Kukurira Satani Namabasa Ake
“Naizvozvo muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiyabhorosi, agokutizai.”—JAKOBHO 4:7.
1. “Maoko avakaipa” akatapura sei rudzi rwomunhu nhasi?
JOBHO nenzira yakarurama akati: “Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa.” (Jobho 9:24) Uye zvino tinotarisana nenguva yakaoma zvikurusa munhau yose yomunhu. Nemhaka yeiko? Nemhaka yokuti aya “mazuva okupedzisira” okudzorwa kwapasi kwoudhemoni naSatani. Hakushamisi kuti, mukukuchidzira kwaSatani, ‘vanhu vakaipa navanyengeri vari kufambira mberi kubva pakuipa kuenda pakuipa zvikuru, vachitsausa nokutsauswa.’ (2 Timotio 3:1, 13) Uyezve, zvitambudzo, kusaruramisira, utsinye, utsotsi, nhamo dzemari, zvirwere zvinopfuurira, marwadzo okukwegura, kuora mwoyo—izvi nezvakawanda zvingatiremera zvikuru.
2. Tingagonana sei nokudenha kwaSatani nhasi?
2 Muvengi mukuru, Satani Dhiyabhorosi, ari kuita denho yakakomba parudzi rwomunhu napavanamati vechokwadi vaMwari zvikurukuru. Nharidzano yake ndeyokuita kuti vachengeti vokuperera vose vanobvira vapandukire Mwari ndokuvaparadza pamwe chete naye nengirozi dzake dzamadhemoni. Tinovimbiswa, kunyanguvezvo, kuti kana tikatsungirira mukuperera, Dhiyabhorosi achatitiza. SaJesu, tinogona ‘kudzidza kuteerera’ Mwari kupfurikidza nezvinhu zvatinotambura, uye nomutsa Wake usakafanirwa, tinogona kuwana upenyu husingaperi.—VaHebheru 5:7, 8; Jakobho 4:7; 1 Petro 5:8-10.
3, 4. (a) Pauro aifanira kurwisana nemiedzoi yokunze? (b) Chii chakanga chiri itiro hanya yaPauro somurume mukuru wechiKristu?
3 Muapostora Pauro akaedzwawo munzira dzakawanda. Achitaura zvipupuriro zvake somushumiri waKristu, iye akanyora, kuti: “Zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuura, pakusungwa patorongo ndinovapfuura, pakurohwa zvikurukuru, parufu kazhinji. Ndakarohwa navaJudha kashanu, shamhu dzina makumi matatu nepfumbamwe. Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa; panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushayiwa zvokufuka.
4 “Kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose. Ndianiko usina simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?” (2 VaKorinte 11:23-29) Nokudaro, Pauro akachengeta kuperera pakutarisana nezvitambudzo nemiedzo zvakabva kunze, uye somurume mukuru wechiKristu, aiitira hanya zvikuru kusimbisa hama nehanzvadzi dzakaneta zvikuru muungano, achidzibetsera kuchengeta kuperera. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini nokuda kwavarume vakuru vechiKristu nhasi!
Kuperera Muchitambudzo
5. Chii chiri mhinduro kuchitambudzo chakananga?
5 Satani anoshandisa mazanoi kuputsa kuperera? Sezvaratidzwa pamusoro apa, rimwe ramatandi aSatani akaipa zvikurusa chitambudzo chakananga, asi pane mhinduro. VaEfeso 6:10, 11 inotipa zano, rokuti: “Ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano [kana kuti, “zviito zvamanomano,” mashoko omuzasi, NW] aDhiyabhorosi.”
6. Kunogona kuratidzwa sei kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabuda zvi“ri vakundi nokupfuurisa”?
6 Kazhinji kazhinji mune ano mazuva okupedzisira, Zvapupu zvaJehovha zvaitofanira kugonana nemiedzo. Nokudaro, tinogona kuti naPauro: “Pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye wakatida.” (VaRoma 8:37) Ikoku kunobvumikiswa nechinyorwa chokuperera cheZvapupu zvaJehovha mumisasa yezvibharo yeGermany, Austria, Poland, uye Yugoslavia mukati menguva yeNazi pakati pa 1933 na 1945, muudzvinyiriri hwechiKomunisiti muEastern Europe pakati pa 1945 na 1989, uye mukati mezvitambudzo zvakatambudza mativi eAfrica neLatin America munguva dzichangobva kupfuura zvikuru.
7. Mienzanisoi inonyandura yokuperera inoshumwa muEtiopia?
7 Zvapupu zvaJehovha muEtiopia zvakagovera muenzaniso unonyandura wokuperera pakati pa 1974 na 1991. Mumwe wavatapi ane ndangariro yezvamatongerwo enyika akaudza hama yakaiswa mutorongo, kuti: “Zviri nani kusunungura shumba kubva madzinochengeterwa kupfuura kurega imi vanhu muchisunungukazve!” Vatambudzi ivava vane utsinye vakarwadzisa vabatiri vaJehovha, uye pashure pamakore akati dare rokukwirira rakarayira kuurawa. Mutumbi wehama imwe wakaratidzirwa pachena somuenzaniso unonyevera. Dzimwe hama idzo dzakakwirira kutongerwa rufu dzakasunungurwa nedare rine mutsa zvikuru, uye vamwe vaivava ‘vakundi’ vakatendeka vaiva nezvikamu papurogiramu pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa muAddis Ababa mukuvamba kwa 1994.a—Johane 16:33; enzanisa na 1 VaKorinte 4:9.
8. Satani akaedza sei kushandisa “kuuraya dzinza”?
8 Satani akakundikana kuputsa kuperera kwehama nehanzvadzi dzakavimbika dzakadaro kupfurikidza nokudenha kwakananga. Naizvozvo, mamwe mazano api amanomano aanoshandisa? Zvakazarurwa 12:12 inoti nezveano mazuva okupedzisira: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” Akundikana kuparadza vanhu vaMwari vakavimbika nezvitambudzo, mukutsamwa kwake anoedza kuponda vagari vemo vose, pasina kupokana aine murangariro wokuparadza vanhu vaJehovha pamwe chete navasara vose. Nokudaro kunonzi kuuraya dzinza kwakaitwa muna mativi eyaichimbova Yugoslavia, uye kuparadza marudzi kwakaedzwa muLiberia, Burundi, uye Rwanda.
9. Neiko mazano aSatani achiwanzokundikana? Ipa mienzaniso.
9 Kazhinji kazhinji, kunyanguvezvo, mazano aSatani anomuipira, nokuti kutambudza kwousatani kunomutsa vanhu vane mwoyo yakatendeseka kukuziva kuti tariro yavo bedzi yakavakirwa muUmambo hwaMwari, hunoziviswa nokushingaira neZvapupu zvaJehovha. (Mateo 12:21) Zvirokwazvo, vanhu vanofarira vanodirana kuUmambo! Somuenzaniso, muBosnia neHerzegovina dzasakadzwa nehondo, pakuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaJesu, pana March 26, 1994, 1 307 vakapinda, 291 kupfuura mugore rapfuura. Vapindi vapamusoro vakanyorwa muSarajevo (414), Zenica (223), Tuzla (339), Banja Luka (225), uye mamwe mataundi. MuCroatia yakavakidzana makanga mune vapindi vatsva vapamusoro vane 8 326. Masimba masimba aiitika makavapoteredza haana kudzivisa Zvapupu zvaJehovha zviri munyika idzodzo kuteerera murayiro woku“paridza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaKorinte 11:26.
MuRwanda Yasakadzwa Nehondo
10, 11. (a) Chii chakaitika muinonzi Rwanda yechiKristu? (b) Vafundisi vakatendeka vakatii vamene?
10 Muna 1993, Rwanda, ine vaparidzi voUmambo 2 080, yakava ne 4 075 vakapinda “Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa, uye 230 vakabhapatidzwa. Vaivava, 142 nokukurumidza vakakumbira basa roupiyona hwebetsero. Fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzaiitiswa dzakawedzera kusvika 7 655 muna 1994—sezviri pachena vakawanda zvikuru zvokusafarirwa naSatani! Kunyange zvazvo voruzhinji zvikuru vavanhuwo zvavo vachitaura kuva vechiKristu, kupondana kwamadzinza kwakatangwa. L’Osservatore Romano yeVatican yakabvuma, kuti: “Uku kuparadza rudzi kwachose chose, uko sezvineiwo kunyange vaKaturike vane mhaka yako.” Inofungidzirwa kuva hafu yemiriyoni yavarume, vakadzi, uye vana yakafa, uye anenge mamiriyoni maviri akaitwa asina misha kana kuti akamanikidzirwa kutiza. Zvichichengeta kusatora rutivi kwazvo kwechiKristu kusina masimba masimba, Zvapupu zvaJehovha zvakaedza kugara pamwe chete. Mazana ehama dzedu nehanzvadzi akaurawa. Asi muungano imwe yavaparidzi voUmambo 65, umo 13 vakaurawa, kupinda misangano kwakawedzera kusvikira ku 170 pakasvika August 1994. Migove yeyamuro yakabva kuZvapupu zviri mune dzimwe nyika yakanga iri pakati peyokutanga kusvika. Minyengetero yedu inokwira nokuda kwavakapukunyuka.—VaRoma 12:12; 2 VaTesaronika 3:1, 2; VaHebheru 10:23-25.
11 Pakati pokutyisa kwose, vafundisi vatatu avo vaiva muRwanda vakapukunyuka. Ivo vanonyora, kuti: “Tinoziva kuti hama dzedu munyika yose dzaitofanira kutarisana namamiriro ezvinhu akafanana kana kuti akaipa zvikuru, uye tinoziva kuti kwose rutivi rwechiratidzo chamazuva okupedzisira etsika ino yakaipa. Zvisinei, apo munhu anobatanidzwa somunhu oga, kunomuita azive uchokwadi hwezvinhu ndokuita kuti munhu anzwisise kuti upenyu hunokosha sei. Magwaro akati akava nerevo itsva nokuda kwedu, uye tinokarira nguva apo zvinhu zvokutanga zvisati zvichizorangarirwazve. Munguva ino tinoda kuramba takabatikana mubasa raJehovha.”
Vachengeti Vokuperera Vaduku
12, 13. (a) Wechiduku akatora nzirai yokuchengeta kuperera? (b) Pwere dzedu dzingawana kurudziro kupi nhasi?
12 Jesu akaratidzira kuti avo vanorambwa nemitezo yemhuri nemhaka yezvokwadi vachatuswa “zvine zana.” (Marko 10:29, 30) Ikoku kwakanga kuri kwechokwadi naEntellia, musikana ana makore gumi okukura muAfrica yokuchamhembe, uyo akada zita raMwari—Jehovha—nokukurumidza paakarinzwa. Akafunda neZvapupu zvaJehovha uye aifamba maminiti 90 kuenda chete kumisangano, kunyange zvazvo mhuri yake yaishora kazhinji kazhinji yaimupfigira kunze kwomusha pakudzoka kwake. Pazera ramakore 13, akatanga kuparidza paimba neimba, uye chishoro chemhuri chakakura. Rimwe zuva hama dzokunyama dzakamusunga maoko ake namakumbo ndokumurarisa pazuva rinogocha kwamaawa manomwe, panhambo nenhambo vachimudira mvura ine tsvina. Vakamurova zvinotyisa, vachitushura rimwe ramaziso ake, uye pakupedzisira vakamudzinga pamba pake. Zvisinei, akawana basa mune chimwe chipatara uye pakugumisira akakwanirisa somukoti. Pazera ramakore 20 akabhapatidzwa uye akanyoresa nokukurumidza sapiyona webetsero. Yaororwa nokuperera kwake, mhuri yake yakamugamuchira mumusha mayo, uye vapfumbamwe vavo vakabvuma fundo dzeBhaibheri dzapamusha.
13 Entellia akawana kurudziro huru muPisarema 116, zvikurukuru Pis 116 ndima 1-4, idzo akarava aravazve: “Ndinoda Jehovha, nokuti unonzwa inzwi rangu nokukumbira kwangu. Zvaakarereka nzeve yake kwandiri, ndichadana kwaari mazuva angu ose. Misungo yorufu yakandikomba, kurwadziwa kweSheori kwakandibata; ndakawana kutambudzika nokuchema. Ipapo ndakadana zita raJehovha; haiwa Jehovha, ndinonyengetera kuti murwire mweya wangu.” Jehovha anopindura minyengetero yakadaro!
14. Zvapupu zvechiPolish zvakaratidza sei kuperera kwakatanhamara?
14 Somuzuva raJesu, Satani kazhinji kazhinji akashandisa kunyanyisa kworudzidziso kufuridzira murazvo wechitambudzo—asi pasina budiriro. Wakatanhamara muenzaniso wehama dzedu muPoland, sezvakarondedzerwa mu 1994 Year Book of Jehovah’s Witnesses. Kunyange vaduku vakadikanirwa kuti vazvibvumikise vamene kuva vachengeti vokuperera. Muna 1946 mumwe akadaro akanga ari mumwe musikana ane makore 15 okukura uyo akaudzwa, kuti: “Ingoita chete chiratidzo cheKaturike chechipiyaniso. Ukasadaro bara rakakumirira!” Achichengeta kuperera, akakweverwa musango, akatambudzwa zvakaipa zvikuru, uye akapfurwa.—Enzanisa naMateo 4:9, 10.
Mamwe Mazano Amanomano aSatani
15, 16. (a) Chii chiri muitiro waSatani woudhemoni, uye tingamudzivisa sei? (b) Neiko pasina dikanwo yokuti vaduku vedu vagumburwe?
15 Muitiro waSatani woudhemoni zvirokwazvo ndowokuti “tonga kana kuti paradza”! Ane zvombo zvakawanda zvoutsinye mudura rake rezvombo. Hakushamisi, ipapo, kuti muapostora Pauro anonyevera, kuti: “Hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navane simba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.” (VaEfeso 6:12, 13) Zvishuvo zvokudisa zvokunyama, varaidzo yakashata namashoko anoparadzirwa, nziyo dzousatani, dzvinyiriro yavaenzani kuchikoro, kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, uye udhakwa—chipi nechipi chaizvozvi chinogona kuparadza upenyu hwedu. Nokudaro, muapostora anopfuurira kupa zano, kuti: “Pamusoro paizvozvi makatora nhoo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomwoto yowakaipa.”—VaEfeso 6:16.
16 Ikoku kunoratidzika kuva zvikurukuru kuri madikanwa nhasi mukurangarira nziyo dzoupengo idzo Satani ari kuzadza nadzo nyika ino. Mune zvimwe zviitiko pane batano yakananga nokunamata Satani. Mushumo wakabva kuhofisi yomukuru mukuru weSan Diego County (U.S.A.) wakati: “Takava nekonzati muno umo bhendi raiva navana 15 000 vachidanidzira, kuti ‘Nitasa’—ndiko kuti, Satani akapereterwa zvichidzoka shure.” Kunamata Satani kwakarondedzerwa somwena mauri vayaruki vanogumburwa “nemhaka yokuti vave vachidzungaira vapererwa nezano, vakashatirwa uye vari voga.” Imi vaduku muri muungano yechiKristu, hapana dikanwo yokuti mugumburwe! Jehovha anokugoverai chidzitiro chomudzimu icho mapfumo aSatani asati achizotongoboora.—Pisarema 16:8, 9.
17. Kuora mwoyo kungakurirwa sei?
17 Zvombo zvinokandwa zvinopisa zvousatani zvakagadzirirwa kushandisa mirangariro. Kupfurikidza nedzvinyiriro dzoupenyu, dzakadai sokurwara kwomuviri kana kuti mamiriro ezvinhu okuora mwoyo kukuru, muvengi wedu angaparira vamwe kuva nomurangariro wokusava namaturo. Munhu angaodzwa mwoyo nemhaka yokusakwanisa kupedza maawa akawanda mubasa raMwari kana kuti nemhaka yokupotsa mimwe yemisangano yeungano. Kutarisira kworudo kunoitwa navakuru nedzimwe hama nehanzvadzi dzine mwoyo ine mutsa kungabetsera mukukurira kuvadziko dzakaoma. Nguva dzose yeuka kuti Jehovha anoda vabatiri vake vakatendeka. (1 Johane 4:16, 19) Pisarema 55:22 rinoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.”
18. Vamwe vanofanira kurwisana namazanoi ousatani?
18 “Mazano” amanomano aSatani misi ichangobva kupfuura iyi akaoneka muchimwezve chimiro. Mune dzimwe nyika vanhu vakuru vakawanda vakatambura mifungo inovhozhokera inovapa murangariro mukuru wokuti pavaiveri vana vakabatwa nenzira isakafanira noutsinye nevezvitendero zvousatani. Pfungwa dzakadaro dzinobva kupi? Pasinei zvapo nokunzvera kukuru, mirangariro yenyanzvi dzenyika inosiyana zvikuru. Dzimwe dzinorangarira mifungo yakadaro seyeuko chaidzoidzo, dzimwe sefungidziro—zvichida dzinoparirwa nokurapa kunopokanwa—uye dzimwe zvakare sorudzi rwakati rwokuona zvinhu zvisipo zvinoparirwa nekuvadziko yakati youhwana.
19. (a) Jobho aifanira kurwisana nemifungoi? (b) Vakuru vangatevera sei muenzaniso waErihu?
19 Ndokwefariro kuti mubatiri waMwari Jobho aifanira kurwisana ne“ndangariro” idzo Satani akapa kupfurikidza naErifazi naZofari. (Jobho 4:13-18; 20:2, 3) Nokudaro Jobho akatambura “kutambudzika,” kwakaguma nokupinda kwake mu“mashoko a[ke] aiva okuvhurumuka” pamusoro pe“zvinotyisa” zvaitambudza ndangariro yake. (Jobho 6:2-4; 30:15, 16) Erihu akateerera chinyararire kuna Jobho uye akamubetsera zvapachokwadi kuona murangariro waJehovha wokuchenjera kwose wezvinhu. Nenzira yakafanana nhasi, vakuru vanonzwisisa vanoratidza kuti vanoitira hanya vanhu vanotambudzika kupfurikidza nokusawedzera ku“remedz[a]” vanhu vakadaro. Panzvimbo pezvo, saErihu, nenzira yokushivira vanovateerera uye ipapo kuzora mafuta anorapa eShoko raMwari. (Jobho 33:1-3, 7; Jakobho 5:13-15) Nokudaro upi noupi ane mirangariro inokanganiswa nekuvadziko, chaiyoiyo kana kuti inofungidzirwa, kana kuti ano“vhundus[w]a nokurota, . . . nezva[a]noona” sezvakanga zvakaita Jobho, angawana nyaradzo yapaMagwaro inorapa mukati meungano.—Jobho 7:14; Jakobho 4:7.
20. VaKristu vanotambudzika vangabetserwa sei kuchengeta dzikamo yavo yomudzimu?
20 Panguva ino muKristu anogona kuva nechokwadi chokuti, munzira imwe kana kuti yakati, Satani ari kutsigira iyi mifungo yakaipa. Kana vamwe vari muungano vakatambura mune iyi nzira, vakachenjera kuona mirangariro inotyisa yendangariro sokuedza kwakananga kunoitwa naSatani kuti akanganise dzikamo yavo yomudzimu. Ivo vanoda kushivira nokunzwisisa tsigiro yaMagwaro. Kupfurikidza nokutendeukira kuna Jehovha nomunyengetero uye kupfurikidza nokubetserwa nokufudza kwomudzimu, avo vari kutambura nhamo vachazviyamura vamene nesimba rinopfuura renguva dzose. (Isaya 32:2; 2 VaKorinte 4:7, 8) Nokudaro vachakwanisa kutsungirira nokutendeka ndokuramba kubvumira mifungo yakaipa inovhozhokera kuti itapure rugare rweungano. (Jakobho 3:17, 18) Hungu, vachakwanisa kushora Dhiyabhorosi, vachiratidza mudzimu mumwe cheteyo uyo Jesu akaratidza apo akati: “Ibva, Satani.”—Mateo 4:10; Jakobho 4:7.
21. Magwaro anonyevera sei nzira dzokunyengera dzaSatani?
21 Tinoziva kuti vavariro yaSatani ndeyokuti zvimwe ashatise ndangariro dzedu, sezvakanyevera muapostora Pauro pana 2 VaKorinte 11:3, kuti: “Ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Evha namano ayo, zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomwoyo kuri kuna Kristu.” Kuparadzwa kwazvino uno kwenyama yose, kana kuti chaunga chavanhu chakaparadzaniswa naMwari, kunotiyeuchidza nezvoushati hwakaparirwa na“Vawisi” vakaipa navane masimba masimba vomubatanidzwa vomuzuva raNoa. (Genesi 6:4, 12, 13, NW mashoko omuzasi; Ruka 17:26) Hakushamisi, naizvozvo, kuti Satani anotendeukira kuzviito zvamanomano nemitoo yokunyengera kuti aratidzire hasha dzake, zvikurukuru kurwisana navanhu vaMwari.—1 Petro 5:8; Zvakazarurwa 12:17.
22. Satani asisatinetsezve, zvikomboreroi zvingakarirwa?
22 Satani haatombodudzwi mumaganhuro okugumisira ebhuku reBhaibheri raJobho. Denho yake yakaipa yokuti vanhu havagoni kuchengeta kuperera kuna Mwari yakanga yabvumikiswa kuva yenhema nokuperera kwaJobho. Nenzira yakafanana, munguva yemberi iri pedyo apo “vazhinji-zhinji” vavachengeti vokuperera “vanobva kukutambudzika kukuru,” kuchava nokuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani. Varume navakadzi vokutenda, kubatanidza Jobho akatendeka, vachakumbanira “vazhinji-zhinji” ivavo, kuti vafarikanye zvikomborero zveparadhiso, zvinotopfuura zvikuru izvo zvakatusa Jobho!—Zvakazarurwa 7:9-17; 20:1-3, 11-13; Jobho 14:13.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, peji 177.
Mibvunzo Mukuhwirudzura
◻ Jobho, Jesu, uye Pauro vakagadza mienzanisoi yakaisvonaka yokuperera?
◻ Vachengeti vokuperera vakatarisana sei naSatani?
◻ Pwere dzingadzivisa sei mazano amanomano aSatani?
◻ Chii chinogona kuitwa kugonana namanomano ouSatani?
[Mufananidzo uri papeji 7]
MuEtiopia, Meswat naYoalan zvino vanobatira Jehovha nguva yakazara pashure pomuenzaniso wababa vavo, avo vakaurawa
[Mufananidzo uri papeji 7]
Entellia, muchengeti wokuperera muduku muAfrica yokuchamhembe