“Anoziva Inzwi Rake”
“JEHOVHA ndiye mufudzi wangu.” Aya mashoko okutanga ePisarema 23. Magwaro anoenzanisa zvakare Jehovha Mwari nomufudzi muuporofita hwaIsaya, uhwo hunoti: “Uchafudza boka rake somufudzi, uchaunganidza makwaiana ake somufudzi, uchaunganidza makwaiana ake mumaoko ake, nokuatakura pachifuva chake, uchanatsa kutungamirira nhunzvi dzinomwisa.”—Isaya 40:11.
Nomutoo wakafanana, Jesu Kristu anofananidzwa nomufudzi. Iye akati: “Ndini mufudzi wakanaka; mufudzi wakanaka unorashira makwai ake upenyu hwake.” (Johane 10:11) Jesu akataura kuti “makwai anonzwa inzwi [romufudzi], unodana makwai ake namazita awo, nokuaperekedza kunze.” Akawedzera kuti “makwai anomutevera [mufudzi], nokuti anoziva inzwi rake. Asi mweni haangatongomuteveri, asi anomutiza; nokuti haazivi inzwi ravaeni.”—Johane 10:2-5.
Vose vari vaviri Jehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, vakararama mukuwirirana nomufananidzo unoratidzirwa mumagwaro ari pamusoro apa. Vanobata makwai avo okufananidzira nounyoro uye kutarisira kworudo. Somuuyo, vakafanana namakwai vanonzwa vachidiwa, vakachengeteka, uye vakadzivirirwa.
Uhwu ukama hunofananidzwa nenzira yakakodzera nouhwo hwamakwai chaiwoiwo nomufudzi wawo. Shure muna 1831, John Hartley akanyora pamusoro pecherekedzo dzake muna ikoku. Akacherekedza kuti muGirisi kwaiva kwetsika kuti vafudzi vape mazita kumakwai avo. Apo aidanwa nezita, makwai aipindura inzwi romufudzi wacho. Makore 51 gare gare, muna 1882, J. L. Porter akaita cherekedzo dzakafanana. Akapupurira somunhu oga vafudzi “vachitaura . . . kudana kwechienzi kwokuungudza” uko makwai aipindura kupfurikidza nokutevera vafudzi nenzira yokuteerera. Gore rimwe chetero William M. Thomson akanyora pamusoro penzvero dzinodzokororwa idzo dzakabvumikisa kuti makwai anogona kudzidziswa kutevera mufudzi wawo uye kuziva inzwi rake.
Uhwu ukama hwechienzi pakati pavafudzi namakwai avo hwakacherekedzwa munguva dzichangobva kupfuura zvikuru here? Hungu. Muchinyorwa chaSeptember 1993 cheNational Geographic, muiti wezvinhu zvine ngozi weAustralia Robyn Davidson akanyora zvinotevera pamusoro pavafudzi vechiRabari muIndia yokuchamhembe kwakadziva kumadokero: “Mufudzi mumwe nomumwe ane kudana kwakasiyana zvishomanene, misiyano pamusoro. Kune kudana kwamangwanani kwokubuda, kudana kwokuunza makwai kumvura, uye zvichingodaro. Murume mumwe nomumwe anoziva makwai ake amene uye makwai anoita zvakafanana, uye boka rake chairo richazvibvisa rimene muboka guru ndokumutevera mangwanani.”
Nokusapanikira, Jesu akacherekedza icho chakarondedzerwa navafambi vana vachangobva kududzwa. Cherekedzo dzake amene dzakawedzera uchokwadi kumuenzanisiro wake wamakwai anoziva inzwi rake. Uri rimwe ramakwai aJesu here? Unoziva inzwi rake uye uri kuteerera here? Kana uchiziva uye kubvuma dzidziso dzake sezvokwadi uye kana uchiteerera mirairo yake uye kutevera utungamiriri hwake mukunamata Jehovha, ipapo unogona kuwana ufudzi hworudo uye hwetsitsi hwaJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Johane 15:10.