha Mwari kunobatanidzawo kusatera kukutya munhu. “Kutya munhu kunouyisa musungo; asi ani naani unovimba naJehovha, achachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Nokudaro, hatibvumirani pane zvisina kufanira apo tinotarisana nechitambudzo, asi tinotevera muenzaniso wakagadzwa neZvapupu zvaJehovha mune yaichimbova Soviet Union, muMalawi, muEthiopia, uye mune dzimwe nyika dzakawanda kwazvo.

6. Kuvimbika kuchatidzivisa kusonganirana navanaani?

6 Kana takavimbika kuna Jehovha Mwari, tichadzivisa kushamwaridzana navose vari vavengi vake. Ndicho chikonzero nei mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Imi voutere, hamuzivi here kuti ushamwari hwenyika hunovengana naMwari? Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Tinoda kuva nekuvimbika uko Mambo Dhavhidhi akaratidzira apo akati: “Ko ini handivengi avo vanokuvengai here, Jehovha? Handina shungu here navanokumukirai? Ndinovavenga nembengo huru; vava vavengi vangu.” (Pisarema 139:21, 22) Hatidi kushamwaridzana navatadzi voune vapi navapi, nokuti hatina chinhu chakafanana navo. Kuvimbika kuna Mwari hakungatidzivisi kushamwaridzana navavengi vapi navapi vakadaro vaJehovha here, iwe pachako kana kuti kupfurikidza neterevhizheni?

Kutsigira Jehovha

7. Kuvimbika kuchatibetsera kuitei pamusoro paJehovha, uye Erihu akaita sei ikoku?

7 Kuvimbika kuchatisunda kutsigira Jehovha Mwari. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini waikoko watinawo muna Erihu! Jobho 32:2, 3 inotiudza, kuti: “Erihu . . . wakatsamwa kwazvo; wakatsamwira Jobho kwazvo, nokuti wakanga azviruramisa kupfuura Mwari. Akatsamwirawo kwazvo shamwari dzake nhatu, nokuti vakanga vashayiwa mhinduro, kunyange zvakadaro vakanga vapa havo Jobho mhosva.” Muna Jobho maganhuro 32 kusvikira ku 37, Erihu anotsigira Jehovha. Somuenzaniso, akati: “Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei; nokuti ndichine zvimwe zvandinoda kutaura pamusoro paMwari. . . . Ndicharatidza kuti Muiti wangu wakarurama. . . . Haaregi kutarira vakarurama nameso ake.”—Jobho 36:2-7.

8. Nei tichifanira kutsigira Jehovha?

8 Nei kune kudikanwa kwokutsigira Jehovha? Nhasi, Mwari wedu Jehovha anoshorwa munzira dzakawanda kwazvo. Kunotaurwa kuti haako, kuti rutivi rwoUtatu, kuti anotambudza vanhu nokusingagumi muhero yomwoto, kuti ari kuedza nenzira isina simba kutendeutsa nyika, kuti haaitiri hanya rudzi rwomunhu, uye zvichingodaro. Tinoratidzira kuvimbika kwedu kwaari kupfurikidza nokumutsigira nokubvumikisa kuti Jehovha ariko; kuti ndiMwari akachenjera, akarurama, wamasimba ose, uye ane rudo; kuti ane nguva nokuda kwechinhu chiri chose; uye kuti apo nguva yake yakafanira inosvika, achagumisa uipi hwose ndokuita pasi rose paradhiso. (Muparidzi 3:1) Ikoku kunoda kuti tishandise mukana uri wose wokupupurira zita raJehovha noUmambo.

Kuvimbika Kusangano raJehovha

9. Munhau dzipi umo vamwe vakazivisa kushayiwa kwavo kuvimbika?

9 Tinouya zvino kunhau yokuva akavimbika kusangano raJehovha rinooneka. Zvirokwazvo, tinofanira kuvimbika kwariri, kubatanidza “muranda akatendeka, akangwara,” naye ungano yechiKristu inodyiswa mumudzimu. (Mateo 24:45-47) Ngatitii chimwe chinhu chinooneka muzvinyorwa zveWatch Tower icho tisinganzwisisi kana kuti kubvumirana nacho panguva yacho. Tichaitei? Kugumburwa ndokusiya sangano here? Ndizvo izvo vamwe vakaita apo Nharireyomurindi, makore mazhinji apfuura, yakashandisa sungano itsva kuMireniyumu. Vamwe vakagumburwa neizvo Nharireyomurindi yakambotaura panhau yekusatora rutivi. Kudai avo vakagumburwa nenhau idzi vakanga vakavimbika kusangano nokuhama dzavo, vangadai vakamirira Jehovha kuti ajekese nhau idzi, izvo zvaakaita munguva yake yakafanira. Nokudaro, kuvimbika kunobatanidza kumirira nokushivirira kusvikira kumwe kunzwisisa kwabudiswa nomuranda akatendeka uye akachenjera.

10. Kuvimbika kuchatidzivisa kuda kuziva pamusoro pechii?

10 Kuvimbika kusangano rinooneka raJehovha kunorevawo kusava nechokuita navakaramba kutenda. VaKristu vakavimbika havasati vachizoda kuziva izvo vanhu vakadaro vanotaura. Chokwadi, avo vanoshandiswa naJehovha Mwari kutungamirira basa rake pasi pano havana kukwana. Asi Shoko raMwari rinotiudza kuitei? Kusiya sangano raMwari here? Aiwa. Chidakadaka chouhama chinofanira kutiita kuti tirambe takavimbika kwariri, uye tinofanira kupfuurira “kudanana zvikuru nomwoyo wose.”—1 Petro 1:22.

Kuvimbika Kuvakuru Vakavimbika

11. Kuvimbika kuchatibetsera kudzivisa kufungai kwakashata?

11 Apo chimwe chinhu chinotaurwa kana kuti chinoitwa muungano chatine chinetso chokunzwisisa, kuvimbika kuchatidzivisa kutonga vavariro uye kuchatibetsera kuva nomurangariro wokuti inhau yechisarudzo. Hakusi nani zvikuru here kuramba tichitaura nezvemavara akanaka evakuru vakagadzwa nevamwe vatendi biyedu panzvimbo pekukanganisa kwavo? Hungu, tinoda kudzivisa kufunga kwose kwakashata kwakadaro, nokuti kwakabatana nokusavimbika! Kuvimbika kuchatibetserawo kuteerera zano raPauro roku“reg[a] kurevera mumwe zvakaipa.”—Tito 3:1, 2.

12, 13. Idenhoi chaidzo idzo vakuru vanofanira kutarisana nadzo?

12 Kuvimbika kunopa denho dzakati kuvakuru. Imwe yeidzi denho inhau yokuchengeta zvakavanzika. Mumwe mutezo weungano ungavimba nomukuru. Kuvimbika kuna iyeyo kuchadzivisa mukuru wacho kuputsa nheyo yekuchengeta zvakavanzika. Achateerera zano riri pana Zvirevo 25:9, rinoti: “Usareurura zvakavanzika zvemumwe.” Ikoko kunoreva kuti kwete kunyange kumudzimai wake amene!

13 Vakuru vanewo mimwe miedzo yekuvimbika yokukunda. Vachava vafadzi vavanhu here, kana kuti vachabatsira noushingi uye nounyoro avo vanoda kururamiswa, kunyange kana vari hama dzokunyama kana kuti shamwari dzapedyo? Kuvimbika kusangano raJehovha kuchaparira kuti avo vedu vari vakuru vaedze kubetsera vapi navapi vanoda rubatsiro rwomudzimu. (VaGaratia 6:1, 2) Kunyange zvazvo tichava vane mutsa, kuvimbika kuchatiita vapachokwadi nemukuru biyedu, kungofanana naPauro kumuapostora Petro zvapachokwadi. (VaGaratia 2:11-14) Pane rumwe rutivi, vatariri vanofanira kungwarira, kutyira kuti kupfurikidza nokusachenjera kana kuti kuratidza rusaruro kana kuti munzira yakati kushandisa zvisina kufanira chiremera chavo, vanokuita kuti kuve kwakaomera avo vavanotarisira kuva vakavimbika kusangano raMwari.—VaFiripi 4:5.

14, 15. Zvinhui zvingaedza kuvimbika kwemitezo yeungano?

