RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 11/1 pp. 4-8
  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutanga Kwokutambura Kwavanhu
  • Mhinduro Yokuchenjera yaMwari
  • Chiizve Chakabvumikiswa?
  • Nei Mwari Achibvumidza Kutambura?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Nei Zvakaipa Zvichiripo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Chirevo Chinobatanidza Iwe
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Seiko Panyika Pachiitika Zvakaipa Uye Vanhu Vachitambura?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 11/1 pp. 4-8

Kutambura Kwavanhu—Nei Mwari Achikubvumidza?

PAKUTANGA kwenhau yomunhu, pakanga pasimborina misodzi yorusuruvaro kana kuti yamarwadzo. Kutambura kwavanhu kwakanga kusipo. Rudzi rwomunhu rwakapiwa mavambo akakwana. “Mwari akaona zvose zvaakaita, onei zvakanaka kwazvo.”—Genesi 1:31.

Asi vamwe vanoramba vachiti, ‘Nhau yaAdhama naEvha mubindu reEdheni inongova zvayo ngano.’ Nenzira inosuruvarisa, vafundisi vakawanda vechiKristudhomu vanotaura ikoku. Zvisinei, chiremera chikuru Jesu Kristu amene chakasimbisa sezvenhau zviitiko zvomuEdheni. (Mateo 19:4-6) Kupfuurirazve, nzira bedzi yokunzwisisa nayo chikonzero nei Mwari akabvumidza kutambura kwavanhu kunzvera izvi zviitiko zvenhau yapakuvamba yomunhu.

Murume wokutanga, Adhama, akapiwa basa rinogutsa rokutarisira bindu reEdheni. Uyewo, Mwari akaisa pamberi pake nharidzano yokukudza musha wake weEdheni kuva bindu rapasi rose romufarwa. (Genesi 1:28; 2:15) Kuti abetsere Adhama kuita iri basa guru, Mwari akamugovera mukwanyina womuchato, Evha, uye akavaudza kubereka ndokuwanda nokudzora pasi. Bva chimwe chinhuwo zvacho chaidikanwa kuva nechokwadi chebudiriro yechinangwa chaMwari chapasi norudzi rwomunhu. Zvaakaitwa mumufananidzo Mwari, munhu aiva norusununguko rwokusarudza chaaida; nokudaro, kwakanga kuri madikanwa kuti kuda kwomunhu hakusati kwaizotongobonderana nokwaMwari. Kudai kwaizodaro, kwaizova nenyongano muchisiko chose, uye chinangwa chaMwari chokuzadza pasi nemhuri yavanhu ine rugare hachisati chaizoitwa.

Kuzviisa pasi pokutonga kwaMwari kwaisaitika kwoga. Kwaifanira kuva ratidzirwo yorudo yorusununguko rwomunhu rwokusarudza chaaida. Somuenzaniso, tinorava kuti apo Jesu Kristu akatarisana nomuedzo wakakomba, akanyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.”—Ruka 22:42.

Nenzira yakafanana, kwakanga kuri kuna Adhama naEvha kubvumikisa kana vaida kuzviisa pasi pokutonga kwaMwari. Neichi chinangwa, Jehovha Mwari akaronga muedzo wakapfava. Mumwe wemiti yomuEdheni wainzi “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” Wakamirira maruramiro aMwari okusarudza mipimo yomufambiro wakarurama. Mumutauro wakajeka, Mwari akarambidza kudyiwa kwomuchero womuuyu muti wakati. Kudai Adhama naEvha vaisazoteerera, kwaizoguma norufu rwavo.—Genesi 2:9, 16, 17.

Kutanga Kwokutambura Kwavanhu

Rimwe zuva mumwe mwanakomana womudzimu waMwari akarangarira kupokana nenzira yaMwari yokutonga. Achishandisa nyoka somutauriri, iye akabvunza Evha, kuti: “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” (Genesi 3:1) Nokudaro mbeu yokupokana yakasimwa mundangariro yaEvha pamusoro pokuti nzira yaMwari yokutonga yakanga yakarurama here.a Mumhinduro Evha akapa mhinduro yakarurama, iyo akanga adzidza kumurume wake. Zvisinei, chisikwa chomudzimu ipapo chakapokanidza Mwari ndokureva nhema pamusoro pemigumisiro yokusateerera, chichiti: “Hamungafi zvirokwazvo; nokuti Mwari unoziva kuti nomusi wamunozvidya nawo, meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Genesi 3:4, 5.

Nenzira inosuruvarisa, Evha akanyengedzwa kuti afunge kuti kusateerera kwaizoguma, kwete nokutambura kwavanhu, asi noupenyu huri nani. Sezvo akatarira zvikuru muchero wacho, wakaratidzika kuva unoshuviwa zvikuru, uye akavamba kuudya. Gare gare, akanyengedza Adhama kuudyawo. Nenzira ine ngwavaira, Adhama akasarudza kuchengeta nyasha dzomudzimai wake panzvimbo pedzaMwari.—Genesi 3:6; 1 Timotio 2:13, 14.

Kupfurikidza nokuparira uku kupanduka, chisikwa chomudzimu chakazvishandura chimene kuva mushori waMwari. Icho nokudaro chakasvika pakunzi Satani, kubva mushoko rechiHebheru rinoreva kuti “mushori.” Icho chakarevawo nhema pamusoro paMwari, chichizviita chimene mucheri. Nokudaro, chinonziwo Dhiyabhorosi, kubva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “mucheri.”—Zvakazarurwa 12:9.

Nokudaro, kutambura kwavanhu kwakavamba. Zvitatu zvezvisikwa zvaMwari zvakanga zvashandisa zvisakafanira chipo chazvo chorusununguko rwokusarudza zvazvinoda, zvichisarudza mararamire oudyire mukushora Musiki wazvo. Mubvunzo zvino wakamuka wokuti, Mwari aizobata sei uku kupanduka munzira yakarurama yaizodzorera chivimbo chechisiko chake chose chasara chakangwara, kubatanidza ngirozi dzakatendeka mudenga navana vomunguva yemberi vaAdhama naEvha?

Mhinduro Yokuchenjera yaMwari

Vamwe vangaita nharo kuti kungadai kwakava kwakanakisisa kudai Mwari akanga aparadza pakare pakarepo Satani, Adhama, uye Evha. Asi ikoko kungadai kusina kupedza nhau dzakamutswa nokupanduka. Satani akanga apokana nenzira yaMwari yokutonga, achikarakadza kuti vanhu vaizova vari nani vakazvimirira pakutonga kwaMwari. Uyewo, kubudirira kwake mukuita kuti vanhu vaviri vokutanga vapandukire kutonga kwaMwari kwakamutsa dzimwe nhau. Sezvo Adhama naEvha vakatadza, ikoku kwakareva here kuti kwakanga kune chimwe chinhu chakaipa nenzira iyo Mwari akanga asika nayo munhu? Mwari aigona here kuva nomunhu upi noupi pasi pano aizoramba akatendeka kwaari? Uye zvakadiniko navanakomana vengirozi vaJehovha avo vakapupurira kupanduka kwaSatani? Vaizotsigira here kururama kwouchangamire Hwake? Sezvinooneka, nguva yakakwana yaidikanwa kupedza idzi nhau. Ndokusaka Mwari akabvumira Satani kuvapo kutozosvikira kuzuva redu.

Kana ari Adhama naEvha, pazuva rokusateerera kwavo, Mwari akavatongera rufu. Naizvozvo kufa kwakatanga. Vana vavo, avo vakanambwa pashure pokunge Adhama naEvha vatadza, vakagara nhaka chivi norufu kuvabereki vavo vasina kukwana.—VaRoma 5:14.

Satani akatanga navanhu vaviri vokutanga parutivi rwake rwenhau. Iye akashandisa nguva yakamubvumirwa kuedza kuchengeta vazukuru vaAdhama vose vari muudzorwi hwake. Akabudirirawo mukunyengera ngirozi dzakati kuti dzikumbanire kupanduka kwake. Zvisinei, voruzhinji vavanakomana vengirozi vaMwari vakatsigira nenzira yokuvimbika kukururama kwokutonga kwaJehovha.—Genesi 6:1, 2; Judhasi 6; Zvakazarurwa 12:3, 9.

Nhau yakanga iri kutonga kwaMwari kuchirwisana nokwaSatani, nhau yakanga iripo zvikuru mumazuva aJobho. Uyu murume akatendeka akabvumikisa nomufambiro wake kuti aida kutonga kwakarurama kwaMwari kupfuura uzvimiriri hwouSatani, sezvakanga zvatoita vanhu vanotya Mwari vakadai saAbheri, Enoki, Noa, Abrahama, Isaka, Jakobho, uye Josefa. Jobho akava nhau yekurukurirano iyo yakaitika mudenga pamberi pengirozi dzakatendeka dzaMwari. Mukutsigira kutonga Kwake kwakarurama, Mwari akati kuna Satani: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.”—Jobho 1:6-8.

Achiramba kubvuma kukundwa, Satani akataura kuti Jobho aibatira Mwari bedzi nokuda kwezvikonzero zvoudyire, sezvo Mwari akanga akomborera Jobho zvikuru nebudiriro yokunyama. Naizvozvo Satani akati: “Tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye uchakushorai pachena.” (Jobho 1:11) Satani akatopfuurira, achipokana perero yezvisikwa zvose zvaMwari. “Zvose zvaanazvo munhu ungazviisira upenyu hwake,” akadaro. (Jobho 2:4) Uku kudenha kwokuchera kwakabatanidza kwete bedzi Jobho asi vanamati vose vakatendeka vaMwari mudenga napasi pano. Satani akareva kuti vaizorega ukama hwavo naJehovha kana upenyu hwavo hukaiswa mungozi.

Jehovha Mwari aiva nechivimbo chakazara muperero yaJobho. Achipa ufakazi hwaikoko, iye akabvumidza Satani kuunza kutambura kwomunhu pana Jobho. Kupfurikidza nokutendeka kwake Jobho haana bedzi kuchenesa zita rake amene asi, chinokosha zvikuru, akatsigira kururama kwouchangamire hwaJehovha. Dhiyabhorosi akabvumikiswa kuva murevi wenhema.—Jobho 2:10; 42:7.

Zvisinei, muenzaniso wakanakisisa wokutendeka mumuedzo akanga ari Jesu Kristu. Mwari akanga atamisira upenyu hwouyu Mwanakomana wengirozi huchibva kudenga kuchibereko chemhandara. Naizvozvo Jesu haana kugara nhaka chivi nokusakwana. Panzvimbo pezvo akakura kuva murume akakwana, akaenzana chaizvoizvo nomurume wokutanga iyeyo asati arasikirwa nokukwana kwake. Satani akaita Jesu chipfuro chaicho, achiunza miedzo yakawanda nezviedzo paari, zvichiguma norufu runonyadzisa. Asi Satani akakundikana kupunza perero yaJesu. Munzira yakakwana, Jesu akatsigira kururama kwokutonga kwaBaba vake. Iye akabvumikisawo kuti munhu akakwana Adhama akanga asina pembedzo yokukumbanira kupanduka kwaSatani. Adhama aigona kuva akatendeka mumuedzo wake muduku zvikuru.

Chiizve Chakabvumikiswa?

Anenge makore 6 000 okutambura kwavanhu akapfuura chibviro chokupanduka kwaAdhama naEvha. Mukati meiyi nguva Mwari akabvumira rudzi rwomunhu kuedza zvimiro zvakawanda zvakasiyana-siyana zvehurumende. Chinyorwa chinotyisa chokutambura kwavanhu chinobvumikisa kuti munhu haakwanisi kuzvitonga amene. Kutaura idi, nyongano zvino yakapararira munharaunda dzakawanda dzapasi. Kuzvimirira pana Mwari, sokwakarevererwa naSatani, kune ngwavaira.

Jehovha haana kufanira kubvumikisa chinhu nechipi kwaari amene. Iye anoziva kuti nzira yake yokutonga yakarurama uye ndeyebetsero huru yakanakisisa kuzvisikwa zvake. Zvisinei, kuti apindure mibvunzo yose yakamutswa nokupanduka kwaSatani nenzira inogutsa, iye akabvumira zvisikwa zvake zvakangwara mukana wokuratidza kuda kwazvo kutonga kwake kwakarurama.

Tuso dzokuda Mwari nokutendeka kwaari dzinopfuura zvikuru nhambo yechinguvana yokutambura pasimba raDhiyabhorosi. Nhau yaJobho inoratidzira ikoku. Jehovha Mwari akaporesa Jobho chirwere icho Dhiyabhorosi akanga aunza paari. Kupfuurirazve, Mwari “akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.” Pakupedzisira, pashure pokutambanudzwa kwamakore 140 kwoupenyu, “Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.”—Jobho 42:10-17.

Munyori weBhaibheri wechiKristu Jakobho anodanira ngwariro kuna ikoku, achiti: “Makanzwa nezvetsungiriro yaJobho uye makaona mugumisiro uyo Jehovha akapa, kuti Jehovha munyoro zvikuru muchidakadaka uye anonzwira tsitsi.”—Jakobho 5:11, NW, mashoko omuzasi.

Nguva zvino yaperera Satani nenyika yake. Nokukurumidza, Mwari achachinja kutambura kwose uko kupanduka kwaSatani kwakaunza parudzi rwomunhu. Kunyange vakafa vachamutswa. (Johane 11:25) Ipapo, vanhu vakatendeka vakafanana naJobho vachava nomukana wokuwana upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Izvi zvikomborero zvomunguva yemberi izvo Mwari achadururira pavabatiri vake zvichamureverera nokusingaperi-peri saChangamire akarurama uyo ari zvirokwazvo “munyoro zvikuru muchidakadaka uye anonzwira tsitsi.”

[Mashoko Omuzasi]

a Rimwe gweta nomunyori rokuvamba kwezana ramakore rechi 20, Philip Mauro, iro rakanzvera iyi nhau mukurukurirano yaro ye“The Origin of Evil,” rakagumisa kuti ichi chakanga chiri “chisakiso chenhamo yose yorudzi rwomunhu.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8]

VAMWARI VANE UTSINYE VAVANHU

VAMWARI vakare vaiwanzoratidzirwa savaidisa kuteura ropa navanoruchiva. Kuvapfupa, vabereki vakatopisira vana vavo vari vapenyu mumoto. (Dheuteronomio 12:31) Kuno kumwe kunyanyisa, vazivi vechihedheni vakadzidzisa kuti Mwari akanga asina mirangariro yakadai sehasha kana kuti tsitsi.

Mirangariro yakafuridzirwa namadhemoni yaava vazivi yakapesvedzera vanhu vaitaura kuva vaMwari, vaJudha. Muzivi wechiJudha Philo, akararama panguva imwe cheteyo neyaJesu, akazivisa noukono kuti Mwari “haatongogoni kunzwa kutambura.”

Hapana kunyange sekete rechiJudha raiva norumano ravaFarise rakanzvenga pesvedzero youzivi hwechiGiriki. Vakagamuchira dzidziso dzaPlato dzokuti munhu akaumbwa nomweya usingafi wakabatwa mumuviri womunhu. Kupfuurirazve, maererano nowezvenhau womuzana ramakore rokutanga Josephus, vaFarise vaidavira kuti mweya yavanhu vakaipa “inotambura chirango chisingagumi.” Bhaibheri, zvisinei, haripi hwaro hwomurangariro wakadaro.—Genesi 2:7; 3:19; Muparidzi 9:5; Ezekieri 18:4.

Zvakadiniko navateveri vaJesu? Vakazvibvumira vamene kupesvedzerwa nouzivi hwechihedheni here? Achiziva iyi ngozi, muapostora Pauro akanyevera vaKristu biyake, kuti: “Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu nouchenjeri, nokunyengera kusina maturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.”—VaKorose 2:8; onawo 1 Timotio 6:20.

Nenzira inosuruvarisa, vatariri vakati vaitaura kuva vaKristu vomumazana amakore rechipiri nerechitatu vakafuratira nyevero iyoyo ndokudzidzisa kuti Mwari haana mirangariro. The Encyclopedia of Religion rinoti: “Pamwe chete, mavara aMwari ainzwisiswa zvikuru sezvaaitaurwa muchiJudha nomukufunga kwouzivi kwenguva yacho . . . Pfungwa yokuti Mwari Baba aigona kuva nemirangariro yakadai setsitsi . . . yave ichirangarirwa kazhinji kazhinji seisingagamuchiriki kutozosvikira munenge mukupera kwezana ramakore rechimakumi maviri.”

Nokudaro, chiKristudhomu chakagamuchira kudzidzisa kwenhema kwamwari ane utsinye anoranga vatadzi kupfurikidza nokuvaita kuti vatambure kutambudzwa kusingaperi vachiziva. Pano rumwe rutivi, Jehovha Mwari anotaura zvakajeka muShoko rake, Bhaibheri, kuti “mubayiro wezvivi ndirwo rufu,” kwete kutambudzwa kusingagumi uchiziva.—VaRoma 6:23.

[Kwazvakatorwa]

Pamusoro: Acropolis Museum, Greece

Courtesy of The British Museum

[Mufananidzo uri papeji 7]

Chinangwa chaMwari chokushandura pasi kuva paradhiso yeEdheni chinofanira kuzadzikwa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe