Gamuchidzanwa Rinofanira Kurwisana Nezvokwadi Here?
MARTIN LUTHER akanga achipwiswa kuti akanga akarurama. Bhaibheri, aidavira kudaro, raimutsigira. Nyanzvi yemitumbi yomudenga yokuPoland Copernicus, pane rumwe rutivi, akafunga kuti chaidavirwa chegamuchidzanwa chezuva racho chakanga chisina kururama.
Rudaviro rwei? Rwokuti pasi rakanga riri iro nzvimbo yapakati yechisiko uye kuti chinhu chiri chose chairitenderera. Zvokwadi, iyo Copernicus akataura, yakanga iri yokuti pasi rimene raitenderera kupota zuva. Luther akaramba ikoku, achiti: “Vanhu vanoteerera kunyanzvi yenyeredzi ichangotanga iyo inovavarira kuratidza kuti pasi rinotenderera, kwete matenga kana kuti denga, zuva nemwedzi.”—History of Western Philosophy.
ZVINODAVIRWA zvegamuchidzanwa zvakarwisana kazhinji kazhinji namaidi, nezvokwadi. Anotogona kuparira vanhu kuita zvinhu zvinokuvadza.
Ikoku hakurevi, chokwadika, kuti rudzidziso nguva dzose runorwisana nezvokwadi. Kutaura idi, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vomuzuva rake kuti varambe vachitevera magamuchidzanwa ayo akanga avapa: “Zvino, ndinokurumbidzai, nokuti . . . mu[no]chengeta [magamuchidzanwa, NW], sezvandakakupai i[w]o.”—1 VaKorinte 11:2; onawo 2 VaTesaronika 2:15; 3:6.
Pauro akarevei nokuti “magamuchidzanwa”? Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 2, peji 1118, rinoonesa kuti shoko rechiGiriki raakashandisa nokuda kwa“gamuchidzanwa,” pa·raʹdo·sis, rinoreva chimwe chinhu chino“pfuudzwa neshoko romuromo kana kuti nokunyora.” Shoko racho rechiNgezi rinoreva kuti “mashoko, dzidziso, kana kuti miitiro zvakapfuudzwa kubva kuvabereki kuenda kuvana kana kuti izvo yakava nzira yakatangwa yokufunga kana kuti yokuita.”a Nemhaka yokuti magamuchidzanwa ayo Pauro akavagamuchidza akabva kumanyuko akanaka, vaKristu vakaita zvakanaka kuomerera kwaari.
Sezviri pachena, zvisinei, gamuchidzanwa rinogona kuva rechokwadi kana kuti renhema, rakanaka kana kuti rakaipa. Muzivi weBritain Bertrand Russell, somuenzaniso, anorumbidza vanhu vakadai saCopernicus womuzana ramakore rechi16 uyo akanga ane kutendeseka noushingi zvokupanikira zvaidavirwa zvegamuchidzanwa. Vakatanga kumwe “kuzivikanwa kwokuti zvakanga zvadavirwa kubvira panguva yekare zvingangova zvenhema.” Unoonawo here uchenjeri hwokusatevera gamuchidzanwa noupofu?—Enzanisa naMateo 15:1-9, 14.
Ipapoka, zvakadiniko nezvinodavirwa zvorudzidziso netsika? Tingazvifungidzira kuti zvakarurama uye hazvikuvadzi here? Tinogona sei kuziva? Tinofanira kuitei kana tikawana kuti magamuchidzanwa orudzidziso chaizvoizvo anorwisana nezvokwadi? Nyaya inotevera ichanzvera iyi mibvunzo.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Cover: Jean-Leon Heuns © National Geographic
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Universität Leipzig