RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 2/1 pp. 27-31
  • Tariro Yangu Youpenyu Hwose—Kusatongofa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tariro Yangu Youpenyu Hwose—Kusatongofa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Reg Akafa?
  • Kugamuchira Zvokwadi yeBhaibheri
  • Kuronga Basa Rokuparidza
  • Zvakaitika Zvomunguva Yehondo
  • Kutsungirira Miedzo Yokutenda
  • Kutarisana Neramangwana Nechivimbo
  • Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kushandira Pamwe Samapiona Kwoupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kusarudza Zvakarurama Kwakaita Kuti Ndikomborerwe Kwoupenyu Hwose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 2/1 pp. 27-31

Tariro Yangu Youpenyu Hwose—Kusatongofa

YAKATAURWA NAHECTOR R. PRIEST

“Kenza hairapiki,” chiremba akadaro. “Hapana zvimwe zvatinogona kukuitira.” Kuzivikanwa kwechirwere ikoko kwakaitwa makore anopfuura gumi apfuura. Bva ndichine tariro yakavakirwa paBhaibheri yokurarama nokusingaperi pasi pano ndisingambofi.—Johane 11:26.

VABEREKI vangu vakanga vari vaMethodist vapachokwadi vaipinda chechi nguva dzose mutaundi duku rokumaruwa, kusati kuri kure nepurazi remhuri yedu. Ndakaberekerwa mumupata wakaisvonaka wokurima weWairarapa, anenge makiromita 130 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweWellington, New Zealand. Ikoko taifarikanya chiono chamakomo akafukidzwa nesinou, nzizi dzomugomo dzakajeka, zvikomo zvine makakwirira nemakadzika, uye nyika namapani akaorera.

Muchechi yeMethodist, takadzidziswa kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga asi kuti vakaipa vanoenda kuhero, nzvimbo yokutambudza nomwoto. Ndaisagona kunzwisisa chikonzero nei kudai Mwari akanga ada kuti vanhu vararame mudenga, asina kuvaisa ikoko pakuvamba. Nguva dzose ndaitya rufu uye ndaigaroshamiswa kuti chikonzero nei tichifanira kufa. Muna 1927, apo ndakange ndiine makore 16 okukura, mhuri yedu yakatambura ngwavaira. Iyoyo ndiyo yakanditungamirira kutsvaka mhinduro kumibvunzo yangu.

Neiko Reg Akafa?

Apo munun’una wangu Reg akanga aine makore 11 okukura, akarwara zvakakomba. Chiremba aisagona kuwana chakanga chakaipa uye akanga asingagone kumubetsera. Amai vakadana mufundisi weMethodist. Akanyengeterera Reg, asi ikoku kwakakundikana kunyaradza Amai. Kutaura idi, vakaudza mufundisi wacho kuti minyengetero yake yakanga isingashande.

Apo Reg akafa, Amai vaitaura kumunhu upi noupi uye munhu ari wose kuti vaedze kupedza nyota yavo yemhinduro dzechokwadi pamusoro pechikonzero nei mwanakomana wavo muduku akanga achifanira kufa. Vachitaura kumumwe muzvinabhizimisi mutaundi, vakabvunza kana aiziva chinhu chipi nechipi pamusoro pemugariro wavakafa. Akanga asingazivi, asi akati: “Mumwe munhu akasiya bhuku pano ramungagona kuva naro.”

Amai vakaenda nebhuku racho kumusha ndokuvamba kurirava. Vaisagona kuriisa pasi. Pashoma napashoma chimiro chavo chose chendangariro chakachinja. Vakaudza mhuri kuti, “Ndiyoyi; iyi ndiyo zvokwadi.” Bhuku racho rakanga riri The Divine Plan of the Ages, vhoriyamu yokutanga yeStudies in the Scriptures. Ndaipanikira pakutanga uye ndakaedza kuitirana nharo nemharidzo yebhuku racho yechinangwa choMusiki. Pakupedzisira nharo dzangu dzakapera.

Kugamuchira Zvokwadi yeBhaibheri

Ndakafunga kuti, ‘Fungidzira kurarama nokusingaperi, pasina kutongofanira kufa!’ Tariro yakadaro ndiyo iyo munhu aizokarira kuna Mwari ane rudo. Pasi riri paradhiso! Hungu, iri rakanga riri rangu.

Pashure pokudzidza zvokwadi idzi dzinoshamisa, Amai nedzimwe hanzvadzi nhatu dzechiKristu dzaibva kuWellington—Vanahanzvadzi Thompson, Barton, uye Jones—vaiva vasipo kwamazuva akawanda panguva, vachiparadzira mbeu yoUmambo kunzvimbo iri yose munzvimbo dzokumaruwa. Kunyange zvazvo Baba vakanga vasina mudzimu woufundisi wakanga una Amai, vaivatsigira mumubato wavo.

Ndakapwiswa nezvokwadi, asi kwenguva yakati ndakaita zvishoma pamusoro pezvitendero zvangu. Muna 1935, ndakaroora Rowena Corlett, uye pashure penguva yakati takakomborerwa nemwanasikana, Enid, uye mwanakomana, Barry. Ndaishanda somutengi wezvipfuyo, ndichitenga zviuru zvezvipfuyo kuvarimi vakapoteredza. Apo varimi ava vaikurukura zvamatongerwe enyika, ndainzwa zvakanaka apo ndaivaudza, kuti: “Hapana imwe yenhamburiko idzi dzavanhu ichabudirira. Umambo hwaMwari ndiyo hurumende bedzi ichashanda.”

Nenzira inosuruvarisa, ndakava ndinopindwa muropa nefodya; nguva dzose ndaiva nechikwepa mumuromo mangu. Pashure penguva yakati utano hwangu hwakashata, uye ndakaiswa muchipatara nemhaka yezvinetso zvomudumbu zvairwadza. Ndakaudzwa kuti ndakanga ndiine gastroenteritis yakakomba, yakaparirwa nokuputa kwangu. Kunyange zvazvo ndakarega muitiro wacho, kwakanga kusati kuri kusingazivikanwi kwandiri kurota kuti ndaiputa chikwepa kana kuti mudzanga usingaperi. Fodya inogona kupinda muropa zvakashata zvakadini!

Pashure pokurega fodya, ndakaita dzimwe gadziridzo dzaikosha. Muna 1939, apo ndakanga ndiine makore 28, ndakabhapatidzwa Murwizi Mangatai pedyo nomusha wedu kumaruwa. Robert Lazenby, uyo gare gare akava anotarisira basa rokuparidza muNew Zealand, akafamba kubva kuWellington kuti ape hurukuro mumusha medu ndokundibhapatidza. Kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi, ndakava Chapupu chakashinga chaJehovha.

Kuronga Basa Rokuparidza

Pashure porubhapatidzo rwangu ndakagadzwa kuva mutariri weEketahuna Ungano. Mudzimai wangu, Rowena, akanga achigere kugamuchira zvokwadi yeBhaibheri. Zvisinei, ndakamuita kuti azive kuti ndakanga ndichizokoka Alf Bryant kuti auye achibva kuPahiatua kuti andiratidze nzira yokuparidza zvakafanira paimba neimba. Ndakanga ndichida kuronga basa rokuparidza uye kufukidza ndima yedu zvine nhevedzano.

Rowena akati: “Hector, kana ukaenda kunopupura paimba neimba, ndichange ndisiri pano apo unodzoka. Ndiri kukusiya. Basa rako riri pano—pamusha nemhuri yako.”

Handina kuziva chokuita. Nokuzengurira, ndakapfeka. ‘Ndinofanira kuriita,’ ndakaramba ndichizvifungira. ‘Upenyu hwangu hunotsamira pariri, uye ndizvo zvinoitawo upenyu hwemhuri yangu.’ Naizvozvo ndakavimbisa Rowena kuti ndakanga ndisingadi kumukuvadza munzira ipi neipi. Ndakamuudza kuti ndaimuda zvikuru, asi nemhaka yokuti zita raJehovha nouchangamire, pamwe chete noupenyu hwedu timene, zvakanga zvichibatanidzwa, ndakanga ndichitofanira kuparidza nenzira iyi.

Alf neni takaenda kusuo rokutanga, uye akatungamirira mukutaura. Asi ipapo ndakazviwana ndimene ndavakupfuuridzira kurukurirano yacho, ndichiudza saimba kuti zvakaitika muzuva raNoa zvakafanana nezviri kuitika muzuva redu uye kuti tinofanira kuita chimwe chinhu pamusoro pekuva nechokwadi nezveruponeso rwedu. (Mateo 24:37-39) Ndakasiya mamwe mabhukwana ipapo.

Pakuenda kwedu, Alf akati: “Wakawanepi zivo yose iyoyo? Haundide. Enda uri woga, uye tichafukidza ndima inopfuura nakaviri.” Naizvozvo ndozvatakaita.

Sezvataidzokera kumusha, handina kuziva chaizova chakatimirira. Kukushamiswa kwangu nomufaro, Rowena akanga atigadzirira kapu yetii. Mavhiki maviri gare gare mudzimai wangu akandikumbanira muushumiri hwapachena ndokuva muenzaniso wakaisvonaka wokushingaira kwechiKristu.

Pakati pavekutanga kuva Zvapupu zvaJehovha mumupata wedu wekurima pakanga paina Maud Manser, mwanakomana wake William, uye mwanasikana wake Ruby. Murume waMaud akanga ari murume asina tsitsi aine chitarisiko chehasha. Rimwe zuva Rowena neni takasvika papurazi ravo kuti tinotora Maud kuti tipinde muushumiri. William muduku akanga aronga kuti tishandise motokari yake, asi baba vake vakanga vane dzimwe pfungwa.

Mamiriro acho ezvinhu akanga akaoma. Ndakakumbira Rowena kubata mwanasikana wedu muduku, Enid. Ndakakwira mumotokari yaWilliam ndokutyaira nokukurumidza ndichibuda mugaraji apo VaManser vakamhanya kuti vaedze kuvhara suo regaraji tisati tabuda. Asi vakakundikana. Pashure pokutyaira chinhambwe chipfupi, takamira, uye ndakabuda mumotokari kuti ndisangane naVaManser vakanga vashatiriswa. Ndakavaudza, kuti: “Tiri kuenda muushumiri hwomumunda, uye Mai Manser vari kuuya nesu.” Ndakavakumbira, uye kutsamwa kwavo kwakati dererei. Ndichiyeuka, zvimwe ndaifanira kunge ndakakubata nenzira yakasiyana, asi gare gare vakava vanoda zvikuru Zvapupu zvaJehovha, kunyange zvazvo vasina kutongova Chapupu.

Kwakanga kuine vanhu vaJehovha vashomanene bedzi mumakore iwayo, uye takafarikanya zvirokwazvo ndokubetserwa neshanyo dzavashumiri venguva yakazara avo vaigara nesu papurazi redu. Vashanyi ava vaibatanidza Adrian Thompson nehanzvadzi yake Molly, vose vari vaviri vakapinda makirasi apakuvamba eWatchtower Bible School of Gilead yavafundisi ndokubatira mumigove yokumwe muJapan nePakistan.

