RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 1/1 pp. 3-4
  • Chengeta Kuperera Urarame!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeta Kuperera Urarame!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Wakaperera Kuna Mwari!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Tichafamba Nokuperera Kwedu!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Jobho Akarumbidza Zita raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • “Handizosiyi Kuperera Kwangu Kuna Mwari!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 1/1 pp. 3-4

Chengeta Kuperera Urarame!

“SHORA Mwari, ufe hako.” Butiro ramagazini yedu rinoratidzira mudzimai waJobho, uyo akamudenha namashoko iwayo. Iwayo akanga ari makore 3 600 apfuura. Bva kutuka ikoko pamubatiri akatendeka waMwari kunosimbisa nhau yakatarisana norudzi rwomunhu kusvikira kuzuva rino. Jobho akatendeka akanga atambura kurasikirwa kunotyisa—zvipfuwo zvake, musha wake, vana vake gumi. Zvino muviri wake wakanga uchirwadziswa nehosha inopfuurira kwenguva refu, ichimuedza zvikurusa. Chikonzero chacho? Muvengi mukuru waMwari nomunhu, Satani Dhiyabhorosi, akanga achironda denho yokuti munhu haagoni kuchengeta kuperera kuna Mwari achiedzwa zvakakomba.—Jobho 1:11, 12; 2:4, 5, 9, 10.

Nhasi, somuzuva raJobho, “nyika yose igere muna iye wakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. (1 Johane 5:19) Zvirokwazvo, ikoko kunotova kwechokwadi zvikuru nhasi, nokuti zvino “anonzi Dhiyabhorosi naSatani, uyo ari kutsausa pasi rose rinogarwa,” akabudiswa mumatenga achidzika kupasi rino. (Zvakazarurwa 12:9, NW) Ikoku kunotsanangura nhamo dzakakomba dzinotambudza rudzi rwomunhu munguva yedu. Hondo yokutanga yenyika, ichitanga muna 1914, yakaratidzira “mavambo amarwadzo enhamo” ayo akapfuurira kupinda chaizvo muzana rino ramakore rechi 20.—Mateo 24:7, 8, NW.

Munyika ino ine utsinye, yakaipa, unombonzwa here kuti wasvika pamugumo wetsungiriro yomunhu? Unomboshamisika here kuti, ‘Kuupenyu kune chinangwa chipi nechipi here?’ Jobho angave akarangarira nenzira iyoyo, asi haana kutongorasikirwa nokutenda Mwari, kunyange zvazvo akaita zvikanganiso. Iye akataura kutsunga kwake muaya mashoko: “Kusvikira parufu rwangu handingarashi [kuperera, NW] kwangu.” Iye aiva nechivimbo chokuti Mwari aizo‘svika pakuziva kuperera kwake.’—Jobho 27:5; 31:6.

Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari amene, aifanirawo kutsungirira miedzo ari pano pasi. Satani akadenha Jesu munzira dzakasiyana-siyana. Iye akashandisa zvinodikanwa zvokunyama zvaJesu ndokuedza kuvimba Kwake neShoko raMwari, sapagomo paakaedzwa. (Mateo 4:1-11) Iye akanetsa Jesu kupfurikidza nokuita kuti vanyori navaFarise vakaramba kutenda navanyengedzwi vavo vamutambudze, vamupomere kutuka Mwari, uye varangane kumuuraya. (Ruka 5:21; Johane 5:16-18; 10:36-39; 11:57) Vakaita zvakaipa zvikuru kuna Jesu kupfuura zvakaita vanyaradzi vatatu venhema kuna Jobho.—Jobho 16:2; 19:1, 2.

Mubindu reGetsemani, sezvo Jesu akasvika mugumo wouku kuedza, akaudza vadzidzi vake, kuti: “Mweya wangu une shungu kwazvo, kusvikira pakufa.” Ipapo, “akawira pasi nechiso chake, akanyengetera, achiti: Baba vangu, kana zvichibvira, mukombe uyu ngaupfuure kwandiri; kunyange zvakadaro kurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.” Pakupedzisira, ari padanda rokutambudzira, mukuzadzikwa kwamashoko ouporofita ePisarema 22:1, Jesu akadanidzira, kuti: “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?” Asi pakupedzisira Mwari haana kusiya Jesu nemhaka yokuti Jesu akachengeta kuperera kwakakwana kwaAri, achigovera muenzaniso wokuti vaKristu vose vechokwadi vatevere. Jehovha akatusa kuchengeta kuperera kwaJesu kupfurikidza nokumumutsa nokumukwidza kumatenga marefu zvikurusa. (Mateo 26:38, 39; 27:46; Mabasa 2:32-36; 5:30; 1 Petro 2:21) Mwari achatusa vamwe vose vanochengeta kuperera zvakafanana kwaari.

Kuperera kwaJesu hakuna kungopa bedzi mhinduro yakakwana kudenho yaSatani asi chibayiro choupenyu hwake hwakakwana hwomunhu chakagovera rudzikinuro, icho vanhu vanochengeta kuperera vangawana upenyu husingaperi pahwaro hwacho. (Mateo 20:28) Kutanga, Jesu anounganidza “kapoka kaduku” kakazodzwa avo vanova vadyi venhaka naye muUmambo hwamatenga. (Ruka 12:32) Pashure paikoku, “boka guru” rinounganidzwa kuti ripukunyuke “dambudziko guru,” vachibuda mariri kuti vagare nhaka upenyu husingaperi munzvimbo yoUmambo hwaMwari pasi pano.—Zvakazarurwa 7:9, 14-17, NW.

Jobho akachengeta kuperera achava pakati pamabhiriyoni avakafa avo panguva iyeyo vachamutswa kuti vave rutivi rwechaunga ichocho chine rugare che“pasi idzva.” (2 Petro 3:13, NW; Johane 5:28, 29) Sezvinoratidzirwa pabutiro reseri remagazini yedu, kuperera kwakatuswa muzuva raJobho apo Jehovha “akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.” Akanga awana simba romudzimu somunhu asi“na kutadza nomuromo wake.” Mwari akarebesa upenyu hwake namakore 140 okuwedzera. Mune zvokunyama, akapa Jobho zvakapetwa ruviri zveizvo zvose zvaakanga anazvo kare, uye Jobho “akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu,” vanasikana vacho vachirangarirwa kuva vakanaka zvikurusa munyika yose. (Jobho 2:10; 42:12-17) Asi budiriro yose iyoyi yaingova bedzi kudeya kuravirwa kwezvikomborero izvo vachengeti vokuperera vachafarikanya muParadhiso ye“pasi idzva.” Iwewo unogona kugoverana mumufaro iwoyo, seizvo mapeji anotevera achatsanangura!

[Mufananidzo uri papeji 4]

Jesu akagadza muenzaniso wakakwana somuchengeti wokuperera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe