Manyoro Ane Revo Chaiyo
“IEHOVA SIT TIBI CUSTOS”
AYA mashoko akanyorwa pachidziro chapamberi cheimwe imba yezana ramakore rechi 17 muCelerina, Switzerland yokumabvazuva, anoreva kuti “Jehovha ngaave mudziviriri wako.” Muiyi nharaunda ine makomo, hakusati kuri kusingazivikanwi navose kuwana zita raMwari rakatemerwa kana kuti rakanyorwa padzimba, chechi, uye dzimba dzavafundisi zvave zviriko kwamazana amakore. Zita rokuti Jehovha rakava sei rinosanozivikanwa kwazvo?
Rhaetia yakare (inobatanidza mativi edzave zvino Germany yokumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva, Austria, uye Switzerland yokumabvazuva) yakava ruwa rweRoma muna 15 P.N.V. Vagari vemo vakasvika pakutaura chiRomansh, mutauro wakavakirwa pachiLatin uyo wakakura kuva tumitauro tunoverengeka tuchiri kutaurwa mumimwe yemipata yeAlpine yeSwitzerland neItaly yokuchamhembe.
Pashure penguva yakati, zvikamu zveBhaibheri zvakashandurirwa muchiRomansh. Chimwe chinyorwa, Biblia Pitschna, chaiva neMapisarema naMagwaro echiKristu echiGiriki. Muiri Bhaibheri, rakabudiswa muna 1666, zita rokuti Iehova rakaoneka kakawanda muMapisarema ose. Sezvo Bhaibheri rakanga riri chinhu chikuru chokurava mumusha, varavi veBiblia Pitschna vakava vakarovedzana nezita roMusiki.
Zvisinei, zvizvarwa zvakatevera zvakarasikirwa nokufarira zvinhu zveBhaibheri. Vakawanda havana kuda zvavo kubvunza izvo shoko rokuti “Iehova” raireva, uyewo vafundisi havana kuita nhamburiko ipi neipi yokuritsanangura. Nokudaro, aya manyoro akava zvishongowo hazvo zvinoratidzira nguva yakapfuura.
Mumakumi amakore achangobva kupfuura aya kudzidzazve kunoshamisa kwave kuchiitika. Zvapupu zvaJehovha zvakabuda munzvimbo dzakaderera, zvichipedzera mazororo muiyi mipata yakaisvonaka uye zvichiva nechokwadi chokudzidzisa vagari vemo pamusoro paMwari ane zita rinonzi Jehovha. Zvimwe Zvapupu zvakatogara munharaunda yacho kuti zvigone kupedza nguva yakawanda zvichiudza vanhu pamusoro pamadonzo anoshamisa oMusiki nokuda kwapasi uye nokuda kwomunhu. Nokudaro, aya manyoro echiRomansh ekare ari kuva nerevo itsva sezvo vanhu vanodzidza pamusoro paMwari wechokwadi, Jehovha.
[Mifananidzo iri papeji 32]
IEHOVAPORTIO MEA: Jehovha ndiye mugove wangu.—Ona Pisarema 119:57