RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 6/1 pp. 19-23
  • Vakatigadzira Muenzaniso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakatigadzira Muenzaniso
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidza Zvokwadi dzeBhaibheri
  • Kupayona muAustralia
  • Kukokwa Kumunda Wokumwe
  • Roorano, Chirambidzo, uye Hondo
  • Upenyu Mumisasa Yechibharo
  • Rusununguko Nokubatanazve Kunoshamisa
  • Vadzoka muAustralia
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Rutivi 3—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukurira Mukunangana noRufu
    Mukai!—1993
  • Jehovha Akabvumikisa Kuva Neni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 6/1 pp. 19-23

Vakatigadzira Muenzaniso

YAKATAURWA NACRAIG ZANKER

Kwamakore masere mudzimai wangu, Gayle, uye ini tave tiri mapiyona, vashumiri venguva yakazara veZvapupu zvaJehovha. Kwamatanhatu okupedzisira, tave tichibatira pakati pavagari vemo vechiAborigine mumaruwa ari kure mukati menyika muAustralia. Tiri kungotevera zvedu muenzaniso wakaisvonaka wakatigadzirwa navabereki vangu navanasekuru.

REGAI ndikuudzei zvikurukuru pamusoro pavanasekuru vangu. Nguva dzose takavadana nechidakadaka kuti Opa naOma, akaenzana echiDutch asekuru naambuya. Sekuru vangu, Charles Harris, vachiri kubatira nokushingaira muMelbourne, umo vagara kwamakore anodokusvika 50.

Kudzidza Zvokwadi dzeBhaibheri

Opa akaberekerwa mutaundi duku muTasmania, nyika yechitsuwa yeAustralia. Muna 1924, apo akanga ane makore 14, baba vake vakatenga bhokisi romugungwa romufambisi wengarava panotengeswa zvinhu. Rakazova bhokisi repfuma chaiyoiyo, kutaura nenzira yomudzimu, nokuti raiva namabhuku akanyorwa napurezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society, Charles Taze Russell.

Sezviri pachena baba vaOpa vakanga vasingafariri zvikuru mabhuku acho, asi Opa akavamba kuarava uye nokukurumidza akaziva kuti akanga ane zvokwadi dzinokosha dzeBhaibheri. Naizvozvo akatanga kutsvaka International Bible Students, vamiriri vavabudisi vamabhuku avo zvino vanozivikanwa seZvapupu zvaJehovha. Aida kutaura kwavari kuti agogona kugamuchira dzimwe tsananguro dzezvokwadi dzeBhaibheri dzaakanga ari kudzidza.

Pashure pokubvunza kwakawanda akawana vakadzi vatatu vakwegura vakanga vachishingaira mukudzidzisa vamwe. Vakava netapuro huru pana Charles muduku. Pakupedzisira, muna 1930, akaita tsauriro kuna Jehovha Mwari uye akabhapatidzwa mumvura. Akarega basa rake somutengesi wenyama uye akaenda kuchamhembe kuSydney, uko akagamuchira mugove somuevhangeri wenguva yakazara.

Kupayona muAustralia

Mumakore mashomanene akatevera, ndima dzokuparidzira dzaCharles dzakabatanidza sabhabhu romumhenderekedzo megungwa reSydney reBondi pamwe chete nenharaunda dzamaruwa munyika yeNew South Wales. Ipapo akagoverwa kuPerth, Western Australia, kure namazana amakiromita pano rumwe rutivi rwenyika yacho. Kwemwedzi mitanhatu akapupurira mundima yamabhizimisi yePerth, uye ipapo, pamwe chete namamwe mapiyona maviri, akagoverwa kunzvimbo dzine vanhu vashomanene vakataramukana dzokuchamhembe kwakadziva kumadokera kweAustralia.

Mugove wokuparidzira waava vatatu—Arthur Willis, George Rollsten, uye Charles—yakanga iri nharaunda yakakura nekana kupfuura ukuru hweItaly! Vagari vemo vakanga vari vashomanene vakataramukana, maruwa enyika yacho akanga asina kuorera, uye kupisa kwaiva kukuru. Padzimwe nguva kwakanga kuri madikanwa kufamba anopfuura makiromita 500 pakati pamapurazi emombe, anozivikanwa senzvimbo dzemombe. Motokari yavaishandisa yakanga yasakara, kunyange nemipimo ya 1930, asi vakanga vane kutenda kwakasimba nokutsunga kukuru.

Migwagwa mitete, ine makomba isina tara yakanga yakagurwa-gurwa nenzira dzengamera, uye pano naapo huruva yakatsetseka (inonzi bvukupfuku) yaivanza zvigutsa zvine ngozi. Hakushamisi kuti masipiringi emotokari aiwanzotyoka. Ekisero yeshure yakatyoka panhambo mbiri, uye matayi akachekwa kakawanda. Mapiyona aiwanzogadzira zvigamba nematayi ekare ndokuzvisungirira namabhaudhi mukati mamatayi aripo kuti apfuurire norwendo rwawo.

Apo ndaingova kakomana, ndakabvunza Opa chakavakurudzira kuti varambe vachipfuurira mumigariro yakaoma yakadaro. Iye akatsanangura kuti mukuva kwavo vari voga pakanga pane kuva pedyo naJehovha. Padzimwe nguva yaiva nhamo yomuviri, iye akadaro, chakava chikomborero chomudzimu.

Pasina chiratidzo chipi nechipi choukuru kana kuti kuzviruramisa, Opa akaratidzira kushamisika kuti vanhu vakawanda kwazvo vanoratidzika kuva vanonyanyoitira hanya kuunganidza zvinhu zvokunyama. “Upenyu,” iye akandiyeuchidza, “huri nani zvikuru kuraramwa nezvinhu zvishomanene sezvingabvira. Kana Jesu akanga achidisa kurara panze apo kwakanga kuri madikanwa, ipapo tinofanira kufara kuita zvimwe chetezvo kana mugove wedu uchikuda.” (Mateo 8:19, 20) Uye, zvamazvirokwazvo, iye neshamwari dzake vakadaro.

Kukokwa Kumunda Wokumwe

Muna 1935, Opa akagamuchira mugove mutsva wokuparidzira—kupupurira kuvagari vechitsuwa cheSouth Pacific. Neboka ravamwe vatanhatu, akafamba nechikepe chinofambiswa namachira china mamita 16 Lightbearer cheWatch Tower Society.

Imwe nguva, chiri muCoral Sea kuchamhembe kweAustralia, injini inobetsera yeLightbearer yakafa. Kwakanga kusitongorina mhepo, naizvozvo havana kukwasva makiromita akawanda kubva panyika. Kunyange zvazvo paiva nengozi yokupunzika kwechikepe paGreat Barrier Reef, Opa akaororwa noruteramo rukuru. “Gungwa rakanga rakaterama zvikuru,” akanyora kudaro mudhayari rake. “Handisati ndichizotongokanganwa kunyura kwezuva manheru mamwe namamwe pagungwa iroro rakaterama. Chiono chacho chakanga chakaisvonaka kwazvo zvokuti chakatemerwa payeuko yangu kwenguva yose.”

Nomufaro, vasati vakukurirwa pamuchinjiziri, mhepo yakadzoka, uye vakafamba zvakakotsekana vari pasi petende vachipinda muPort Moresby, Papua New Guinea, uko vakaita kuti injini igadzirwe. Kubva paPort Moresby vakaenda nechikepe kuThursday Island uye ipapo kupfuurira kuJava, chitsuwa chikuru cheIndonesia. Opa akatanga kuda zvikuru nyika iyo yakarondedzerwa se“chuma chamaparera chakasunga equator.” Panguva yacho, Indonesia yakanga iri koroni yeNetherlands, naizvozvo sekuru vakadzidza zvose zviri zviviri chiDutch nechiIndonesia. Mabhuku avakagovera mumubato wavo wokuparidzira, zvisinei, aiva mumitauro mishanu: chiDutch, chiIndonesia, chiChina, chiNgezi, uye chiArabia.

Opa akabudirira zvikuru mukugovera mabhuku eBhaibheri. Pane imwe nguva Clem Deschamp, uyo akanga achitarisira nzvimbo yeWatch Tower muBatavia (zvino Djakarta), akadanwa pamberi pomukuru mukuru weNetherlands uyo akanga achisanoongorora basa redu rokuparidzira. “Mune vanhu vangani vari kushanda zasi ikoko kuEast Java?” mukuru mukuru wacho akabvunza kudaro.

“Mumwe bedzi,” vakapindura kudaro Hama Deschamp.

“Unondikarira kudavira izvozvo here?” akakarara kudaro mukuru mukuru wacho. “Munofanira kuva mune hondo huru yavashandi zasi ikoko, ndichiyera nouwandu hwamabhuku enyu ari kuparadzirwa munzvimbo iri yose!”

Opa anorangarira kuti iyoyo yakanga iri imwe yerumbidzo dzinogutsa zvikurusa dzoupenyu hwake. Asi zvirokwazvo aifanirwa nayo, sezvo kwakanga kusiri kwechienzi kuti iye agovere mabhuku ari pakati pe 1 500 ne 3 000 mwedzi mumwe nomumwe.

Roorano, Chirambidzo, uye Hondo

Muna December 1938, Opa akaroora mukadzi muduku wechiIndonesia ainzi Wilhelmina, uyo akazova ambuya vangu. Oma, kana kuti ambuya, vaiva nemutsa, vaiva vanyoro, vanoshingaira, uye vanotaura zvinyoro. Ndinoziva, nokuti mukati mouduku hwangu vaiva shamwari yangu yapedyo zvikurusa.

Pashure peroorano yavo Opa naOma vakapfuuridzira basa ravo roupiyona pamwe chete. Panguva iyeyo mimwe mitezo yeboka reLightbearer yakanga yapararira kuna mamwe mativi enyika kana kuti zvimwe kudzokera kumusha. Asi Opa akanga aita Indonesia musha wake, uye akanga akatsunga kugara.

Sezvo Hondo yeNyika II yakasvika, hurumende yeNetherlands yaitonga Indonesia, uye yaishanda mudzvinyiriro yaibva kuvafundisi, yakavamba kuisa ganhuriro pamubato weZvapupu zvaJehovha, pakupedzisira ichirambidza basa redu. Naizvozvo kuparidzira kwakaitwa nokutambudzika, tichishandisa Bhaibheri bedzi. Murinenge taundi riri rose Opa naOma vakashanyira, vakazvuzvurudzirwa pamberi pavakuru vakuru ndokubvunzurudzwa. Vakabatwa samatsotsi. Isati iri nguva refu pashure pokunge chirambidzo chauya, muramu waOma akaiswa mujeri nokuda kwechimiro chake chokusatora rutivi kwechiKristu. Iye akafira mutorongo reNetherlands.

Opa naOma vakagara murori ine muviri wekaravhani wakavakirwa pairi. Vachishandisa uyu musha unofamba, vakaparidzira muJava yose. Muna 1940, sezvo tyisidziro yokuvhozhokera kwavarwi veJapan yaiswedera pedyo, vakakomborerwa nomwanasikana uyo, akazova amai vangu. Vakatumidza mwana wacho kuti Victory, pashure pomusoro wehurukuro yakapiwa makore maviri pamberi pezvi zvikuru neaiva purezidhendi panguva iyeyo weWatch Tower Bible and Tract Society, J. F. Rutherford. Vakapfuurira kupayona munguva yose yokuberekwa kwomwana.

Pakuvamba muna 1942, Opa, Oma, uye Victory vakanga vari mungarava inotakura zvinhu yeNetherlands yaidzokera ichibva Borneo apo kurira kukuru kwepfuti kwaibva mungarava yehondo yeJapan kwakanzwika. Magetsi ose akadzima, uye vanhu vakaridza mhere. Neiyi nzira hondo yakapinda muupenyu hwemhuri yangu. Kunyange zvazvo vakakwanisa kudzoka kuchiteshi chengarava zvakakotsekana, vaJapan vakavhozhokera Java mazuva mashomanene bedzi gare gare, uye mumwe mukuru mukuru weNetherlands akazivisa kwaiva naOpa naOma kuvarwi vechiJapan.

Apo vaJapan vakavawana, vakatorerwa zvinhu zvavo, kusvikira kuzvokutambisa zvaVictory muduku, uye vakaendeswa kumisasa yechibharo miviri yakasiyana. Victory akabvumirwa kugara naOma, uye Opa haana kuvaona kwamakore matatu nehafu akatevera.

Upenyu Mumisasa Yechibharo

Mukati mousungwa hwake, Opa akatamisirwa kutaundi netaundi—kubva kuSurabaja kuenda kuNgawi, kuBandung, uye pakupedzisira kuTjimahi. Uku kutamiswa kwenguva dzose kwakanga kuri kwokudzivisa kuedza kupi nokupi kwekupukunyuka kwakarongwa. Vasungwa vakanga vari zvikurukuru vaNetherlands, navaBritain vashomanene uye vaAustralia. Ari mumisasa, Opa akadzidzira basa rokugera, unyanzvi hwaachiri kushandisa panhambo nenhambo. Bhuku bedzi rorudzidziso raakabvumirwa kuchengeta rakanga riri Bhaibheri—King James Version yake.

Munguvayo, Oma naVictory vaitamiswawo pamusasa nomusasa. Mumisasa iyi vakadzi vairairwa nomutarisiri womusasa kuti vabatire kunze nokuda kwe“chibharo.” Nokuda kwechikonzero chakati, zvisinei, Oma haana kutongosarudzwa. Gare gare akaziva kuti vakadzi vaibudiswa kuti vanobatira sezvifeve zvavarwi veJapan.

Sezvo varwi veJapan vakanga vasingadi vanasikana, Oma nguva dzose aichengeta Victory akapfekedzwa somukomana uye akachengeta bvudzi rake riri pfupi. Zita rokuti Victory rakaparira chinetso chikuru apo mutarisiri womusasa akada kuziva icho zita racho raireva—Rukundo rweHondo yoUmambo yeJapan here kana kuti Rukundo rwavaAmerica?

“Rukundo rwoUmambo hwaMwari pahurumende dzose dzapasi!” ambuya vangu vakapindura kudaro norudado.

Sechirango chokuramba kuti, “Rukundo rweHondo yoUmambo yeJapan,” Oma nemwanasikana wake ana makore mashanu okukura vakamanikidzwa kumira vakatwasuka uye vasingazununguki kwamaawa masere muzuva rinopisa zvikuru romumativi apasi anopisa pakanga pasina mumvuri, pasina mvura, pasina kugara, pasina kukotamira mberi. Asi nebetsero yaJehovha vakapukunyuka iyi nhamo inotyisa.

Gore rimwe chete pashure pousungwa hwaOma, mutarisiri womusasa akataura kwaari kuti murume wake akanga afa! Norusuruvaro akaisa mufanikiso waOpa pasi pesutukesi yake yakasakara ndokupfuurira, pasinei zvapo nenhamo yake.

Upenyu hwomumusasa wetorongo hwakanga hwakaoma. Migove yezvokudya yezuva nezuva yomunhu mumwe nomumwe yakanga iri kapu imwe yetapioca nokuda kwechisvusvuro, magiramu 190 echingwa chakagadzirwa nesago nokuda kwezvokudya zvamasikati, uye nokuda kwechirayiro, kapu imwe yomupunga wakabikwa mumuto wakaita mvura mvura womuriwo. Nemhaka yemigove mishoma yakadaro, kusadya zvinovaka muviri kwaizivikanwa navose, uye vanyajambwa vemanyoka vaifa zuva nezuva.

Mukati mousungwa hwaOpa, akatambura nechirwere chepellagra nechirwere chokurumwa nenzara. Oma akadokufawo, sezvo aiwanzopa zvokudya zvake kuna Victory kudzivisa kasikana kuziya nenzara kusvikira kurufu. Utsinye nokurumwa nenzara zvakava zvenguva dzose. Vakakwanisa kupukunyuka bedzi kupfurikidza nokuramba vari pedyo naMwari wavo, Jehovha.

Ndinosanoyeuka chimwe chezvirevo zvaidiwa naOpa: “Rusununguko kuva mutsinhirano noWoumwari, Jehovha.” Nokudaro, Opa akazvirangarira amene kuva akasununguka mupfungwa chaiyoiyo kunyange pakutsungirira kuiswa mutorongo kwoutsinye. Rudo urwo iye naOma vaiva narwo nokuda kwaJehovha zvamazvirokwazvo rwakavabetsera ku‘tsungirira zvinhu zvose.’ (1 VaKorinte 13:7) Ukama ihwohwo hwapedyo naMwari ndihwo uhwo Gayle neni zvino tinotsvaka kuchengeta.

Rusununguko Nokubatanazve Kunoshamisa

Pakupedzisira, Hondo yeNyika II yakaguma muna 1945. Isiri nguva refu pashure pokutera kweJapan, Opa akanga ari kutakurwa nechitima. Achibva Djakarta achienda kuBandung, chitima chakamiswa navarwi veIndonesia. Kunyange zvazvo utsinye navaJapan hwakanga hwaguma, vaIndonesia vakanga vachirwa kuti vawane rusununguko pavaDutch. Opa akashamiswa kwazvo nokuburitswa kwakamwe kamwe muchitima zvokuti akakanganwa kutaura chiNgezi uye panzvimbo pezvo akatanga kutaura nechiDutch. KuvaIndonesia, chiDutch wakanga uri mutauro womuvengi, uye muvengi aifanira kuurawa.

Sezvineiwo, apo varwi vakanga vari kunzvera Opa, vakawana rezenisi rake romuchairi reAustralia, raakanga akanganwa chose nezvaro. Nomufaro, vaIndonesia vakanga vasingarwi pahondo neAustralia. Kusvika kuzuva rino, Opa anorangarira kuwanwa kwerezenisi rakabvumikisa kuva kwake mugari wemo weAustralia sokupindira kwoumwari, nokuti pakumira ikoko chaiko maawa mashomanene bedzi gare gare, mauto mamwe chetewo akauraya varume 12 vechiDutch vakanga vachipfuura vari muchitima.

Chinguvana pashure peichi chinoitika, Oma naVictory vakanga vakamirira chokufambisa kubva munharaunda dzakasakadzwa nehondo. Sezvavakanga vakagara parutivi pomugwagwa, mutsetse usingagumi wamarori akanga akatakura varwi navasiri varwi wakapfuura. Kamwe kamwe, pasina chikonzero chinooneka, mutsetse wacho wakamira. Oma akatarira mukati meshure musina kuvharwa merori yaiva pedyo zvikurusa, uye imomo, kushamisiko yake, makanga makagara murume akaonda uyo akaziva nokukurumidza. Akanga ari murume wake! Hapana mashoko akagona kupa murangariro wokubatanidzwazve kwavo.

Vadzoka muAustralia

Apo sekuru vakadzoka nemhuri yavo kuAustralia muna 1946, pashure pokugara muIndonesia kwamakore gumi nerimwe, upenyu hwavo hwakanga husiri nyore. Vakadzoka savapoteri vehondo—vanoshaiwa, vasina kupiwa zvokudya zvinovaka muviri, uye vairangarirwa nenyumwiro novomunzvimbomo vakawanda. Oma naVictory vaifanira kutambura fungira mano yakaipa yedzinza navatami vechiAsia. Opa aifanira kushanda zvakaoma uye kwamaawa akareba kuti atarisire mhuri yake ndokuvagovera musha. Pasinei zvapo neidzi nhamo, vakatsungirira ndokupukunyuka umudzimu hwavo hwakasimba.

Zvino, anopfuura makore 48 gare gare, Opa anogara muMelbourne, umo achiri kugoverana muushumiri hwapaimba neimba. Iye akaona Victory navana vake vachigamuchira zvokwadi, kutsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha, uye mumwe nomumwewo, achipinda basa roupiyona renguva yakazara.

Des Zanker, uyo akava baba vangu, naVictory vakabhapatidzwa mukuvamba kwama 1950, uye Des akava mutezo wemhuri yeBheteri yeAustralia muna 1958. Pashure pokunge aroora Victory, uyo akanga achibatira sapiyona chaiye, vakapayona kwenguva yakati uye ipapo vakakokwa kupinda muushumiri hwokufambira. Ipapo ndakaberekwa, uye vaifanira kusiya basa rokufambira kuti vandirere. Bva, pashure pamakore 27, Baba vachiri kupayona.

Pakuvamba muna 1990, Oma akafa norugare pamusha, muimba imwe cheteyo zvikuru umo amai vangu vakarererwa. Iniwo ndakarererwa muimba imwe cheteyi yeMelbourne, uye ndozvakaitwawo munun’una wangu nehanzvadzi. Chave chiri chikomborero chaichoicho kuti mhuri yedu igoverane imba pamwe chete. Pane dzimwe nguva yakanga yakatsvikinyidzanwa, asi handigoni kuyeuka ndichimbonetseka pamusoro pako. Kunyange mukati mamakore mana okutanga eroorano yedu, mudzimai wangu, Gayle, akagoveranawo imomo uye akakufarikanya. Apo pakupedzisira takabva tichienda kumugove wedu mutsva, ndakachema. Ndakanga ndagamuchira tsigiro huru kwazvo norudo muimba iyoyo.

Zvino, kunyanguvezvo, Gayle neni tine chisakiso chomufaro mukuru, nokuti tinokwanisa kuita izvo vabereki vangu navabereki vavo pamberi pavo vakaita. Apo takabva pamusha, takawana nyaradzo muchikonzero chedu chokuenda, icho chakanga chiri kuita kuda kwaJehovha mubasa renguva yakazara. Tiri kuyedza zvakaoma kutevera muenzaniso wakaisvonaka wavakare vedu vakatendeka, avo vakawana nyaradzo yakafanana pakushanda mumigove yakaoma, apo vaiva muurombo hukuru, uye kunyange pavakachengetwa kwamakore mumisasa yechibharo yeJapan.—2 VaKorinte 1:3, 4.

Opa nguva dzose akawana nyaradzo mumashoko akafuridzirwa aMambo Dhavhidhi kuna Jehovha, anoti: “Unyoro hwenyu hunokunda upenyu.” (Pisarema 63:3) Nguva dzose chave chiri chishuvo chikuru chasekuru vangu kufarikanya mutsa worudo iwoyo nokusingagumi. Chishuvo chemhuri yavo yose kuchigoverana navo.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Oma naOpa Harris

[Mufananidzo uri papeji 23]

Craig Zanker (shure), nomudzimai wake, vabereki, uye mhuri munun’una nehanzvadzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe