Zvinokosha Zvikuru Kupfuura Maparera
Zviverengero zvinowedzera zvavashanyi zvakafarira zvinoratidzirwa zvakadai seichi chiri mumvura dzeGungwa Dzvuku.
Hove dzisingaverengeki dzine mavara akawanda nerunako dzinofadza avo vanoshambira mumvura dzakachena. Asi cherekedza kuti makapoteredza hove dzine mavara akaisvonaka dzinooneka pano, mune zvinoratidzirwa zvinoorora zvezvimwe zvishamiso zvapasi pegungwa, kubatanidza maparera ane mavara akaisvonaka.
Maparera akaisvonaka anowanwa muzvimiro zvakawanda namavara. Sezvaunogona kufungidzira, kunyange munguva dzakare zvidimbu zvakaisvonaka zveparera zvaikosheswa zvikuru. Nazvo nyanzvi dzaigadzira zvishongo zvakaisvonaka, uye vanyori veBhaibheri vakadudza maparera pamwe chete nendarama, sirivha, uye mabwe anovaima. (Zvirevo 3:14, 15; Ezekieri 27:16) Asi vanyori ivavo vanotibetsera kuona zvinopfuura runako noukoshi zvamaparera amene.
Vakasimbisa kuti zvimwe zvinhu zvinotokosha zvikuru uye kuti tinofanira kuzvikoshesa zvikuru kwazvo. Mudzimai akanaka, anoita zvakanaka ndimumwe, nokuti tinorava, kuti: “Ndianiko ungawana mukadzi unoita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera.” (Zvirevo 31:10) Uri murume akaroora here? Tarirazve maparera akaisvonaka ari pano, uye rangarira kana uri kukoshesa mudzimai wako sezvaakafanira.
Kana tiri varume kana kuti vakadzi, vakaroora kana kuti vasina kuroora, kuona maparera akaisvonaka kunofanira kutibetsera kunzwisisa ukoshi hwakatokura zvikuru hwouchenjeri hwoumwari, nzwisiso, uye zivo. Shoko raMwari rinoti: “Munhu, wawana uchenjeri, uno mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivheri; nokuhufuma ihwo kunopfuura kufuma ndarama. Hunokosha kupfuura korari; hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo.”—Zvirevo 3:13-15; 8:11.
Naizvozvo kana tichiona kupfurikidza nokushambira isu timene kana kuti kupfurikidza nemifanikiso, maparera eGungwa Dzvuku anofanira kupa kwatiri zvose zviri zviviri runako nezvinhu zvokurangarira kunobetsera.