RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 2/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 2/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Ndivanaani vakanga vari vaFiristia vanodudzwa muBhaibheri?

Bhaibheri rinowanzonongedzera kuvanhu vanozivikanwa savaFiristia, avo vaigara muKanani apo vanhu vakare vaMwari vakagara muNyika Yakapikirwa. Kwenguva refu, ava vaFiristia vakare vakashora vanhu vaMwari, sezvinosimbiswa munhoroondo yokurwisana kwaDhavhidhi neshasha hofori yeFiristia yainzi Goriati.—1 Samueri 17:1-3, 23-53.

Bhaibheri rinoratidzira kuti vaFiristia vakare vakatama vachibva Kaftori kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kwemhenderekedzo yegungwa yeKanani. (Jeremia 47:4) Kaftori yakanga iri kupi? The International Standard Bible Encyclopedia (1979) inoti: “Kunyange zvazvo pasina ufakazi hwakakwana hwokugovera mhinduro ine chiremera, mapfundo ounyanzvi azvino uno anonongedzera kuchitsuwa cheKrete (kana kuti zvichida Krete kubatanidza neAegean Isles, izvo nenzira yetsika zviri pamwe chete) zvirokwazvo nzvimbo yokufungidzira zvikuru.”—Vhoriyamu 1, peji 610.

Mutsinhirano naikoku, New World Translation of the Holy Scriptures inorava pana Amosi 9:7, kuti: “‘Hamuna kufanana navanakomana vavaKushi kwandiri here, Haiwa vanakomana vaIsraeri?’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Handina kubudisa Israeri amene kubva munyika yeEgipita, uye vaFiristia kubva Krete, uye Siria kubva Kiri here?’”

Hakusati kuchizivikanwa kuti ndirini apo vanhu vaigara pedyo negungwa vakatama vachibva Krete kuenda kurutivi rweKanani urwo rwakasvika pakudaidzwa kuti Firistia, mhenderekedzo yegungwa iri kumaodzanyemba kwakadziva madokero pakati peJopa neGaza. Vanoratidzika kuve vakanga vatove vari muurwu rutivi rwemipata yakaderera yemhenderekedzo yegungwa mumazuva aAbrahama naIsaka.—Genesi 20:1, 2; 21:32-34; 26:1-18.

VaFiristia vakapfuurira kuva simba rinopesvedzera munharaunda yacho nguva refu pashure pokunge Israeri apinda munyika iyo Mwari akanga avapikira. (Eksodho 13:17; Joshua 13:2; Vatongi 1:18, 19; 3:3, 4; 15:9, 10; 1 Samueri 4:1-11; 7:7-14; 13:19-23; 1 Madzimambo 16:15) Pashure sapakutonga kwamambo waJudha Uzia, vaFiristia vakarambira vari mumaguta avo aGati, Jabne, uye Ashdhodhi. (2 Makoronike 26:6) Mamwe amaguta avo akatanhamara munhoroondo dzeBhaibheri akanga ari Ekroni, Ashkeroni, uye Gaza.

Alexander Mukuru akakurira guta ravaFiristia reGaza, asi pashure penguva yakati, vaFiristia sezviri pachena vakarega kuva vanhu vakaparadzana. Purofesa Lawrence E. Stager akanyora muBiblical Archaeology Review (May/June 1991) kuti: “VaFiristiawo vakatapirwa kuBhabhironi. . . . Hapana chinyorwa chiripo, zvisinei, pamusoro pechakaitika kuvaFiristia vakatapwa. Avo vangave vakarambira muAshkeroni pashure porukundo rwaNebhukadnezari sezviri pachena vakarasikirwa nezivikanwo yavo yorudzi. Vakangonyangarika munhau.”

Zita razvino uno rokuti Palestine rakatorwa mumashoko echiLatin nechiGiriki, ayo anotungamirira shure zvakare kushoko rechiHebheru nokuda kwa“Firistia.” Dzimwe shanduro dzeBhaibheri mumutauro wechiArabhia dzinoshandisa shoko nokuda kwa“vaFiristia” iro rinovhiringidzwa zviri nyore neshoko ravaPalestine vazvino uno. Zvisinei, Today’s Arabic Version inoshandisa shoko rechiArabhia rakasiyana, nokudaro richitsauranisa pakati pavaFiristia vakare navaPalestine vazvino uno.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Matongo paAshkeroni

[Kwazvakatorwa]

Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe