Vazivisi voUmambo Vanoshuma
Shoko raMwari Rinoshandisa Simba
“SHOKO raMwari ibenyu, rine simba.” (VaHebheru 4:12) Aya mashoko akabvumikisa kuva echokwadi nguva dzakawanda apo vanhu vakanyengerwa norudzidziso rwenhema vanoratidzirwa kuzvokwadi dzeBhaibheri. Sezvinoratidzwa muchakaitika chinotevera chinobva kuDominican Republic, simba reBhaibheri rinogona kuchinja upenyu hwavanhu ndokupa tariro.
Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira mumwe mukadzi weKaturike akatanhamara uyo misi yakanga ichangobva kupfuura iyoyo akanga arasikirwa navana vaduku vaviri murufu. Akarohwa nenhamo uye akachema ngwavaira yake zuva riri rose. Zvapupu zvakamuratidza icho Bhaibheri rinotaura pana Johane 5:28, 29 pamusoro petariro yorumuko. Pashure pedzimwe kurukurirano neZvapupu, haana kuwana bedzi nyaradzo mutariro yorumuko asi akaziva kuti vatungamiriri vake vorudzidziso veKaturike vakanga vachimunyengera.
Akakurumidza kubuda muChechi yeKaturike, uye akabvuma fundo yeBhaibheri yenguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Murume wake, zvisinei, haana kubvumirana nemirangariro yake. Sezvo iyewo akanga ari muKaturike akatanhamara zvikuru, akaronga kuti shamwari dzinosanozivikanwa dzezvamatongerwe enyika uye dzorudzidziso dzishanyire mudzimai wake mukuedza kumubvisa panzira yake ndokumudzorera muchiKaturike. Gare gare akamutyisidzira nechatanuro, pane imwe nguva kunyange kuzivisa hama dzake dzokunyama nemitezo biyake yechechi kuti vakanga vachichatanura.
Asi matandi ake haana kushanda. Mukupesana, akava akatsunga zvikuru kupfuudzira fundo dzake dzeBhaibheri. Nemhaka yokukura kwake mumudzimu uye kukudza kwake mavara akaisvonaka echiKristu, murume wacho akasarudza kuramba ainaye panzvimbo pokutsvaka chatanuro. Rimwe zuva akatobvuma kunzvera mabhuku eBhaibheri ayo akanga achifunda—asi zvichitsamira pamamiriro ezvinhu mamwe. Aida kushandisa shanduro yeKaturike yake amene yeBhaibheri.
Kukushamiswa kwake, nebetsero yamabhuku akabva kuZvapupu zvaJehovha, akavamba kudzidza zvinhu zvitsva zvakananga kubva muBhaibheri rake amene. Akaziva kuti mudzimai wake akanga asarudza nzira yakarurama, uye nokukurumidza akanga agadzirira kutevera muenzaniso wake. Zvamazvirokwazvo, akaona dikanwo yokuita chinjo muupenyu hwake amene. Denho imwe yakaoma yakanga iri kurega muitiro wake wokusvuta. Pashure pokurava chinyorwa No. 4, 1989, chemagazini yeMukai! ine musoro webutiro unoti “Rufu Runotengeswa—Nzira Gumi Dzokurega Kusvuta,” akatsunga kurega uyu muitiro usiri wapamagwaro. Panzvimbo pemidzanga yefodya yaiwanzowanika muhomwe yake, akavamba kutakura chinyorwa ichocho cheMukai! Nguva imwe neimwe apo aiva nechishuvo chokusvuta, airava nyaya dziri pamusoro pokusvuta. Mutoo wacho wakashanda! Pashure pokurava nyaya dzacho nguva dzakawanda, akakwanisa kurega kusvuta.
Nhasi vose vari vaviri murume nomudzimai vanobatira Jehovha savashumiri vakabhapatidzwa. Apo mamiriro ezvinhu anobvumira, anobatira somushumiri wenguva yakazara, achipa yakawanda zvikuru yenguva yake kukuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari, uye anobatira somubatiri anoshumira muungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Iye nomudzimai wake vanotarira mberi kurumuko apo vanogona kugamuchira vana vavo vachidzoka kuupenyu munyika itsva. Hungu, Shoko raMwari, Bhaibheri, ibenyu uye rinoshandisa simba!