Upenyu Hunokosha Sei Kwauri?
MUMWE mukomana wechiduku akasvetuka achibva pauriri hwechisere hwefurati achibva afa. Iye akanga arava rimwe bhuku iro rairondedzera kuzviuraya nokusvetuka so“kusina marwadzo kana kuti kunetseka kana kuti rutyo; panzvimbo pezvo, rwakanaka.” Munyori weiri bhuku, rakabudiswa muJapan, akataura kuti akanga achingopa zvake “kuzviuraya sechimwe chezvisarudzo zvoupenyu.”
Vanhu vanozviuraya havasati vari ivo bedzi vanoratidzira kuzvidzwa kwoupenyu nhasi. Vatyairi vasingangwariri vanoratidzawo kuremekedza upenyu kuduku zvikuru. Vamwe vanototyaira vakadhakwa, vakawanda vachimhanya vachidzika nomugwagwa ndokufa.
Vamwe vanoratidza kuti vanokoshesa zvishomanene sei upenyu hwavo kupfurikidza nesimbiso yavanoisa pamufarwa. Vasvuti vanoramba kurega kusvuta, kunyange zvazvo kusvuta kuchigona kuparira rufu uye kwakanzi kuzviuraya kunouya zvishoma nezvishoma. Panzvimbo pokuchengeta rucheno munyika ino inopenga nevatano, vakawanda vanoronda muitiro wokusasarura uyo kazhinji kazhinji unotungamirira kurufu.
Vasingambozivi nezvako, vamwe vanozvinyima vamene makore oupenyu kupfurikidza nokudyisa, kunwisa, kurovedza muviri kusina kukwana, uye kutsvaka mufarwa. Mumwe munyori wechiJapan Shinya Nishimaru akanyevera, kuti: “Tsika dzokudya dzisingadzorwi dzinovhiringidza kushanda kwendangariro, uye kurondwa kwekodzerwo chete nomufarwa kunoparadza simba ravanhu.” Vamwe vanogoverana murangariro waavo vomunguva dzakare vakati: “Ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tinofa.”—Isaya 22:13; 1 VaKorinte 15:32.
Hungu, kuzvidza upenyu kwakapararira nhasi. Nokudaro, kungasanobvunzwa kuti, Upenyu hunokosha sei kwauri? Upenyu hunofanira kuchengetwa pasinei zvapo nechinoitika here? Uye kune chinhu chipi nechipi chinokosha zvikuru kupfuura upenyu hwedu hwazvino here?