Kokorodzano yo“Kudzidzisa Kwoumwari” yeEthiopia—Nguva Yomufaro Chaiwo
YAKANGA isati iri kokorodzano yoruwa yokutanga yeEthiopia murusununguko, asi yakanga iri chaiyo chaizvoizvo. Chifo chokuwana zivikanwo yapamutemo pana November 11, 1991, Zvapupu zvaJehovha zvakasangana kechitatu munhandare hurusa yenyika yacho, City Stadium, pakati chaipo peAddis Ababa. Sezvo iyi nhandare pakutanga yakanga isingawaniki paSvondo uye kusina imwe nzvimbo yakakura zvakakwana yaigona kuwanwa, purogiramu yakatsvikinyidzwa kuva mazuva matatu, kubvira paChina kusvikira kuChitanhatu, January 13-15, 1994.
Aya mazuva matatu akadziya kwete bedzi mugariro wokunze unodziya wakaisvonaka pasi pamatenga ebhuruu asiwo vhenekero yomudzimu ine simba rakazara ro“Kudzidzisa Kwoumwari.” Mumugariro wokurongwa kunokwezva kwamaruva akapoteredza chikuva, musoro iwoyo wekokorodzano wakatanhamara zvikuru murunyoro rwechiAmharic.
Asi chii chakaita kuti kokorodzano yacho ive chaiyo? Pamwe chete nepurogiramu yakapfuma, mifungo nemirangariro zvomunhu ari wose zvakanga zvakanangidzirwa pauhama hwedu hworudo hwamarudzi ose nokuratidzirwa kwakajeka kwechikomborero chaMwari pavanhu vake muchimiro chokukura kwoUmambo. Kwakanga kune nhume dzokumwe dzine 270 dzakabva kunyika 16, kubatanidza kunyange Djibouti neYemen. Dzinopfuura hafu dzakabva mumugariro wokunze wechando muEurope neNorth America. Vashanyi vacho vaibatanidza mitezo miviri yoMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha, Lloyd Barry naDaniel Sydlik.
Mutsa wegamuchidzanwa wechiEthiopia wakabatanidzwa norudo rwomwoyo wose nokuda kwehama dzavo dzinoshanya wakaguma nomufaro uyo wakakurira mipingo yomutauro. Kwaziso dzacho dzakanga dzisati dziri kubatanawo zvako maoko asi kumbundirana nokutsvodana, kusvikira kukatanhatu! Vashanyi vakawanda vakanga varava pamusoro pebasa roUmambo muEthiopia uye vaiziva kuti hama dzavo dzeEthiopia dzakanga dziri vachengeti veperero vakaedzwa avo vakanga vapfuurira mukuiswa mutorongo nezvimwe zvimiro zvechitambudzo.a Asi nhume dzinoshanya dzakashamiswa kuona vanhu vaduku vakawanda kwazvo vachiratidza zviso zvinofara norupfave urwo rwuri kuderera munyika dzakawanda zvikurusa nhasi. Hanzvadzi dzeEthiopia dzakawanda dzakapfeka maroko adzo egamuchidzanwa machena, akamendwa nenzira younyanzvi, ayo akawedzera kumudzimu wokufara zvirokwazvo.
Rubhapatidzo paChishanu rwakabvumikisa kuva runofadza. Mutsetse murefu wavanhu vakanga vachangobva kuzvitsaurira vane 530, kubvira pamakore 10 kusvikira ku 80 ezera, wakatambanuka uchigura hafu yenzvimbo yokutambira munhandare macho. Ikoku kwakanga kuchipfuura zvikuru izvo munhu upi noupi akanga akarira—vanopfuura mumwe nokuda kweZvapupu zvinomwe zviri zvose munyika macho. Ufakazi hwakadini hwechikomborero chaJehovha pavanhu vake muno! Kwakanga kune misodzi yakawanda yomufaro pakuona ikoku, uko kwakawedzerwa nokuimba kwakaisvonaka kwakaitwa nenhume dzeItaly dzinopfuura 40. Vakawanda vakafunga nezvemashoko ouporofita aIsaya 60:5, anoti: “Ipapo uchazviona ukapenya nomufaro, mwoyo wako uchadedera nokufariswa; nokuti zvakawanda zvegungwa zvichaiswa kwauri, fuma yamarudzi avanhu ichauya kwauri.”
Zvisakiso Chaizvo Zvomufaro
Chikomborero chaJehovha chakasimbiswazve paChishanu, apo mavambo maduku ebasa roUmambo muEthiopia akayeukwa mubvunzurudzo. Idzodzi dzakaitiswa boka ravafundisi vapakuvamba avo vakanga vabatira ikoko muma 1950 nama 1970. Vanosanopfuura 8 000 vakanzwa Ray Casson, John Kamphuis, uye Haywood Ward vachirondedzera basa ravo redzidzo yeBhaibheri, kutanga pana September 14, 1950, apo vakasvika muAddis Ababa. Hurumende youmambo yamazuva iwayo yaida kuti vave vanoshingaira mudzidzo yavose. Naizvozvo vakaronga chikoro chedzidzo yavanhu vakura pakati petaundi, chichisimbisa mhatsa yezvidzidzo. Asi munguva yavo yokusadzidzisa, ava vafundisi vakatsvaka kufambisira mberi dzidzo yakanangidzirwa pakudzidzisa kwoumwari. Vaifanira kurwisa kuti vadzidze chiAmharic, mutauro wakaoma une arufabheti yamabhii 250. Inenge hafu yegore yakapfuura vasati vabudirira mukuitisa fundo yavo yeBhaibheri yapamusha yokutanga. Anenge makore 43 gare gare, vakasangana navanhu mumugwagwa avo vakayeuka ava vaichimbova vadzidzisi vechikoro. Pakokorodzano yacho, kunyanguvezvo, vakafara kubatanidzwazve navakawanda vevaichimbova vadzidzi vavo veBhaibheri avo vakava vakasimba mukutenda, uye avo vakavasuma kuvana navazukuru vavo vamene vomudzimu.—1 VaTesaronika 2:19, 20.
Vateereri vanofara navanopa ngwariro zvikuru vakarovera maoko kwenguva refu kwete bedzi kubvunzurudzwa kwevaichimbova vafundisi asiwo mishumo nekwaziso zvakabva Britain, Canada, Germany, Israel, Italy, Kenya, Netherlands, uye United States—zvakaunzwa navamiriri vokumwe. Ikoku zvakare kwakasimbisa uhama hworudo hwenyika yose hwavanhu vaMwari. Hurukuro huru dzakapiwa nehama dzakazodzwa dzoMutumbi Unodzora, pamwe chete neminyengetero yadzo yomwoyo wose, zvakaororawo vateereri zvikuru. Vanhu vaduku munhandare vakazvizivisa vamene navanhu mumutambo pamusoro pavanhu vaduku vanoyeuka Musiki wavo, mutambo wacho uchiva wakaitwa nomutoo womuzvarirwo zvikuru noune mbavarira. Mukuwedzera kuzvinyorwa zvitsva zvakabudiswa muchiNgezi, zvinyorwa zvitsva zvitatu zvakabudiswa zvechiAmharic zvakaparira mbavarira huru.b
Mukati mokutindika napadzimwe nguva, kwakanga kune mabanza akaisvonaka okurovedzana navanhu vakawanda vanokosha. Somuenzaniso, pamutsetse wapamberi chaipo, aine mudondoro, pakanga pakagara muparidzi akwegura zvikurusa muEthiopia, Tulu Mekuria. Gore rakapfuura, pazera rokukura rakasvitswa zvakanaka ramakore 113 okukura, akabhapatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha. Pakokorodzano ino akava nomufaro wokuona mudzimai wake ane makore 80 okukura achitevera muenzaniso wake, achivawo hanzvadzi yake yomudzimu. Kuvapo kwake mukati mepurogiramu yose kwakanga kuri kurudziro yakaisvonaka kuvanhu vaduku. Mumwe wavakadaro akanga ari Yohanes Gorems, uyo pazera ramakore 16 uye achiri mudzidzi muchikoro akatobatira kwamakore mana somuparidzi ari piyona wenguva dzose. Iye namamwe mapiyona ezera rechikoro ayo anotova maduku zvikuru vakadzidza kutenga nguva yakafanira, zvakadai sokupfurikidza nokupupurira mumangwanani-ngwanani vachienda kuchikoro kana kuti kupfurikidza nokushandisa kutindika namaawa apashure pechikoro.
Mienzaniso Yakadini Yeperero!
Mazana aiva muvateereri akanga atambura kuiswa mutorongo nokutambudzwa vachidzorwa nehurumende dzekare. Mandefro Yifru anoyeuka makore mashanu akadaro ari mutorongo, asi zvino anofarikanya kubatira muAddis Ababa muhofisi ichangobva kutangwa, iyo inotarisira shanduro, kutsikirira, uye kutumira. Rimwe jaya riri kubatira naye, Zecarias Eshetu, harina kusiya perero yaro makore masere akapfuura apo baba varo vakapondwa nokuda kwokuchengeta kusatora rutivi kwechiKristu mukati mamakore matatu okuva mutorongo. Zecarias, mumwe wavana vashanu, akanga ane makore gumi okukura apo baba vake vakaenda kutorongo. Meswat Girma nehanzvadzi yake, Yoalan, zvino vava mukupera kwamakore avo ouduku uye vachiri muchikoro, vanoyeuka baba vavo mumifanikiso bedzi, sezvo vakanga vari vaduku zvikuru apo vakaurawa kamwe kamwe nokuda kwokusatora rutivi kwavo. Ruvimbiko rwavo rwakavakurudzira, uye vose vari vaviri vari kubatira samapiyona enguva dzose, sezvakanga zvichiita baba vavo panguva yorufu rwavo.
Mumwe muchengeti weperero akanga ari Tamirat Yadette, zvino ari kubatira sapiyona chaiye munharaunda yakaisvonaka yeRift Valley. Nemhaka yokusatora rutivi kwake kwechiKristu, akapedza makore matatu ari mumatorongo manomwe akasiyana-siyana, padzimwe nguva akasungwa necheni uye achirohwa zvakakomba. Bva, ari mutorongo akabetsera vanhu vanopfuura gumi navaviri kutsigira Umambo hwaMwari.
Tesfu Temelso, zvino ari kubatira somutariri wedunhu, akaiswa mutorongo ka 17 mukati mamakore ake sapiyona chaiye. Ane mavanga okurohwa, asi anofadzwa kuona ungano muyaichimbova migove yake. Zhinji dzehama nehanzvadzi dzokuAkaki Ungano dzakatambura kuiswa mutorongo noutsinye, bva ungano yacho yakura kusvikira kuvaparidzi vanopfuura zana. Vakavaka Horo yoUmambo yokutanga yeZvapupu zvaJehovha muEthiopia. KuDese, taundi riri mumugariro wakaisvonaka riri makiromita 300 kuchamhembe kwedzimbahwe, kwakabva boka ravashanu avo vakatarisana norufu ndokuona hama yomunzvimbomo ichifa nokutambudzwa kwayakanga yaitwa. Mumwe mukuru pakati pavo, Maseresha Kasa, akatsanangura kuti akapfuurira mukati mokuva mutorongo kwamakore matanhatu, kwete nemhaka yokuti akanga ari chaiye munzira ipi neipi, asi nemhaka chete yokuti akadzidza kuvimba naJehovha.—VaRoma 8:35-39; enzanisa naMabasa 8:1.
Kunyange misi ichangobva kupfuura iyi, vamwe vakaratidzira kutendeka kwavo mumuedzo. Boka guru rakauya kukokorodzano richibva kunyika iri pedyopo uko, nemhaka yokusatora rutivi kwazvo, Zvapupu zvakanga zvanyimwa dziviriro yamapurisa, magwaro okufambisa, magwaro eroorano, kurapwa muchipatara, uye mabasa. Apo hondo yakanga ichipisa pedyo neMesewa, chiteshi chengarava cheEritrea chiri paGungwa Dzvuku, ungano yose, 39 pamwe chete, kubatanidza vana, vakagara kwemwedzi inenge mina pasi pezambuko rakaderera murenje kuti vanzvenge kudenhwa namabhomba kwemisha yavo nehurumende yekare. Muuyu mugariro wokupisa nokunyimwa, kurukurirano dzavo dzorugwaro rwezuva nezuva nemimwe misangano zvakavapa simba guru nebatano yapedyo naJehovha pamwe chete nomumwe nomumwe. Hanzvadzi mbiri dziri mapiyona chaiwo dzinobatira pedyo namanyuko eBlue Nile dzakatsungirira tyisidziro dzenyongori nokushushwa kwakanyandurwa neChechi yeOrthodox, asi vaviri vakapfuurira ndokuona vadzidzi veBhaibheri vanoverengeka vachiratidzira tsauriro yavo kupfurikidza norubhapatidzo paiyi kokorodzano.
Imwe hama yakarondedzera muedzo wayo wokuparadzaniswa pabasa mukati-kati megwenga reOgaden, risiri kure neSomalia. Yakaramba iri mhenyu mumudzimu kupfurikidza nokuparidza uye ipapo kuita misangano navanhu vanofarira, kubatanidza vanachiremba, avo vakabetserwa nokudzidzisa kwoumwari uye zvino vanodzidzisa vamwe. Mumwe muenzaniso wakaisvonaka wokuchengeta perero akanga ari mumwe piyona chaiye muAddis Ababa uyo, muna 1992, akarohwa nenzira youtsinye ndokusiyiwa achinzi afa nenyongori dzakanyandurwa navaprista veOrthodox. Nenzira inofadza, akanaya uye anopfuurira kubatira mundima imwe cheteyo. Nyemwerero yokufara pachiso chake hairatidziri chiratidzo chokushatirwa. Nokuda kwake, sokuvamwe vanhu vose vakaedzwa navanhu vatsva, iyi Kokorodzano yo“Kudzidzisa Kwoumwari” wakanga uri mutambo womufaro.
Kurongwa kwekokorodzano kwakashanda zvakanaka, kuchiita kuti vashanyi vafunge kuti vazvipiri vaibatanidzwa vakanga vava namakore akawanda oruzivo rwokuzviwanira. Kutaura idi, vakaita fambiro mberi yokukurumidza mukati mamakore maviri akapfuura. Kokorodzano yamazuva matatu yakaguma vachiri kuda. Chiverengero chapamusoro paChitanhatu chakanga chiri 9 556. Terevhizheni, nhepfenyuro, uye mapepanhau zvenyika zvakagovera mushumo wakanaka. Vose vaigona kuona kuti Jehovha akanga achipfumisa vanhu vake mumudzimu. Vateereri vaibatanidza zviuru zvavanhu vanofarira avo vakatanga kubetserwa no“Kudzidzisa Kwoumwari.” Munda mukuru wakazaruka kuZvapupu zvaJehovha munyika ino yavanhu vane mamiriyoni anenge 50, uye kokorodzano yakasimbisa vose mukutsunga kwavo kushandisa nguva yasara mutsika ino yezvinhu kubetsera vanhu vapachokwadi kubetserwawo nokudzidzisa kwoumwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona 1992 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Upwere Hwako—kuWana zvakaNakisisa maHuri, Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze, uye Zvapupu zvaJehovha—Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose.
[Mifananidzo iri papeji 23]
Addis Ababa, January 13-15, 1994
[Mifananidzo iri papeji 24]
Boka ramapiyona muAddis Ababa (kurudyi); vachengeti veperero vose avo vakaiswa mutorongo (pasi apa); Chapupu chine makore 113 okukura nomudzimai wacho