RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 2/1 p. 19
  • “Zita raJehovha Inhare Yakasimba”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Zita raJehovha Inhare Yakasimba”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vachiri Vapenyu!
  • Simba Romunyengetero
  • Vimba Nomudzimu waMwari Mukuchinja Kunoitika Muupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • “Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Jehovha—“Mupukunyutsi” Panguva Yainyorwa Bhaibheri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 10—2 Samueri
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 2/1 p. 19

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

“Zita raJehovha Inhare Yakasimba”

TINORARAMA munguva dzisina kugadzikana. Upenyu hwedu hunoratidzika kuva hwakagadzikana hunogona kuchinja nokukurumidza, uye pasina nyevero vamwe vakazviwana vamene vari mungozi huru vasati vakuziva. Ngozi inogona kubva muchinjo yezvamatongerwe enyika, denho yamasimba masimba, ngwavaira yomusikirwo, kana chirwere chakakomba. Chipi kana chipi chakungava, ndokupi uko muKristu anofanira kutendeukira apo upenyu hwake hunenge huri mungozi?

David, mumwe mufundisi anogara parimwe ramapazu eWatch Tower Society, akaziva mhinduro kumubvunzo iwoyo kubva muchinoitika chinotyisa. Achishanda somutyairi, akafumoenda mamwe mangwanani kundotakura vashandi vapaBheteri vanoshanda vachibva kumba (vazvipiri vanogara kunze kwebazu). Kwakanga kuchakasviba. Akanga atakura Rosalía uye akanga achipfuura kamba yamapurisa apo akanzwa kupfura kwepfuti kwokutanga.

Ipapo zvinhu zvakaitika nokukurumidza. Akanzwa ruzha rwakafanana nokuputika kwekiriketi huru ndokuziva kuti mweya wakanga uchishinyira uchibuda mune rimwe ramatayi. Kamwe kamwe akaona murwi akamira pakati pomugwagwa akatondeka pfuti zvakananga kwaari. Zvinhu zvitatu zvakaitika panodokuva pamawa: Nhevedzano yokupfura yakaita maburi parutivi peJipi, kuchipwanya mawindo; David naRosalía vakavanda; murwi akapfura napagirazi rapamberi pamwero wamaziso.

Sezvo Jipi yakanga ichiramba ichipfurwa namabara, David akabopa mabhureki zvakanakisisa sezvaaigona achiri akakotama. Vose vari vaviri David naRosalía vakafunga kuti vakanga vachizofa. Vakanyengetera zvinonzwika kuna Jehovha, vachikumbira kuti avatarisire. Gare gare Rosalía akataura kuti munguva idzodzo akashamisika pamusoro pamaitire aizoita mhuri yake apo vaizonzwa nezvorufu rwake!

Vachiri Vapenyu!

Ruzha rwokupfura negirazi rinopunzika pakupedzisira rwakamira, uye David akatarira kuna Rosalía. Apo akaona goo duku, rakatenderera pamusana wake, akatyiswa zvikuru. Asi chidimbu chegirazi rinovhiririka, kwete bara, chakanga chazvinyudza chimene ipapo. Mabvi ake akanga achibuda ropa makachekwa negirazi rinodonha, asi nezvisizvo airatidzika kuva asina kukuvara.

Varume vakapfeka yunifomu dzehondo vane maoko ane mabhande machena vakauya kuJipi ndokuvaraira kubuda maoko avo akasimudzwa mudenga. Mumwe, airatidzika kuva ane nzvimbo yapamusoro, akatendeukira kumurwi ndokuti: “Makaudzwa kusapfura kuvasiri varwi.” Murwi wacho akaedza kururamisa zviito zvake, achitaura kuti akanzwa kupfura ndokufunga kuti kwakabva muJipi yacho.

Apo David akazivisa Rosalía naye amene seZvapupu zvaJehovha, kuita kwacho kwakanga kwakanaka. Akatsanangura zvaakanga ave achiita, asi varwi vacho vakangoda kuvachengeta. Sezviri pachena, mumaawa amangwanani-ngwanani, boka ravarwi rakanga rapandukira hurumende, uye ava varwi vakanga vave vachitora kamba yamapurisa sezvo David naRosalía vakapfuura vari muJipi.

Rosalía akavhiringidzwa zvikuru asi noushingi akaramba akadzikama sezvo David akateterera kuti vasunungurwe. Pakupedzisira vakabvumirwa kuenda—vasina Jipi. Vaitofanira kufamba kuenda kumugwagwa uri pedyo ndokubata bhazi rinoenda kubazu, uko chipatara chakatarisira Rosalía.

Simba Romunyengetero

David akadzidza chimwe chinhu muchinoitika chacho—kusatongorerutsa simba romunyengetero wapachokwadi, uye kusatongokanganwa kuti kuzvizivisa umene noushingi somumwe weZvapupu zvaJehovha kuri kazhinji kazhinji dziviriro. Kungava kwechokwadi chaizvoizvo kuti “zita raJehovha inhare yakasimba; wakarurama unovangiramo ndokuchengetwa.”—Zvirevo 15:29; 18:10; VaFiripi 4:6.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

Fotografía de Publicaciones Capriles, Caracas, Venezuela

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe