RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/15 p. 32
  • Yamuro Nokuda Kwavanyajambwa Vasina Mhaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Yamuro Nokuda Kwavanyajambwa Vasina Mhaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/15 p. 32

Yamuro Nokuda Kwavanyajambwa Vasina Mhaka

NDIYO imwe yemhaka dzinosembura zvikurusa dzati dzaparwa nomunhu—chibayiro chavana chetsika. Vamwe havadaviri kuti muitiro wakakomba zvakadaro ungagona kuva wakaitika. Asi ichi chiratidzo chekunamata kweFenikia kwakatsigirwa nezviwanwa zvoruzivo rwokuchera matongo.

Vana vaibva mumhuri dzoumambo vaibairwa mumwoto kuvamwari vakadai saTanit naBaal-Hammon. MuCarthage vanyajambwa vaduku vaipiswa muchibayiro kuchifananidzo chebronze chaKronos. Diodorus Siculus, wezvenhau wezana ramakore rokutanga B.C.E., anotaura kuti hama dzokunyama dzomwana wacho dzaisabvumirwa kuchema. Zvichida kwaidavirwa kuti misodzi yenhamo yaizoderedza ukoshi hwechibayiro chacho.

Kwenguva yakati tsika yakafanana yaiitwa pedyo neJerusarema muTofeti yakare. Vanamati imomo vaitamba ndokurova makandira kuti kuchema kwemwana wacho kusanzwike sezvaaikandwa mudumbu rechoto raMoreki.—Jeremia 7:31.

Jehovha anotsamwira zvikuru avo nenzira isina tsitsi vanoramba kurangarira kurwadziwa kwavamwe. (Enzanisa naZvirevo 21:13.) SaMwari anoratidza tsitsi kuna vana, Jehovha zvirokwazvo achabatanidza vanyajambwa vakadaro vasina mhaka mu“kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.”—Mabasa 24:15; Eksodho 22:22-24.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe