RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/1 pp. 4-8
  • Bhaibheri—Bhuku Rakanzi Rinzwisiswe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri—Bhuku Rakanzi Rinzwisiswe
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Neiko Bhaibheri Rakanyorwa?
  • Rakanyanyooma Zvokusagona Kunzwisiswa Here?
  • Bhaibheri Navateveri vaJesu
  • Ibetseroi Inowanika?
  • Neiko Bhaibheri Richikosha?
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Kuongorora “Zvinhu Zvakadzama zvaMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kunzwisisa Bhaibheri—Chii Chichakubatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/1 pp. 4-8

Bhaibheri—Bhuku Rakanzi Rinzwisiswe

VAMWE vanhu vanodavira kuti Bhaibheri iShoko rakajeka raMwari iro rinofanira kuteverwa sezvarakaita. Nokuda kwavamwe, “shoko reBhaibheri harina kujeka zvikuru.” Rinodaro dare rine mitezo 12 rokutenda noumwari resangano gurusa rePurotesitendi reCanada. Mufundisi Clifford Elliott, weUnited Church, anorangarira kuti kuvamwe “Bhaibheri rinova rakaoma kunzwisisa, risina mirangariro yavanhu uye risina kukodzera.”

Mirangariro yakadaro inomutsa mibvunzo yakakodzera iyo yakafanirwa nemhinduro. Inokosha pakati paiyoyi ndeiyi, Neiko Bhaibheri rakanyorwa? Rinokangaidza zvikuru uye rakaoma kunzwisiswa here? Munhuwo zvake anogona kurinzwisisa here? Ibetseroi inodikanwa kuti munhu anzwisise revo yaMagwaro? Uye neiko zivo yakarurama yeBhaibheri ichikosha munguva dzino dzakaipa?

Neiko Bhaibheri Rakanyorwa?

Kufundwa kweShoko raMwari nguva dzose kwave kuri chinodikanwa chaavo vaizowana nyasha netendero zvaMwari Wokumusoro-soro, Jehovha. Madzimambo, vaprista, vabereki, varume, vakadzi, uye vana—vapfumi navarombo zvakafanana—vakarayiridzwa kuwana nguva muzvinhu zvavo zvezuva riri rose zvoupenyu kuti varangarire zvakakomba uye nokunyengetera Shoko rakanyorwa raMwari.—Dheuteronomio 6:6, 7; 17:18-20; 31:9-12; Nehemia 8:8; Pisarema 1:1, 2; 119:7-11, 72, 98-100, 104, 142; Zvirevo 3:13-18.

Somuenzaniso, Joshua akarayiridzwa, kuti: “Iva nechokwadi chokuti bhuku roMutemo rinoraviwa nguva dzose mukunamata kwako. Rifunde masikati nousiku, uye iva nechokwadi chokuti unoteerera chinhu chiri chose chakanyorwa mariri. Ipapo uchabudirira uye uchafambira mberi.” (Joshua 1:8, Today’s English Version) Fundo yokungwarira yakadaro nokushandiswa kwoMutemo waMwari zvaizoguma nebudiriro nomufarwa. Jehovha akaronga kuti “marudzi ose avanhu” haasati aizonzwisisa bedzi Shoko rake, Bhaibheri, asiwo kuriteerera, nekariro yokugamuchira chipo choupenyu.—1 Timotio 2:3, 4; Johane 17:3.

Rakanyanyooma Zvokusagona Kunzwisiswa Here?

Jesu asati akwira kudenga, akajekesa kuti aida kuti gadziriro huru yedzidzo yeBhaibheri ipfuurire mupasi rose. (Mabasa 1:8) Iye aiziva kuti Bhaibheri rakanzi rinzwisiswe. Pashure pokutsanangura kuti Jehovha akanga amupa chiremera chose mudenga napasi pano, akapa murayiro wakananga, unoti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi [kana, vafundi] vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateo 28:19, 20, NW.

Vasati vabhapatidzwa, vadzidzi vatsva vaifanira kudzidziswa pamusoro paJehovha, Mwanakomana wake, uye kushanda kwomudzimu mutsvene. Mukuwedzera, ivo vaifanira kurayiridzwa mumutemo wetsika yechiKristu yezvinhu. (1 VaKorinte 9:21; VaGaratia 6:2) Kuti vawane uyu mugumisiro, vakafanirwa vaifanira kutanga kudavira kuti Bhaibheri rakabva kuna Jehovha uye chechipiri kuti rakanzi rinzwisiswe.—Mateo 10:11-13.

