Musangano Wegore Negore
OCTOBER 1, 1994
MUSANGANO WEGORE NEGORE wemitezo yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa pana October 1, 1994, paAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano wokutanga wemitezo bedzi uchaitwa pa 9:30 a.m., uchiteverwa nomusangano wegore negore wavose pa 10:00 a.m.
Mitezo yeCorporation inofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvechinjo ipi neipi mukero dzayo dzokuposita mukati megore rapfuura kuitira kuti tsamba dzenguva dzose dzeziviso namagwaro okuvhota pasina kupinda musangano wacho zvigogona kuvasvika mukati maJuly.
Magwaro okuvhota pasina kupinda musangano wacho, ayo achatumirwa kumitezo pamwe neziviso yomusangano wegore negore, anofanira kudzorerwa kuti asvike Hofisi yoMunyori weSosaiti pasati pari pashure paAugust 1. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kuzadza ndokudzorera rugwaro rwawo rwokuvhota pasina kupinda musangano wacho nokukurumidza, uchitaura kana iwo pachawo uchizova pamusangano wacho kana kuti kwete. Mashoko anopiwa parugwaro rumwe norumwe rwokuvhota pasina kupinda musangano wacho anofanira kuva akajeka pairi pfundo, sezvo achavimbwa nawo mukuziva achavapo pachake.
Kunokarirwa kuti rusando rwose, kubatanidza musangano wenguva dzose webhizimisi nemishumo zvichapedzwa panosvika 1:00 p.m. kana kuti nokukurumidza pashure paikoko. Hakusati kuchizova norusando rwamasikati. Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa, kupinda kuchaitwa kupfurikidza netikiti bedzi. Hakuna gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore norunhare nedzimwe horo.