Tarirai! Horo yoUmambo muNiue
NIUE chitsuwa chiduku checoral chiri muSouth Pacific, makiromita 2 160 kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweNew Zealand. Maererano nerimwe bhurocha rokufamba, zita rokuti Niue rinobva mumashoko maviri, Niu, kureva kuti “mucoconut,” uye e, kureva kuti “ona,” kana kuti “tarira.” Bhurocha racho rinoti: “Maererano nengano vagari vePolynesia vokutanga vakataura aya mashoko pakusvika kwavo apo vakaona micoconut ichikura panyika yacho.”
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha muNiue zvinodada kuudza vashanyi, kuti “E! Fale he Kautu ha mautolu!” zvichireva, kuti “Tarirai! Horo Yedu yoUmambo!” Neiko vane kunzwa kukuru kwakadaro pamusoro peiyi horo? Zvapupu zvaJehovha kwose kwose zvinodada neHoro dzazvo dzoUmambo, zvikurukuru kana izvo zvimene zvakanga zviri vavaki. Asi kuti zvivake Horo yoUmambo paichi chitsuwa chiri kure pakati peSouth Pacific yakakura ndiimwe nhau. Pashure pezvose, Niue inofukidza makiromita 260 bedzi, uye pane vanhu 2 300 bedzi pachitsuwa chose.
Kwakanga kune mubvunzo wokuti ndiani aizovaka Horo yoUmambo. Ungano imwe iri muNiue ine Zvapupu 32 bedzi. Zvimwe zvokushandisa zvikuru zvaidikanwa, zvakadai serori, makatapira, uye kireni, ndezvehurumende. Zvakare, zvinenge zvinhu zvose zvokuvakisa—simbi, mabhuroko ekongiri, zvinhu zvokuisa matenga edzimba, zvemagetsi uye mapombi emvura, gudzanzwi, uye zvigaro—zvaizofanira kuunzwa nengarava kubva kuNew Zealand mugadziriro inoshanda kamwe bedzi muvhiki shanu dzoga dzoga. Pakupedzisira, pasi rine mabwe rechitsuwa chacho raizoita kuti kuvaka kuve kwakaoma, uye horo yaizofanira kuvakwa kuti itsungirire madutu omunzvimbo dzinopisa dzapasi. Zvirokwazvo, basa rinotyisa nokuda kwaani naani zvake!
Zvisinei, pakanga pane, musiyano mukuru pano. Nokuda kweZvapupu zvaJehovha, Horo yoUmambo ndiyo musimboti wokunamata kwechokwadi munzvimbomo, uye zvinotarira kuna Jehovha Mwari nokuda kwenhungamiro nebetsero. (Pisarema 56:11; 127:1) Hama dzechiKristu muNew Zealand, kubatanidza mitezo yeungano yeNiue muAuckland, dzakauya kuzobetsera boka duku reZvapupu muNiue, dzichipa tsigiro yomwoyo wose kubasa rokuvaka.
Chisarudzo Chokupfuurira
Muna June 1994 panzvimbo yokuvaka Horo yoUmambo muRotorua, New Zealand, chikumbiro chakaitwa nokuda kwaavo vaifarira kugoverana mubasa reNiue. Nenzira inoshamisa, hama nehanzvadzi dzechiKristu 200 dzakazvipira. Kubva muna ivava, vanhu 80 vakasarudzwa, kubatanidza vavezi, vashandi vesimbi, vashandi vepombi dzemvura, vanoisa matenga edzimba, vanopurasita, vanopenda, nyanzvi dzemagetsi, nyanzvi dzokugadzira magudzanzwi, vashandisi vekongiri, vanovaka nezvidhina, uye vashandi vasina unyanzvi.
Hama dzakadhirowa mapurani ndokupfuurira, dzichivimba naJehovha. Mumwe wavakuru veungano vomuNiue, muzvinabhizimisi womunzvimbomo, akatanga gadziriro dzokupinza nengarava zvinhu zvose zvaidikanwa. Mari yokufamba kwendege neyepokugara nokuda kwavashandi vemhiri kwamakungwa yakakurukurwa, avo vakazvipira kubhadhara ndyiko dzavo vamene, uye misi yokuvaka yakagadzwa. Basa racho raizofanira kupedzwa mumazuva 20 bedzi, kubva pana March 4 kusvikira March 23, 1995, apo Horo yoUmambo yaizotsaurirwa.
“Ndakava nechakaitika changu chokutanga chokutya kukuru apo ndakaona nzvimbo yacho,” akataura kudaro mutungamiriri webasa racho, uyo akafanouya pachine vhiki kubva kuNew Zealand kuitira kuti agadzirise zvinhu. “Ivhu racho mabwe oga oga. Kuchatora vhiki mbiri kuchera fandesheni chete.” Asi akanga aderedza Zvapupu zvomunzvimbomo, akabvuma kudaro gare gare. “Hama dzeNiue dzakarovedzana nemabwe,” akadaro. “Dzinoziva pokurova ibwe kuitira kuti zvimedu zvikuru zviguduke.” Fandesheni yakapedzwa mumazuva maviri!
Pana March 4 ndege yokutanga yaiva neZvapupu zveNew Zealand yakasvika, uye basa rekongiri rakaitwa. Mapoka anotevedzana avashandi akauya, mativi akasiyana-siyana ebasa akapedzwa. Mazuva okushanda aivamba na7:00 a.m. nekurukurirano pfupi yerugwaro rweBhaibheri rwezuva nezuva. Dzimwe hama dzaishanda mazuva amaawa 12 mutembiricha dzaisvika 36° Celsius. Pakupedzisira, pakasvika March 23, chivanze chakanga chatogadzirwa. Chiratidzo chinokwezva chakaitwa nomumango chakazivisa chivako chacho se“Horo yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha.”
Mudzimu Wokubatira Pamwe uye Womutsa
Chinhu chinokosha chakaparira kubudirira kwebasa racho kwakanga kuri batira pamwe yavanhu veNiue. Vagari vomunzvimbomo, vakatapurwa nemudzimu wenhambo yacho, vakapira zvokudya nemari. Vakawanda vakarangarira kuvakwa kwehoro sebasa ravo. Vakuru vakuru vehurumende navanamuzvinabhizimisi vakaita mabasa akawanda kupfuura aikarirwa. Zvokushandisa zvaidikanwa zvakaitwa kuti zviwanike, sezvakaitawo fekitari yokuvezera. Kambani yaitakura zvinhu yakatochinja nzira yengarava yayo kuti ive nechokwadi chokuti zvinhu zvaidikanwa zvaizosvika panguva chaipo.
Vashanyi vakaonga zvirokwazvo basa rakaoma nomutsa weZvapupu zveNiue, izvo zvakagoverana misha yazvo nezvinhu. “Hanzvadzi dzomunzvimbomo dzakanga dzakanaka zvikuru,” akadaro mumwe mushandi. Mukuwedzera kukudya kwamasikati kunopisa zuva riri rose, hanzvadzi dzakagovera chisvusvuro chakabikwa mangwanani mamwe namamwe na6:30. Dzimwe dzaimuka na4:30 kuti dzigadzire zvokudya. Mumwe mushandi wokuvaka akati: “Ndinofunga kuti tagara zviri nani kuno kuNiue kupfuura zvatinoita mumisha yedu timene.”
Pana March 10 Niue Star yakashuma pamusoro pechiitiko chacho panyaya yaiva papeji rokutanga yaiva nomusoro mukuru unoti “Horo yoUmambo Yokutanga muNiue” uye mufanikiso wevokuNew Zealand nevokuNiue vachishanda panzvimbo yacho. Yakarondedzera kuti horo yacho ndeyeukuru hwamamita 280 uye inogara vanhu 70 kusvika ku100. Nyaya yacho yakawedzera, kuti: “Basa racho rinogona chaizvoizvo kupedzwa mu[vhiki] mbiri, asi muchinoitika chino richatambanudzwa. Padanho rino, mazuva maviri bedzi mushure mokunge basa ratanga, fandesheni, mafuremu, nhungo nedenga zvakamiswa, nokukurumidza.”
Mumwe muzvinabhizimisi womunzvimbomo akataura chishuvo chokuti vose vari paChitsuwa cheNiue vatarise basa racho ndokudzidza chidzidzo kubva mariri. Akataura kuti aivimba kuti yaizoratidza munhu ari wose icho chinogona kuitwa norudo nebatira pamwe.
Boka ravane 204 rakauya kutsauriro yacho. Chakabvumikisa kuva chinoitika chinoorora nokuda kwavose vakapinda kwakanga kuri kuratidzirwa chaiko makuri hama dzeNiue, hanzvadzi, uye vana, vakaratidzira munziyo nomukutamba kuvakwa kweHoro yoUmambo yacho. Mashoko okuonga akaitwa kuboka rokuvaka uye kuna Jehovha, ane mudzimu wake wakasunda ndangariro, mwoyo, uye maoko kupedza basa racho.—Isaya 40:28-31.