RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 1/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Farikanya Upenyu Hwemhuri
    Farikanya Upenyu Hwemhuri
  • Mhuri—Inodikanwa Navanhu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Koshesa Nzvimbo Yako Mumhuri yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 1/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Bhuku raVaEfeso 3:14, 15, (NW) rinotaura kuti kuna Mwari “mhuri yose iri mumatenga nepasi ine zita rayo.” Mudenga mune mhuri here, uye mhuri imwe neimwe yose yavanhu nenzira yakati inowana zita rayo kuna Jehovha here?

Hakuna mhuri mudenga dzakaita sedziri pasi pano, dzina baba, mai, uye vana—vose vane ukama munyama. (Ruka 24:39; 1 VaKorinte 15:50) Jesu akaratidzira zvakajeka kuti ngirozi hadziroori, uye hapana chinhu chinokarakadza kuti dzingava navazukuru.—Mateo 22:30.

Zvisinei, Bhaibheri rinotaura nenzira yokufananidzira nezvaJehovha Mwari seakaroora sangano rake rokudenga; akaroora mupfungwa yomudzimu. (Isaya 54:5) Sangano iroro rokudenga rinobereka vana, vakadai sengirozi. (Jobho 1:6; 2:1; 38:4-7) Mupfungwa iyoyi, ipapo, kune mhuri yomudzimu yakaisvonaka mudenga.

Uyezve, mhuri itsva yokufananidzira iri kukura mudenga, yakaumbwa naJesu Kristu nemwenga wake weungano we144 000. (2 VaKorinte 11:2) Vazhinjisa vevakazodzwa ivavo vakatofa, vachirangarira upenyu hwomudenga. Vamwe vachiri vapenyu pasi pano. Vose vanokarira nokudisa “roorano yeGwayana” yokudenga. Bhaibheri rinobatanidza roorano iyoyo nenguva yedambudziko guru rosvika—kuparadzwa kweBhabhironi Guru, uye ipapo kubviswa kwerutivi rwasara rwetsika yaSatani.—Zvakazarurwa 18:2-5; 19:2, 7, 11-21; Mateo 24:21.

Pamusoro pemhuri dzapasi, muapostora Pauro haasi kuratidzira pana VaEfeso 3:15 kuti boka remhuri rimwe nerimwe riri rose rinowana zita raro zvakananga kubva kuna Jehovha. Panzvimbo pezvo, Pauro sezviri pachena airangarira nhevedzano huru yemhuri nokuchengeta zita. Bhuku raJoshua 7:16-19 rinogovera muenzaniso. Jehovha ipapo akanga achiratidzira chivi chaAkani. Kutanga, mhaka yakanangidzirwa parudzi rwaJudha kana kuti yakaganhurirwa kwarwuri. Ipapo yakanangidzirwa kumhuri yavaZerahaiti. Pakupedzisira, mhuri yaAkani yakafumurwa. Akani pamwe chete nomudzimai wake nevana vakarangarirwa, kana kuti vakataurwa, serutivi rweimba (kana kuti, mhuri) yaZebhedhi, sekuru vaAkani. Mhuri iyoyowo, yakanga iri boka rakakudzwa rakachengeta zita ratateguru wavo Zera.

Pakati pavaHebheru, nhevedzano dzakadaro dzemhuri iyoyo dzakanga dziri dzoukoshi hukuru, dzakawanda dzichirongwa muBhaibheri. Mwari akatsigira kuchengetwa kwadzo nokuita gadziriro, kwakanga kuri madikanwa, kuti vadyi venhaka vapfuudzire zita remhuri kupfurikidza neroorano Nomukoma, Kana Kuti Munun’una Wanyakufa, kana kuti muramu.—Genesi 38:8, 9; Dheuteronomio 25:5, 6.

Somumwe muenzaniso wemhuri huru zvikuru dzakadaro kana kuti dzakakudzwa, rangarira Jesu somwanakomana waDhavhidhi. Iye sezvinooneka akanga asiri muzukuru nenzira yakananga waMambo Dhavhidhi, asati achiberekwa kusvikira mazana amakore pashure porufu rwaDhavhidhi. Bva, chiratidzo chinozivisa chaMesiya chakanga chiri chokuti aizova wemhuri yaDhavhidhi, seizvo vaJudha vose zvavo vaiziva. (Mateo 22:42) Jesu akanga ari munhevedzano yaDhavhidhi kupfurikidza navose vari vaviri mai vake nababa vake vokurera.—Mateo 1:1; Ruka 2:4.

Asika mhuri dzakadaro dzinowana sei mazita adzo achibva kuna Jehovha? Idi nderokuti pakanga pane zvinoitika zvishomanene—zvakadai semuchinoitika chaAbrahama naIsaka—apo Jehovha akapa chaizvoizvo zita musoro wemhuri. (Genesi 17:5, 19) Izvozvo zvaiva zvechienzi. Zvikurukuru, Jehovha haapi mhuri imwe neimwe zita rainopfuuridzira kuvana.

Jehovha, kunyange zvazvo zvakadaro, akavamba boka remhuri yavanhu apo akarayira Adhama naEvha kuti “berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Uye Jehovha akabvumidza Adhama naEvha vasina kukwana kuti vabereke vana, nokudaro achivanzarika mavambo emhuri dzose dzavanhu. (Genesi 5:3) Naizvozvo muinopfuura pfungwa imwe, Mwari anogona kunzi Muvambi wemazita emhuri.

Tsika dzakawanda nhasi hadzichanzwi dikano yokuchengeta mazita emhuri aripo kwezvizvarwa. Kunyange zvazvo zvakadaro, munyika dzose vaKristu vanoonga Jehovha nokuda kwegadziriro yemhuri ndokumukudza kupfurikidza nokushanda nesimba kuita kuti boka remhuri yavo ribudirire.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe