Rusununguko Murutyo Rwava Pedyo!
KUNYANGE ZVAZVO munhu achirarama achitya nduramo yake yose, tinogona kutarira nechivimbo kunguva munguva yemberi iri pedyo apo Umambo hwaMwari hunodzorwa naJesu Kristu huchabvisa nokusingaperi kutambura kwose—kubatanidza chirwere norufu. Magazini ino yakaratidzira chinodikanwa kuti ugobetserwa negadziriro dzorudo dzaMwari. Kana ungafarira mamwe mashoko kana kuti ungada kuti mumwe munhu ashanye kuzokuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha yapachena, tapota nyorera Watch Tower, 35 Fife Avenue, Harare, kana kuti kero yakafanira yakarongwa papeji 2.