RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/1 pp. 10-15
  • Vabatiri vaMwari—Vanhu Vakarongwa uye Vanofara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabatiri vaMwari—Vanhu Vakarongwa uye Vanofara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vabatiri Vomuzuva Razvino Uno Vakarongwawo
  • Vakarongwa bva Vanofara
  • Rudo Runobereka Mufarwa
  • Mufarwa Usina Kukwana Zvino
  • Mufarwa Wechokwadi Mukubatira Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Zvaungaita Kuti Uwane Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Vanofara Vaya Vanoshumira “Mwari Anofara”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Jehovha ndiMwari Akarongeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/1 pp. 10-15

Vabatiri vaMwari—Vanhu Vakarongwa uye Vanofara

“Vane mufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.”—PISAREMA 144:15.

1, 2. (a) Neiko Jehovha ane maruramiro okugadza mipimo nokuda kwavabatiri vake? (b) Mavarai maviri aJehovha ayo tinofanira zvikurukuru kuda kutevedzera?

JEHOVHA ndiye Changamire Wechisiko Chose, Mwari wamasimba ose, Musiki. (Genesi 1:1; Pisarema 100:3) Saakadaro, nenzira yakarurama anogadza mipimo yomufambiro wavabatiri vake, achiziva chiri chakanakisisa nokuda kwavo. (Pisarema 143:8) Uye ndiye Muenzaniso wavo Mukuru ane mavara avanofanira kutevedzera. “Ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa,” akanyora kudaro muapostora.—VaEfeso 5:1.

2 Vara raMwari ratinofanira kutevedzera rine chokuita nokurongwa. Iye ‘haasi Mwari wenyongano.’ (1 VaKorinte 14:33) Apo tinosanocherekedza izvo Mwari akasika, tinosundwa kugumisa kuti ndiye Munhu akarongeka zvikurusa muchisiko. Zvisinei, rimwe vara raMwari raanoda kuti vabatiri vake vatevedzere ndiwo mufarwa wake, nokuti ndiye “Mwari womufaro.” (1 Timotio 1:11) Nokudaro, mano ake okuronga anodzikamiswa nomufarwa. Rimwe hariitwi guru kukukuvara kwerimwe.

3. Matenga azere nenyeredzi anoratidzira sei mano aMwari okuronga?

3 Chose icho Jehovha akaita, kubva kuchikurusa kusvika kuchidukusa, chinopa ufakazi hwokuti ndiMwari wokuronga. Rangarira, somuenzaniso, chisiko chose chinooneka. Chine zviuru zvamabhiriyoni enyeredzi. Asi idzodzi hadzina kupararira netsaona. Nyanzvi yoruzivo rwemitumbi yomuchadenga ine chokuita nephysics nechemistry George Greenstein anotaura kuti kune “mumwe mutoo kukurongwa kwenyeredzi.” Idzo dzakarongwa mumapoka anonzi makwara enzou, mamwe ane mazana amabhiriyoni enyeredzi. Uye kunofungidzirwa kuti kune mabhiriyoni amakwara enzou! Makwara enzou akarongwawo, chiverengero chakati chawo (kuvambira pamashomanene kusvikira kuzviuru zvinoverengeka) dzichiunganidzwa pamwe chete kuva boka ramakwara enzou. Uye mapoka amakwara enzou anofungwa kuva akarongwa kuva zvikamu zvinotova zvikuru zvinonzi mapoka makuru.—Pisarema 19:1; Isaya 40:25, 26.

4, 5. Ipa mienzaniso yokurongwa pakati pezvinhu zvipenyu pasi pano.

4 Kurongwa kwakaisvonaka kwezvisiko zvaMwari kunooneka munzvimbo iri yose, kwete bedzi mumatenga anooneka asiwo pasi pano, nezviuru zvaro zvezvinhu zvipenyu. Pamusoro paizvozvi zvose, Paul Davies, purofesa wephysics, akanyora kuti vacherekedzi “vanotyiswa” no“ukuru uye kurongwa kwakaoma kunzwisisa kwenyika inooneka.”—Pisarema 104:24.

5 Rangarira mienzaniso mishomanene yo“kurongwa kwakaoma kunzwisisa” kunowanika muzvinhu zvipenyu. Chiremba anovhura musoro nomuzongoza Joseph Evans akati nezvouropi hwomunhu uye muzongoza: “Uchokwadi hwenhevedzano huru hunodokuva hunoorora.” Nezvesero benyu duku zvikuru, nyanzvi yokudzidza utachiona H. J. Shaughnessy yakati: “Kuoma kunzwisisa nenhevedzano yakaisvonaka yezvesayenzi yezvinhu zvipenyu zviduku yakarongwa zvinoshamisa kwazvo zvokuti kunoratidzika kuva rutivi rwemuitiro wakagadzwa noumwari.” Uye nyanzvi yesayenzi yamamolecule Michael Denton yakati nezvegadziriro yezvinogarwa nhaka (DNA) iri mukati mesero: “Inobudirira kwazvo zvokuti mashoko ose . . . ari madikanwa kududza kurongwa kwamarudzi ose ezvinhu zvati zvambovapo papasi . . . zvaigona kuchengetwa muchipunu uye paizove pachine nzvimbo inosara nokuda kwamashoko ose ari mubhuku riri rose rati rambonyorwa.”—Ona Pisarema 139:16.

6, 7. Kurongai kunoratidzwa pakati pezvisikwa zvomudzimu, uye zvinoratidzira sei kuonga Muiti wazvo?

6 Jehovha haasati achironga bedzi zvisiko zvake zvinooneka asi anorongawo zvisikwa zvake zvomudzimu mudenga. Dhanieri 7:10 inotizivisa kuti ngirozi dzinosvika ‘zviuru zvine gumi zvakawanziridzwa nezviuru zvine gumi dzakaramba dzakamira pamberi paJehovha chaipo.’ Zvisikwa zvomudzimu zvine simba zvine miriyoni zana zviripo, chimwe nechimwe chakagoverwa kubasa racho rakafanira! Kunotyisa kufunga nezveunyanzvi uhwo kunofanira kuda kuronga zviverengero zvikuru zvakadaro. Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinoti: “Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.”—Pisarema 103:20, 21; Zvakazarurwa 5:11.

7 Mabasa oMusiki akarongwa uye anobudirira zvakaisvonaka sei! Hakushamisi kuti zvisikwa zvomudzimu zvine simba zviri munzvimbo yomudenga zvinozivisa munzira inoparira rutyo neyokuzviisa pasi, kuti: “Imi Ishe, Mwari wedu, makafanira kuti muvigirwe kubwinya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika zvinhu zvose, zvakavapo, zvikasikwa nokuda kwenyu.”—Zvakazarurwa 4:11.

8. Mienzanisoi inoratidza kuti Jehovha anoronga vabatiri vake pasi pano?

8 Jehovha anorongawo vabatiri vake pasi pano. Apo akaunza Boporodzi rezuva raNoa muna 2370 P.N.V., Noa navamwe vanomwe vakapukunyuka Mafashamo seboka remhuri. MuKubuda kwomuna 1513 P.N.V., Jehovha akabudisa mamiriyoni anoverengeka avanhu vake muusungwa hweEgipita ndokuvapa bumbiro rine udzame remitemo kuti varonge zvinhu zvavo zvezuva nezuva nokunamata. Uye gare gare, muNyika Yakapikirwa, makumi ezviuru zvavo akarongwa nokuda kwebasa chairo patembere. (1 Makoronike 23:4, 5) Muzana rokutanga ramakore, ungano dzechiKristu dzakanga dzakarongwa munhungamiro youmwari: “Wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaevhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu.”—VaEfeso 4:11, 12.

Vabatiri Vomuzuva Razvino Uno Vakarongwawo

9, 10. Jehovha akaronga sei vanhu vake munguva yedu?

9 Nenzira yakafanana, Jehovha akaronga vabatiri vake vomuzuva razvino uno kuti vagone kuita basa rake nenzira inobudirira nokuda kwezuva redu—vachiparidza mashoko akanaka oUmambo hwake asati agumisa tsika ino iripo isina umwari yezvinhu. (Mateo 24:14) Rangarira chinobatanidzwa muiri basa romupasi rose uye kuti kuronga kwakanaka kunokosha sei. Mamiriyoni avarume, vakadzi, uye vana ari kurovedzwa kudzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri kuvamwe. Kubatsira neiyi rovedzo, zviverengero zvikuru zvamaBhaibheri uye zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvinodhindwa. Chokwadi, chinyorwa chiri chose cheNharireyomurindi zvino chinodhindwa mamiriyoni anopfuura 16 mumitauro 118, uye Mukai! anenge mamiriyoni 13 mumitauro 73. Zvinodokuva zvinyorwa zvose zvinodhindwa panguva imwe cheteyo zvokuti vanodokuva vabatiri vose vaJehovha vanowana mashoko mamwe chetewo panguva imwe cheteyo.

10 Mukuwedzera, dzinopfuura ungano 73 000 dzeZvapupu zvaJehovha munyika yose dzakarongwa kuti dzisangane nguva dzose nokuda kwomurayiridzo weBhaibheri. (VaHebheru 10:24, 25) Kunewo zviuru zvokuungana kukuru zvikuru—magungano edunhu nekokorodzano dzoruwa—gore rimwe nerimwe. Kune kuvakwa kwemwero mukuru kwomunyika yose kweHoro dzoUmambo itsva kana dzakavandudzwa, Horo dzeGungano, misha yeBheteri, uye zvivako zvokudhinda mabhuku eBhaibheri. Kune zvikoro zvokurovedzwa kwapamusoro kwavadzidzisi veBhaibheri, zvakadai seWatchtower Bible School of Gilead nokuda kwavafundisi uye Chikoro Chebasa Chamapiyona, chinoitiswa munyika dzakapota nyika.

11. Ibetseroi yenguva yemberi ichabva mukudzidza kuronga kwakanaka zvino?

11 Jehovha akasanoronga vanhu vake sei pasi pano kuti ‘vapedze ushumiri hwavo zvizere,’ vachibatsirwa nengirozi dzake dzinoshumira! (2 Timotio 4:5; VaHebheru 1:13, 14; Zvakazarurwa 14:6) Kupfurikidza nokurayiridza vabatiri vake munzira dzokuronga kwakanaka zvino, Mwari ari kupedza chimwewo chinhu. Vabatiri vake vari kusanogadzirirwa kuti apo vanopukunyuka mugumo wetsika ino yezvinhu, vachave vatorongwa kuvamba upenyu munyika itsva. Ipapo, munzira yakarongwa munhungamiro yaJehovha, vachatanga kuvaka paradhiso yapasi. Ivo vachavawo vasanogadzirirwa kudzidzisa zvinodikanwa zvine udzame zvaMwari nokuda kwoupenyu kumabhiriyoni avanhu vachamutswa kuvakafa.—Isaya 11:9; 54:13; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 20:12, 13.

Vakarongwa bva Vanofara

12, 13. Neiko tichigona kutaura kuti Jehovha anoda kuti vanhu vake vafare?

12 Nepo Jehovha ari mushandi mukuru nomurongi akaisvonaka, haana kuoma mwoyo, haana rumano, kana asingafungi. Panzvimbo pezvo, iye Munhu ane ushamwari zvikuru, anofara anoitira hanya mufarwa wedu. “Iye unokuchengetai,” inozivisa kudaro 1 Petro 5:7. Tinogona kuona kutarisira kwake uye chishuvo chake chokuti vabatiri vake vafare mune zvaakaitira vanhu. Somuenzaniso, apo Mwari akasika murume nomukadzi vakakwana, akavaisa muparadhiso yomufaro. (Genesi 1:26-31; 2:8, 9) Iye akavapa chinhu chiri chose chavaida kuti vafare zvikurusa. Asi vakarasa zvose zvazvo kupfurikidza nokupanduka. Somugumisiro wechivi chavo, takagara nhaka kusakwana norufu.—VaRoma 3:23; 5:12.

13 Kunyange zvazvo tisina kukwana zvino, isu vanhu tichiri kugona kuwana mufarwa muicho Mwari akaita. Pane zvinhu zvakawanda zvinotiunzira farikanyo—makomo makuru; nyanza dzakaisvonaka, nzizi, makungwa nemhenderekedzo dzegungwa; maruva akaisvonaka, anonhuwirira nezvimwe zvinomera mumhatsa isingagumi; kudya kunonaka kwakawanda; kudoka kwezuva kunoshamisa kwatisinganeti kuona; matenga azere nenyeredzi atinofarikanya kurangarira usiku; chisiko chemhuka nemhatsa yacho huru uye vaduku vanofadza kutamba kwavo kunonakidza; nziyo dzinokurudzira; basa rinofadza nerinobetsera; shamwari dzakanaka. Kwakajeka kuti Munhu akaronga zvinhu zvakadaro munhu anofara anofarikanya kuti vamwe vafare.

14. Kudzikamai kwatinokumbirwa naJehovha mukumutevedzera?

14 Nokudaro, kubudirira kwakarongwa zvako handiko kunodiwa naJehovha. Iye anodawo kuti vabatiri vake vafare, sezvo iye achifara. Iye haadi kuti varonge zvinhu nenzira isina mufungo inokuvadza mufarwa wavo. Vabatiri vaMwari vanofanira kudzikamisa unyanzvi hwokuronga nomufarwa, sezvaanoita, nokuti apo pane mudzimu mutsvene wake une simba, pane mufaro. Zvirokwazvo, VaGaratia 5:22 inoratidza kuti chibereko chechipiri chomudzimu mutsvene waMwari unoshanda pavanhu vake “mufaro.”

Rudo Runobereka Mufarwa

15. Neiko rudo ruchikosha kwazvo kumufarwa wedu?

15 Kunofadza zvikuru kucherekedza kuti Bhaibheri rinoti: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8, 16) Haritongoti: “Mwari kuronga.” Rudo ndiro vara guru raMwari, uye runofanira kutevedzerwa navabatiri vake. Ndokusaka chibereko chokutanga chomudzimu waMwari chakarongwa pana VaGaratia 5:22 chiri “rudo,” ne“mufaro” uchitevera. Rudo runobereka mufaro. Apo tinotevedzera rudo rwaJehovha mukubata kwedu navamwe, mufarwa unotevera, nokuti vanhu vane rudo vanhu vanofara.

16. Jesu akaratidzira sei kukosha kwerudo?

16 Ukoshi hwokutevedzera rudo rwoumwari runotanhamariswa mukudzidzisa kwaJesu. Iye akati: “Ndinoreva izvozvo zvandakadzidziswa naBaba.” (Johane 8:28) Chii, zvikurukuru, chakadzidziswa Jesu zvokuti iyewo akadzidzisa vamwe? Kwakanga kuri kuti mitemo mikurusa miviri ndeyokuda Mwari nokuda muvakidzani. (Mateo 22:36-39) Jesu akaratidzira rudo rwakadaro. Iye akati: “Ndinoda Baba,” achikubvumikisa nokuita kuda kwaMwari kusvikira kurufu. Uye akaratidza rudo rwake nokuda kwavanhu nokuvafira. Muapostora Pauro akaudza vaKristu muEfeso, kuti: ‘Kristu akakudai imi akazvipa amene nokuda kwenyu.’ (Johane 14:31; VaEfeso 5:2) Nokudaro, Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Uyu ndiwo murayiro wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.”—Johane 15:12, 13.

17. Pauro akaratidza sei kuti kuratidzira rudo kuna vamwe kunokosha?

17 Pauro akataura kuti rudo urwu rwoumwari runokosha sei kupfurikidza nokuti: “Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti: Ngwerengwere! Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndine kutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu. Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsirwi chinhu. . . . Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.”—1 VaKorinte 13:1-3, 13.

18. Chii chatinogona kukarira kuna Jehovha chinowedzera kumufarwa wedu?

18 Apo tinotevedzera rudo rwaJehovha, tinogona kuvimba norudo rwake kwatiri, kunyange apo tinokanganisa, nokuti iye ndiye “Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Kana tikapfidza zvapachokwadi apo tinokanganisa, Mwari haarangariri izvozvi asi anotikanganwira nenzira yorudo. (Pisarema 103:1-3) Hungu, “Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) Kuziva izvozvi kunowedzera kumufarwa wedu.

Mufarwa Usina Kukwana Zvino

19, 20. (a) Neiko mufarwa wakakwana usingabviri zvino? (b) Bhaibheri rinoratidza sei kuti tinogona kuva nomufarwa usina kukwana panguva ino?

19 Zvisinei, kunobvira here kuva vanofara nhasi, sezvatinorarama mumazuva okupedzisira enyika ino yakazadzwa noutsotsi, ine masimba masimba, ine unzenza inodzorwa naSatani, umo kurwara norufu zvinonangana nesu? Chokwadika, hatigoni zvino kukarira mwero womufarwa uchavapo munyika itsva yaMwari, sounodeya kutaurwa neShoko rake: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.”—Isaya 65:17, 18.

20 Icho vabatiri vaMwari vanogona kuva nacho zvino mufarwa usina kukwana nemhaka yokuti vanoziva kuda kwake uye vane zivo yakarurama yezvikomborero zvinoshamisa zvichauya nokukurumidza munyika yake itsva yeparadhiso. (Johane 17:3; Zvakazarurwa 21:4) Ndokusaka Bhaibheri richigona kuti: “Jehovha wehondo, wakaropafadzwa munhu unovimba nemi,” “vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake,” “vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 84:12; 128:1; Mateo 5:5) Nokudaro, pasinei zvapo nemamiriro ezvinhu akaoma azvino atinofanira kugonana nawo, tinogona kuva nemwero wakati womufarwa. Kunyange apo zvinhu zvakaipa zvinoitika kwatiri, hatisuruvariswi sezvinoita avo vasingazivi Jehovha uye vasina tariro youpenyu husingagumi.—1 VaTesaronika 4:13.

21. Kuzvipa kwavo vamene kunoparira sei mufarwa wavabatiri vaJehovha?

21 Mufarwa unouyawo kuvabatiri vaJehovha nemhaka yokuti vanoshandisa nguva, simba, uye pfuma vachidzidzisa zvokwadi dzeBhaibheri kuna vamwe, zvikurukuru vanhu vano‘gomera nokuchema pamusoro pezvose zvinosemesa’ zvinoitwa munyika yaSatani. (Ezekieri 9:4) Bhaibheri rinoti: “Wakakomborerwa une hanya navarombo; Jehovha uchamurwira nomusi wezvakaipa. Jehovha uchamuchengeta nokumuraramisa, uchakomborerwa panyika.” (Pisarema 41:1, 2) Sezvakataura Jesu, “kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

22. (a) Pamusoro pomufarwa, siyanisa vabatiri vaMwari naavo vasingamubatire. (b) Tinofanira kukarira kufara nokuda kwechikonzeroi chaicho?

22 Naizvozvo nepo vabatiri vaMwari vasingagoni kukarira mufarwa mukurusa panguva ino iripo, vanogona kuwana mufarwa usingafarikanywi naavo vasingabatiri Mwari. Jehovha anozivisa, kuti: “Tarirai, varanda vangu vachaimba nokufara kwomwoyo, asi imi muchachema nokurwadziwa kwomwoyo, muchawungudza nokuputsika kwomweya.” (Isaya 65:14) Uyewo, avo vanobatira Mwari vane chikonzero chaicho zvikuru chomufarwa zvino—vane mudzimu mutsvene wake uyo “vakapiwa naMwari ivo vanomuterera.” (Mabasa 5:32) Uye yeuka, pane mudzimu waMwari, pane mufarwa.—VaGaratia 5:22.

23. Chii chaticharangarira mufundo yedu inotevera?

23 Musangano ravabatiri vaMwari nhasi, rutivi runokosha runoitwa na“varume vakuru,” vakuru, avo vanotungamirira muungano, kuchiparira mufarwa wavanhu vaJehovha. (Tito 1:5, NW) Ivava vanofanira kurangarira sei mitoro yavo noukama hwavo kuhama nehanzvadzi dzavo dzomudzimu? Nyaya yedu inotevera ichakurukura ikoku.

Waizopindura Sei?

◻ Chisiko chinopupurira sei kukurongeka kwaJehovha?

◻ Jehovha akaronga sei vanhu vake munguva yakapfuura uye munguva yazvino?

◻ Jehovha anoda kudzikamai kwatiri?

◻ Rudo runokosha sei kumufarwa wedu?

◻ Rudzii rwomufarwa rwatinogona kukarira munguva yedu?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]

Top: Courtesy of ROE/Anglo-Australian Observatory, photograph by David Malin

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe