Apo Gamuchidzanwa Rinorwisana Nezvokwadi
NGOZI—MVURA ISATI IRI YOKUNWA. Tingave takarovedzana nokuona nyevero dzakadaro. Munharaunda dzakawanda vanhu vanongwarira pamusoro pechavanonwa nemhaka yokuti vanoziva kuti imwe mvura inogoverwa iri kuiswa muchetura nechakadanwa kuti “muvhenganiswa une chepfu” wezvinoshatsa zvine chepfu. Somugumisiro weiyi svibiso, imwe nzvero inodaro, panzvimbo pokuva “mutsigiri nomudziviriri woupenyu,” mvura inogona kuva “mutakuri wezvinhu zvipenyu zvine chirwere uye . . . zvinoshatsa zvamakemikoro.”—Water Pollution.
Kusvibisa Mvura Dzezvokwadi
Magamuchidzanwa anorwisana nezvokwadi akafanana nemigove yemvura yakasvibiswa. Tingaomerera nenzira yokutendeseka kumagamuchidzanwa—mashoko, mirangariro, rudaviro, kana kuti tsika dzakapfuudzwa kubva kuchizvarwa chimwe kuenda kuchinotevera—izvo, kutaura idi, zvakashatswa no“muvhenganiswa une chepfu” wepfungwa dzenhema, dzinotsausa uye uzivi. Kungofanana nemvura yakashatswa, izvozvi zvingaparira kuvadziko isingatauriki—kuvadziko yomudzimu.
Kunyange kana tichinzwa kuti zvinodavirwa zvedu zvorudzidziso zvegamuchidzanwa zvakavakirwa paBhaibheri, tose zvedu tinofanira kuwana nguva yokusanozvinzvera. Yeuka, apo Martin Luther akaomerera kuchaidavirwa chegamuchidzanwa chezuva iroro ndokushurikidza Copernicus, aidavira kuti aiva netsigiro yeBhaibheri. Bva, Luther akakundikana kutevera muenzaniso wakaisvonaka wavaBherea vekare avo ‘vakanga vakanaka mundangariro mukusanonzvera Magwaro kana zvinhu zvakanga zvakadaro.’—Mabasa 17:10, 11.
Funga nezvekuvadziko iyo zvaidavirwa zvegamuchidzanwa zvakaparira vamwe vavaJudha vomuzuva raJesu. Vaidavira zvakasimba kuti magamuchidzanwa avo aiva echokwadi. Apo vakanyunyuta kuti vadzidzi vaJesu vakanga vasingachengeti magamuchidzanwa, Jesu akavadenha nomubvunzo, wokuti: “Nemiwo munodarikireiko murayiro waMwari nokuda kwetsika dzenyu?” (Mateo 15:1-3) Chii chakanga chakanganisika? Jesu akazivisa chinetso chacho apo akanokora mashoko omuporofita Isaya, okuti: “Vanondinamata [Mwari] pasina, vachidzidzisa dzidziso iri mirayiro yavanhu.”—Mateo 15:9; Isaya 29:13.
Hungu, panzvimbo pezvokwadi idzo dzakavamba naMwari, vakatsiva nepfungwa idzo dzakavamba navanhu kana kuti, zvakatoipa zvikuru, idzo dzakavamba namadhimoni. Somuenzaniso, Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 506, inotsanangura, kuti: “VaFarise panguva iyeyo vaidzidzisa kuti kana munhu angozivisa zvinhu zvake kuva ‘kobhani’ kana kuti chipo chakatsaurirwa kuna Mwari, aisagona kushandisa izvozvi kugutsa zvinodikanwa zvavabereki vake, zvisinei kuti vangave vachishayiwa zvakadini, kunyange zvazvo aigona kushandisa zvinhu zvakadaro iye amene kusvikira parufu rwake amene kudai aisarudza kuita kudaro.” Uzivi hwavanhu hwakashatsa mvura dzezvokwadi hwakava netapuro dzakaipa pavaJudha mumudzimu. Voruzhinji vakatoramba Mesiya wavo akamirirwa kwenguva refu.
ChiKristudhomu Chinowedzera Kusvibisa Kwacho
Kukuvadzwa kwomudzimu kwakafanana kwakaparirwa pashure porufu rwaJesu. Vakawanda vaitaura kuva vateveri vake vaida gamuchidzanwa rinotaurwa sechiremera nokuda kwokudzidzisa kutsva. Maererano neCyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, rakanyorwa naMcClintock naStrong, vamwe vaidanwa kunzi vaKristu vakarangarira kuti gamuchidzanwa rakadaro rakanga riri “murayiridzo wakagamuchirwa kubva mumuromo wavaapostora nechechi dzechiKristu dzomuzana ramakore rokutanga, wakagamuchirwa kubva kuzera ravaapostora, uye wakachengetwa muutsvene kusvikira kunguva yavo vamene.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Chaizvoizvo akawanda aaya magamuchidzanwa akanga asina kuchena, pfungwa dzakaipa. Sezvinotsanangurwa neCyclopedia yacho, uhwu uzivi hutsva hwakanga hu“siri hunopesana namamwe magamuchidzanwa bedzi, asi nezvinyorwa chaizvo zvavaapostora zvavakanga vanazvo mumaoko avo.” Ikoku kwakanga kusati kuri kusingakarirwi chose chose. Muapostora Pauro akanga anyevera vaKristu, kuti: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera [magamuchidzanwa] avanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.—VaKorose 2:8.
Nhasiwo, zvinodavirwa zvamagamuchidzanwa akawanda zvi‘nopesana namanyoro amene avaapostora.’ ChiKristudhomu chakaisa muchetura mumvura dzezvokwadi nepfungwa dzakawanda dzakafuridzirwa namadhimoni, dzakadai soUtatu, hero yomwoto, kusafa kwomweya womunhu, urudzi, uye kunamata zvidhori.a (1 Timotio 4:1-3) Nhau inopupurira kukurwara mumudzimu kwakakurira vanhu vakava vananyajambwa vedzidziso dzoudhimoni idzo dzakava dzidziso dzegamuchidzanwa dzechiKristudhomu.—Enzanisa naIsaya 1:4-7.
Kushatswa kwezvokwadi kwakadaro kwave, kutaura idi, kuchipfuurira kubvira pamavambo omunhu. Satani akapfuudzira muitiro waakavamba muEdheni wokuisa muchetura mundangariro dzavanhu nenhema uye kunyengera. (Johane 8:44; 2 VaKorinte 11:3) Sezvo mhuri yomunhu yakapararira mupasi rose pashure peMafashamo ezuva raNoa, vanhu vamarudzi ose vakava vananyajambwa vokuisa muchetura kwamaune mumadziva ezivo yavanhu uzivi nepfungwa zvakafuridzirwa namadhimoni.
Tapuro Dzesvibiso Yomudzimu
Ikuvadzikoi inogona kuparirwa nokushatiswa kwomudzimu kwakadaro? Tinogona kukuenzanisa netapuro dzemvura yakasvibiswa pautano hwedu hwomuviri. Imwe nyanzvi inoti: “Vanhu vanenge mamiriyoni 200 ndivananyajambwa veschistosomiasis (bharaziya) [snail fever, iyo inoparira anemia, kusagadzikana, utano hwokungorwara-rwara, uye kunyange rufu], inoparirwa nemvura yakashatswa inoenda paganda. Vanhu vane mamiriyoni mazana mashanu vane trachoma, imwe yezvinoparira upofu zvikurusa, nemhaka yemvura yokugeza yakasviba. . . . Mitezo ine mabhiriyoni maviri yorudzi rwomunhu haina mvura yokunwa yakachengeteka.” (Our Country, the Planet) Mamiriyoni avanhu akaremadzwa, akapofumadzwa, uye akatourawa somugumisiro wokutevera magamuchidzanwa akashatiswa nedzidziso dzenhema, dzoudhimoni.—1 VaKorinte 10:20, 21; 2 VaKorinte 4:3, 4.
Vakawanda, somuenzaniso, vanovhiringidzika kana kuti kupofumadzwa pamusoro poukama huri pakati paJesu Kristu naBaba vake, Jehovha Mwari. Kwakava muitiro pakati pavamwe vaitaura kuva vaKristu kubvisa zita raMwari rinoera, Jehovha, muMagwaro echiKristu echiGiriki. George Howard anoti muJournal of Biblical Literature: “Uku kubviswa kweTetragram[maton], mukurangarira kwedu, kwakaparira vhiringidziko mundangariro dzavaKristu vaMarudzi vapakuvamba pamusoro poukama pakati pa‘Ishe Mwari’ na‘Ishe Kristu.’”
Fungawo, nezvevhiringidziko, kudavira mashura, uye rutyo zvinoparirwa negamuchidzanwa risiri rapamagwaro rokuti mweya womunhu haufi. (Enzanisa naMuparidzi 9:5; Ezekieri 18:4.) Vanhu vangani vari muusungwa hwokunamata madzisekuru akafa kana kuti vanorarama vachitya nguva dzose kuti vakafa vachadzoka kuzovakuvadza? Urwu rudaviro rwakatokurudzira vanhu kuzviuraya vamene navamwe.
VaJapan vakawanda vanorangarira kuti parufu midzimu yavo yakaenda ichasangana mudenga munyika iri kure. Vamwe vabereki avo vanozviuraya, naizvozvo, vakakurangarira kuva kwakanakisisa kuuraya vana vavowo. An English Dictionary of Japanese Ways of Thinking rinotsanangura, kuti: “MuJapan kuzviuraya hakushurikidzwi nguva dzose, asi kunowanzorangarirwa senzira inogamuchirika yokukumbira ruregerero nokuda kwechikanganiso chakakomba chomunhu . . . Kunyange kuzviuraya kwemumhuri sezvinobvira kuchashumwa namashoko okunzwira tsitsi.”
Edzai Magamuchidzanwa
Nemhaka yengozi dzinobatanidzwa mukutevera kwokusaziva zvinodavirwa zvegamuchidzanwa netsika, chii chatinofanira kuita? Nechokumugumo kwezana rokutanga ramakore, muapostora Johane akapa iri zano kuvaKristu biyake: “Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya [kufanana nokuedza kwamaizoita mvura nokuda kwokuchena kwayo], kuti muone kana yakabva kuna Mwari; nokuti vaporofita vazhinji venhema vakabudira munyika.” (1 Johane 4:1; onawo 1 VaTesaronika 5:21.) Unoziva sei kana gamuchidzanwa richikuvadza? Unoda rudzi rwakati rwechiremera, mupimo wakati worucheno, kuti uedze zvaunodavira.
Bhaibheri ndiro chiremera chakadaro. Jesu Kristu akati: “Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.” (Johane 17:17) Akati: “Nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:23) Kupfurikidza nokushandisa Shoko raMwari rakafuridzirwa, unosvika kumvura dzakachena dzezvokwadi panzvimbo yemvura dzakasvibiswa dzouzivi hwavanhu nehwamadhimoni.—Johane 8:31, 32; 2 Timotio 3:16.
Yeuka, kunyange mwero mudukusa wezvinosvibisa unogona kuva nemigumisiro ine ngwavaira. Pane dzimwe nguva kunotora makore akati tapuro dzisati dzaoneka. “Mvura ine tsvina,” anodaro Shridath Ramphal, aichimbova purezidhendi weWorld Conservation Union, “yazova muurayi ane ngozi zvikurusa wenyika. Zvinenge zviuru makumi maviri nezvishanu zvavanhu zvinofa zuva riri rose nokuishandisa kwazvo.” Magamuchidzanwa akashatiswa mumudzimu anotova nengozi zvikuru.
Une ushingi hwokusununguka pazvinodavirwa zvamagamuchidzanwa aungave wakatevera kwamakore akawanda kana kukabvumikisa kuti anorwisana nezvokwadi here? Teerera nyevero. Zvidzivirire umene nemhuri yako kupfurikidza nokuva nechokwadi chokuti magamuchidzanwa ako anotsinhirana neShoko raMwari rakachena rezvokwadi.—Pisarema 19:8-11; Zvirevo 14:15; Mabasa 17:11.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Kurangarira muMagwaro nokuda kwechibvumikiso chokuti dzidziso dzakadaro hadzina hwaro huri muBhaibheri. Iri bhuku rinoburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 7]
Shoko raMwari rezvokwadi rakafanana nerwizi rwemvura yakachena, isina kushatiswa