Apo “Kunenge Kusina Mhepo Iri Mhepo Yakarurama”
“APO munhu anenge asingazivi chiteshi chengarava chaari kuenda kwachiri, hapana mhepo iri mhepo yakarurama.” Mashoko aya, anonzi akataurwa nomuzivi weRoma womuzana ramakore rokutanga Lucius Annaeus Seneca, anosimbisa zvokwadi yakazivikanwa kare: Kuti upenyu huve nenhungamiro, nharidzano dzinokosha.
Kazhinji kazhinji, zvisinei, upenyu hauna chinangwa. Vazhinji vanogutswa nokungodzivisa chete matombo nemafungu eupenyu hwezuva nezuva. Vasina nzvimbo inozivikanwa, vanova semafungu ano“sundirwa mberi nemhepo pane imwe nguva ndokusundirwa shure pane inotevera yacho.” (Jakobho 1:6, Phillips) Nokuda kwavanhu vakadaro, “hapana mhepo iri mhepo yakarurama.”
Bhaibheri rinogovera mienzaniso yeavo vaiva nenharidzano, nokudaro vachibatira savanotevedzerwa vavaKristu nhasi. Mosesi “wakatarira mubayiro.” (VaHebheru 11:26) Pauro akanyora, kuti: “Ndinomhanya ndakananga kunharidzano kuita kuti ndiwane mubayiro.” Akakurudzira vatendi biyake “kuva nechimiro chendangariro chimwe chetecho.”—VaFiripi 3:14, 15, Today’s English Version.
Nameso edu akatwiriridzwa pazvipikirwa zveBhaibheri, ngatitevedzere kutenda kwavarume vaiva nenharidzano vakadaro.—Enzanisa naVaHebheru 13:7.