“Handisati Ndatongoona Chinhu Chipi Nechipi Chakafanana Naichochi!”
MUNA 1993 hofisi yeWatch Tower Society muArgentina yakakumbirwa kutumira nhume dzine chiuru kuSantiago, Chile, nokuda kweKokorodzano Yoruwa yo“Kudzidzisa Kwoumwari” yamazuva mana yeZvapupu zvaJehovha. Iyoyi yakanga iri nguva yokutanga kuti Zvapupu zveArgentina zvakanga zvakokwa kuenda seboka guru kukokorodzano yokumwe.a Ndokupi kwaiva kuita kwacho? Kumbiriso dzinopfuura 8 500 dzakadirana, kubva madziri nhume 1 039 dzakasarudzwa.
Hwerengedzo yamabhazi 14 akahayiwa kuita urwu rwendo rwamakiromita 1 400 kubva kuBuenos Aires kuenda kuSantiago. Rwendo rwamaawa 26 rwakavandudzwa nechiono chinoshamisa. Dzichiyambuka Andes Mountains, nhume dzakapfuura pedyo neAconcagua, pamamita 6 960 rutivi rwakakwirira zvikurusa muNyika dzokuMadokero. Anoyeukwa zvikuru akanga ari mawere, anomonereka achipinda muChile. Vachairi vakagamuchira kukuwa kunopfuurira kwomutsa nokuda kwounyanzvi hwavo mukuchaira mabhazi munzvimbo yakaoma zvakadaro!
Chiono chakaisvonaka zvikurusa, zvisinei, chakanga chichiwanika pakokorodzano imene. Munyika yokurwisana kworudzi nokunyanduka kwedzinza, kwakanga kuchizorodza sei kuona boka rakabatana revane 80 000 vaibva kunyika 24 vari muvateereri—zvirokwazvo uhama hwamarudzi ose! Vaona nenzira yakananga chinzwano pakati pavakokorodzani, vamwe vavachairi vamabhazi vakataura fariro mukudzidza zvakawanda pamusoro peZvapupu zvaJehovha. “Handisati ndatongoona chinhu chipi nechipi chakafanana naichochi!” mumwe wavo akakuwa kudaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Ganhuriro dzehurumende muArgentina kubvira muna 1949 kusvikira muna 1982 dzakaita kuti gadziriro yakadaro ive isingabviri.