RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/1 pp. 3-4
  • “Zvokwadi Chii?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zvokwadi Chii?”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudenhwa Kwezvokwadi
  • Tsika Yemurangariro Wokuti Zvokwadi Inotsamira Pamunhu
  • Pondiyo Pirato Aive Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kutsvakirei Zvokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kubva Kuna Pirato Kuenda Kuna Herodhe Nokudzokera Zvakare
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Pirato naHerodhi Vanoti Jesu Haana Mhosva
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/1 pp. 3-4

“Zvokwadi Chii?”

VARUME vaviri vakatarisana vakanga vakasiyana zvikuru. Mumwe akanga ari wezvamatongerwo enyika anowanira mhaka, ane gwinyiro, akapfuma, akagadzirira kuita chinhu chipi nechipi kuti afambisire mberi basa rake. Mumwe akanga ari mudzidzisi uyo akaramba pfuma nemukurumbira uye akanga akagadzirira kupa upenyu hwake sechibayiro kuti aponese upenyu hwavamwe. Zvisiri madikanwa kutaura, ava varume vaviri vaisava nomurangariro mumwe chetewo! Panhau imwe zvikurukuru, havana kubvumirana zvachose—nhau yezvokwadi.

Varume vacho vakanga vari Pontio Pirato naJesu Kristu. Jesu akanga amire pamberi paPirato sebhinya rakashurikidzwa. Nemhaka yeiko? Jesu akatsanangura kuti chikonzero chaikoku—zvirokwazvo, chikonzero chimene icho akanga auyira kupasi ndokuita ushumiri hwake—chaiva chinhu chimwe: zvokwadi. “Ndakaberekerwa izvo, ndakauyira izvozvo panyika, kuti ndipupure zvokwadi.”—Johane 18:37.

Mhinduro yaPirato yakanga iri mubvunzo usingakanganwiki, wokuti: “Zvokwadi chinyiko?” (Johane 18:38) Aida mhinduro chaizvoizvo here? Zvimwe kwete. Jesu akanga ari rudzi rwomunhu uyo aigona kupindura mubvunzo upi noupi waaibvunzwa muuchokwadi, asi haana kupindura Pirato. Uye Bhaibheri rinotaura kuti mushure mokubvunza mubvunzo wake, Pirato akabuda pakarepo mukamuri ravateereri. Gavhuna weRoma sezvingabvira akabvunza mubvunzo wacho mukusadavira kwokuwanira mhaka, sokunge kuti, “Zvokwadi? Chii ichocho? Hakuna chinhu chakadaro!”a

Murangariro wokupokana waPirato wezvokwadi hausati uri usingazivikanwi nhasi. Vakawanda vanodavira kuti zvokwadi inotsamira pamunhu—namamwe mashoko, icho chiri chechokwadi kumunhu mumwe chingasava chechokwadi kune mumwe, zvokuti vose vari vaviri vangava “vakarurama.” Urwu rudaviro rwakapararira kwazvo zvokuti kune mashoko nokuda kwarwo—“murangariro wokuti zvokwadi inotsamira pamunhu.” Iyi ndiyo nzira yaunorangarira nayo nhau yezvokwadi here? Kana zvakadaro, kungabvira here kuti wakagamuchira uyu murangariro pasina kuubvunzisisa? Kunyange kana usina, unoziva kuti uhwu uzivi hunotapura zvikuru sei upenyu hwako here?

Kudenhwa Kwezvokwadi

Pontio Pirato akanga asati ari munhu wokutanga kupokana pfungwa yezvokwadi yakakwana. Vamwe vazivi vechiGiriki vakare vakaita chaizvoizvo kudzidziswa kwokupokana kwakadaro basa ravo! Mazana amakore mashanu Pirato asati avapo, Parmenides (uyo akarangarirwa kuva baba wemetaphysics yeEurope) aidavira kuti zivo chaiyo yakanga isingawaniki. Democritus, akagamuchirwa se“mukurusa wevazivi vakare,” akati: “Zvokwadi yakavigwa pakadzama. . . . Zvirokwazvo hatizivi chinhu.” Zvichida anokudzwa zvikurusa wavo vose, Socrates, akataura kuti zvose zvaaiziva chaizvoizvo zvakanga zviri zvokuti aisaziva chinhu.

Uku kudenhwa kwepfungwa yokuti zvokwadi inogona kuzivikanwa kwakapfuurira kusvikira kuzuva redu. Vamwe vazivi, somuenzaniso, vanotaura kuti sezvo zivo ichitisvika kupfurikidza nepfungwa dzedu, idzo dzinogona kunyengedzwa, hapana zivo ingapupurirwa kuva yechokwadi. Muzivi weFrance uye nyanzvi yesvomhu René Descartes akasarudza kunzvera zvinhu zvose zvaaifunga kuti anonyatsoziva. Akarasa zvose kunze kwezvokwadi imwe iyo akafunga kuva isingapokanwi: “Cogito ergo sum,” kana kuti, “Ndinofunga kuti, naizvozvo ndiri.”

Tsika Yemurangariro Wokuti Zvokwadi Inotsamira Pamunhu

Murangariro wokuti zvokwadi inotsamira pamunhu hauna kuganhurirwa kuvazivi. Unodzidziswa navatungamiriri vorudzidziso, unodzidziswa muzvikoro, uye unoparadzirwa nezvinobudisa nhau. Bhishopi weEpisikopari John S. Spong akati makore mashomanene apfuura: “Tinofanira . . . kubva pakufunga kuti tine zvokwadi uye vamwe vanofanira kuva nomurangariro wedu kukuzivikanwa kwokuti zvokwadi chaiyoiyo haigoni kunzwisiswa nesu tose zvedu.” Murangariro waSpong wokuti zvokwadi inotsamira pamunhu, kufanana nouyo wavafundisi vakawanda kwazvo nhasi, ndowokukurumidza kusiya dzidziso dzetsika dzeBhaibheri mukutsigira uzivi hwokuti “mumwe nomumwe ngaazviitire mhedziso yake amene.” Somuenzaniso, munhamburiko yokuita kuti ngochani dzinzwe “dzisingatamburi” muChechi yeEpisikopari, Spong akanyora bhuku raitaura kuti Pauro akanga ari ngochani!

Munyika dzakawanda gadziriro dzechikoro dzinoratidzika kuva dzinotanga rudzi rwakafanana rwokufunga. Allan Bloom akanyora mubhuku rake rinonzi The Closing of the American Mind, kuti: “Kune chinhu chimwe icho purofesa anogona kuva nechokwadi nacho: anenge mudzidzi wose ari kupinda muyunivhesiti anodavira, kana kuti anoti anodavira, kuti zvokwadi inotsamira pamunhu.” Bloom akaona kuti kana akapokana kupwiswa kwavadzidzi vake panhau iyi, vaizokatyamadzwa, “sokunge kuti akanga achipokana kuti 2 + 2 = 4.”

Kufunga kumwe cheteko kunosimudzirwa mudzimwe nzira dzisingaverengeki. Somuenzaniso, vanyori venhau veTV nemapepanhau vanowanzoratidzika kuva vanofarira kuvaraidza vaoni vavo kupfuura kusvika pazvokwadi yenyaya. Zvimwe zvirongwa zvenhau zvakachinjwa kana kuti zvakaita kuratidzwa kwefirimu kwenhema kuti zviratidzike nenzira inoorora zvikuru. Uye muvaraidzo denho huru zvikuru yakaitwa pazvokwadi. Zvinokosha uye zvokwadi dzetsika idzo vabereki uye vanasekuru vedu navanambuya vakararama nazvo zvinorangarirwa zvakafara sezvechinyakare uye zvinotsaurirwa kuruzvidzo rwakananga.

Chokwadika, vamwe vangapokana kuti kwakawanda zvikuru kwokurangarira kwokuti zvokwadi inotsamira pamunhu kunomirira kuzaruka kupfungwa itsva uye naizvozvo kune tapuro yakananga pachaunga chavanhu. Kunyange zvakadaro, kunodaro chaizvoizvo here? Uye zvakadini netapuro yako pauri? Unodavira kuti zvokwadi inotsamira pamunhu kana kuti haipo here? Kana zvakadaro, kuitsvaka kungakushamisa sokupambadzwa kwenguva. Murangariro wakadaro uchatapura nguva yako yemberi.

[Mashoko Omuzasi]

a Mukuwirirana nenyanzvi yeBhaibheri R. C. H. Lenski, “chimiro chenzwi [chaPirato] ndechemunhu wenyika asingakendengi uyo kupfurikidza nomubvunzo wake anovavarira kutaura kuti chinhu chipi nechipi chiri muchimiro chezvokwadi yorudzidziso ifungidziro isingashandi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe