Kubudirira Kwapamutemo
MUNA April wa1995, rukundo runokosha rwemudare rwakawanwa. Kwose kwakatanga pana January 28, 1992, apo Luz Nereida Acevedo Quiles, 24, akapinzwa muEl Buen Pastor Hospital muPuerto Rico nokuda kwokuvhiyiwa kunobetsera. Pakupinzwa, akataura nezvose zviri zviviri nomuromo uye nokunyora kuti somumwe weZvapupu zvaJehovha, aisazobvuma kuisirwa ropa. (Mabasa 15:28, 29) Vashandi vepachipatara vaibatanidzwa, kubatanidza chiremba akamurapa, vaisanoziva zvishuvo zvake.
Mazuva maviri mushure mokuvhiyiwa kwake, Luz akarashikirwa neropa rakawanda zvikuru ndokupererwa neropa zvikuru. Chiremba airapa, Dr. José Rodríguez Rodríguez, akadavira kuti nzira bedzi yokumubetsera yakanga iri yokuisira ropa. Naizvozvo, asingazivi kana kuti asingabvumi, iye akatsvaka mutemo waibva kudare wokuisira Luz ropa.
Kunyange zvazvo Luz akanga achiziva zvizere uye aikwanisa kuzvitaurira amene, Dr. Rodríguez Rodríguez akataura kuti nemhaka yekurumidziro yenhau yacho, pakanga pasina nguva yokuwana kubvuma kwomunhu upi kana upi zvake. Gweta reruwa, Eduardo Pérez Soto, rakasayina fomu racho, uye mutongi weruwa, Honorable Ángel Luis Rodríguez Ramos, akabudisa murayiro wedare nokuda kwokuisirwa ropa.
Nokudaro, pana January 31, 1992, Luz akaendeswa mukamuri rokuvhiyira, uko akaisirwa ropa. Mukati mokuisirwa ropa, akanzwa vamwe vavashandi vepachipatara vachiseka. Vamwe vakamunyomba, vachitaura kuti zvakanga zvaitwa kwaari zvakanga zvakamunakira. Akarwisa nesimba rake rose—kwose pasina maturo. Pakupera kwezuva, Luz akanga aisirwa mayuniti mana eropa.
Chinoitika chaLuz chakanga chisiri chokutanga kana kuti zvimwe chokupedzisira chaibatanidza kuisirwa ropa neZvapupu zvaJehovha muPuerto Rico. Chakaitika chake chisati chaitika, inenge mirayiro 15 yedare yakanga yabudiswa yokuisira ropa mukurwisana nezvishuvo zveZvapupu zvaJehovha zvakura, uye yakawanda yakabudiswa kubvira panguva iyeyo. Nenzira ine ngwavaira, mune chinoitika chimwe murayiro wedare wakashandiswa, uye kuisirwa ropa kwakamanikidzirwa pamurwere apo iye akanga asingazivi.
Kurwisa kwaLuz hakuna kugumira mukamuri rokuvhiyira, zvisinei. Muna October 1993 sangano reCommonwealth of Puerto Rico rakamhangarirwa mudare. Mhaka yacho yakatongwa neDare rapaMusoro, uye pana April 18, 1995, chisarudzo chakasvikwa chinomutsigira. Dare rakataura kuti murayiro wokuisirwa ropa wakanga “usiri wapamutemo uye wakanyima mukwiriri maruramiro ake okushandisa rudzidziso norusununguko, zvakavanzika zvake nokuzvisarudzira kwomuviri pasina kushandiswa kwomutemo.”
Chisarudzo ichi chakanga chichikosha, nokuti yakanga iri nguva yokutanga iyo dare romuPuerto Rico rakanga rasarudza richitsigira Zvapupu zvaJehovha mumhaka pamusoro pokuisirwa ropa. Chisarudzo ichi chakaparira kuita kukuru navatori wenhau, vanyori vemapepanhau makuru, nhepfenyuro, uye terevhizheni varipo.
Usiku humwe chetehwo chirongwa chenhepfenyuro chakatepfenyura bvunzurudzo nerimwe ramagweta aLuz. Vateereri vakakumbirwa kuridza runhare ndokubvunza mibvunzo. Vanachiremba vazhinji nemagweta vakaridza runhare ndokutaura kunzwa kwavo kwakanaka kunhau yacho. Mumwe muridzi worunhare akati: “Sayenzi haisati yakwanisa kuona kuti kuisirwa ropa kuchaponesa upenyu, uye chikanganiso kufunga nenzira yakadaro.” Akatiwo: “Nokukurumidza kuisirwa ropa kuchanyorwa munhau sokumwe kwokutsauka kukurusa nemhosho zvemishonga yazvino uno.”
Purofesa wemitemo anoremekedzwa zvikuru kwazvo gare gare akaridzira runhare hofisi yebazu yeWatch Tower Society ndokutaura gutsikano yake huru neizvo akati “rukundo rukuru.” Akawedzera kuti chisarudzo chinotsigira kodzero dzapamutemo, kwete dzeZvapupu zvaJehovha zvoga, asi kuvagari vose vePuerto Rico.