Rudzidziso Ruri Kuita Zvinodikanwa Zvako Here?
MWEYA, mvura, zvokudya, pokugara—izvozvi zvinozivikanwa munyika yose sezvinodikanwa zvavanhu. Usinazvo unotarisana nokushaikwa kwezvinodikanwa norufu. Kare kare, zvisinei, mutungamiriri wechiIsraeri Mosesi akakwevera ngwariro kuchimwe chinodikanwa chavanhu, chinotova chinokosha zvikuru kupfuura zvokudya kana kuti mvura. Mosesi akati: “Munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha.”—Dheuteronomio 8:3.
Kupfurikidza naawa mashoko makuru, Mosesi akaratidza ukoshi hwokuita zvinodikanwa zvedu zvorudzidziso kana kuti zvomudzimu. Iye akaratidzira kuti upenyu hwedu humene hunotsamira pakuzviita! Mukati morwendo rwavo rwomurenje rwamakore 40, vaIsraeri vakararama chaizvoizvo kupfurikidza no‘kutaura kwomuromo waJehovha.’ Ivo vakapukunyuka chingadai neimwe nzira chakava chinoitika chinouraya. Pakuraira kwaMwari, zvokudya zvinonzi mana zvakadonha nenzira yenenji zvichibva kumatenga. Mvura yakabuda mumabwe kuti ipedze nyota yavo. Asi Mwari akaita zvinopfuura kutarisira zvinodikanwa zvavo zvomuviri. Mosesi akati: “Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake.”—Dheuteronomio 8:4, 5; Eksodho 16:31, 32; 17:5, 6.
VaIsraeri havana kusiiwa kuti vazvitarisire vamene pamusoro pokuita chakanga chakarurama kana kuti chisina kururama, mutsika kana kuti murudzidziso. Ivo vakagamuchira nhungamiro yakabva kuna Mwari amene. Iye akavapa Mutemo waMosesi, bumbiro remitemo rapamutemo rinoshamisa iro rakaratidzira zvokudya zvakanaka, bumbiro remitemo rorumano routsanana, uye nheyo dzetsika nedzorudzidziso dzakanaka. Mwari naizvozvo akasimudzira garikano youtano neyomudzimu yaIsraeri. Ivo vakararama no‘kutaura kwomuromo waJehovha.’
Israeri nokudaro akanga akasiana chose chose namamwe marudzi. Muzuva raMosesi Egipita yaitonga sesimba renyika gurusa. Yakanga iri nyika yorudzidziso zvikuru. World Book Encyclopedia inoti: “VaEgipita vakare vaidavira kuti vamwari vakasiyana-siyana (vamwari navamwarikadzi) vaipesvedzera rutivi rwuri rwose rwechisiko nomubato uri wose wavanhu. Ivo naizvozvo vainamata vamwari vakawanda. . . . Muguta netaundi rimwe nerimwe reEgipita, vanhu vainamata mwari wavo vamene chaiye mukuwedzera kuvamwari vakuru.”
Ko uku kunamatwa kwavamwari vakawanda kwakaita zvinodikanwa zvomudzimu zvavaEgipita here? Aiwa. Egipita yakava nyika yakanyura mukudavira mashura nemiitiro yevatano inozvidzisa. Kure nokusimudzira upenyu noutano, mararamire eEgipita akatungamirira ku“hosha dzakaipa.” (Dheuteronomio 7:15, NW) Hakushamisi, ipapoka, kuti Bhaibheri rakataura nezvavamwari veEgipita noruzvidzo, richivadana kuti “zvifananidzo.”—Ezekieri 20:7, 8.
Mugariro wakafanana uripo nhasi. Vanhu vakawanda zvikurusa vane runenge rudzi rwakati rwokutenda kworudzidziso; vashomanene vangazvidana vamene kuva vasina mwari. Nenzira yakajeka, kunyanguvezvo, rudzidziso rwose zvarwo rwakundikana kuita zvinodikanwa zvomudzimu zvorudzi rwomunhu. Zvinetso zvehondo, urudzi, kuziya nenzara, uye urombo husingadereri zvaizovapo here nhasi kudai vanhu vairarama zvirokwazvo ne“zvose zvinobuda mumuromo waJehovha”? Chokwadika kwete! Kunyange zvakadaro, vanhu vashomanene vaizorangarira kuchinja rudzidziso rwavo. Chokwadi, vamwe havamboda kukurukura rudzidziso kana kuti kupa ngwariro kupfungwa itsva dzorudzidziso!
Somuenzaniso, mumwe murume muGhana, West Africa, akaudza mumwe mushumiri wechiKristu, kuti: “Ini ndinodavira kuti Mwari akazvivisa amene kwatiri vaAfrica kupfurikidza navaprista navapristakadzi vedu vane simba, sezvo iye akazvizivisa amene kuvaJudha kupfurikidza navaporofita vavo. Kunosiririsa kuti vamwe vedu vaAfrica tinokundikana kuziva vaprista vedu timene asi tinotaura panzvimbo pezvo nezvaJesu, Muhammad, uye vamwe.”
Muzvaunga zveAfrica zvamagamuchidzanwa zvakawanda, chiKristu chinoonwa sorudzidziso rwomuchena—tsika yakapinzwa iyo yakaita kuvadziko huru zvikuru kupfuura zvakanaka. Asi chimiro chendangariro chisingadi dzimwe pfungwa chichabetsera kana kuti kudzivisa nhamburiko dzako dzokuita kuti zvinodikanwa zvako zvomudzimu zviitwe here? Chimwe chirevo cheAfrica chinoti: “Hausati uchiisa maoko ose ari maviri mundiro yezvokudya nemhaka bedzi yokuti une nzara.” Tsika yokudya yakadaro iri zvose zviri zviviri isina rupfave neine ngozi—zvikurukuru kana usingazivi chiri mundiro yacho! Bva, vakawanda vanosarudza rudzidziso rwavo, kwete pahwaro hwenzvero yokufunga, asi pahwaro hwemirangariro kana kuti gamuchidzanwa remhuri.
Kunamata kunoita zvinodikanwa zvako zvomudzimu kunofanira kuva “basa rinoyera nesimba renyu rokurangarira.” (VaRoma 12:1, NW) Chinofanira kuva chisarudzo chokuziva, choungwaru. Naizvozvo ngatinzverei nhau yokusarudza rudzidziso rwako mumurangariro weAfrica. Zvisinei, inotevera ichava inofadza kuvaravi munzvimbo iri yose.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Mosesi akaratidza ukoshi hwokuita chinodikanwa chedu chomudzimu
[Mufananidzo uri papeji 4]
Chinoitika cheAfrica navafundisi vechiKristudhomu chakavhara ndangariro dzevamwe kuBhaibheri