14 Kune mamwe mativi kunhau yokunangana nedenho yokuvimbika kuungano navakuru vayo. Kana pane mamiriro ezvinhu anoti netsei muungano, ikoku kunotipa mukana wokuratidzira kuvimbika kuna Jehovha uye kuavo vanomumirira. (Ona Nharireyomurindi, June 15, 1987, mapeji 15-17.) Apo kunenge kwave kune kudzinga, kuvimbika kunoda kuti titsigire vakuru, kwete kuedza kutsvaka tsananguro kana kwakanga kune zvikonzero zvakakwana zvechiito chakaitwa.

15 Kuvimbika kuungano kunodawo kuti titsigire misangano mishanu yose yevhiki nevhiki kusvikira kutambanuko yemamiriro edu ezvinhu nesimba. Kuvimbika kunoda kuti tisangoipinde bedzi nguva dzose asi kuigadzirirawo ndokuita tsinhiro dzinovaka kana mukana uchibvirira.—VaHebheru 10:24, 25.

Kuvimbika Muroorano

16, 17. Idenhoi dzekuvimbika idzo vaKristu vakaroorana vanofanira kutarisana nadzo?

16 Tinofanira kuvimbika kunaanizve? Kana takaroora kana kuti kuroorwa, nemhaka yemhiko dzeroorano, tinofanira kukunda denho yokuva vakavimbika kumukwanyina wedu weroorano. Kuvimbika kumukwanyina wedu kuchatidzivisa kuita mhosho yokuva anofadza zvikuru kune vamwe vakadzi kana kuti varume kupfuura zvatiri kumudzimai wedu timene kana kuti murume. Kuvimbika kumukwanyina wedu kunodawo kuti tisazivisa vokunze utera kana kuti mhosho zvomukwanyina wedu. Kuri nyore zvikuru kunyunyuta kuvamwe kupfuura zvakuri kushanda zvakaoma kuchengeta kurukurirano yakazaruka nomukwanyina wedu, izvo zvatinofanira kuita mutsinhirano neMuitiro Wakanaka. (Mateo 7:12) Chaizvoizvo, mugariro weroorano unopa denho chaiyoiyo kukuvimbika kwedu kwechiKristu.

17 Kuti tikunde denho iyi yokuvimbika, hatifaniri bedzi kudzivisa kunzwa tiine mhaka yokusazvibata kwakakomba asi tinofanirawo kungwarira mifungo yedu imene nemirangariro. (Pisarema 19:14) Somuenzaniso, kana mwoyo yedu inonyengera ichikara mafaro nemufarwa, kuri nyore kwazvo kuti tibve nenzira yeudyire pakuyemura kuenda kukuchiva. Achikurudzira kutendeka muroorano, Mambo Soromoni nenzira yokufananidzira anopa zano varume roku‘nwa mvura yomutsime ravo vamene.’ (Zvirevo 5:15) Uye Jesu akati: “Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateo 5:28) Varume vanozvifadza vamene nezvinhu zvevatano vanopinda mungozi yokunyengerwa kuita upombwe, nokudaro vachinyengera vadzimai vavo uye vachiva vasina kuvimbika kwavari. Nokuda kwechikonzero chimwe chetecho, mudzimai anobatanidzwa zvikuru mukuona mitambo yeTV inopfuurira inobata nenhoroondo dzoupombwe angagona kuedzwa kuva asina kuvimbika kumurume wake. Kupfurikidza nokuva takavimbika zvirokwazvo kumukwanyina wedu, zvisinei, tinosimbisa chisungo cheroorano, uye tinobetserana munhamburiko dzedu dzokufadza Jehovha Mwari.

Yamuro Dzokuramba Takavimbika

18. Kunzwisisa chii kuchatibetsera kuva vakavimbika?

18 Chii chichatibetsera kukunda denho yokuvimbika munharaunda idzi ina: kuvimbika kuna Jehovha, kusangano rake, kuungano, uye kumukwanyina wedu veroorano? Imwe yamuro ndeyekunzwisisa kuti kukunda denho yokuvimbika kwakabatanidzwa nokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha. Hungu, kupfurikidza nokuramba takavimbika tinoratidza kuti tinorangarira Jehovha saChangamire weChisiko chose. Nokudaro tinogonawo kuva nokuzviremekedza netariro youpenyu husingaperi munyika itsva yaJehovha. Tinogona kuzvibetsera timene kuramba takavimbika kupfurikidza nokurangarira mienzaniso yakaisvonaka yokuvimbika, kubva kuna Jehovha kusvikira kuavo vanodudzwa muBhaibheri uye muzvinyorwa zvedu zveWatch Tower, kubatanidza nhoroondo dzemuYearbook.

