Singapore Inotsika-tsika Rusununguko Rwokunamata
PAMADEKWANA aFebruary 24, 1995, misha mina muguta reSingapore yakavhozhokerwa namapurisa. Hwerengedzo yavanhu 69 vakasungwa.a Pakati pavo pakanga paine mukadzi ane makore 71 okukura navasikana vaviri vane makore 15 okukura. Nei? Kwakanga kuri nemhaka yechiito choutsotsi kana kuti chokupandukira here? Aiwa. Hapana nomumwe wavo akanga akabatikana muchinhu chipi nechipi chaigona kunyange mupfungwa duku zvikuru kurangarirwa sechine ngozi, chounzenza, kana kuti chinokuvadza nzanga. Havana kupa tyisidziro kumipimo yetsika, chengeteko, uye garikano yevaSingapore biyavo. Bva, pashure pokuongorora misha mina, mapurisa akatora vanhu 69, avo vakanga vaungana kuti vafunde Bhaibheri ndokufarikanya kuungana kwokutandara, kukamba yamapurisa. Ikoko vakachengetwa usiku hwose, vakabvunzurudzwa, vakatorwa mafingapirindi, uye vakatorwa mifananidzo—hungu, vakatyisidzirwa samatsotsiwo zvawo! Mukati meiyi nguva—yakareba samaawa 18 mumamiriro ezvinhu akashata—vakarambidzwa kusvika gweta uye vakatorambidzwa kuridza runhare kuti vaudze mitezo yemhuri kwavaiva. Munhu anogona kufungidzira bedzi kuti chiito chakadaro chechimbichimbi chakatapura sei ava vagari vane rugare, vanoteerera mutemo!
Nhevedzano yechiitiko chacho inoyeuchidza nezvemamiriro ezvinhu mukati mamazuva anotyisa eNazi yeGermany nenhambo youtsinye yechiKomonisiti muSoviet Union neEastern Europe. Handizvo izvo mushanyiwo zvake kuSingapore aizokarira kuwana muguta renyika iroro rakachena zvikuru razvino uno nerakapfuma. Singapore yakavaka mukurumbira sechishamiso chezana ramakore rechi20 chefambiro mberi youpfumi namamiriro enzanga. Ihurumende yakasarudzwa navanhu inozivikanwa ine bumbiro romutemo rinovimbisa vagari vemo vayo kodzero dzavanhu dzinokosha, kubatanidza rusununguko rwokutaura, rudzidziso, uye kuungana.
Bva, avo vakasungwa muna February vakanangwa nemhaka bedzi yokuti vaiva Zvapupu zvaJehovha zvaisangana pamwe chete kuti zvifunde Bhaibheri ndokugoverana ruwadzano rwechiKristu. Kupomerwa kwavo kwakanga kuri “kupinda musangano wesangano risati riri rapamutemo.”
Kutaura idi, Zvapupu zvaJehovha zvakarambirwa zivikanwo yapamutemo muSingapore kubvira muna 1972 apo Ungano yeSingapore yakabviswa pamutemo uye mabhuku, kubatanidza maBhaibheri, zvinobudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society zvakarambidzwa. Hapana mukana wakabvumirwa kudenha fungidziro idzo padziri chiito chacho chakaitwa. Nguva pfupi yapfuura, kuva pamutemo kwouku kusarura kwehurumende kwakadenhwa mumatare eSingapore mumhaka yeZvapupu zvina zvakanga zvawanirwa mhaka muna February 1994 yokuva namabhuku eBhaibheri akarambidzwa. Kukwirira mukurwisana nepomero dzazvo kwakatongwa muna August 1994 uye kwakarambwa nenzira yechimbichimbi. Mutongi Mukuru Yong Pung How weDare Rapamusoro akabudisa murangariro wake mwedzi wakatevera wacho. Aidavira kuti pakanga pasina kuputswa kwerusununguko rworudzidziso uye kuti pomero dzacho dzakaruramiswa pahwaro hwokuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri tyisidziro kuchengeteko yorudzi nemhaka yokuti mitezo yaisazotora rutivi mubasa rehondo. Pana February 17, 1995, Zvapupu zvacho zvina zvakatsvaka mvumo yokukwirira ichi chisarudzo chakaipa kuSingapore Court of Appeal. Kumbiriso yacho yakarambwa.
Ichi chisarudzo chokupedzisira chakatanhamariswa mupepanhau reSingapore rinodzorwa nehurumende. Pasina panikiro ichi chisarudzo chedare nokuzivikanwa kwakavapo somugumisiro kwakafanoratidzira zviitiko zvakatevera. Mukati mevhiki kusungwa kweZvapupu zvacho 69 kwakaitika. Pomerwo dzavana vaizvozvi—vagari vemo veBritain, France, uye Luxembourg—dzakabviswa pashure. Kunyange nokuda kwaivava, zvisinei, chinoitika chacho chaityisa. Mumwe murume akanga agara ndokushanda muSingapore kwamakore akawanda nomudzimai wake. Vakarasikirwa namabasa avo neimba yavo yairendwa uye vakamanikidzwa kuoneka shamwari dzakawanda dzapedyo.
Vanhu vakuru 63 vakasara vakapomerwa kuva vesangano rakarambidzwa, uye vamwe vakapomerwawo kuva namabhuku akarambidzwa. Vanotarisana nemakore asingapfuuri matatu mutorongo kana kuti faindi ye$16 800 kana kuti zvose zviri zviviri. Vasikana vaviri vamakore 15 vakatongwa vakaparadzana mudare ravechiduku.
Hapana Tyisidziro Kuzivikanwo Yorudzi Nechinzwano
Kupota nyika, mudzinopfuura nyika 200 mazvinogara, Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa savanhu vanetsika, vakatendeseka, vanoteerera mutemo. Zvinozivikanwa nokuda kwokuramba kwazvo kwakasimba kutora rutivi murudzi rupi norupi rwechiito chokumukira, chokurwisana nehurumende—chiito chisiri chechiKristu chinogona kuguma nokuva kwazvo zvinodzingwa, kana kuti kutandaniswa. Zvirokwazvo, hurumende yeSingapore haina chinhu chokutya kubva kwazviri. Hazvisi munzira ipi neipi tyisidziro kuchengeteko yorudzi yeSingapore kana kuti pfungwa yezivikanwo yorudzi nechinzwano. (VaRoma 13:1-7) Ikoku kwakataurwa zvakajeka mutsamba yomusi waMarch 21, 1995, yakabva kuna Milton G. Henschel, purezidhendi weWatch Tower Bible and Tract Society, kuMutungamiriri weHurumende Goh Chok Tong weSingapore. Tsamba iyi yakanyorwa zvakare pano nokuda kwokubetserwa kwavaravi vedu.
Vanhu vanoda rusununguko vari mubhizimisi, hurumende, uye vanhuwo zvavo vachave vachitarira nefariro kuti vaone kuti aya mamiriro ezvinhu muSingapore achafamba sei. Hurumende yeSingapore ichaita mutsinhirano nekodzero dzavanhu dzinokosha nekusununguka kwakagamuchirwa nebumbiro romutemo rayo imene uye nzanga yenyika dzakawanda dzamarudzi? Zvirokwazvo, Zvapupu zvaJehovha kupota nyika zvinoitira hanya zvikuru vanamati biyazvo muSingapore. Zvinovayeuka muminyengetero yazvo ndokuyeuka vimbiso inowanwa muBhaibheri, inoti: “Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake.”—Pisarema 37:28.
[Footnotes]
a Mumwedzi yakapfuura kubvira pakasungwa ava 69, zvimwe Zvapupu 11 zvakasungwa ndokupomerwa kuva namabhuku asiri pamutemo.
[Bhokisi riri papeji 30]
March 21, 1995
Goh Chok Tong
Mutungamiriri weHurumende
Istana Annexe
Singapore 0923
Republic of Singapore
Lee Kuan Yew
Gurukota Guru
Hofisi yoMutungamiriri weHurumende
460 Alexandra Road
37-00 PSA Bldg
Singapore 0511
Republic of Singapore
VanaChangamire Vanodiwa:
Imwe nyaya yenguva pfupi yapfuura yeReuters yakabva kuSingapore yomusi waFebruary 25, 1995, yakanga ichikangaidza zvikurusa. Yakashuma kuti misangano yokufunda Bhaibheri yeZvapupu zvaJehovha yakanga yadzongonyedzwa namapurisa uye vanhu 69 vakasungwa. Uyu mushumo wakanangidzira ngwariro yenyika pamamiriro ezvinhu eZvapupu zvaJehovha muSingapore, umo mibato yazvo namabhuku zvave zvakarambidzwa kwamakore anopfuura 20.
Kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei sangano rorudzidziso rinoshanda pachena nedziviriro yakazara yomutemo munyika dzinopfuura 200 richifanira kurambidzwa muSingapore, nyika inotsigira nheyo dzehurumende yakasarudzwa navanhu. Kunotokangaidza zvikuru mukurangarira kuvimbisa kwebumbiro romutemo reSingapore rusununguko rwokunamata nokuda kwavagari vemo vayo.
Zvapupu zvaJehovha hazvina kutongopa tyisidziro ipi neipi kuchengeteko yorudzi kupi nokupi. Zvirokwazvo, munyika yose zvine mukurumbira wokuva zvine rugare, zvinoshanda zvakaoma, zvakarurama mutsika, uye zvinoteerera mutemo—mavara ayo ndine chokwadi chokuti munokurudzira munyika yenyu.
Ndokwechokwdi kuti mukuomerera kwazvo kworumano kumipimo yeBhaibheri yavaKristu, chimiro cheZvapupu zvaJehovha pane dzimwe nguva chakanzwisiswa zvisina kururama kana kuti kukwenengerwa. Asi, zvakanga zvisina kudaro here nomuvambi wechiKristu uyowo akakwenengerwa saanorwisana na“Kesari,” hurumende yezuva rake? Zvapupu zvaJehovha zvinongotevera hazvo muenzaniso waJesu navaKristu vapakuvamba. Zvinoremekedza hurumende uko zvinogara, zvinobhadhara mitero yazvo, uye zvinokurudzira tsika dzakanaka. Vagari vemo vanotungamirirwa nehana uye vagari vakarurama. Zvapupu zvaJehovha hazvina kutongotora rutivi murudzi rwupi norwupi rwokumukira munyika ipi neipi uye ndinogona kukuvimbisai kuti kuvapo kwazvo muSingapore hakupi tyisidziro kufariro dzavanhu venyika yenyu.
Nemhaka yemishumo yenguva pfupi yapfuura yezvinobudisa nhau, matanho anodzvinyirira akaitirwa Zvapupu zvaJehovha muSingapore nehurumende yenyu zvino anozivikanwa zvikuru navose. Inhau yeitiro hanya zvikuru kuvasonganiri vazvo vane mamiriyoni 12 kupota nyika. Ndinokukumbirai kushandisa nzvimbo yenyu yakanaka kupedza mamiriro ezvinhu acho ndokupa Zvapupu zvaJehovha munyika yenyu rusununguko rwokunamata nehana zvinovimbiswa nebumbiro roMutemo.
Ndinodavira kuti kurukurirano yapachokwadi navamiririri veZvapupu zvaJehovha ingabetsera kupedza kusanzwisisa kupi nokupi pamusoro pesangano redu nomubato uye ndingakuvimbisai kuti hurumende yeSingapore haina chokutya kuZvapupu zvaJehovha. Ndingafara kuronga musangano wakadaro.
Ndinotarira mberi kumhinduro yenyu.
Wenyu noruremekedzo,
Milton G. Henschel
Purezidhendi
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 1]
Nik Wheeler/H. Armstrong Roberts