Mano Okuita Zvinhu Chipo Chorupo Chinobva Kuna Mwari
JEHOVHA anofarira mabasa ake okusika. (Pisarema 104:31) Gutsikano huru yaanowana muchiito chokusika inoratidzirwa pana Genesi 1:31, panoti: “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.”
Jehovha haana kuchengeta uyu mufaro kwaari amene. Akapa Jesu ropafadzo yokuva mumiririri, kana kuti chishandiswa, uyo zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa kupfurikidza naye. (Johane 1:3; VaKorose 1:16, 17) Se“mhizha,” Jesu akangawo “achifara pamberi pa[Jehovha] nguva yose.”—Zvirevo 8:30, 31, NW.
Asi mano okuita zvinhu haasi mudenga bedzi. “Anoumbwa mukati morudzi rwomunhu,” anonyora kudaro Eugene Raudsepp mubhuku rake rinonzi How Creative Are You? Ikoku hakusati kuri tsaona, nokuti munhu akaitwa mumufananidzo waMwari. (Genesi 1:26) Jehovha nokudaro akapa rudzi rwomunhu mano okuita zvinhu anogutsa.—Jakobho 1:17.
Nenzira isingashamisi, naizvozvo, Bhaibheri rinotaura zvakanaka zvikuru nezvokuimba, kutamba, kuruka, kubika, umhizha, uye mamwe mabasa okuita zvinhu. (Eksodho 35:25, 26; 1 Samueri 8:13; 18:6, 7; 2 Makoronike 2:13, 14) Bhezareri, mhizha, akashandisa unyanzvi hwake muku“fung[a] mano oumhizha” kuti abetsere mukuvaka tabhernakeri. (Eksodho 31:3, 4) Mufudzi Jabhari angava akanga ari muvambi wetende, chinhu chokugadzira chakakodzera nokuda kwokurarama kwokudzungaira. (Genesi 4:20) Dhavhidhi akanga asati bedzi ari muimbi uye munyori wenziyo, asiwo mugadziri wezviridzwa zvitsva. (2 Makoronike 7:6; Pisarema 7:17; Amosi 6:5) Miriami angava akaronga kutamba kwomufaro uko kwakaitwa mukuchengetwa kwokununurwa kunoshamisa kwavaIsraeri nomuGungwa Dzvuku.—Eksodho 15:20.
Mano okuita zvinhu anowanzova chinhu chinokosha mukutsigira kunamata kwechokwadi. Jesu akatanga kushandisa mienzaniso nezvidzidzo zvinoshanda kupa shoko rake. Vateveri vake nenzira yakafanana vanokurudzirwa ku“shanda zvakaoma mukutaura nomukudzidzisa.” (1 Timotio 5:17, NW) Hungu, basa ravo rokuparidza harisati richingovawo zvaro muitiro. Mano anoda kutanga mitoo yokudzidzisa. (VaKorose 4:6) Ikoku kunokosha zvikurukuru pakudzidzisa vana vako.—Dheuteronomio 6:6, 7; VaEfeso 6:4.
Nokudaro, Jehovha anogoverana navamwe mufaro uyo kusika kunomupa. Chipo chorupo chakadini!