Bhuku Renziyo Rinodiwa naIrina
KASATI kari kare, Irina, musikana ane makore mapfumbamwe okukura anobva muSofia, Bulgaria, akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Anoda kuimba uye zvikurukuru anofarira nziyo dziri mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo. Irina naizvozvo akakuita nharidzano kudzidzira nziyo shomanene mumusoro mwedzi woga woga.
Chimwe chezvidzidzo zvinodisiswa naIrina muchikoro kuimba. Naizvozvo mudzidzisi wake wekuimba akashamiswa zvikuru apo Irina akaramba goverano yokuimba muboka rokuimba rechikoro. Nemhaka yei Irina akaramba? Akacherechedza kuti zhinji dzenziyo idzo aidikanirwa kuimba dzakanga dzichikudza magamba enyika yose nemazororo zvine mavambo echihedheni. Dzimwe nziyo kunyange zvazvo dzinotsigira kupandukira nemasimba masimba okusimudzira mifungo yeruzhinji. Mudzidzisi wake akanga asingagoni kunzwisisa chimiro chaIrina panhau iyi. Irina akawana ushingi hwokunyorera mudzidzisi wake tsamba achironga pachine nguva mberi zvimiro zvorudzidziso rwake—asi hazvina kubetsera.
Baba vaIrina vakafunga chimwe chinhu. Vakapa mudzidzisi kopi yebhuku raImbirai Jehovha Rumbidzo, rine nziyo idzo Irina anoda kuimba. Mazuva mashomanene gare gare, mudzidzisi wacho akadanira Irina mukirasi yokuimbira. Akakumbira Irina kuti aimbe dzimwe dzenziyo idzo aifarira mubhuku racho—vomukirasi biyake varipo—apo mudzidzisi akanga achimukumbanira papiyano. Kuita kwacho kwakazoguma kweinopfuura awa! Mudzidzisi akanga achifanira kubvuma kuti bhuku renziyo rinodisiswa naIrina rine mimhanzi yakaisvonaka.