RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 4/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ropa—Rinokosha Nokuda Kwoupenyu
    Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?
  • Koshesa Chipo Chako Choupenyu Zvakakodzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ona Upenyu Sezvinoita Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 4/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Apo varwi vaSauro vakadya nyama pamwe chete neropa racho, neiko vasina kuurawa, sezvo ichocho chakanga chiri chirango chakaratidzwa mumutemo waMwari?

Ava varume vakaputsa mutemo waMwari pamusoro peropa, asi vangave vakaratidzwa ngoni nemhaka yokuti vairemekedza ropa, kunyange zvazvo vakanga vachifanira kuva vanoshingaira zvikuru pamusoro pokuratidza ruremekedzo rwakadaro.

Rangarira mugariro wacho. VaIsraeri vachitongwa naMambo Sauro nomwanakomana wake Jonatani vakanga vachirwa navaFiristia. Papfundo apo “varume vaIsraeri vakaziya” muhondo, Sauro akakurumidza kuita mhiko yokuti varume vake havafaniri kudya kutozosvikira muvengi akurirwa. (1 Samueri 14:24) Nokukurumidza mhiko yake yakaparira chinetso.

Varume vake vakanga vari kukunda hondo yakarwiwa zvakaoma, asi nhamburiko huru yakanga iri kukuvadza. Vakaziya nenzara uye vakaneta. Vakaitei mumugariro iwoyo wakakomba? “Vanhu vakamhanyira zvakapambwa, vakatora makwai, nemombe, nemhuru, vakazviuraira pasi, vanhu vakazvidya pamwe chete neropa razvo.”—1 Samueri 14:32.

Ikoko kwakanga kuri mukuputswa kwomutemo waMwari pamusoro peropa, sezvo vamwe vavanhu vaSauro vakamuudza, vachiti: “Tarirai vanhu vanotadzira Jehovha, nokuti vanodya pamwe chete neropa.” (1 Samueri 14:33) Hungu, Mutemo wakataura kuti apo mhuka dzaiurawa, ropa raifanira kubudiswa nyama yacho isati yadyiwa. Mwari haana kuraira kuita matanho okunyanyisa okubudisa ropa racho. Kupfurikidza nokuita matanho ane mufungo okubudisa ropa, vabatiri vake vaigona kuratidzira kuremekedzwa kunokosha kweropa. (Dheuteronomio 12:15, 16, 21-25) Ropa remhuka raigona kushandiswa muchibairo paatari, asi rakanga risati richifanira kudyiwa. Kuputsa namaune kwairangwa norufu, nokuti vanhu vaMwari vakaudzwa, kuti: “Hamufaniri kudya ropa rorudzi rupi norupi rwenyama, nemhaka yokuti mweya worudzi rwuri rwose rwenyama ndiwo ropa rayo. Munhu upi noupi anoridya achaparadzwa.”—Revhitiko 17:10-14, NW.

Varwi vaMambo Sauro vakanga vari kuputsa Mutemo namaune here? Vakanga vari kuratidza kuzvidza chose chose mutemo woumwari pamusoro peropa here?—Enzanisa naNumeri 15:30.

Hatifaniri kugumisa kudaro. Chinyorwa chacho chinotaura kuti vakanga vari ‘kuuraira mhuka pasi uye vachidya pamwe chete neropa racho.’ Naizvozvo vangave vakanga vachiedza kubudisa ropa. (Dheuteronomio 15:23) Bva, mumugariro wavo wokuneta, wokupera simba, havana kuturika zvitunha zvakaurawa ndokubvumira nguva yakakwana yokubuda kweropa kwenguva dzose. Vakauraira makwai nemombe “pasi,” uko kwaigona kunonotsa kubuda kweropa. Uye vakakurumidza kucheka nyama pazvitunha zvingave zvakanga zviri muropa. Nokudaro, kunyange kudai vairangarira kuteerera mutemo waMwari, havana kuita nenzira dzakafanira uyewo kusvikira kutambanuko yakakwana.

Muuyo wacho wakanga uri wokuti “vanhu vakazvidya pamwe chete neropa razvo,” uko kwakanga kuri kutadza. Sauro akaziva ikoku ndokuraira kuti ibwe guru rikungurusirwe kwaari. Akaraira varwi, kuti: “Mumwe nomumwe ngaauye kwandiri nenzombe yake, mumwe nomumwe negwai rake, azviuraire pano, adye, murege kutadzira Jehovha muchidya pamwe chete neropa.” (1 Samueri 14:33, 34) Varwi vaiva nemhaka vakateerera, uye “Sauro akavakira Jehovha artari.”—1 Samueri 14:35.

Kuuraira mhuka paibwe sezvinobvira kwakaparira kubuda kweropa kwakakwana. Nyama yemhuka yaizodyiwa kure nouko kuuraya kwakaitika. Sauro angave akashandisa rimwe reropa rakabudiswa paatari mukutsvaka ngoni dzaMwari kuavo vakanga vatadza. Jehovha akatambanudza ngoni, sezviri pachena nemhaka yokuti aiziva kuti kuedzai uko varwi vakanga vaita kunyange zvazvo vakanga vaneta zvikuru uye vane nzara. Mwari angavewo akarangarira kuti mhiko yaSauro yokukurumidzira yakanga yadzvinyirira vanhu vake kuti vapinde mumugariro iwoyo wokupererwa nezano rose.

Iyi nhauro inoratidza kuti mugariro wakakomba hauzi pembedzo yokuzvidza mutemo woumwari. Inofanirawo kutibetsera kuona kudikanwa kwomufungo wokungwarira tisati taita mhiko yokukurumidzira inogona kuparira zvinetso nokuda kwedu somunhu oga uye nokuda kwavamwe.—Muparidzi 5:4-6.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe