Takatanga Kutsvaka Umambo
YAKATAURWA NAOLIVE SPRINGATE
Amai vakanga vachangobva kudzima kanduru uye vakanga vabuda mukamuri pashure pokunzwa minyengetero yedu. Munun’una wangu akakurumidza kundibvunza, kuti: “Olive, Mwari anogona sei kutiona ndokutinzwa nomumadziro ezvidhina?”
“AMAI vanoti anogona kuona nomuchinhu chipi nechipi,” ndakapindura kudaro, “kunyange mumwoyo yedu chaimo.” Amai vaiva mukadzi anotya Mwari uye muravi anodisa weBhaibheri, uye vakaisa matiri vana ruremekedzo rukuru nokuda kwaMwari uye nokuda kwenheyo dzeBhaibheri.
Vabereki vedu vakanga vari mitezo yeChechi yeAnglican mutaundi duku reChatham, Kent County, England. Kunyange zvazvo Amai vakanga vari muendi kuchechi wenguva dzose, vaidavira kuti kuva muKristu kwaireva zvinopfuura kungoteerera bedzi mharidzo wakagara muchechi kamwe pavhiki. Vakanga vaine chokwadiwo kuti Mwari anofanira kuva nechechi imwe yechokwadi.
Kuonga Zvokwadi yeBhaibheri
Muna 1918, apo ndaiva naanenge makore mashanu, Amai vakawana mavhoriyamu ano musoro unoti Studies in the Scriptures, akanyorwa naCharles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Bible and Tract Society. Makore mashomanene gare gare, apo taigara munzvimbo duku inonzi Wigmore, Amai vakawanwa nomumwe waVadzidzi veBhaibheri, seizvo Zvapupu zvaJehovha zvaizivikanwa panguva iyeyo. Vakagamuchira yamuro yefundo yeBhaibheri The Harp of God, uye mairi vakavamba kuwana mhinduro kumizhinji yemibvunzo yavo yeBhaibheri. Vhiki riri rose kadhi repingi raiva nemibvunzo yakatsikirirwa paganhuro rimwe nerimwe raiuya nepositi. Kadhi racho rakaratidzawo uko mubhuku racho mhinduro dzaigona kuwanwa.
Muna 1926 vabereki vangu, munun’una wangu Beryl, uye ini takarega Chechi yeAnglican nemhaka yokuti takanyangadzwa nokubatanidzwa kwechechi mune zvamatongerwe enyika, pamwe chete nezhinji dzedzidziso dzayo dzisina mufungo. Dzidziso yakatanhamara yaiva yokuti Mwari aizotambudza vanhu nokusingagumi muhero yomwoto. Amai vangu, avo vakanga vachitsvaka zvirokwazvo zvokwadi yeBhaibheri, vakapwiswa kuti Chechi yeAnglican yakanga isati iri yechokwadi.
Chinguvana pashure pezvo, mumhinduro kuminyengetero yapachokwadi yaAmai, Mai Jackson, Mudzidzi weBhaibheri, vakatishanyira. Kwaanenge maawa maviri, vakataura naAmai neni, vachipindura mibvunzo yedu kubva muBhaibheri. Takafadzwa nokudzidza, pakati pezvimwe zvinhu, kuti minyengetero yedu inofanira kunangidzirwa kuna Jehovha Mwari, Baba vaJesu Kristu, uye kwete kuUtatu hwakavanzika. (Pisarema 83:18; Johane 20:17) Asi kwandiri mubvunzo usingakanganwiki zvikurusa uyo Amai vakabvunza wakanga uri uyu: “Kutanga kutsvaka Umambo kunorevei?”—Mateo 6:33.
Mhinduro yakavakirwa paBhaibheri yakatapura zvikuru upenyu hwedu. Kubva pavhiki iroro rimene, takatanga kupinda misangano yaVadzidzi veBhaibheri uye kugoverana zvinhu zvatakadzidza navamwe. Takapwiswa kuti takanga tawana zvokwadi. Mwedzi mishomanene gare gare, muna 1927, Amai vakabhapatidzwa muchiratidzo chetsauriro yavo yokubatira Jehovha, uye muna 1930, iniwo ndakabhapatidzwa.
Kupinda Mubasa Roupiona
Mhuri yedu yaipinda neUngano yeGillingham, iyo yakanga yakaumbwa navanenge vanhu 25. Vanoverengeka vavo vakanga vari vashumiri venguva yakazara, vanonzi mapiona, uye vose vaiva netariro yokudenga. (VaFiripi 3:14, 20) Shingairo yavo yechiKristu yaitapukira. Ndichingunoveri wechiduku, ndakapayona kwenguva pfupi muBelgium mukuvamba kwama 1930. Ikoku kwakamutsa chishuvo changu cherimwe basa roUmambo. Panguva iyoyo taigoverana mukuparadzira kumufundisi ari wose kopi yebhukwana rinonzi The Kingdom, the Hope of the World.
Pashure penguva yakati baba vangu vakava vanoshora zvikuru mubato wedu wechiKristu, uye nemhaka yaikoku murutivi, ndakatamira kuLondon muna 1932 kuti ndiende kukoreji. Gare gare ndakava mudzidzisi wapachikoro kwamakore mana uye mukati menguva iyoyo ndaikumbanirana neUngano yeBlackheath, imwe yeungano ina bedzi muLondon panguva iyoyo. Paiva panguva iyeyo apo takavamba kunzwa mishumo yokupinzwa mutorongo uye kutambura kwehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu muGermany yaHitler nemhaka yokuti vakaramba kutsigira nhamburiko dzaHitler dzehondo.
Muna 1938, mwedzi umene ndakapedza kubhadhara chikwereti chamabhuku andakanga ndawana, ndakasiya basa rangu kuti ndiite chishuvo changu chokuva piona. Munun’una wangu Beryl akatanga kupayona muLondon panguva imwe cheteyo, asi aigara mumusha wakasiana wamapiona. Piona biyangu wokutanga akanga ari Mildred Willett, uyo gare gare akaroorwa naJohn Barr, zvino ari mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha. Pamwe chete navamwe vaiva muboka redu, taichovha mabhasikoro tichienda kundima ndokugarako zuva rose, kazhinji kazhinji pasinei zvapo nemvura.
Makore ehondo akanga ava kutoyangaruka paEurope. Kurovedza kupfeka machira okudzivirira gasi kwakanga kuchitoitwa nokuda kwavagari vemo, uye gadziriro dzakanga dzavamba dzokuendesa vana kumaruwa eEngland kana kuti kumataundi maduku kana hondo ikaitika. Ndaingova nemari yakakwana bedzi yakachengeterwa kutenga bhutsu, uye pakanga pasina bviro yebetsero yemari inobva kuvabereki vangu. Asi Jesu akanga asina here kuti, ‘Izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kana mukatanga kutsvaka umambo’? (Mateo 6:33) Ndakanga ndine kutenda kwakakwana kwokuti Jehovha aizogovera zvose zvezvinodikanwa zvangu, uye akaita kudaro zvikuru makore aya ose. Mukati menguva yehondo padzimwe nguva ndaiwedzera migove yangu miduku nemirivo yainhongwa mumugwagwa pashure pokunge marori akatakura apfuura. Uye ndaiwanzowana zvokudya kupfurikidza nokutsinhana mabhuku eBhaibheri nemichero nemirivo.
Munun’una wangu Sonia akaberekwa muna 1928. Akanga achingova namakore manomwe bedzi okukura apo akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha. Sonia anotaura kuti kunyange pazera duku iroro, kupayona kwakanga kwava nharidzano yake. Muna 1941, nokukurumidza pashure pokuratidzira tsauriro yake norubhapatidzo rwomumvura, akawana nharidzano iyoyo apo iye naAmai vakagoverwa samapiona kuCaerphilly, South Wales.
Ushumiri Hwedu Mukati Mamakore Ehondo
Muna September 1939, Hondo yeNyika II yakavamba, uye hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu muBritain dzakanga dzichipinzwa mutorongo nokuda kwechikonzero chimwe chetecho chimene vatendi biyavo vakanga vachipinzirwa muNazi yeGermany—chimiro chavo chokusatora rutivi pamusoro pokusatora rutivi muhondo. Kubhombwa kweEngland kwakavamba pakati pa 1940. Usiku pashure pousiku, kudenha nendege kwaikuvadza nzeve, asi nebetsero yaJehovha takakwanisa kurara ndokuzorodzwa nokuda kwebasa rokuparidzira zuva rinotevera.
Padzimwe nguva taienda kundima yedu yokuparidzira ndokungowana bedzi zhinji dzedzimba dzava matongo. Muna November bhomba rakadonha mayadhi mashomanene bedzi kubva pamusha umo vanoverengeka vedu taigara, richipwanya mawindo kuva zviuru zvezvidimbu. Suo rinorema rapamberi rakapwanyika, uye chimbini yakawa. Pashure pokupedza usiku hwakanga hwasara tiri munovandwa kudenha kwendege, takaparadzana ndokuenda kundogara mumisha yeZvapupu zvakasiana-siana.
Chinguvana pashure paikoko ndakagamuchira mugove wokuCroydon, muGreater London. Piona biyangu akanga ari Ann Parkin, aiva nehanzvadzi duku Ron Parkin yakazova gare gare mutsinhanisi weDare reBazu muPuerto Rico. Pashure ndakaenda kuBridgend, South Wales, uko ndakapfuurira kupayona, ndichigara mungorovhani inodhonzwa namabhiza kwemwedzi mitanhatu. Kubva ikoko taichovha mabhasikoro makiromita matanhatu kuenda kuungano huru yaiva pedyosa, muPort Talbot.
Pakasvika nguva iyi vanhu vakanga vava kuva vane utsinye zvikuru kwatiri, vachitiidza kuti maconchies (varambi vanotungamirirwa nehana). Uku kwakaita kuti kutiomere kuwana pokuroja, asi Jehovha akatitarisira sezvakapikirwa.
Gare gare, vasere vedu takagoverwa samapiona chaiwo muSwansea, taundi rechiteshi chengarava muSouth Wales. Sezvo hondo yakakomba, ndizvo zvakaitawo fungira mano yakaipa patiri. Mashoko okuti “imbwa” uye “mbwende” akanyorwa nependi pamadziro emusha wedu wamapiona. Uhwu utsinye hwakanyandurwa zvikuru nemishumo yamapepanhau iyo yaitishurikidza nokuda kwechimiro chedu chokusatora rutivi. Pakupedzisira, mumwe pashure pomumwe, vanomwe vedu takaendeswa mujeri. Ndakapedza mwedzi ndiri mujeri reCardiff muna 1942, uye gare gare munun’una wangu Beryl akapedzawo nguva ari imomo. Kunyange zvazvo takanga tiine zvishoma mune zvokunyama uye takatambura kunyombwa nokuzvidzwa, takanga takapfuma mumudzimu.
Munguvayo, Amai naSonia vakanga vachipayona muCaerphilly uye vakanga vachiva nezvinoitika zvakafanana. Fundo yeBhaibheri yokutanga imene iyo Sonia akaitisa yakanga iri mukadzi uyo akaronga kushanyira paChishanu manheru. Sonia aiva nechivimbo kuti Amai vaizomukumbanira, asi Amai vakatsanangura, kuti: “Ndine imwe rangano. Wakaita gadziriro yacho, naizvozvo uchatofanira kuenda uri woga.” Kunyange zvazvo Sonia aingova namakore 13 bedzi, akaenda ari oga, uye mukadzi wacho akaita fambiro mberi yakanaka yomudzimu ndokuva gare gare Chapupu chakazvitsaurira.
Mubato Wapashure Pehondo—Ipapo Gilead
Apo Hondo yeNyika II yakaguma muna 1945, ndakanga ndichishanda mundima iri yoga muWhaley Bridge, Derbyshire. Pamangwanani akaziviswa kurega kurwa, takashanyira ndokunyaradza vanhu avo kusvika panguva iyeyo vakanga vaneta chose chose nehondo—nherera dzayo, chirikadzi, uye mitumbi yakakuvadzwa.
Mwedzi yakati gare gare, Sosaiti yakakumbira vazvipiri vokuparidzira muIreland, Emerald Isle. Panguva yacho kwaingova navanenge 140 bedzi veZvapupu zvaJehovha pachitsuwa chacho, naizvozvo chakarangarirwa kuva ndima yavafundisi. Mukati memwedzi mishomanene, mapiona chaiwo 40 akagoverwa ikoko, uye ndaiva pakati pawo.
Pashure pokushanda kwenguva yakati muColeraine neCookstown kuchamhembe, ndakagoverwa, pamwe chete navamwe vatatu, kuDrogheda pamhenderekedzo yegungwa yokumabvazuva. Kunyange zvazvo vaIreland nomuzvarirwo vaine ushamwari uye vaine mutsa, fungira mano yorudzidziso yaiva huru. Nokudaro, mukati megore rimwe rakazara, takakwanisa kuparadzira kuvanhu yamuro dzefundo yeBhaibheri shomanene bedzi (zvomenemene, bhuku rimwe bedzi namabhukwana).
Mukati mokugara kwedu muDrogheda, ndakanga ndichichovha kubva papurazi rimwe kuenda kune rimwe apo mushandi muduku wapapurazi kamwe kamwe akapoya nomuheji achipinda mumugwagwa. Akatarira kumusoro nezasi kwomugwagwa, ipapo akabvunza nenzwi rakaderera: “Muri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Apo ndakapindura kuti ndakanga ndiri, akapfuurira: “Usiku hwapfuura ndakava nenharo dzinotyisa nomusikana wangu pamusoro penyu imi vasikana, uye takagumisa vimbisano yedu. Akataura kuti muri maKomonisiti, sezvinotaura vaprista veKaturike namapepanhau, asi ndakaita nharo kuti kwaisagona sezvinobvira kuva kwechokwadi, sezvo muchienda pachena paimba neimba.”
Ndakamupa bhukwana rokurava, iro akaviga muhomwe yake, uye takaronga kusangana ndokutaura zvakawanda pashure pokunge kwasviba, sezvo akati: “Kana ndikaonekwa ndichitaura kwamuri, ndicharasikirwa nebasa rangu.” Usiku ihwohwo vaviri vedu takasangana naye ndokupindura mibvunzo yake mizhinji. Akaratidzika kuva apwiswa kuti iyi ndiyo yakanga iri zvokwadi, uye akavimbisa kuuya kuimba yedu humwe usiku kuzodzidza zvakawanda. Haana kutongouya, naizvozvo takafunga kuti anofanira kuva akazivikanwa usiku hwokutanga navachovhi vakapfuura uye zvichida akarasikirwa nebasa rake. Tinowanzoshamisika kana akambova Chapupu.
Pashure pokupinda kokorodzano yoruwa muBrighton pamhenderekedzo yegungwa yokumaodzanyemba kweEngland muna 1949, vanoverengeka vedu takagamuchira kokero kuWatchtower Bible School of Gilead muNew York State. Hwerengedzo ye 26 vanobva Britain vakapinda kirasi yechi 15, yakapedza kudzidza pana July 30, 1950, mukati mekokorodzano yamarudzi ose paYankee Stadium.
Ushumiri Hwedu muBrazil
Gore rakatevera racho ndakagoverwa kuSão Paulo, Brazil, rimwe ramaguta anokura nokukurumidza zvikurusa munyika. Panguva yacho raingova neungano shanu bedzi dzeZvapupu zvaJehovha, asi zvino mune dzinodokusvika 600 dzadzo! Wakanga uri musiano wakadini nokushanda muIreland! Mizhinji yemisha mundima yedu muSão Paulo yakanga iri dzimba hombe, dzakapoteredzwa nefenzi refu namagedhi ounyanzvi esimbi. Taishevedza mwene womusha kana kuti mushandikadzi nokurova maoko edu.
Sezvo makore akapfuura, kwakanga kune migove mitsva. Ndakaropafadzwa kubetsera kuumba ungano itsva munzvimbo dzakasiana-siana mukati menyika yeSão Paulo, kubatanidza imwe muJundiaí muna 1955 uye imwe muPiracicaba muna 1958. Gare gare, muna 1960, munun’una wangu Sonia akava mufundisi biyangu, uye takagoverwa kuPôrto Alegre, dzimbahwe renyika yeRio Grande do Sul. Ungashamisika, kuti akasvika sei kuBrazil?
Sonia naAmai vakapfuurira kupayona pamwe chete muEngland pashure peHondo yeNyika II. Asi mukuvamba kwama 1950, Amai vakavhiyiwa kenza uko kwakavasiya vasina simba zvokusagona kuenda paimba neimba, kunyange zvazvo vakanga vachikwanisa kuitisa fundo dzeBhaibheri nokunyora tsamba. Sonia akapfuurira mubasa roupiona, uye panguva imwe cheteyo akabetsera kutarisira Amai. Muna 1959, Sonia akava neropafadzo yokupinda kirasi yechi 33 yeGilead uye akagoverwa kuBrazil. Munguvayo, Beryl akatarisira Amai kusvikira parufu rwavo muna 1962. Beryl panguva iyeyo akanga aroorwa, uye iye nemhuri yake vari kubatira Jehovha nokutendeka.
MuBrazil, Sonia neni takabatsira vanhu vanoverengeka kusvika kutsauriro norubhapatidzo. Zvisinei, chimwe chezvinetso icho vanoverengeka vavaBrazil vakanga vanacho chakanga chiri chokuita kuti roorano dzavo dzive dzapamutemo. Nemhaka yechitambudzo chokuwana chatanuro muBrazil, kwakanga kuchizivikanwa navose kuti varoorani vagare pamwe chete pasina betsero yeroorano. Ichi chaiva zvikurukuru chinoitika apo mumwe wavakwanyina akaparadzaniswa neaichimbova mukwanyina weroorano wapamutemo.
Mumwe mukadzi, ainzi Eva, akanga ari mumugariro iwoyo apo ndakamuwana. Mukwanyina wake wapamutemo akanga anyangarika, naizvozvo kuti timuwane, takaita kuti chiziviso chiitwe munhepfenyuro. Apo murume wake akawanikwa, ndakamukumbanira kuenda kurimwe guta kunowana siginicha yake pachinyorwa icho chaizomusunungura kuti agogona kunyoresa pamutemo mubatanidzwa nomurume asina kuroora uyo akanga achigara naye. Mukutonga pamberi pomutongi, akakumbira tose tiri vaviri Eva neni kutsanangura chikonzero nei aida kururamisa mugariro wake weroorano. Mutongi wacho akataura kushamisika uyewo gutsikano apo ikoku kwakatsanangurwa kwaari.
Pane imwe nhambo, ndakaenda nomumwe wavadzidzi vangu veBhaibheri kundoronga kuti gweta ritarisire nhau yake. Zvakare uchapupu hwakanaka hwakapiwa pamusoro peroorano nemipimo yetsika yaMwari. Muchinoitika chino mutengo wechatanuro wakanga uri mukuru kwazvo zvokuti vakwanyina vose vari vaviri vaitofanira kushanda kubhadhara mari yacho. Asi kuava vadzidzi vatsva veBhaibheri, kwakanga kwakafanira nhamburiko yacho. Sonia neni takava neropafadzo yokuva zvapupu kuroorano yavo, uye pashure, pamwe chete navana vavo vechiduku vatatu, takateerera hurukuro pfupi yeBhaibheri mumusha mavo.
Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa
Apo Sonia neni takatsaurira upenyu hwedu kuna Jehovha ndokuva mapiona, takarangarira, kana kwaitongobvira, kuti ushumiri hwenguva yakazara hwaizova basa redu roupenyu hwose. Hatina kutongofunga zvikuru pamusoro pechaizoitika mumakore edu apashure kana kuti muchinoitika chokurwara kana kuti zvitambudzo zvemari. Bva, seizvo Jehovha akapikira, hatina kutongosiiwa.—VaHebheru 13:6.
Haiwa, hungu, kusava nemari pane dzimwe nguva kwave kuri chinetso. Pane imwe nguva, mubiyangu neni takadya masamujisi eparsley nokuda kwezvokudya zvamasikati kwegore rose, asi hatina kutongoziya nenzara, uyewo hatina kushaya zvinodikanwa zvikuru.
Sezvo makore apfuura, masimba edu aderera nenzira inowirirana. Mukati mepakati pama 1980, tose tiri vaviri takava nokuvhiyiwa kwakomba uko kwakaguma nomuedzo wakakomba nokuda kwedu, sezvo mibato yedu yokuparidzira yakaganhurirwa zvikuru. Muna January 1987, takakokwa kundova mitezo yavashandi vapadzimbahwe reZvapupu zvaJehovha muBrazil.
Mhuri yedu huru yavashumiri vanopfuura chiuru iri makiromita 140 kunze kweSão Paulo muchivako chakaisvonaka, umo tinotsikirira mabhuku eBhaibheri nokuda kweBrazil uye mamwe mativi eSouth America. Pano tinogamuchira tarisiro yorudo kuvabatiri vakazvipira vaMwari. Apo ndakatanga kuuya kuBrazil muna 1951, maiva navaparidzi vanenge 4 000 veshoko roUmambo, asi zvino mava navanopfuura 366 000! Baba vedu vokudenga vanonzwira ngoni vakawedzera zvamazvirokwazvo kwatiri ‘zvimwe zvinhu zvose’ nemhaka yokuti takatanga kutsvaka Umambo hwake.—Mateo 6:33.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Olive naMildred Willett parutivi pengorovhani yamashoko, 1939
[Mufananidzo uri papeji 25]
Olive naSonia Springate