19. Kutenda kunoita basai mukuva kwedu vakavimbika?

19 Kutenda Jehovha Mwari kwakasimba nokutya kusamufadza zvichatibetsera kukunda denho yokuvimbika. Tinosimbisa kutenda kwedu nokutya Jehovha kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari nokushingaira uye kupfurikidza nokupinda muushumiri hwechiKristu. Ikoku kuchatibetsera kuita mutsinhirano nezano raPauro rakanyorwa pana VaEfeso 4:23, 24, rinoti: “Muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mufuke munhu mutsva, wakasikwa akanaka naMwari pakururama, noutsvene hwe[kuvimbika, NW].”

20. Kupfuura zvose, ivarai richatibetsera kuva vakavimbika kuna Jehovha uye kune vamwe vose vatinofanira kuva takavimbika kwavari?

20 Kunzwisisa mavara aJehovha kunotibetsera kuva vakavimbika. Kupfuura zvose, kuda Baba vedu vokudenga kusina udyire nokuonga zvose zvavakatiitira, kuvada nomwoyo wedu wose nemweya nendangariro nesimba kuchatibetsera kuva vakavimbika kwavari. Kupfuurirazve, kuva norudo urwo Jesu akati rwaizozivisa vateveri vake kuchatibetsera kuva vakavimbika kuvaKristu vose muungano uye mumhuri medu. Nemamwe mashoko, chaizvoizvo inhau yokuva ane udyire kana kuti zvimwe asina udyire. Kusavimbika kunoreva kuva noudyire. Kuvimbika kunoreva kusava noudyire.—Marko 12:30, 31; Johane 13:34, 35.

21. Nhau yokukunda denho yokuvimbika inogona kupfupikiswa sei?

21 Kupfupikisa: Kuvimbika ndiro vara rakaisvonaka rinoratidzirwa naJehovha Mwari, naJesu Kristu, uye navabatiri vose vechokwadi vaJehovha. Kuti tive noukama hwakanaka naJehovha Mwari, tinofanira kukunda denho yokuvimbika kwaari kupfurikidza nokurarama maererano nezvinodikanwa zvake zvakarurama, kupfurikidza nokusava nechekuita navavengi vake, uye kupfurikidza nokutsigira Jehovha mukupupura nenzira yakarongwa neisina kurongwa. Tinofanirawo kukunda denho yokuva vakavimbika kusangano rinooneka raJehovha. Tinofanira kuva vakavimbika kuungano dzedu uye kuvimbika kuvakwanyina vedu veroorano. Kupfurikidza nokunangana nedenho yokuvimbika nenzira inobudirira, tichave tichigoverana mukurevererwa kwouchangamire hwaJehovha, uye tichave tichitora rutivi rwaJehovha rwenhau yacho. Nenzira iyoyo tichawana nyasha dzake uye tichagamuchira mubayiro woupenyu husingaperi. Izvo muapostora Pauro akataura pamusoro pekuzvipira kwoumwari zvinogona kutaurwawo pamusoro pekukunda kwedu denho yokuvimbika. Kunobetsera nokuda kwehwose huri huviri upenyu hwazvino uye nokuda kwouhwo huchauya.—Pisarema 18:25; 1 Timotio 4:8.

Ungapindura Sei?

◻ Tinogona kukunda denho yokuvimbika kuna Mwari munzirai?

◻ Kuvimbika kusangano raJehovha kunodei kwatiri?

◻ Vakuru vanogona sei kukunda denho yokuvimbika?

◻ VaKristu vakaroorana vanofanira kukunda denhoi ine chokuita nekuvimbika?

◻ Mavarai achatibetsera kukunda denho yokuvimbika?

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kuvimbika kumitezo yeungano kuchadzivisa vakuru pakuzivisa zvinhu zvakavanzika

[Mifananidzo iri papeji 18]

Kuvimbika kumukwanyina wako kunosimbisa chisungo cheroorano

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe