Nyika Isingabereki Inova Yakaorera
YAKATAURWA NAARTHUR MELIN
Rakanga riri zuva rechirimo rakajeka muna 1930, uye ndakanga ndakamira panomira ngarava muPrince Rupert, British Columbia. Ndichitarira pasi kuigwa rakazorora pakadzika pegungwa, ndakashamisika kuti, ‘Mvura yose yaenda kupi?’ Ichi chakanga chiri chinoitika changu chokutanga namasaisai ePacific West Coast uko mwero wegungwa ungadzika zvikuru samamita manomwe mumaawa matanhatu chete. Asi mukomana wapapurazi yomuprairie akasvika sei pakuva pamhenderekedzo dzegungwa dzePacific Ocean?
NDAKANGA ndakokwa kuti ndikudze ropafadzo yangu yebasa renguva yakazara kuna Jehovha kupfurikidza nokukumbanira boka reigwa Charmian. Mugove wedu wakanga uri wokutanga basa rokuparidza mumhenderekedzo yegungwa yokumadokero iri yoga kubva Vancouver kusvikira kuAlaska. Iyi nzvimbo yakanga yakaumbwa naakawanda zvikurusa amakiromita akawanda eBritish Columbia emhenderekedzo yegungwa, iyo yakanga isina varumbidzi vanoshingaira vaJehovha. Raisiyiwa bedzi rakanga riri boka duku ravaparidzi voUmambo mutaundi rePrince Rupert.
Ndakanga ndichidisa kutanga, naizvozvo pakubuda muchitima, ndakakurumidza kunanga kunomira ngarava kuti ndione igwa Charmian ndokusangana navakwiri varo, Arne naChristina Barstad. Hapana akanga arimo, naizvozvo ndakaenda. Pakudzokera kwangu gare gare muzuva racho, ndakakatyamadzwa. Kwaitarisika sokunge gungwa rakanga richioma!
Asi chii chakatungamirira kuuyu mugove unofadza?
Nhaka Yomudzimu
Kunzwisisa kwangu zvinhu zvomudzimu kwakavamba pamusha pamapani eAlberta, Canada. Baba vangu vakanga vawana turakiti rakanyorwa naCharles Taze Russell weZion’s Watch Tower Tract Society iro rakachinja upenyu hwavo zvikuru kwazvo. Baba vakatanga kuparidza kuvavakidzani vavo, pasinei zvapo nebasa ravo rinopedza nguva rokurima muCalmar, Alberta. Iwayo akanga ari makore ane zana rimwe apfuura, mukati mokuvamba kwama 1890.
Makanga muri muuyu musha unotya Mwari mandakaberekerwa pana February 20, 1905, mwana wechisere wevakazova pakupedzisira hanzvadzi nehanzvadzi gumi. Baba, pamwe chete navamwe vaiva muiyi nzanga yechiSweden, vakabatanidzwa neInternational Bible Students. Pashure penguva yakati, vakavaka nzvimbo yemisangano, gare gare yakanzi Horo yoUmambo. Yakanga iri imwe yedzokutanga muCanada.
Basa rapapurazi harina kutongotidzivisa kupinda misangano yechiKristu, mimwe yayo yaitanhamarisa hurukuro dzaikurukurwa navakurukuri vanoshanyira vaitumwa neWatch Tower Society. Idzi hurukuro dzakavaka matiri chishuvo chapachokwadi chokugoverana mubasa rokuparidza. Somugumisiro, vanodokuva vose mumhuri yedu vakafamba zvakatsiga muchiedza chezvokwadi yeBhaibheri.
KugoveranaMubasa Rokuparidza
Pakuvamba muma 1920, ndakapiwa mugove wangu wokutanga wokupupura. Ndaifanira kuparadzira kokero dzehurukuro dzavose pasuo nesuo muguta reEdmonton. Sezvo ndakanga ndakamira ipapo ndiri ndoga zuva iroro, ndakadzidza chidzidzo chinokosha: Vimba naJehovha. (Zvirevo 3:5, 6) Ndakafara sei kuita mugove iwoyo wokutanga nebetsero yaJehovha!
Chivimbo changu musangano rinooneka raJehovha nomuboka rake romuranda akatendeka naakachenjera chakapfuurira kukura sezvo nzwisiso huru yakagoverwa paShoko rake rezvokwadi. Yakawanda yemiitiro yechiKristudhomu, yakadai sokuchengetwa kweKrisimisi namazuva okuberekwa, yakabviswa. Ruponeso rwomunhu oga haruna kuzovazve rwokuitira hanya zvikuru; panzvimbo pezvo, kuparidza Umambo kwakavamba kuva nenzvimbo yakafanira youkoshi. Kwose ikoku kwakava netapuro huru paupenyu hwangu. Naizvozvo isiri nguva refu pashure pokutsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha pana April 23, 1923, ndakaita ushumiri hwenguva yakazara nharidzano yangu.
Mukati mechando chomuprairie che -18 Celsius, taipupura munharaunda dzomumaruwa nebhiza nechirei. Ndakambopedza vhiki mbiri ndine boka ndichigara maizivikanwa semotokari yebasa yakagadzirwa kuva imba. Idzi motokari chaidzo dzakabvumikisa kuva dzinoshanda mukupupura munzvimbo dzisina miti dzamaprairie dzeCanada. Pasinei zvapo nezvinetso zvemari, mamirire okunze akakomba, uye madaro makuru okufamba, ndakakwanisa kupfuurira muushumiri hwoupiyona muAlberta ndichibuda nokupinda kwaanenge makore matatu kutozosvikira zuva riya rinokosha muna 1930 apo ndakakokwa kundobatira paPacific West Coast. Sezvo ndaisaziva chinhu pamusoro pegungwa kana magwa, kokero iyoyo yakandikangaidza.
Eya, hakuna kutora nguva refu pashure pokusvika kwangu muPrince Rupert kuti ndinzwe ndakasununguka chaizvo navashandi biyangu vatsva mugwa. Hama Barstad vakanga vari mukwasvi ane ruzivo rwokuzviwanira, vachiva vakapinda mukuredza hove dzokutengesa kwamakore akawanda. Makore matanhatu akatevera yakanga iri nhambo yokuparidza kwakakomba, kushanda mumvura dzomumhenderekedzo yegungwa dzeBritish Columbia kubva Vancouver kusvikira kuAlaska. Chimwe chidzidzo chakadzidzwa: Nguva dzose gamuchira mugove unobva kuna Jehovha, uye usatongorege.
Kudyara MbeuMurutivi Megungwa
Chiteshi chedu chokutanga chengarava chokushanyira chirimo ichocho cha 1930 chakanga chiri Ketchikan, Alaska, apo takakwidza makatoni 60 amabhuku eBhaibheri. Kwechiverengero chakati chevhiki, takashanyira misha yose muKetchikan, Wrangell, Petersburg, Juneau, Skagway, Haines, Sitka, uye dzimwe nzvimbo dzinogarwa dzakapararira. Tevere takafukidza mhenderekedzo yegungwa yose yeBritish Columbia, tichiipedza zhezha risati raguma. Misasa iri kure yokutema miti, misasa yokugadzira hove, misha yechiIndia, mataundi maduku, pamwe chete navagari navateyi vemhuka vari voga, vakashanyirwa. Padzimwe nguva kwakanga kwakaoma kubva pavachengeti vari voga vezvivako zvine magetsi avo vaifarira mumwe munhu wokutaura kwaari.
Pashure penguva yakati, Sosaiti yakatishongedza namagiramufomu anotakurika nehurukuro dzeBhaibheri dzakarekodhwa. Taitakura izvozvi, pamwe chete namabhuku, maBhaibheri, uye magazini. Kazhinji kazhinji taifanira kuzvitakura sezvo taidzadzarika mumabwe omumhenderekedzo yegungwa. Mukati medutu rakaderera, pane dzimwe nguva taifanira kuakweva pamatanho asina kusimba tichipinza munomira ngarava murefu. Ndakanga ndichifara nokuda kwokurovedzwa kwomuviri uko ndakanga ndagamuchira muupwere hwangu ndichishanda pamusha womuprairie.
Gudzanzwi raiva muigwa redu rakabatira sechokushandisa chine simba mukuparadzira mashoko oUmambo. Dzichiungiswa nemvura, hurukuro dzakarekodhwa dzaiwanzonzwiwa kure namakiromita akawanda. Pane imwe nguva tiri panomira ngarava pari poga paVancouver Island, takaridza imwe yeidzi hurukuro dzeBhaibheri. Zuva rakatevera racho vanhu vaigara munyika vakatiudza namanyemwe, kuti: “Nezuro takanzwa mharidzo ichibva mudenga chaimo!”
Pane imwe nhambo vachati vakwegura vakataura kuti vakanzwa nziyo dzichiburuka muchimbini yavo, asi apo vakabuda kunze, havana kunzwa chinhu. Vachidzokera mukati, vakanzwa inzwi. Neiko kwakanga kwakadaro? Eya, apo vakanga vari kunze, takanga tave tichichinja rekodhi. Taitanga kuridza nziyo kuti tikwezve ngwariro yavanhu, ipapo kuridza hurukuro yeBhaibheri.
Pane imwezve nhambo, apo takanga tiri pedyo nechitsuwa chine musha wechiIndia, vakomana vaviri vaduku vakaberekerwamo vakauya vachikwasva kuzoona uko manzwi akanga achibva. Vamwe vaiva pachitsuwa vakafunga kuti akanga ari manzwi avakafa vavo vakanga vava vapenyu!
Kwakanga kusati kuri kwechienzi kugovera mabhuku ane zana pazuva kuavo vanoshanda kunoiswa hove mumatini kuri kure. Zvavaiva nezvinotsausa zvishomanene, vaiva nenguva yokufunga nezvezvinhu zvomudzimu. Pakupedzisira vakawanda vaava vaiva voga vakava Zvapupu. Panzendo dzakatevera, taikarira kuvashanyira nokuda kwe“tsinhano yekurudziro.”—VaRoma 1:12, NW.
Basa Rinopfuuridzirwa Nomukwanyina
Muna 1931, ndakachata nomunun’una waChristina Barstad, Anna. Pashure pezvo takapfuuridzira kupayona kwedu pamwe chete mugwa ndokufarikanya zvinoitika zvinotusa zvakawanda mumakore akawanda. Mawhale, masea lion, maseal, maporpoise, madeer, mabear, uye zvapungu zvakanga zviri shamwari dzedu pamamirire amakomo akaisvonaka, munomira ngarava muri moga, uye munomira ngarava makavakwa, mune misidhari, mipine, uye miDouglas fir mihombe. Kanoverengeka takabetsera madeer aneta nevana vawo sezvo aiyedza kushambira achiyambuka mironga ine mvura inoyerera nokukurumidza kuti anzvenge mharadzi.
Mamwe masikati takacherechedza bald eagle richibhururuka rakaderera richiyambuka mvura, vana varo vakabata zvakasimba chinook salmon hombe. Hove yacho yakanga iri huru zvokusagona kusimudzika chose mumvura, naizvozvo chapungu chacho chakanga chichienda kumhenderekedzo yegungwa chichidhonza salmon. Frank Franske, mumwe mutezo wavakwiri, akaona kubvira ndokumhanya ari mumhenderekedzo yegungwa kuzosangana nechapungu choneta ndokuchinyengetedza kurega chayakanga yakabata. Boka redu ramapiyona rakava nechirariro chakaisvonaka chesalmon madekwana iwayo, uye chapungu chakadzidza kugoverana, kunyange zvazvo nenzira yokuzengurira.
Pakachitsuwa kamwe kumugumo wokuchamhembe weVancouver Island, vachati vanonzi Thuot vakagamuchira zvokwadi yeBhaibheri. Murume wacho akanga ari munhu akazvimirira asingagoni kurava kana kunyora, ane chido chakasimba aiva pakati pamakore omuma 90, uye mudzimai aiva pakati pamakore omuma 80. Zvisinei, akafadzwa kwazvo nezvokwadi zvokuti akazvininipisa amene ndokubvumira mudzimai wake kumudzidzisa kurava. Nokukurumidza akakwanisa kuzvifundira amene Bhaibheri nezvinyorwa zveSosaiti. Asingasviki makore matatu gare gare, ndakava nomufaro wokubhapatidza vose vari vaviri pamusha wavo waiva kure pachitsuwa, ndichishandisa igwa redu setangi rokubhapatidzira!
Takavawo nomufaro wokuona mhuri yaSallis muPowell River ichigamuchira shoko roUmambo. Walter akarava bhukwana rinonzi War or Peace—Which? ndokuziva zvokwadi nokukurumidza. Nokukurumidza mhuri yose yakakumbanira Walter muupiyona muVancouver, umo taisungira Charmian nokuda kwenguva yechando. Akabvumikisa kuva anoshingaira zvikuru, uye mumakore akapfuura akazviita amene anodiwa neboka rose rehama munharaunda yeVancouver. Akapedza upenyu hwake hwapasi muna 1976, achisiya shure mhuri huru yeZvapupu.
Kukurira Chishoro
Vafundisi vomumisha yechiIndia kazhinji kazhinji vaitsamwira basa redu, vachitirangarira kuva vavhozhokeri munzvimbo yavo yomudzimu. PaPort Simpson mufundisi womunzvimbomo akarayira kuti mambo womusha atirambidze kushanyira misha. Takaonana namambo ndokubvunza kana iye aifunga kuti mufundisi aironga nomazvo vanhu vake savasingazivi zvokusagona kuzvifungira vamene. Takakarakadza kuti vanhu vake vapiwe mukana wokunzwa kurukurirano yeShoko raMwari ndokuzvisarudzira vamene chavaida kudavira. Mugumisiro wacho: Akatipa mvumo yokupfuurira kuparidza mumusha.
Mumwe mambo womusha kwamakumi amakore akadzivisa nhamburiko dzose dzakaitwa nemitezo yedare namapoka orudzidziso kudzivisa Zvapupu kuonana navanhu vake. “Chero bedzi ndiri mambo,” iye akadaro, “Zvapupu zvaJehovha zvinogamuchirwa muno.” Chokwadi, nguva dzose taisagamuchirwa munzvimbo iri yose, asi pasinei zvapo nechishoro hatina kutongomanikidzirwa kubva munharaunda macho. Nokudaro takakwanisa kuita ushumiri hwedu nguva imwe neimwe yataimira pachiteshi chengarava.
Kutsungirira Nhamo Mugungwa
Mumakore akapfuura, takatarisana nezvitambudzo namadutu, masaisai, mabwe asina kuwanwa, uye pane dzimwe nguva chinetso cheinjini. Pane imwe nguva takaenda pedyo zvikuru neLasqueti Island, anenge makiromita zana namakumi matanhatu kuchamhembe kweVancouver. Takabatwa pareef, takabatwa ipapo mufungu rinowa, uye kotsekano yedu yakatsamira pamamirire okunze. Kudai mamirire okunze akanga ashata, igwa ringadai rakapwanywa pamabwe. Tose zvedu takadzadzarika pamabwe ndokuita zvataigona namamirire ezvinhu akashata. Takava nokudya kwamasikati, takapedza nguva tichifunda, uye takamirira kuti fungu rikwire zvakare.
Pasinei zvapo nenjodzi dzakawanda nezvinetso, hwakanga huri upenyu hwakanaka, hunofadza. Kuberekwa kwavanakomana vedu vaviri, zvisinei, kwakaunza chinjo huru. Takapfuurira kugara mugwa, asi panguva ipi kana ipi taikwasva kure kuchamhembe seOona River, Anna nevakomana vaigarako navabereki vake apo vasara vedu takapfuurira kuchamhembe kuAlaska. Ipapo, apo taidzokera kumaodzanyemba, Anna navana vaitikumbanirazve.
Handiyeuki vana vachimbonyunyuta kurwara. Vaipfeka mabhande panguva dzose, uye pane dzimwe nguva taitovasunga netambo. Hungu, kwaiva nenguva dzakaoma.
Dzimwe Gadziridzo
Muna 1936 taifanira kusiya Charmian, uye ndakawana basa rokunyika. Gare gare takava nomwanakomana wechitatu. Pashure penguva yakati, ndakatenga igwa rokuredzesa, iro risina kungobatira bedzi somutoo wokuwana nawo chokurarama nacho asiwo rakatibvumira kupfuurira mubasa rokuparidza mumhenderekedzo yegungwa.
Takatanga musha paDigby Island, mhiri kwebay kubva kuPrince Rupert, uye nguva refu isati yapera ungano duku yakaumbwa. Mukati meHondo yeNyika II, apo basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa muCanada, taiendesa igwa kuPrince Rupert pashure papakati pousiku ndoku“denha” ndima yacho, tichisiya mabhuku pamusha uri wose. Hakuna munhu akatongowiriranisa kuyambuka kwedu kwapakati pousiku nokuparadzirwa kwamabhuku akarambidzwa!
Nyika Yacho Yazova Yakaorera
Pashoma napashoma vanhu vakawanda vakavamba kusonganirana neZvapupu zvaJehovha, uye muna 1948 kudikanwa kweHoro yoUmambo muPrince Rupert kwakanga kuri pachena. Pashure pokutenga chivako chavarwi chaiva mhiri kwechiteshi chengarava, takachipwanya, kuchiyambutsa, uye ipapo takachiendesa nerori kunzvimbo yokuvaka. Jehovha akakomborera basa redu rakaoma, uye takava neHoro yoUmambo yedu timene.
Muna 1956, ndakapindazve muupiyona, uye Anna akandikumbanira muna 1964. Takashanda zvakare neigwa muPacific Coast. Kwenguva yakati takagoveranawo mubasa redunhu, tichishanyira ungano kuvambira paQueen Charlotte Islands tichinanga kumabvazuva tichiyambuka makomo kuenda kuFraser Lake, uye gare gare kure sePrince George neMackenzie. Mumakore apfuura, takafamba muPacific Northwest mose kwezviuru zvamakiromita nemotokari, igwa, uye ndege.
MuPrince Rupert tapfuurira kufarikanya zvinoitika zvakaisvonaka muushumiri. Tose tiri vaviri Anna neni takafunda navanhu avo gare gare vakapinda Watchtower Bible School of Gilead uye pashure vakabatira savafundisi munyika dzokumwe. Mufaro wakadini kuona vana vedu vomudzimu vachiendesa shoko roUmambo rinokosha kunyika dziri kure!
Zvino tose tiri vaviri tatopfuura makore 80 uye tiri kugonana noutano hunoipa, asi tichiri vanofara mubasa raJehovha. Runako rwomuzvarirwo rwatakaona muAlaska neBritish Columbia rwunonyandura yeuko dzinodikanwa. Bva kunounza mufaro unotova mukuru zvikuru kuona renje romudzimu raichimbova risingabereki reiyi nharaunda hombe zvino richiva neungano dzakawanda dzavarumbidzi vaJehovha.
Kwakatifadza zvikuru kuona vana vedu timene, pamwe chete navana vedu vomudzimu, vachikura ndokurumbidza Jehovha. Tinofara kuti takava norutivi ruduku mukukura kwomudzimu murutivi urwu rwapasi. Alaska, somuenzaniso, zvino ine hofisi yayo imene yebazu iyo inotsinhiranisa basa reungano dzinopfuura 25.
Muno muPrince Rupert takava neropafadzo muna 1988 yokutsaurira Horo yoUmambo itsva yakaisvonaka, pakati chaipo peguta. Hungu, tinofara, sezvakaita Isaya, mukuti: “Mawanza rudzi, Jehovha, . . . makurumbira, makurisa miganho yose yenyika.”—Isaya 26:15.
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kubatira mubasa redunhu 1964-67
[Mufananidzo uri papeji 24]
Rudzi rweigwa rwaishandiswa mukupupura mumhenderekedzo yegungwa