Umambo hwaMwari—Uri Kuhunzwisisa Here?
“Wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa.”—MATEO 13:23.
1. Ndezvipi zviri zvitendero zvinozivikanwa navose pamusoro po‘umambo hwokudenga’?
WAKA‘NZWISISA’ chiri Umambo hwaMwari here? Mirangariro yo‘umambo hwamatenga’ yakasiyana zvikuru mumazana ose amakore. Chitendero chinozivikanwa navose pakati pemitezo yechechi nhasi ndechokuti Umambo chimwe chinhu icho Mwari anoisa mukati memwoyo womunhu pakutendeuka. Vamwe vanorangarira kuti inzvimbo uko vanhu vakanaka vanoenda pashure porufu kundofarikanya mufaro usingagumi. Vamwezve vanotaura kuti Mwari akakusiyira kuvanhu kuparira Umambo pasi pano kupfurikidza nokushanda kwavo kuti vapinze dzidziso dzechiKristu nemiitiro muzvinhu zvenzanga nezvehurumende.
2. Bhaibheri rinotsanangura sei Umambo hwaMwari, uye chii chahuchaita?
2 Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza nenzira yakajeka kuti Umambo hwaMwari hahusati huri gadziriro iri pasi pano. Ihwo hahusatiwo huri chimiro chemwoyo kana kuti kuitwa yechiKristu kwenzanga yavanhu. Chokwadi, kunzwisiswa kwakarurama kwechiri uhwu Umambo kunotungamirira kuchinjo huru muupenyu hwaavo vanohutenda. Asi Umambo humene ihurumende yokudenga yakagadzwa nenzira youmwari iyo inoparira kuda kwaMwari, ichibvisa tapuro dzechivi nerufu uye kudzorera mamirire ezvinhu akarurama pasi pano. Nechekare uhwu Umambo huri kutonga mumatenga, uye nokukurumidza “huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15; 12:10.
3. Apo Jesu akavamba ushumiri hwake, chii chakazarurirwa vanhu?
3 Wezvenhau H. G. Wells akanyora, kuti: “Iyi dzidziso yoUmambo hwoKudenga, iyo yakanga iri dzidziso huru yaJesu, uye iyo inoita rutivi ruduku kwazvo muzvitendero zvechiKristu, zvirokwazvo ndiimwe yedzidziso dzakasiyana zvikuru dzati dzambonyandura nokuchinja mufungo womunhu.” Kubvira pamavambo chaipo, musoro woushumiri hwaJesu wakanga uri, wokuti: “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:17) Akanga ari pasi pano saMambo akazodzwa, uye mumwe wemifaro mikurusa, nzira yakanga iri kuzarurirwa vanhu zvino kwete bedzi kuti vagoverane muzvikomborero zvoUmambo ihwohwo asiwo kuva vatongi biyamwe navaprista naJesu muUmambo ihwohwo!—Ruka 22:28-30; Zvakazarurwa 1:6; 5:10.
4. Muzana ramakore rokutanga, vazhinjizhinji vakadavidza sei ku“mashoko akanaka oumambo,” kuchitungamirira kurutongesoi?
4 Nepo vazhinjizhinji vakanzwa “mashoko akanaka oumambo” anofadza, vashomanene bedzi vakadavira. Ikoku kwakanga kuri murutivi nemhaka yokuti vatungamiriri vorudzidziso vakanga va“pfigira vanhu ushe hwokudenga.” Va“kabvisa kiyi yokuziva” kupfurikidza nedzidziso dzavo dzenhema. Nemhaka yokuti vanhu vakawanda zvikurusa vakaramba Jesu saMesiya naMambo akazodzwa woUmambo hwaMwari, Jesu akati kwavari: “Muchatorerwa imi ushe hwaMwari, hukapiwa vanhu vanobereka zvibereko zvahwo.”—Mateo 4:23, NW;Mt 21:43; 23:13; Ruka 11:52.
5. Vakawanda zvikurusa vaavo vakanzwa mienzaniso yaJesu vakaratidza sei kuti havana kunzwa nenzwisiso?
5 Pakudzidzisa boka guru pane imwe nhambo, Jesu, mukuwirirana netsika yake, akashandisa nhevedzano yemienzaniso kuedza boka racho ndokuparadzanisa avo vakanga vachifarira Umambo nechokunze bedzi. Muenzaniso wokutanga waibatanidza mudyari uyo akadyara mbeu mumarudzi mana eivhu. Marudzi matatu okutanga akanga asina kunakira kurima zvinomera, asi rokupedzisira rakanga riri i“vhu rakanaka” iro rakabereka zvibereko zvakanaka. Muenzaniso mupfupi wakaguma nekurudziro, yokuti: “Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” (Mateo 13:1-9) Vakawanda zvikurusa vaavo vaivapo vakamunzwa, asi havana ‘kuteerera.’ Vakanga vasina sundo, vasingafariri chaizvoizvo kuziva kuti mbeu yakadyarwa mumamirire ezvinhu akasiyana-siyana yakanga yakafanana sei neUmambo hwamatenga. Vakadzokera kumusha kuupenyu hwavo hwezuva nezuva, sezvingabvira vachifunga kuti mienzaniso yaJesu yakanga iri bedzi nhau dzakanaka dzinotaura nezvetsika. Kunzwisisa kukuru kwakadini uye iropafadzo dzakaisvonaka zvakadini nemikana zvavakarasikirwa nazvo nemhaka yokuti mwoyo yavo yakanga isingadavidzi!
6. Neiko kunzwisisa “zvakavanzika zvoushe hwokudenga” kwakapiwa bedzi kuvadzidzi vaJesu?
6 Jesu akaudza vadzidzi vake, kuti: “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwokudenga, asi ava havana kupiwa.” Achinokora mashoko Isaya, akawedzera, kuti: “Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, nzeve dzavo dzakadzivira; nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, nokunzwa nenzeve, nokunzwisisa nomwoyo, vakadzoka, ndivaporese. Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.)—Mateo 13:10-16; Marko 4:11-13.
Ku“nzwisisa” Umambo
7. Neiko kuchikosha ku“nzwisisa” Umambo?
7 Jesu akaonesa chinetso chacho. Chakanga chine chokuita noku“nzwisisa” shoko roUmambo. Akataura kuvadzidzi vake vari voga, kuti: “Naizvozvo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roushe, asingarinzwisisi, wakaipa unosvika, ndokubvuta chakakushwa mumwoyo make.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Akapfuurira kutsanangura kuti marudzi mana evhu aimirira zvimiro zvakasiyana-siyana zvemwoyo umo “shoko roushe” raizodyarwa.—Mateo 13:18-23; Ruka 8:9-15.
8. Chii chakadzivisa “mbeu” yakadyarwa mumarudzi matatu okutanga eivhu kubereka zvibereko?
8 “Mbeu” yacho yakanga yakanaka muchiitiko chimwe nechimwe, asi zvibereko zvacho zvaizotsamira pachimiro chevhu racho. Kana ivhu romwoyo womunhu rakanga rakafanana nemugwagwa unoshandiswa zvikuru, wakazara, wakaomeswa nemibato yakawanda isiri yomudzimu, kwaizova kuri nyore kuti uyo ari kunzwa shoko roUmambo azvipembedze amene, achitaura kuti pakanga pasina nguva yoUmambo. Mbeu yakaregeredzwa yaigona kusatana kutorwa isati yagona kudzika midzi. Asi zvakadiniko kana mbeu yacho yakadyarwa mumwoyo wakafanana neivhu rine matombo? Mbeu yacho ingamera, asi ingava nechinetso kudzikisa midzi yayo pasi kuudzame hupi nohupi nokuda kwezvokudya nekutsiga. Kariro yokuva mubatiri anoteerera waMwari, zvikurukuru mudzvinyiriro yechitambudzo, yaizopa denho huru, uye munhu wacho aizogumburwa. Uye zvakare, kana ivhu remwoyo wacho rakanga rakazara kwazvo nefunganyo dzakafanana neminzwa kana kuti chishuvo chokudisa zvenyika chepfuma, chinomera choUmambo chisina kusimba chaizovhungwa. Muaya mamirire ezvinhu matatu okufananidzira muupenyu, hapana zvibereko zvoUmambo zvaizoberekwa.
9. Neiko mbeu yakadyarwa muivhu rakanaka yakakwanisa kubereka zvibereko zvakanaka?
9 Zvisinei, zvakadiniko nembeu yoUmambo yakadyarwa muivhu rakanaka? Jesu anopindura, kuti: “Wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unobereka zvibereko, mumwe achiita zana, mumwe makumi matanhatu, mumwe makumi matatu.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) (Mateo 13:23) Muku“nzwisisa” Umambo, ivo vaizobereka zvibereko zvakanaka mukuwirirana nemamirire ezvinhu avo mamwe namamwe.
Mutoro Unouya Nokunzwisisa
10. (a) Jesu akaratidza sei kuti ku“nzwisisa” Umambo kunounza zvose zviri zviviri zvikomborero nomutoro? (b) Basa raJesu rokuenda ndokuita vadzidzi rakashanda bedzi kuvadzidzi vomuzana rokutanga ramakore here?
10 Pashure pokupa mimwe mienzaniso mitanhatu kutsanangura mativi akasiyana-siyana oUmambo, Jesu akabvunza vadzidzi vake, kuti: “Manzwisisa izvozvo zvose here?” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Apo vakapindura kuti “hungu,” (NW), iye akati: “Naizvozvo munyori mumwe nomumwe wakadzidziswa zvoushe hwokudenga, wakafanana nomunhu, mwene weimba, unobudisa zvinhu zvitsva nezvekare pafuma yake.” Dzidziso nerovedzo zvaigoverwa naJesu zvaizovaka vadzidzi vake kuva vaKristu vakakura mumudzimu avo vaigona kubudisa mu‘dura’ ravo mugove usingaperi wezvokudya zvomudzimu zvakafuma. Zvakawanda zvaizvozvi zvaibatanidzwa noUmambo hwaMwari. Jesu akajekesa kuti ku“nzwisisa” Umambo kwaizounza kwete bedzi zvikomborero asiwo mutoro. Akarayira, kuti: “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi; tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.—Mateo 13:51, 52; 28:19, 20.
11. Apo 1914 akasvika, zviitikoi zvakabatanidzwa noUmambo zvakaitika?
11 Sezvakapikirwa, Jesu akapfuurira kuva nevadzidzi vake vechokwadi mumazana ose amakore kusvikira kuzuva rino. Muaya mazuva okupedzisira, iye nenzira inofambira mberi akavapa nzwisiso, uye akavapa mutoro wokushandiswa kwechiedza chinowedzera chezvokwadi. (Ruka 19:11-15, 26) Muna 1914, zviitiko zvoUmambo zvakavamba kupetenuka nokukurumidza uye nenzira inoshamisa. Mugore iroro, ‘kuzvarwa’ kwoUmambo hwaikarirwa kwenguva refu hakuna bedzi kuitika asi “kuguma kwenyika” kwakavamba. (Zvakazarurwa 11:15; 12:5, 10; Dhanieri 7:13, 14, 27) VaKristu vechokwadi, vachinzwisisa revo yezviitiko zvazvino uno, vakaita nhimbe hurusa yokuparidza Umambo nokudzidzisa munhau. Jesu akafanotaura ikoku, achiti: “Evhangeri iyi youshe ichaparidzirwa munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose; ipapo kuguma kuchasvika.”—Mateo 24:14.
12. (a) Chii chave chiri mugumisiro weuchapupu hukuru hwomuzuva razvino uno hwoUmambo? (b) Munyika ino inopanikira, ingozii iriko nokuda kwavaKristu?
12 Uhwu uchapupu hukuru hwoUmambo hwakasvika munyika dzinopfuura 230. Nechekare, vadzidzi vechokwadi vanopfuura mamiriyoni mashanu vari kugoverana muiri basa, uye vamwezve vari kuunganidzwa. Asi kana tikaenzanisa nhamba yavadzidzi navagari vepasi vane mabhiriyoni 5,6, kuri pachena kuti somuzuva raJesu, voruzhinjisa vorudzi rwomunhu hava‘nzwisisi’ Umambo. Vakawanda, sezvakafanotaurwa, vanoseka ndokuti: “Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino?” (2 Petro 3:3, 4) Ngozi nokuda kwedu savaKristu ndeyokuti chimiro chavo chendangariro chokusaitira hanya, chokupanikira, chokudisa zvenyika chingagona kutapura zvishoma nezvishoma nzira yatinorangarira nayo ropafadzo dzedu dzoUmambo. Takapoteredzwa navanhu venyika ino, tinogona kusatana kuvamba kugamuchira zvimwe zvezvimiro zvavo zvendangariro nemiitiro. Kunokosha sei kuti ti‘nzwisise’ Umambo hwaMwari ndokuhubatisisa!
Kuzvinzvera Timene Maererano noUmambo
13. Pamusoro pebasa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo, tinogona sei kuedza kana tiri kupfuurira ‘kunzwa’ nenzwisiso?
13 Jesu akati nezvenhambo yokukohwa yatiri kurarama mairi: “Mwanakomana womunhu uchatuma vatumwa vake, vagounganidza muushe hwake zvose zvinogumbusa, navanoita zvisakarurama . . . Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Une nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” (Mateo 13:41, 43) Uri kupfuurira ‘kunzwa’ nokudavidza kwokuteerera murayiro wokuparidza Umambo nokuita vadzidzi here? Yeuka, “wakakushwa muvhu rakanaka” ‘akanzwa shoko ndokurinzwisisa’ ndokubereka zvibereko zvakanaka.—Mateo 13:23.
14. Apo murayiridzo unopiwa, tinoratidza sei kuti tino“nzwisisa” zano rapiwa?
14 Apo tinenge tichiita fundo yomunhu oga nokupinda misangano yechiKristu, tinofanira ku‘rereka mwoyo yedu kunzwisiso.’ (Zvirevo 2:1-4) Apo zano rinopiwa pamusoro pomufambiro, mupfekero, nziyo, uye varaidzo, tinofanira kuribvumira kunyura mumwoyo yedu ndokutisunda kuita gadziridzo dzipi nedzipi dzinodikanwa. Tisatongopa zvikonzero zvenhema, kuita pembedzo, kana kuti zvimwe kukundikana kudavidza. Kana Umambo huri chaihwoihwo muupenyu hwedu, tichararama mukuwirirana nemipimo yahwo ndokuhuzivisa nenzira yokushingaira kuvamwe. Jesu akati: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.”—Mateo 7:21-23.
15. Neiko kuchikosha ku‘tanga kutsvaka umambo nokururama kwaMwari’?
15 Chimiro chendangariro chavanhu ndechokufunganya pamusoro pezvokudya zvinodikanwa, zvokupfeka, uye pokugara, asi Jesu akati: “Asi tangai kutsvaka ushe hwaMwari, nokururama kwake; izvozvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:33, 34) Mukuronga zvinhu zvokutanga, isa Umambo pakutanga muupenyu hwako. Chengeta upenyu hwako hwakapfava, uchigutsikana nezviri madikanwa. Hwaizova ufuza kuzadza upenyu hwedu nemibato isingakoshi uye zviwanwa, zvichida tichipa zvikonzero zvenhema zvokuti kuita ikoku kunogamuchirika, sezvo zvinhu izvozvi zvisiri hazvo zvakashata mazviri zvimene. Nepo ikoko kungave kuri kwechokwadi, kuwana nokushandisa zvisingakoshi zvakadaro kuchaitei kukuronga kwedu rudungwe rwefundo yomunhu oga, kupinda misangano yechiKristu, uye kupinda mubasa rokuparidza? Jesu akati Umambo hwakafanana nomutengi akawana “parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda, akandotengesa zvose zvaakanga anazvo, akaritenga iro.” (Mateo 13:45, 46) Aya ndiwo manzwire atinofanira kuita pamusoro poUmambo hwaMwari. Tinofanira kutevedzera Pauro kwete Dhemasi, uyo akasiya ushumiri, “nemhaka yokuti akada tsika iripoyi yezvinhu.”—2 Timotio 4:10, 18, NW; Mateo 19:23, 24; VaFiripi 3:7, 8, 13, 14; 1 Timotio 6:9, 10, 17-19.
“Vasakarurama Havangagari Nhaka yoUshe hwaMwari”
16. Ku“nzwisisa” Umambo hwaMwari kuchatibetsera sei kudzivisa mufambiro usina kururama?
16 Apo ungano yeKorinte yakanga ichishivirira unzenza, Pauro akati nenzira yakajeka: “Ko hamuzivi kuti vasakarurama havangagari nhaka youshe hwaMwari here? Musarashika; nokuti mhombwe, kana vanonamata zvifananidzo, kana vanofeva, kana vakapata, kana vanoita zvakaipa navarume, kana mbavha, kana vane ruchiva, kana vanosinwa doro, kana vatuki, kana makororo, havangagari nhaka youshe hwaMwari.” (1 VaKorinte 6:9, 10) Kana tika“nzwisisa” Umambo hwaMwari, hatisati tichizozvinyengera timene kupfurikidza nokufunga kuti Jehovha achashivirira chimiro chakati choutere chero bedzi achitiona takabatikana mubasa rechiKristu. Kusachena hakufaniri kunyange kududzwa pakati pedu. (VaEfeso 5:3-5) Unowana kuti kumwe kwokufunga kwakaipa kwenyika ino kana kuti miitiro kuri kuvamba kuverevedza muupenyu hwako here? Zvibvise muupenyu hwako nokukurumidza! Umambo hunokosha zvikuru kwazvo zvokusagona kurasikirwa nahwo nokuda kwezvinhu zvakadaro.—Marko 9:47.
17. Kunzwisisa Umambo hwaMwari kuchasimudzira sei kuzvininipisa ndokubvisa zvisakiso zvokugumbura?
17 Vadzidzi vaJesu vakabvunza, kuti: “Ndianiko mukuru paushe hwokudenga?” Jesu akapindura kupfurikidza nokuisa mwana muduku pakati pavo ndokuti: “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muushe hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu muduku, ndiye mukuru muushe hwokudenga.” (Mateo 18:1-6) Vanodada, vanorayira, vasingaitiri hanya, uye vasingateereri mutemo havasati vachizova muUmambo hwaMwari, uyewo havasati vachizova vadzorwi voUmambo hwacho. Kuda kwako hama dzako, kuzvininipisa kwako, rutyo rwako rwoumwari, zvinokusunda kudzivisa kugumbura vamwe nomufambiro wako here? Kana kuti unoomerera pa“kodzero” dzako pasinei zvapo nokuti ichi chimiro chendangariro nomufambiro zvingatapura sei vamwe here?—VaRoma 14:13, 17.
18. Chii chichava mugumisiro kurudzi rwomunhu runoteerera apo Umambo hwaMwari hunosakisa kuda Kwake kuti kuitike “panyika sezvakunoitwa kudenga”?
18 Baba vedu vokudenga, Jehovha, vachakurumidza kupindura zvizere munyengetero wokushingaira, wokuti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” Nokukurumidza zvikuru Mambo anotonga, Jesu Kristu, achauya mupfungwa yokugara pachigaro chake choumambo nokuda kworutongeso, kuti aparadzanise “makwai” ne“mbudzi.” Panguva iyoyo yakagadzwa, “Ishe uchati kuna vari kurudyi: Uyai imi, makaropafadzwa naBaba, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwemi kubva pakuvamba kwenyika.” Mbudzi dzicha“enda kukurohwa kusingaperi; asi vakarurama kuupenyu husingaperi.” (Mateo 6:10; 25:31-34, 46) “Dambudziko guru” richabvisa tsika yekare navose vanoramba ku“nzwisisa” Umambo. Asi mamiriyoni evapukunyuki ve“dambudziko guru” namabhiriyoni ayo achamutswa vachagara nhaka zvikomborero zvoUmambo zvisingagumi muParadhiso yapasi yakadzorerwa. (Zvakazarurwa 7:14, NW) Umambo hwacho ihurumende itsva yapasi, inotonga iri kudenga. Ichaita kusvikira yapedza chinangwa chaJehovha nokuda kwapasi norudzi rwomunhu, zvose kukutsveneswa kwezita rake dzvenedzvene. Iyoyo haisati iri nhaka yakafanirwa zvikuru nokushandira, kurega zvimwe zvinhu nokuda kwayo, uye kuimirira here? Izvozvi ndizvo izvo ku“nzwisisa” Umambo kunofanira kureva nokuda kwedu!
Waizopindura Sei?
◻ Chii chiri Umambo hwaMwari?
◻ Neiko vakawanda zvikurusa vavanzwi vaJesu vasina ku“nzwisisa” Umambo?
◻ Ku“nzwisisa” Umambo kunounza sei zvose zviri zviviri zvikomborero nemutoro?
◻ Pamusoro pokuparidza, chii chinoratidzira kana ta‘kanzwisisa’ Umambo?
◻ Tinoratidza sei nomufambiro wedu kuti ta“nzwisisa” zano rapiwa?
[Mifananidzo iri papeji 17]
Vadzidzi vaJesu va‘kanzwisisa’ Umambo ndokubereka zvibereko zvakanaka