RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 8/15 pp. 5-7
  • Kusvinudzira Meso Kumashoko Akanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvinudzira Meso Kumashoko Akanaka
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukurira Upofu Hwomudzimu
  • Mushonga Bedzi Wechigarire—Umambo hwaMwari
  • Mufarwa Munyika Itsva yaMwari
  • Batsira Mapofu Kudzidza nezvaJehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Itariroi Iripo nokuda Kwamapofu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • VaFarisi Vanotambudza Murume Aimbova Bofu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 8/15 pp. 5-7

Kusvinudzira Meso Kumashoko Akanaka

“DENGA harisi rebhuruu zvishomanene nemhaka yokuti bofu haririoni,” chinodaro chirevo chechiDanish. Asi muupenyu hwedu hwokubatikana hwezuva nezuva, tinoona here kuti denga nderebhuruu, sokunge zvakadaro? Tinoona nguva yemberi nechivimbo here? Tinodavira chaizvoizvo here mashoko akanaka ayo Shoko raMwari, Bhaibheri, rinopa?

Munyaya yapfuura, tarangarira mativi oupofu chaihwoihwo. Zvino ngatinzverei rudzi rwechiono runokosha zvikuru kwazvo. Runobatanidza mufarwa wedu usingagumi pamwe chete nekariro dzavadiwa vedu.

Pasina panikiro, takatarisana ne“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Chii chinoitika sezvo vanhu vanoparapatika kuti vawane chokurarama nacho, vanoshivira zvitambudzo zvoutano nezvinetso zvemhuri, uye vanogonana nokusaruramisira kwechaunga nokushayikwa kworudo? Nenzira inosuruvarisa, vakawanda vanowana kuti chivimbo chavo muvanhu biyavo, rudzidziso, uye hurumende chinoderera. Vachinzwa kuti hakuna nzira yokubuda nayo, vamwe vanogumisa kuti zvinetso zvavo hazvisati zvichizotongopedzwa nenzira yomuzvarirwo. Mupepanhau reBrazil Jornal da Tarde, Jacob Pinheiro Goldberg anoti: “Vanhu, mukutarisana nezvomene ine utsinye, vanonzwa vashatiriswa kwazvo nemhosho zvokuti havarangariri nenzira ine mufungo, uye vanovimba nezvakavanzika zvinokangaidza.” Bva, kunyange apo zvinhu zvinoipa, tinoda kushandisa mufungo wakanaka, hatidi here?

Fungidzira kwechinguvana kuti unoda musha wemhuri yako, uye mari haisi chinetso. Zvichida unotarisa-tarisa ndokushanyira dzimba dzakasiyana-siyana dzakawanda dziri munharaunda dzakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo vatengesi vedzimba vachiedza kurangarira zvido zvako, musha waunorangarira unoramba usingawaniki. Bva, sezvo gutsikano negarikano zvemhuri yako zvichibatanidzwa, hauregi, unodaro here? Zvino isa muchiono mufarwa wacho apo pakupedzisira unowana imba inokugutsa.

Sezvo waizopedza nguva uchitsvaka musha mutsva, kuregerereiko kunzvera Bhaibheri kuti uone mhinduro kuzvinetso zvako? Sezvo tichifanira kuyera maidi pakuita zvisarudzo pamusoro pomusha, naizvozvo tinofanira kurangarira zvakanaka pamusoro peicho tinorava muShoko raMwari. Uye kunotobetsera zvikuru kupfuura kuwana musha kuona kwedu nokugamuchira zvokwadi pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu. Jesu akati: “Ikoku kunoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari mumwe bedzi wechokwadi, uye youyo makatuma, Jesu Kristu.”—Johane 17:3, NW.

Asi kana shoko reBhaibheri richikosha kwazvo, neiko vakawanda kwazvo vachiramba vakapofumadzirwa kumashoko aro akanaka? Kutanga, uye ikoku kungashamisa vakawanda, “nyika yose iri musimba rowakaipa.” (1 Johane 5:19, NW) Somuuyo, Satani Dhiabhorosi “akapofumadza ndangariro dzavasingatendi, kuti kuvhenekera kwamashoko akanaka ane mbiri pamusoro paKristu, uyo ari mufananidzo waMwari, kurege kupenya.” (2 VaKorinte 4:4, NW) Kunyange zvazvo tichiona namaziso edu, ndihwo uropi hunotsanangura chiedza chinopinda muziso. Nokudaro, kuva bofu kunorondedzerwawo sokuva “asingakwanisi kana kuti asingadisi kunzwisisa kana kuti kusarudza.” Ikoku kunotiyeuchidza chirevo chakakurumbira, chinoti: “Hakuna bofu kwazvo saavo vasati vachida kuona.”

Bofu harigoni kuona zviri pamberi paro, naizvozvo ringava mungozi yokukuvara. Upofu chaihwoihwo hwavakawanda hahugoni zvino kuchinjwa, bva hakuna munhu anosungirwa kuramba ari bofu mumudzimu.

Kukurira Upofu Hwomudzimu

Sezvo migariro youtsanana yakashata ichigona kunetesa kuona, mhoteredzo inoshatisa inogona kuparira upofu hwetsika. Uyezve, Jesu Kristu akanyevera pamusoro pedzidziso namagamuchidzanwa zvakaitwa nomunhu. Iye akajekesa kuti vatungamiriri vorudzidziso shure panguva iyeyo vakanga vachitsausa boka ravo: “Mapofu anotungamirira mapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.”—Mateo 15:14.

Panzvimbo pokunyengedzwa navatungamiriri mapofu, vanofara sei avo vanosvinudzira meso avo kumashoko akanaka pamusoro poUmambo hwaMwari! Jesu akazivisa, kuti: “Kutonga ndiko kwandakauyira panyika ino, kuti vasingaoni, vaone.” (Johane 9:39) Kunyanguvezvo, mapofu mumudzimu anogona sei kuona? Eya, ngatipfuuridzirei kurangarira kwedu upofu chaihwoihwo.

Gadziriro dzakasiyana-siyana zvino dzinowanika kuvasingaoni. Ikoku kwakanga kusina kudaro nguva dzose. Hakuna kuyedza kwakakomba chaizvoizvo kwakaitwa kuyamura mapofu Valentin Haüy asati atanga chikoro chaicho chamapofu muna 1784. Gare gare, Louis Braille akatanga muitiro une zita rake; akaita saizvozvo kubetsera vasingaoni kuti varave.

Zvakadiniko namapofu mumudzimu? Mumakore achangobva kupfuura nhamburiko dzakakomba dzakaitwa dzokuzivisa mashoko akanaka kunyange mumativi ari kuresa apasi. (Mateo 24:14) Zvapupu zvaJehovha zvinofara kuunza tariro kuvose vari vaviri mapofu nenzira yokufananidzira uye mapofu chaiwoiwo.

Mumwe mukadzi weBrazil akanyora, kuti: “Ndinoda kutaura kuti pasinei zvapo nourema hwangu hwomuviri, ndinogona kuona—mumudzimu. NdiMwari anoshamisa zvakadini! Tinofara kuziva kuti ‘Jehovha achavhura ruoko rwake ndokugutsa chishuvo chechinhu chipenyu chiri chose.’” (Pisarema 145:16) Uye Jorge, uyo ari bofu mumuviri, anoyeuka, kuti: “Upenyu hwangu hunogona kusanokamurwa zvikuru kuva mativi maviri: pamberi napashure peZvapupu. . . . Kupfurikidza nazvo, ndakavamba kuona nyika norujeko nokuchena. Ndinofarikanya ukama hwakaisvonaka nomunhu ari wose muungano.” Kunyange zvazvo ikoko kuchifadza, Bhaibheri rinotipa vimbiso kuti nokukurumidza hakuna munhu pasi pano achava bofu—chairoiro kana kuti mumudzimu. Ikoko kuchadaro sei? Kuchabvumikisa sei kuva kwechokwadi mupasi rose kuti “Jehovha unosvinudza meso amapofu”?—Pisarema 146:8.

Mushonga Bedzi Wechigarire—Umambo hwaMwari

Pasinei zvapo noruzivo rwokurapa rwakawedzerwa, hosha dzakawanda dzinopfuurira kuparira upofu, marwadzo, uye rufu. Chii, ipapoka, chinodikanwa kubvisa kudya zvisina kukwana, migariro youtsanana yakashata, uye nhamo izvo zvinobvisa zvose zviri zviviri chiono nomufaro woupenyu? Kurapa kwaJesu mapofu navamwe wakanga uri muenzaniso womwero muduku wenguva yemberi. Nenzira inofadza, basa rake rokudzidzisa nokuporesa rakadeya kufananidzira zvikomborero zvichatambanudzirwa kupasi muhurumende yoUmambo hwaMwari.

Kuporesa pamwero wenyika yose kwava pedyo.a Iyi gadziriro yokuporesa kwoumwari inoratidzirwa zvakaisvonaka nomuapostora Johane, kuti: “Akandiratidza rwizi rwemvura youpenyu, yakapenya sekristaro, inobuda pachigaro choushe chaMwari necheGwayana, pakati penzira yaro. Kumativi maviri orwizi kwakanga kune muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.”—Zvakazarurwa 22:1, 2.

Kutaura kwakadai se“mvura youpenyu” uye “miti youpenyu” kunoratidzira kuti pashure pokunge tsika yakaipa yanhasi yaguma, gadziriro dzokurapa dzoUmambo hwaMwari dzichasimudzira pashoma napashoma rudzi rwomunhu kukukwana. Kutaura idi, betsero dzechibayiro chorudzikinuro chaJesu (kubatanidza kanganwirwo yakakwana yezvivi), pamwe chete nezivo yaJesu Kristu naBaba vake, ichaparira utano hwakakwana noupenyu husingaperi.—Johane 3:16.

Mufarwa Munyika Itsva yaMwari

Isa muchiono, ipapoka, pasi risina utsotsi, kushatiswa, kana kuti urombo. Isa muchiono mhuri yako ichigara nenzira ine rugare muParadhiso yakadzorerwa. (Isaya 32:17, 18) Uchava mufaro wakadini kucherekedza mhatsa yoruvara nendangariro nepfungwa zvakakwana!

“Mugariro womuzvarirwo womunhu kugara mumhoteredzo inochinja nguva dzose—yechiedza, ruvara, zvimiro. Hakuna chinhu chakadai semhoteredzo inofinha muchisiko,” anodaro Faber Birren. “Ruvara ndichimwe chezvinofadza zvomusikirwo zvenyika ino. Mugariro wechisiko, kwete wechienzi, uye hwakawanda hwoupenyu hwakanaka hunotsamira parwuri.”

Chipo chokuona chinokosha sei! Uchava mufaro wakadini apo meso aimbova mapofu—chaizvoizvo kana kuti mumudzimu—achaona!

Hungu, muParadhiso iri kuuya ichadzorerwa, upofu nohumwe urema hazvisati zvichizoparirazve kusava nomufarwa! Hakuna munhu achatsauswazve. Sezvo rudo rwapachokwadi ruchatekeshera, vose vachavhenekerwa mumudzimu. Ikoko, uye zvakawanda zvikuru, zviri pamberi apa, asi iko zvino inguva yokutenderwa noUyo achazadzika chipikirwa chake chouporofita, chinoti: “Panguva iyoyo meso amapofu achasvinudzwa”!—Isaya 35:5, NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Tapota nzvera ufakazi hunopiwa mubhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, ganhuro 18, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Panguva iyoyo meso amapofu achasvinudzwa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe