Namata Jehovha Nemaoko Akachena
ACHIFURIDZIRWA, wezvamapisarema Dhavhidhi akaimba kuti: “Ndichashambidza maoko angu ndisine mhosva; ndigopoteredza artari yenyu saizvozvo, Jehovha.”—Pisarema 26:6.
Mukuronga mashoko aya, Dhavhidhi angave akanga achinongedzera kutsika yavaprista vechiRevhi vaIsraeri yokukwira pachikwiriso cheatari uye ipapo kuisa zvipiriso zvavo pamwoto. Asi vasati vaita chiito ichochi chokunamata, vaprista vaidikanirwa kushamba maoko avo netsoka. Uhwu hwakanga husiri udzame huduku. Kukundikana kuita iyi nhano yokutanga kwaizogona kuita kuti muprista arasikirwe noupenyu hwake!—Eksodho 30:18-21.
Kushamba kwokufananidzira, kwaiguma norucheno mumudzimu netsika. (Isaya 1:16; VaEfeso 5:26) Jehovha anoda kuti ‘tipoterere paatari yake’ nhasi kupfurikidza nokumubatira. Asi anoda kuti tiite saizvozvo namaoko akachena—seizvo Dhavhidhi akataura, maoko anoshambwa “mukuchena kwose.” Ichi hachisati chiri chinodikanwa chisingakoshi, nokuti avo vanoshandisa kusachena havasati vachizogara nhaka yoUmambo hwaMwari. (VaGaratia 5:19-21) Upenyu mumabasa oumwari hausati huchipa munhu tendero yokupinda mumufambiro usina kuchena. Nokudaro muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda; kuti zvimwe ini, ndamboparidzira vamwe, ndirege kuva wakarashwa ndimene.”—1 VaKorinte 9:27.
Avo vanotsvaka tenderwo youmwari nemufaro wechokwadi vanofanira kubatira Jehovha nemaoko akachena. Kufanana naDhavhidhi, vanofamba “nomwoyo wakaperera uye nokururama.”—1 Madzimambo 9:4, NW.