Iwe Unoyeuka Here?
Wakafarikanya kurava zvinyorwa zvazvino uno zveNharireyomurindi here? Kana zvakadaro, uchakuwana kuchifadza kuyeuka zvinotevera:
▫ Zvokwadi yorudzidziso inowanika here?
Jesu Kristu akati: “Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurayi.” (Johane 8:32) Jesu haana kungoonesa bedzi zvokwadi kuti inowanika asi akaratidza kuti kuiwana kunodikanwa mukunamata kwedu Mwari. Akaudza mumwe mukadzi weSamaria, kuti: “Vachanamata Baba mumweya nezvokwadi.” (Johane 4:23)—4/15, peji 5.
▫ Ndiani aiva Robert Estienne, uye akasiya sei mbiri yake?
Robert Estienne akanga ari mudhindi uyo akararama muzana ramakore rechi16. Akatsaurira upenyu hwake kukuburitswa kwaMagwaro Matsvene uye akavavarira kuwana mashoko eBhaibheri sezvakanyorwa pamavambo. Muitiro wake wokukamura rugwaro rweBhaibheri kuva ndima dzine nhamba ndiwo muitiro unoshandiswa kwose kwose nhasi.—4/15, mapeji 10, 14.
▫ Tinobetserwa sei nokurava Bhaibheri zuva nezuva?
Magwaro nguva dzose anova nerevo itsva kwatiri, uye uporofita pamusoro pamazuva okupedzisira hunova hunoorora zvikuru mukurangarira zvatakaona, kunzwa, uye zvatakawana pachedu. Sezvo ruzivo rwedu timene rwokuzviwanira muupenyu rwunokudzwa uye tinogonana nezvinetso, tinonzwisisa zvizere zvikuru zano reBhaibheri. (Zvirevo 4:18)—5/1, peji 14.
▫ Magwaro eBhaibheri anogona sei kuyeukwa?
Sezvaunorava Bhaibheri, tara magwaro anosarudzwa ayo unoda kuyeuka, kana kuti anyore pamakadhi uye isa makadhi aya apo uchaaona zuva nezuva. Sezvaunoedza kudzidza ndima dzacho nomusoro, dzifungisise uye dzishandise. Usaedze kudzidza nomusoro dzakawanda zvikuru panguva imwe chete, zvichida imwe bedzi kana kuti mbiri vhiki imwe neimwe.—5/1, mapeji 16, 17.
▫ Mashokoi ayo Evhangeri yaRuka inawo ayo ari okuwedzera kune ayo akagoverwa navamwe vanyori veEvhangeri?
Nepo akawanda akanyorwa naRuka akafanana neayo ari munhoroondo yaMateo, 59 muzana akasiyana. Ruka akanyora zvishamiso zvitanhatu zvinodudzwa mubhuku rake bedzi, uye akashuma zvakawanda zvinopfuura kaviri zvemienzaniso yaJesu isina kududzwa navamwe vanyori veEvhangeri.—5/15, peji 12.
▫ Kupenyai kwakatanhamara kwechiedza chezvokwadi kwakaziviswa muna 1935?
Gore iroro vanhu vaJehovha vakasvika pakunzwisisa kuti boka guru rinodudzwa pana Zvakazarurwa 7:9, 14 rakanongedzera, kwete kuboka rechipiri rokudenga, asi kuavo vane tariro dziri dzapasi. (Johane 10:16)—5/15, peji 20.
▫ Munzirai dzinoshanda matinogona namo kunyaradza vakafirwa?
Teerera. Govera nyaradzo. Iva anowanika. Tanga pakunenge kwakakodzera. Nyora tsamba inonyaradza kana kuti kadhi. Nyengetera pamwe chete navo. (Jakobho 5:16) Pfuurira kuvabetsera.—6/1, mapeji 13, 14.
▫ Hama nehanzvadzi dzomudzimu dzinogona kuitei kubetsera avo vanogara mumhuri dzakakamukana mune zvorudzidziso kutsungirira?
Nguva dzose taura mashoko anokurudzira, akanaka, uye anonyaradza kwavari. (1 VaTesaronika 5:14) Ikoku kunoshanda sezorodzo kundangariro nemuviri zvavo. Apo kunoshanda uye kwakakodzera, vabatanidze mumibato yako youbati ushe hwaMwari uye youshamwaridzani. Vabatanidze muminyengetero yako. (VaRoma 1:9; VaEfeso 1:16)—6/1, peji 29.
▫ Itusoi dzinobva mukushandisa kushivirira apo tinenge takabatikana muushumiri hwomumunda?
Kushivirira kunobetsera muparidzi woUmambo kutsungirira kusakatara kupi nokupi kana kuti chishoro. Panzvimbo pokuita nharo navanasaimba vakashatirwa, vashumiri vanoshivira vachakwanisa kupa mhinduro nyoro kana kuti kubva chinyararire, nokudaro vachichengeta rugare nomufaro. (Mateo 10:12, 13) Kupfuurirazve, vanhu vakaita samakwai vachakweverwa kushoko roUmambo.—6/15, peji 9.
▫ Nei kuziva zvokwadi yeBhaibheri kuchikosha kwazvo?
Kuziva zvokwadi kunotisunungura munhema, kunyengera, uye kudavira mashura. Apo tinorarama nayo, zvokwadi inotisimbisa kuti titsungirire nhamo uye inotisunda netariro iyo inotigonesa kutsungirira mumiedzo.—7/1, peji 8.
▫ Ibasai guru rakatorwa neungano yechiKristu yakazodzwa kuna Israeri wokunyama?
Ropafadzo yokupupurira ukuru hwaJehovha pakati pamarudzi. (Isaya 43:21; 1 Petro 2:9)—7/1, peji 19.
▫ Chii chinorehwa namashoko omuapostora Petro okuti murume anofanira ku‘kudza’ mudzimai wake?
(1 Petro 3:7) Murume anokudza mudzimai wake haamunyadzisi kana kuti kumuderedza. Panzvimbo pezvo, anoratidzira namashoko ake nezviito zvake—pakavanda uye pachena—kuti anomuremekedza. (Zvirevo 31:10-31)—7/15, peji 19.
▫ Nei kuchigona kutaurwa kuti ndokworudo kutanda muiti wechakaipa asingapfidzi muungano yechiKristu?
Kudzinga kuratidzirwa kwokuda Jehovha nenzira dzake. (Pisarema 97:10) Kunoratidza kuda avo varikutevera nzira yakarurama nemhaka yokuti kunobvisa pakati pavo munhu angagona kushandisa pesvedzero yakashata pavari; ikoku kunodzivirirawo rucheno rweungano. (1 VaKorinte 5:1-13)—7/15, peji 25.
▫ “Muranda wakatendeka, wakangwara,” anotaurwa nezvake naJesu pana Mateo 24:45-47, anogona kuzivikanwa sei nhasi?
Vanozivikanwa zvikurukuru nebasa ravanoita mukugovera zvinyorwa zvakavakirwa muBhaibheri, mukudzidzisa nokuparidza “mashoko akanaka oumambo,” uye nokusanoomerera kwavo kuShoko raMwari, Bhaibheri. (Mateo 24:14; 28:19, 20)—8/1, peji 16.