Zvakaitika Zvomunguva Yehondo

Muna September 1939, Hondo Yenyika II yakavamba, uye muna October 1940, hurumende yeNew Zealand yakarambidza mubato weZvapupu zvaJehovha. Zhinji dzehama dzedu dzechiKristu dzakaendeswa pamberi pamatare enyika. Dzimwe dzakaiswa mumisasa yetorongo uye dzakaparadzaniswa navadzimai vadzo navana. Hondo sezvayakapfuurira, kunyange zvazvo takanga tiine purazi romukaka, ndakashamiswa kana ndaizodanirwa basa rechiuto. Ipapo chiziviso chakaitwa chokuti hakuna vamwe varimi vaizobviswa pamapurazi avo ndokuenda nokuda kwebasa rechiuto.

Rowena neni takapfuurira muushimiri hwedu hwechiKristu, mumwe nomumwe wedu achipa maawa anopfuura 60 pamwedzi kubasa rokuparidza. Mukati menguva iyi, ndakava neropafadzo yokubetsera Zvapupu zviduku zvakanga zviri kuchengeta kusatora rutivi kwazvo kwechiKristu. Ndakazvimirira pamberi pamatare eWellington, Palmerston North, Pahiatua, uye Masterton. Pavatongi paiwanzova nemutezo wavafundisi, uye wakanga uri mufaro kufumura kutsigira kwavo kwakanga kusiri kwechikristu basa rehondo.—1 Johane 3:10-12.

Humwe usiku apo Rowena neni takanga tichifunda Nharireyomurindi, takavhozhokerwa namatikitivha. Kutsvaka kwakazivisa mabhuku eBhaibheri mumusha wedu. “Munogona kuenda kujeri nokuda kwaikoku,” takaziviswa kudaro. Apo matikitivha acho akapinda mumotokari yawo kuti aende, akawana kuti mabhureki akanga asunga uye motokari yaisafamba. William Manser akabetsera kugadzira motokari yacho, uye hatina kuzotongonzwa kuvarume vacho zvakare.

Mukati mechirambidzo, taivanza mabhuku eBhaibheri mune chimwe chivako pane imwe nzvimbo yaiva kure yepurazi redu. Pakati pousiku, ndaishanyira hofisi yebazu yeNew Zealand ndokuzadza motokari yangu nemabhuku. Ipapo ndaiaunza kumusha ndokuachengeta munzvimbo yedu yakavanda. Humwe usiku sezvandakasvika pabazu kuti nditore mabhuku aisazivikanwa, nzvimbo yose kamwe kamwe yakabatidzwa magetsi! Mapurisa akadanidzira, kuti: “Takubata!” Nenzira inoshamisa, kunyange zvazvo zvakadaro, akandirega ndichienda pasina kunyanyonetsa.

Muna 1949, Rowena neni takatengesa purazi racho ndokusarudza kunopayona kusvikira mari yedu yapera. Takatamira kune imwe imba muMasterton ndokupayona neMasterton Ungano. Mukati memakore maviri Ungano yeFeatherston yakatangwa navaparidzi 24 vanoshingaira, uye ndakabatira somutariri anotungamirira. Ipapo, muna 1953, ndakafarikanya ropafadzo yokuenda kuUnited States kunopinda kokorodzano yamarudzi akawanda yamazuva masere yeZvapupu zvaJehovha kuYankee Stadium muNew York City. Rowena akanga asingakwanisi kundikumbanira nemhaka yokuti aida kutarisira mwanasikana wedu, Enid, uyo aitambura necerebral palsy.

Pashure pokunge ndadzokera kuNew Zealand, ndaifanira kuita basa rokunyika. Takadzokera kuMasterton Ungano, uko ndakagadzwa kuva mutariri anotungamirira. Panenge panguva ino William Manser akatenga Little Theater muMasterton, uye iyoyi yakava Horo yoUmambo yokutanga muWairarapa. Mukati mema1950, ungano yedu yakafarikanya wedzero yakaisvonaka yomudzimu neyenhamba. Naizvozvo, apo mutariri wedunhu aishanya, aiwanzokurudzira vakakura mumudzimu kuenda kune mamwe mativi enyika kuti vabetsere nebasa rokuparidza ikoko, uye vakati vakaita saizvozvo.

Mhuri yedu yakaramba iri muMasterton, uye mukati memakumi amakore akatevera, handina kungova bedzi neropafadzo dzakawanda muungano asi ndakafarikanya migove pane dzose dziri mbiri kokorodzano dzerudzi uye dzamarudzi akawanda. Rowena nokushingaira aigoverana mubasa romumunda, nguva dzose achibatsira vamwe kuita zvimwe chetezvo.

Kutsungirira Miedzo Yokutenda

Sezvataurwa pakuvamba, muna 1985, ndakawanwa kuva ndine kenza isingarapike. Mudzimai wangu akatendeka, Rowena, uye ini, pamwe chete navana vedu, taida zvikuru sei kuva pakati pamamiriyoni ari kurarama zvino ayo asati achizotongofa! Asi vanachiremba vakandiendesa kumusha kundofa. Kutanga, kunyange zvazvo zvakadaro, vakandibvunza kuti ndairangarira sei kuzivikanwa kwechirwere changu.

“Ndichachengeta mwoyo wakaterama ndokuva ane tariro,” ndakapindura kudaro. Zvirokwazvo, chirevo cheBhaibheri chakava chinodzikamisa changu: “Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri.”—Zvirevo 14:30.

Nyanzvi dzekenza dzakarumbidza zano iroro reBhaibheri. “Murangariro iwoyo nendangariro i90 muzana yekurapa varwere vekenza,” vakadaro. Vakarumbidzawo vhiki nomwe dzokurapwa nekupisa. Nomufaro, pakupedzisira ndakabudirira mukurwisa kenza yacho.

Mukati menguva iyi yakaoma zvikuru, ndakarohwa nejambwa rakashata zvikuru. Mudzimai wangu akaisvonaka, akavimbika akatambura kupindwa neropa muuropi ndokufa. Ndakawana nyaradzo mumienzaniso yavanhu vakatendeka yakanyorwa muMagwaro uye munzira iyo Jehovha akavapedzera nayo zvinetso sezvavakachengeta kuperera kwavo. Nokudaro, tariro yangu munyika itsva yakaramba yakajeka.—VaRoma 15:4.

Kunyange zvazvo zvakadaro, ndakava anoodzwa mwoyo uye ndakada kurega kubatira somukuru. Hama dzomunzvimbomo dzakandikurudzira kusvikira ndawanazve simba rokupfuurira. Somugumisiro, ndave ndichikwanisa kubatira nenzira inopfuurira somukuru wechiKristu nomutariri kwemakore 57 apfuura.

Kutarisana Neramangwana Nechivimbo

Kubatira Jehovha makore ose aya kwave kuri ropafadzo inokosha. Zvikomborero zvingani zvandakava nazvo! Hakuratidzike sekare kare kuti, seane makore 16 okukura, ndakanzwa amai vangu vachiti, “Ndiyoyi; iyi ndiyo zvokwadi!” Amai vangu vakaramba vari Chapupu chakatendeka, chinoshingaira kusvika kunguva chaiyo yokufa kwavo muna 1979, apo vakanga vaine makore anopfuura 100 ezera. Mwanasikana wavo navanakomana vatanhatu vakavawo Zvapupu zvakavimbika.

Chishuvo changu chikuru ndechokurarama kuti ndione zita raJehovha richibviswa paruzvidzo rwose. Ndichawana tariro yangu youpenyu hwose yokusatongofa here? Ikoko, chokwadika, kuchaoneka. Zvisinei, ndine chivimbo chokuti vazhinji, hungu, mamiriyoni pakupedzisira achawana chikomborero ichocho. Naizvozvo chero bedzi ndichipfuurira kurarama, ndichakoshesa kariro yokuva ndinoverengerwa pakati paavo vasati vachizotongofa.—Johane 11:26.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Amai vangu

[Mufananidzo uri papeji 28]

Nomudzimai wangu navana

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe