Kutambura Kwavanhu—Kuchazomboguma Here?
ZVIONO zvinotyisa pashure pokunge bhomba raputika mumusika wakatsvikinyidzirana vanhu weSarajevo; kuuraya nokuremadza muRwanda; vana vanoziya nenzara vanochemera zvokudya muSomalia; mhuri dzine chipapadzungu dzinoverenga kurasikirwa kwadzo pashure pokudengenyeka kwapasi muLos Angeles; vanyajambwa vasina betsero veBangladesh yaparadzwa namafashamo. Zviono zvakadaro zvokutambura kwavanhu zvinotarisana nesu zuva nezuva muTV kana kuti mumagazini namapepanhau.
Mugumisiro unosuruvarisa wokutambura kwavanhu ndowokuti kunoparira vamwe vanhu kurasikirwa nokutenda Mwari. “Kuvapo kwezvakaipa nguva dzose kwakagovera mhinganidzo yakakomba zvikurusa kukutenda,” maererano nokutaura kwakabudiswa nenzanga yechiJudha muUnited States. Vanyori vacho vanonongedzera kunzufu mumisasa yechibharo yeNazi yakafanana neAuschwitz uye namabhomba akadai seiro rakaputika paHiroshima. “Mubvunzo wokuti Mwari akarurama naane simba angagona sei kubvumira kuparadzwa kwoupenyu husina mhaka hwakawanda kwazvo unonetsa hana yomunhu worudzidziso uye unokangaidza fungidziro,” vanodaro vanyori vacho.
Nenzira inosuruvarisa, mishumo ine ngwavaira isingagumi ingava nomugumisiro unotindivadza pamirangariro yavanhu. Chero bedzi shamwari nehama dzokunyama vasingabatanidzwi, vakawanda vanozviwana vamene vasingambosundwi nokutambura kwavamwe.
Bva, idi rokuti tinokwanisa kunzwira tsitsi, toti zvedu vadiwa vedu timene, rinofanira kutiudza chimwe chinhu pamusoro poMuiti wedu. Bhaibheri rinotaura kuti munhu akasikwa “nomufananidzo waMwari” uye “nomufananidzo” wake. (Genesi 1:26, 27) Ikoku hakurevi kuti vanhu vakafanana naMwari muchitarisiko. Aiwa, nokuti Jesu Kristu akatsanangura kuti “Mwari ndiMweya,” uye “mweya hauna nyama namafupa.” (Johane 4:24; Ruka 24:39) Kuitwa mumufananidzo waMwari kunonongedzera kusimba redu rokuratidzira mavara akafanana naMwari. Naizvozvo, sezvo vanhu vomuzvarirwo vachinzwira tsitsi avo vanotambura, tinofanira kugumisa kuti Musiki womunhu, Jehovha Mwari, anonzwira tsitsi uye kuti anonzwira tsitsi chisiko chake chinotambura chavanhu.—Enzanisa naRuka 11:13.
Nzira imwe iyo Mwari akaratidza nayo tsitsi dzake iri kupfurikidza nokugovera rudzi rwomunhu tsananguro yakanyorwa yechisakiso chokutambura. Akaita ikoku muShoko rake, Bhaibheri. Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti Mwari akasika munhu kuti afarikanye upenyu, kwete kuti atambure. (Genesi 2:7-9) Rinozivisawo kuti vanhu vokutanga vakaunza kutambura pavari vamene kupfurikidza nokuramba kutonga kwakarurama kwaMwari.—Dheuteronomio 32:4, 5; VaRoma 5:12.
Pasinei zvapo naikoku, Mwari achiri kunzwira tsitsi vanhu vanotambura. Ikoku kunoratidzwa zvakajeka muchipikirwa chake chokugumisa kutambura kwavanhu. “Tarirai, tabhenakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4; onawo Isaya 25:8; 65:17-25; VaRoma 8:19-21.
Izvi zvipikirwa zvinoshamisa zvinobvumikisa kuti Mwari anoziva kutambura kwavanhu uye kuti akatsunga kukugumisa. Asi chii chaizvoizvo chakaparira kutambura kwavanhu pakutanga, uye nei Mwari akakubvumidza kupfuurira kutozosvikira zuva redu?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]
Butiro nepeji 32: Alexandra Boulat/Sipa Press
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Kevin Frayer/Sipa Press