Manamatire Ako Anokosha Here?
TAUNDI duku reAfrica riri kutsva zvikuru muzuva ramasikati makuru. Mumupata uri pedyo munogona kunzwika kuridza ngoma, kuimba zvoupengo, uye kurova maoko kwokufara. Asi uku hakusati kuri kutandara. Iko kunamata kweAfrica kwegamuchidzanwa. Kunzwika kwacho kunokwikwidzana, zvisinei, noruzha runobva muchechi iri pedyo yesimba rechienzi. Imomo vanamati vanofarisa vanoita “kuporesa” kwenenji uye vanotaura nendimi. Kuno mumwe mugumo wetaundi kuno rumwe rudzizve rwokunamata. Inzwi guru romudanidziri rinodana vanamati biyake wechiMuslim kumunyengetero.
Hungu, kuzvipira kworudzidziso mumhatsa huru kunogona kuonwa mumaguta namataundi akawanda eAfrica. Kwezvizvarwa vaAfrica vaigutswa nokutevera magamuchidzanwa avo vamene orudzidziso. Asi ipapo vafundisi vechiKristudhomu vakauya, vachitevera hondo dzamarudzi akasiyana-siyana eEurope, uye vakaedza noutsinye ku“ita muKristu” munhu ari wose—kubatanidza kunyange mazita avo.
Muuyo wacho? Mhatsa yorudzidziso yakavhenganisa zvitendero nemiitiro zveAfrica zvamagamuchidzanwa nokutenda kworudzidziso kwakapinzwa. Kusvikira kuzuva rino vanamati vakawanda ve“chiKristu” vanoshandisa mazango namadumwa zvamagamuchidzanwa. Zvisinei, vafundisi vechiKristudhomu vakakwenengera zvakakomba chiKristu chechokwadi, uye vakasiya shure nhaka yepfundepfunde. Kusvikira kutambanuko huru, vane mutoro wechimiro chendangariro chokusada dzimwe pfungwa kuBhaibheri icho chiripo pakati pavamwe veAfrica nhasi.
Kunyanguvezvo, zvimiro zvakawanda zve“chiKristu” zvichiri kushandiswa zvakafara. Mumakore achangobva kupfuura mapoka orudzidziso esimba rechienzi azova akakurumbira zvikuru; chechi dzinoporesa nokutenda dzawanda. Mumwe munyori wenhau dzepepanhau akatsanangura kufadza kweidzi chechi kupfurikidza nokutaura kuti ‘murangariro weAfrica worudzidziso zvikurukuru unoshanda. Kundangariro yemuAfrica, rudzidziso runofanira kukwanisa kupa gutsikano yokunyama yakananga kukuvapo kwomunhu. Naizvozvo, kumuAfrica uyo anodavira kuti zvinosvitsa mashoko zvomudzimu ndizvinodikanwa muchinodokuva chinhu chiri chose, mutoo wokushanda nawo wechechi dzomudzimu [kana kuti dzokuporesa nokutenda] uri muwirirano nezvinoraira maramire ake.’ Nenzira inosuruvarisa, zvisinei, chechi dzakawanda dzesimba rechienzi dzakasimbiswa zvakajeka samabhizimisi okuita mari.
Nhasi, masekete orudzidziso anopfuura 6 000 anoshanda muAfrica. Zvichida iwe wakarangarira kuti marudzidziso ose iwaya namasekete ndichinokosha kuruponeso. Asi mubvunzo chaiwoiwo ndouyu, Mwari anorangarira sei?
Rudzidziso Rupi Norupi Zvarwo Rungagona Kufadza Mwari Here?
Zvirokwazvo, Musiki wechisiko chose haasati aizotisiya tisina nhungamiro muna ikoku. (Amosi 3:7; Mabasa 17:26, 27) Uye ufakazi hwakawanda hwokuti nhungamiro youmwari inogona kuwanwa muBhaibheri. Aiwa, Bhaibheri harisiri, seizvo vamwe vanoridana, bhuku romuchena. Kutaura idi, hakuna munhu—mutema kana kuti muchena—anogona kuwana mbiri yaro. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” inodaro 2 Timotio 3:16 (NW). Dzidziso dzeBhaibheri dzechokwadi, dzine mufungo, kuva kwaro rekare zvikuru, kupukunyuka kwaro mukutarisana nedenho dzinotyisa, uporofita hwaro hwakarurama neparadziro munyika yose isingaenzaniswi—ihwohwu hufakazi hwakajeka hwokunyorwa kwaro noumwari.
Bhuku iroro rinotidzidzisei? Kutanga, rinotiudza kuti kunongova na“Mwari wechokwadi” mumwe bedzi. (Johane 17:3, NW) Zvakwakadaro, kungagona sei kuva nezvokwadi mumarudzidziso ose? Mapoka orudzidziso haarwisani here apo kunouya kukuzivikanwa kumene norudzi zvaMwari? Munyori weBhaibheri Jakobho akataura nezvo“rudzidziso rwakachena norwepachokwadi.” (Jakobho 1:27, Today’s English Version) Kana kuri madikanwa kuziva rudzidziso rwapachokwadi, kunofanira kuvapowo norudzidziso rwenhema kana kuti rwakashata. Ikoku kwaizopokanidza mufungo wokuti marudzidziso ose anongova zvawo nzira dzakasiyana-siyana dzokusvika nadzo Mwari.
Mipimo yoMusiki Yokunamata
Ndeipi iri nzira yakafanira yokunamata nayo Mwari? Bhaibheri rinotidzidzisa kuti kunamata kwapachokwadi kwakadzikwa muzivo yakarurama. Muporofita mukuru Jesu Kristu akamboudza mumwe mukadzi weSamaria, kuti: “Imi munonamata chamusingazivi.” (Johane 4:22) Ikoku, zvichida, kungagona kuva kwechokwadi nezvakowo here? Wakadzidziswa kuti Mwari Wamasimba ose ane zita rake pachake, Jehovha here? (Pisarema 83:18) Unoziva here ari madonzo ake pamusoro pomunhu nepasi? (Mateo 6:9, 10; VaEfeso 1:9, 10; 3:11) Rudzidziso rwako runokupa tariro yechokwadi yenguva yemberi iri nani here? Uye kana uchizvirangarira umene kuva muKristu, unogona here kutsanangura zvitendero zvako kubva muMagwaro, kana kuti zvinongova hazvo nhaka yakagamuchidzwa yawakawana nguva shomanene yokuongorora here?
Kana uchizviwana umene uchishaiwa zivo yakarurama, unogona kuiwana kupfurikidza nefundo yeShoko raMwari, Bhaibheri. Jehovha Mwari anokarira vanamati vake vechokwadi kuva vakarovedzana neizvo Bhuku iroro Rinoyera rinodzidzisa. Kupfuura izvozvo, iye anovakarira kurishandisa muupenyu hwavo. Chimiro chedu chendangariro chinofanira kuva chakafanana neicho chowezvamapisarema uyo akati: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.” (Pisarema 119:105) Rudzidziso rwako rwakakubetsera kuziva ndokunzwisisa Bhaibheri kusvikira kutambanukoi?
Rumwe rutivi runokosha rwokunamata kwechokwadi kutenda Jesu Kristu, kwete bedzi somuporofita mukuru asi soMwanakomana akaberekwa ari mumwe bedzi waMwari. Magwaro anozivisa zvakajeka kuti Jesu ndiye “Mumiriri Mukuru woupenyu.” (Mabasa 3:15, NW; Mab 4:12) Vakawanda vanoti vanotenda Jesu, asi kutenda kwavo chaikoiko sei? Kutenda Kristu kwapachokwadi kunoraira kuteerera mirairidzo yake. Mwari amene akakurudzira ikoku apo akazivisa, kuti: “Uyu Mwanakomana wangu unodikanwa, mumunzwei!” (Marko 9:7) Vanamati vechokwadi nokudaro vanoedza kufamba mumakwara aJesu zvikuru sezvinobvira. (1 Petro 2:21) Nzira imwe yavanoita nayo saizvozvo iri kupfurikidza nokupinda mubasa rokuparidzira pachena iro akavamba. (Mateo 4:17; 10:5-7) Rudzidziso rwako runokukurudzira here kuva negoverano yomunhu oga muiri basa?
Rudo ndichinodikanwawo chokunamata kwapachokwadi. Jehovha Mwari anorondedzerwa sorudo rumene runotaurwa somunhu, uye Jesu akaudza vateveri vake kuti vaizoziviswa norudo rwavairatidza pakati pavo vamene. (Johane 13:34, 35; 1 Johane 4:8) Tichirangarira mamirioni akawanda avanhu nhasi anotaura kuva vaKristu, nyika haisati ichifanira kuva yakadokuzadzwa norudo here? Chaizvoizvo, kunyanguvezvo, nyika yedu yabvumikisa kuva nzvimbo isina rudo zvikurusa. Hondo dzaparadza mamirioni oupenyu muzana rino ramakore roga. Utsotsi namasimba masimba zvinopfuurira kuwedzera. Naizvozvo zvibvunze umene kuti, ‘Kudai munhu ari wose aiva worudzidziso rwangu, nyika yaizova nzvimbo ine rudo zvikuru here?’
Pakupedzisira, Bhaibheri rinoratidza kuti vanamati vechokwadi vanofanira kuramba vakaparadzana nenyika isati ichiziva Mwari. Apo Mwari akaparadzanisa rudzi rwakare rwaIsraeri somuchengeti wokunamata kwakachena, akanyevera vanhu vake kudzivisa kusanosonganirana namarudzi akaipa akavapoteredza. (Dheuteronomio 7:1-6) Pana Johane 17:16 (NW), Kristu Jesu nenzira yakafanana akati nezvavateveri vake: “Havasati vari rutivi rwenyika, seni ndisati ndiri rutivi rwenyika.” Vanamati vechokwadi vaMwari havana rutivi mune zvamatongerwe enyika, utere, kutengeserana kune makaro, kana kuti uzivi hupi nohupi hunozvidza Mwari. (Johane 18:36; 1 Johane 2:15-17) Vanoteerera murairo wakanyorwa pana VaRoma 12:2 (NW) unoti: “Musaenzaniswa netsika ino yezvinhu.” Izvozvo ndizvo izvo rudzidziso rwako runokukurudzira kuita here?
Betsero Inowanika
Hungu, manamatire ako anokosha chaizvoizvo kuna Mwari. Kana toreva nezvake, kunongova norudzidziso rumwe bedzi rwechokwadi. (VaEfeso 4:4-6) Kurukurirano yedu pfupi yangobata mamwe amapfundo makuru edzidziso yeBhaibheri. Kuregerereiko kuedza kudzidza zvakawanda?
Pasinei zvapo nokurerwa kwako kworudzidziso, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukubatsira muna ikoku. Izvo zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwebasa razvo rakakomba redzidzo yeBhaibheri. Izvo zvakazvipira kubetsera vanhu vamarudzi ose nemigariro yorudzidziso kuwana nzwisiso huru zvikuru yeBhaibheri. (Zvirevo 2:1-6) Izvo zvinobudisa mabhuku eBhaibheri akasanonzverwa.a Kutaura idi, izvo zvichatopinda mumusha mako pasina mutengo kuzokudzidzisa Bhaibheri pahwaro hwomunhu oga. Mamirioni avanhu munyika yose ari kubetserwa panguva ino neiyi gadziriro yedzidzo yeBhaibheri. Kuregereiko kuita saizvozvo iwe umene? Zvamazvirokwazvo, kunokosha kuti udaro nemhaka yokuti manamatire ako anokosha chaizvoizvo.
[Mashoko Omuzasi]
a Chinyorwa chimwe chakadaro ndicho Mankind’s Search for God, chakabudiswa muna 1990 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Vanhu vakawanda vakaonga kurukurirano yacho youngwaru neyounyanzvi yamarudzidziso makuru enyika.
[Mufananidzo uri papeji 5]
Vafundisi vechiKristudhomu vakakwenengera zvakakomba chiKristu chechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 5]
Chechi dzakawanda dzesimba rechienzi mabhizimisi okuita mari
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kutenda Jesu rutivi runokosha rwokunamata kwechokwadi
[Mufananidzo uri papeji 7]
Zvapupu zvaJehovha zvinobetsera mamirioni kuwana zivo yakarurama kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri dzapamusha dzapachena