Neiko Zvapupu Zvichiramba Zvichishanya?
‘HEZVO zvakare! Asi zvakanga zviri pano vhiki shomanene bedzi dzapfuura!’ Ikoko kunopfuura mundangariro mako here apo mumwe weZvapupu zvaJehovha anokushanyira? Mamiriyoni nhasi anoshanyirwa nguva dzose neZvapupu zvaJehovha. Ungabvunza kuti, Neiko zvichipfuurira apo zvinoziva kuti vanhu vakawanda zvikurusa vane rudzidziso rwavo vamene kana kuti havafariri? Mubvunzo iwoyo unofanirwa nemhinduro.
Mutoro PamberipaMwari
Zvapupu zvaJehovha zvakadzidza muMagwaro kuti chifo cha 1914, gore iro Hondo yeNyika I yakavamba, zvinoitika zvenyika zvave zvichizadzika uporofita hweBhaibheri pamusoro pomugumo wetsika yenyika yazvino nokutonga kunouya kwoUmambo hwaMwari pamusoro papasi rino. Rinodokuva zana rimwe ramakore ramasimba masimba, kudeura ropa, uye ruvengo rinoratidzika kuva rakasiya rudzi rwomunhu rwava kure kupfuura nakare kose nemhinduro yezvamatongerwe enyika kuzvinetso zvavo. Hondo nougandanga izvo zvichiri kutambudza mhuri yavanhu chibvumikiso chokuti kutonga kwomunhu kwakundikana kuchinja mwoyo yavanhu, ndangariro, uye zvimiro zvendangariro. Pfundepfunde yakasimba pamusoro pezvinoitika izvo zvakaitika shure munhau ichiri kushatisa ukama pakati pamapoka edzinza, orudzi, uye orudzidziso. Ikoko ndokwechokwadi munharaunda dziri kure seAfghanistan, India, Middle East, Northern Ireland, South Africa, uye yaichimbova Yugoslavia. Chii, ipapoka, chiri mhinduro bedzi isingaperi?
Chii Chinosunda Zvapupu?
Zvapupu zvaJehovha zvinoziva kuti mhinduro yaMwari—kutonga kwoUmambo hwake kwakapikirwa kunoitwa naKristu Jesu—ndiko mhinduro bedzi inoshanda. Jesu akatobatanidza chikumbiro chokutonga kwoUmambo ihwohwo mumunyengetero wake womuenzaniso wakakurumbira: “Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Ushe hwenyu ngahuuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” Zvapupu zvinodavira kuti uyu munyengetero unokumbira chaizvoizvo kupindira kwaMwari muzvinhu zvorudzi rwomunhu.—Mateo 6:9, 10.
Naizvozvo neiko Zvapupu zvaJehovha zvichinzwa dikanwo yokuenda nguva dzose paimba neimba kuedza kuendesa shoko iroro? Imhaka yemirayiro miviri iyo Jesu akasimbisa: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose. Ndiwo murayiro mukuru nowokutanga. Wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.”—Mateo 22:37-39.
Zvapupu zvinoda chikomborero chaMwari nokuda kwazvo zvimene, uye nemhaka yokuti zvinoda vavakidzani vazvo, zvinoda chikomborero chimwe chetecho nokuda kwavo. Nokudaro, zvichitevera muenzaniso waJesu, zvinonzwa zvichisundwa norudo rusina udyire kushanyira vavakidzani vazvo. Zvinoda hazvo kuvapa banza rokusvika pakuziva icho “Mwari anofara” akapikira nokuda kworudzi rwomunhu runoteerera mupasi rakacheneswa.—1 Timotio 1:11, NW; 2 Petro 3:13.
Mufundisi wechiKristu Pauro aidavira zvipikirwa zvaMwari uye nokudaro aigona kunyora, kuti: “Pauro, muranda waMwari, nomuapostora waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa zvokwadi iri pakunamata Mwari, patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, usingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo.” Hungu, Mwari, “usingatongorevi nhema,” “akapikira” upenyu husingaperi kuavo vanotsvaka nokuzvininipisa kumuziva nokumubatira.—Tito 1:1, 2; Zefania 2:3.
Zvapupu Zvinobhadharwa Here?
Panhambo nenhambo vamwe vakataura kuti Zvapupu zvinobhadharwa nokuda kwoushumiri hwazvo. Idzi inhema chaidzo! Izvo zvinorangarira zvakakomba mashoko aPauro kuungano yaiva muKorinte, anoti: “Hatifanani navamwe vazhinji [vanotengesa, NW] shoko raMwari; asi tinotaura muna Kristu nezvokwadi, sezvinobva kuna Mwari, pamberi paMwari.”—2 VaKorinte 2:17.
Vamwe vatungamiriri vorudzidziso vanoparidza nokuda kwemari, ungava muripo nokuda kweminamato yorudzidziso kana kuti kusimudzira mabasa ezvokutengeserana muushumiri hwavo muTV. Marudzidziso akawanda zvikurusa ane mufundisi anobhadharwa.
Mukupesana, Zvapupu hazvina vafundisi vanobhadharwa, uye kazhinji kazhinji mabhuku azvo eBhaibheri anogoverwa pasina mutengo kuvatsvaki vapachokwadi vezvokwadi, kunyange zvazvo vakawanda vaivava vachisundwa kupa mipiro yokuzvidira. Iyoyi inoshandiswa kubhadhara ndyiko dzeiri basa rokuparidza munyika yose. Mutsinhirano nezano raJesu: “Makangopiwa henyu, chingopai henyu,” Zvapupu zvinoshandisa norusununguko pfuma yazvo, kubatanidza nguva nesimba, mukupa mamiriyoni amaawa gore rimwe nerimwe kubasa raMwari. Nokudaro, zvinodzidzisa vanhu vanofarira paimba neimba uye kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha.—Mateo 10:8; 28:19, 20; Mabasa 20:19, 20.
Maidi anobvumikisa kuti hakuna vavariro yemari nokuda kweZvapupu zvaJehovha savanhu vamwe navamwe, nokuda kweungano dzazvo dzomunzvimbomo, kana kuti nokuda kweWatch Tower Society. Hakuna munhu anogamuchira muripo upi noupi nokuda kwokuenda paimba neimba. Ipapo basa racho rinowanirwa sei mari? Kupfurikidza nemipiro yokuzvidira inobva kuvanhu vanoonga munyika yose. Hapana mari inounganidzwa.
Simba Rokupupurira Kwazvo
Ushumiri hwapaimba neimba nokuparidza kwamasanga kweZvapupu zvine simba rokuita kuti vanhu vazive here? Ufakazi huri muzvinobudisa nhau hunopa hungu mukuru kumubvunzo iwoyo. Zvapupu zvaJehovha zvakadudzwa mupurogiramu dzeTV namabhaisikopo apo mumwe munhu anoratidzwa achigogodza pasuo. Nhevedzano yemifananidzo inosetsa yakadudza Zvapupu. Mubato wazvo wokushingaira unosanozivikanwa kwazvo zvokuti vanyori vemifananidzo inosetsa kupota nyika vakabatanidza nongedzero kuZvapupu zvaJehovha. Iyoyi ingaoneka kuva inosetsa, asi inowanzovakirwa paidi guru rakananga—kuti Zvapupu zvinozivikanwa nokuda kwokuparidza kwazvo paimba neimba kunopfuurira.—Mabasa 20:20.
Mumwe mufananidzo unosetsa wemisi ichangobva kupfuura iyi wakaratidza mumwe murume achikwira gomo kundobvunza “guru” [mudzidzisi womudzimu]. Iye akati: “Taura kwandiri nezvezvinhu zvinoshamisa zvichauya!” “Guru” akapindura sei? “Ngationei . . . Kuchava nenzara, nhenda, uye kudengenyeka kwapasi. Zuva richashandurwa kuva rima, uye mwedzi kuva ropa.” Mubvunzi akabvunza, kuti: “Chii chiri mashoko akanaka?” Kwakuri “guru” akapindura, kuti: “Mwari achapukuta musodzi uri wose . . . uye hakusati kuchizovazve norufu kana kuti rusuruvaro kana kuti marwadzo!” Mushanyi akabvunza, kuti: “Unoziva sei nezvezvinhu zvakadaro?” Mhinduro yacho? “Hakuna munhu anonzvenga Zvapupu zvaJehovha!” Uye ikoko kunofanira kuva kwaivawo kwechokwadi nezvomunyori amene womufananidzo unosetsa!
Pfundo rinoorora reiyi nhevedzano yemifananidzo inosetsa nemimwe yakafanana nayo nderokuti inozivisa kwete bedzi kuva dzenguva dzose kweshanyo dzeZvapupu asiwo kutsinhirana kweshoko razvo. Mumashoko mashomanene chete, munyori wemifananidzo akapa rutivi rukuru rwouchapupu hwazvo hwapaimba neimba ndokunokora magwaro.—Enzanisa naMateo 24:7, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Idi rokuti vanhu vakawanda zvikurusa vanoramba shoko razvo hariodzi mwoyo Zvapupu kana kuti kuderedza shingairo yazvo. Muapostora Petro akanyevera, kuti: “Pamazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachifamba nokuchiva kwavo, vachiti: Chipikirwa chokuuya kwake chiripiko zvino? Nokuti kubva pakuparara kwamadzibaba, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita kubva pakutanga kwokusikwa.” Pasinei zvapo naikoku, zvichisundwa norudo, Zvapupu zvinopfuurira kushanyira vavakidzani vazvo uye zvichaita saizvozvo kutozosvikira Mwari agumisa tsika yakaipa iripo.—2 Petro 3:3, 4.
Jesu akataura kuti mumazuva okupedzisira, mashoko akanaka aizofanira kutanga kuparidzwa. Nokuda kweimwe nzvero pamusoro pokuti nei uye sei, ona nyaya mbiri dzinotevera.—Marko 13:10.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Zvapupu zvaJehovha hazvina boka ravafundisi rinobhadharwa—vose vashumiri vanozvipira