Chii chinodikanwa kwauri kuti unzwisise Bhaibheri? Mwanakomana waMwari akaita nhamburiko chaiyo kuti atsanangure Magwaro. Aiziva kuti Manyoro Matsvene ndeechokwadi uye kuti ane kuda kwakataurwa kwaJehovha. (Johane 17:17) Pamusoro pomugove wake webasa, Jesu Kristu akati: “Ndakaberekwa ndokupinda munyika nokuda kweichi chinangwa chimwe, kuti nditaure pamusoro pezvokwadi. Ani naani wezvokwadi anonditeerera.” (Johane 8:37, TEV; Ruka 4:43) Jesu haana kurega kudzidzisa avo vaiva nemwoyo nendangariro zvinogamuchira. Pana Ruka 24:45, tinoudzwa kuti: “Ipapo [Kristu Jesu] akadziura kuziva kwavo, kuti vanzwisise Magwaro.”

Mukati moushumiri hwaJesu ainokora mashoko norusununguko muShoko rakanyorwa, achitsanangura nokunongedzera kumagwaro ari mu“murayiro waMosesi navaporofita, napaMapisarema.” (Ruka 24:27, 44) Avo vakanzwa tsananguro dzake dzapaMagwaro vakasundwa zvikuru nokujeka kwenzwisiso yake, pamwe chete namano ake okudzidzisa. (Mateo 7:28, 29; Marko 1:22; Ruka 4:32; 24:32) Kwaari, Magwaro akanga ari bhuku rainzwisiswa.

Bhaibheri Navateveri vaJesu

Muapostora Pauro, mutevedzeri waJesu Kristu, akaona kudikanwa kwokudzidzisa vamwe izvo Magwaro anazvo. Iyewo aiziva kuti akanzi anzwisiswe. Ndokusaka akadzidzisa pachena uye pasina panikiro akatsanangura Magwaro mumisha yaavo vaida kuanzwisisa. Pauro akazivisa chimiro chake chendangariro apo akati: “Imi munoziva kuti handina kurega chinhu chipi nechipi chaizova chebetsero kwamuri sezvandakaparidza nokudzidzisa pachena nomumisha yenyu.” (Mabasa 20:20, TEV) Mukati mekurukurirano dzake airangarira muMagwaro, achitsanangura nokubvumikisa mapfundo ake nenongedzero. (Mabasa 17:2, 3) Aifarira kubetsera vamwe kunzwisisa revo yaMagwaro.

Iwe une chishuvo chokunzwisisa zvinhu izvo Jesu navadzidzi vake vakadzidzisa here? (1 Petro 2:2) Vagari veBherea yakare vaiva nechishuvo chakadaro, uye vakanga vachidisa kudavira izvo muapostora Pauro akanga achivadzidzisa pamusoro paKristu. Naizvozvo vakakurudzirwa kufunda Magwaro zuva nezuva uye nokudaro vakavimbiswa kuti mashoko akanaka ayo vakanzwa akanga ari zvirokwazvo zvokwadi. Nemhaka yokuti ndangariro dzavo dzaigamuchira, “vazhinji vavo vakatenda.”—Mabasa 17:11, 12.

Kuti anzwisise Bhaibheri, munhu anofanira kuva nomugariro womwoyo wakarurama, chishuvo chapachokwadi chokudzidza, uye ‘kuziva chinodikanwa chake chomudzimu.’ (Mateo 5:3) Apo Jesu akabvunzwa, kuti: “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” iye akapindura, kuti: “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwokudenga, asi ava havana kupiwa.” Kwakadeya kutaurwa kuti iye aizo‘zarura muromo wake nemienzaniso ndokuzivisa zvinhu zvakavanzika.’ (Mateo 13:10, 11, 35) Naizvozvo Jesu akataura kupfurikidza nemienzaniso kuti aparadzanise muteereri asina hanya neanoda kuziva nomubvunzi wapachokwadi. Vadzidzi vaJesu vakaratidza uchokwadi hwavo pane imwe nhambo apo vakapinda naye muimwe imba ndokuti: “Tidudzirei mufananidzo wamashawi omumunda.”—Mateo 13:36.

Kuri pachena kuti tinoda betsero kana tichizonzwisisa Bhaibheri. Mufundisi Hal Llewellyn, munyori weUnited Church wezvoumwari, wokutenda, uye chinzwano chechiKristu senyika yose, akati: “Kunokosha zvikuru kujekesa icho Bhaibheri rinoreva kwatiri uye kuraviwa kwaro ndokududzirwa.” Asi kunyange kana vose vasati vachikuziva, idi nderokuti hatigoni kunzwisisa Bhaibheri tiri toga zvedu. Tinoda betsero.

Ibetseroi Inowanika?

MuBhaibheri mune kutaura kunokangaidza, mibvunzo inovhiringidza, uye kutaura kukuru uko kunoda kuwadzanyura. Iko kungava kusina kujeka namaune, kuchishandisa kuenzanisa kune revo kusina kunzi kunzwisiswe panguva yakwakanyorwa. Asi kwaibatanidza zvinangwa zvaJehovha. Somuenzaniso, Zvakazarurwa 13:18 inotaura kuti “chiverengo chechikara” “mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.” Nepo ndima yacho ichitaura kuti “ndipo pane kuchenjera,” haitsananguri revo yechiverengero ichocho. Jehovha, kupfurikidza nesangano rake, zvisinei, akabvumira vabatiri vake vakavimbika kunzwisisa revo yacho nhasi. (Ona bhokisi, “Mukoto Wokunzwisisa Nawo Bhaibheri.”) Iwewo unogona kuwana iyi nzwisiso norubatsiro rwaavo vane ruzivo rwokuzviwanira muku“bata shoko rezvokwadi zvakarurama.”—2 Timotio 2:2, 15, 23-25, NW; 2Ti 4:2-5; Zvirevo 2:1-5.

Jesu pane dzimwe nguva aishandisa mienzaniso kuratidza kugamuchira kana kushayikwa kwokugamuchira shoko roUmambo. Iye akaratidzira kuti vamwe havasati vaizofambira mberi nemhaka yokuodzwa mwoyo kwavo nechishoro chinobva kushamwari nehama dzokunyama. Vamwe vaizobvumira “kutambudzika nokuvengwa” kuparadza kunzwisisa kwavo shoko roUmambo. Vamwezve vaizobvumidza zvinhu zvezuva riri rose zvoupenyu, “kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma,” kutsvikinyidzira kunze rudo rupi kana rupi rwavangava narwo rwamashoko akanaka. Pano rumwe rutivi, kuna avo vanogamuchira nomufaro uye vanodisa kunzwa shoko rinokosha ndokuwana mufungo waro. Ivo “vanogomera nokuchema pamusoro pezvinonyangadza zvose zvinoitwa” muchiKristudhomu, zvinofungirwa kuva muzita raJesu Kristu. Vakadaro vanodisa kurayiridzwa munzira yaJehovha uye naizvozvo kunzwisisa izvo vari kurava muBhaibheri.—Mateo 13:3-9, 18-23; Ezekieri 9:4; Isaya 2:2-4.

Kuavo vanoda kuwana nzwisiso muzvinangwa zvaJehovha pahwaro hwomunhu oga, Jehovha anogona kuva nechokwadi chokuti rubatsiro rwuri madikanwa runogoverwa. Kuenzanisira, Bhaibheri rinoshuma kuti mudzimu waJehovha wakatungamirira Firipo muevhangeri kubatsira murume weEtiopia uyo akanga achirangarira bhuku reBhaibheri raIsaya sezvo aifamba achibva Jerusarema. Achienda kumusha, akanga achirirava ari mungoro yake. Mukuteerera kutungamirira kwomudzimu mutsvene waJehovha, Firipo akamhanya parutivi pengoro ndokubvunza, kuti: ‘Munonzwisisa zvamuri kurava here?’ Murume wacho akanga achizvininipisa uye akatendeseka zvakakwana zvokubvuma kuti aida betsero. Firipo akarayiridza nomufaro uyu munhu ane nzara mumudzimu naanodzidzisika. Murayiridzo wacho wakamubetsera kunzwisisa Magwaro. Iye akadzidza icho zvino aifanira kuita kuti afarikanye ukama hunodiwa naJehovha kuti awane upenyu husingaperi. Iye akava mubatiri anofara, akabhapatidzwa waJehovha, uyo akaronda upenyu hwakanga huchifadza kuna Mwari.—Mabasa 8:26-39.

Iwe ungava neBhaibheri mumusha mako, uye ungave wakarirava kakawanda. Sezvingabvira zvikuru wakawana chinetso chimwe chetecho chakawanwa nomuEtiopia wapachokwadi, anozvininipisa. Iye aisagona kunzwisisa izvo airava. Iye aida betsero uye haana kuzengurira kugamuchira rubatsiro urwo Jehovha Mwari akafadzwa kugovera. Kufanana naFiripo, Zvapupu zvaJehovha zvinofara kukubatsira mukunzwisisa zvinhu pamusoro paMwari izvo zvakanyorwa muShoko rake, Bhaibheri. Izvo zvinoziva kuti Jehovha akagovera Bhaibheri ndokuti rinofanira kunzwisiswa.—1 VaKorinte 2:10; VaEfeso 3:18; 2 Petro 3:16.

Neiko Bhaibheri Richikosha?

Tiri kurarama munguva inokosha zvikurusa yenhau yomunhu. Bhaibheri rinonongedzera kwairi se“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, NW) Zviitiko zvakawanda zviri kuitika mukuzadzika kwouporofita hweBhaibheri chibviro chegore ra 1914 zvinoratidza kuti nokukurumidza zvikuru zvino Umambo hwokudenga hwaMwari hucha‘pwanya ndokugumisa dzimwe hurumende dzose.’—Dhanieri 2:44.

Zviravire umene chinodeya kutaurwa muBhaibheri muna Mateo ganhuro 24, Marko ganhuro 13, uye Ruka ganhuro 21. Uchacherechedza kuti zviitiko zvinorondedzerwa ndezveitiro hanya yomunyika yose. Izvo zvinobatanidza hondo dzenyika—dzakasiyana nedzimwe hondo dzose. Chibviro cheHondo yeNyika I, takapupurira perevedzo dzezvokudya, kudengenyeka kwapasi, uye nguva yokusateerera mutemo kwechienzi yakadeya kutaurwa. Uye zvino marudzi anoratidzika kuva ava pedyo nokutaura kuchagovera chiratidzo chakajeka chokuti ruparadziko rwenyika rwava pedyo. Pamusoro paikoku, muapostora Pauro akanyora, kuti: “Zuva raShe rinosvika sembavha usiku. Kana vachiti, Rugare, nokugarika—ipapo kuparadzwa kuchakurumidza kuvawira, . . . havangatongopukunyuki.” (1 VaTesaronika 5:2, 3) Ndivanaani vasati vachipukunyuka? Pauro anotsanangura, kuti: “Avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu.” (2 VaTesaronika 1:7-9) Rutivi rwechiratidzo chakaumbwa nezvizhinji rwaifanira kuzadzikwa naavo vanoteerera murayiro unopiwa pana Mateo 24:14 (NW), wokuparidza “mashoko akanaka oumambo . . . mupasi rose rinogarwa.”

Mamiriyoni eZvapupu zvaJehovha ari kuita uyu murayiro munyika 231 nezvitsuwa zvegungwa. Izvo zvinoshanyira misha yavanhu ndokuvakumbira somunhu oga kudzidza pamusoro pehurumende yoUmambo yaJehovha. Izvo zvinoonesa nomutsa chiito icho mumwe nomumwe anofanira kuita kuti ave pakati pavapukunyuki vetsika ino yezvinhu ndokurarama muparadhiso yapasi umo musati muchizova nokuchema, kugomera, marwadzo, kana rufu.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Nguva iri kukurumidza kuperera nyika ino yakaipa, uye kunokosha kuti vose vanoda kupukunyuka mugumo wenyika ino vadzidze chinobatanidzwa muku‘teerera mashoko akanaka’ nokudaro ndokupukunyuka ruparadziko. Nguva inotevera iyo Zvapupu zvaJehovha zvinoshanya pamusha pako, kuregerei kugamuchira chikumbiro chokuva nefundo yeBhaibheri yevhiki nevhiki? Zviri nani zvikuru, kuregerei kuzvikumbira kufunda Bhaibheri newe nemhaka yokuti unoda kurinzwisisa?

[Bhokisi riri papeji 8]

MUKOTO Wokunzwisisa Nawo Bhaibheri

JESU akativimbisa kuti pashure porufu rwake norumuko, aizomutsa “muranda wakatendeka, wakangwara” uyo aizobatira somukoto wake wekurukurirano. (Mateo 24:45-47) Muapostora Pauro akazivisa uyu mukoto kuvaKristu veEfeso apo akanyora kuti “vaziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari; sechirevo chokutanga-tanga chaakatema muna Kristu Jesu, Ishe wedu.” (VaEfeso 3:10, 11) Yakanga iri ungano yavaKristu vakazodzwa, yakaberekwa paPentekosta 33 N.V., iyo yakaronzeswa “zvinhu zvakaratidzwa pachena.” (Dheuteronomio 29:29) Seboka, vaKristu vakazodzwa vanobatira somuranda akatendeka naakachenjera. (Ruka 12:42-44) Mugove wavo wakagadzwa uchibva kuna Mwari kugovera nzwisiso yomudzimu ye“zvinhu zvakaratidzwa pachena.”

Kunyange sezvo uporofita hweBhaibheri hwakanongedzera mberi kuna Mesiya, hunotitungamirirawo kuboka rakasanobatana reZvapupu zvechiKristu zvakazodzwa izvo zvino zvinobatira somuranda akatendeka naakachenjera.a Rinotibatsira kunzwisisa Shoko raMwari. Vose vanoda kunzwisisa Bhaibheri vanofanira kunzwisisa kuti “kuchenjera kukuru kwaMwari” kunogona kuzivikanwa bedzi kupfurikidza nomukoto waJehovha wekurukurirano, muranda akatendeka naakachenjera.—Johane 6:68.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona Nharireyomurindi, September 1, 1981, mapeji 8-12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe