RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 11/15 pp. 3-4
  • Unogona Kurarama Kwenguva Yakareba Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kurarama Kwenguva Yakareba Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nduramo Yakatambanudzwa Here?
  • Neiko Upenyu Huri Hupfupi Kwazvo?
  • Vanhu Havadi Kufa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2019
  • Kutsvaka Upenyu Hurefu Kunogona Sei Kubudirira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Nei Tichikwegura?
    Mukai!—2006
  • Rarama Nguva Refu Uchifara
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 11/15 pp. 3-4

Unogona Kurarama Kwenguva Yakareba Sei?

VAZHINJISA vedu tichabvuma nyore nyore kuti kune zvinetso zviri muupenyu. Bva, tinofara kuva vapenyu. Hatisati tichigutswa nouhwana hwedu chete kana kuti nduramo pfupi; tingada kurarama kwamakore akawanda. Kunyanguvezvo, rufu runoratidzika kuva rusingadzivisiki. Harusati here?

Kunobvira here kunonotsa rufu? Nduramo yedu inogona kutambanudzwa here?

Nduramo Yakatambanudzwa Here?

Muna 1990 mushumo wenhau wakazivisa kubvira kwokutambanudza nduramo yavanhu kusvikira ku“makore ane zana rimwe negumi.” Pasina panikiro iyi yakanga iri nongedzero isina kunanga kuawa mashoko owezvamapisarema weBhaibheri Mosesi: “Mazuva amakore edu makore makumi matanhatu negumi; uye kana nemhaka yesimba akava makore ane makumi masere, bva simba rawo ibasa norusuruvaro; nokuti anokurumidza kugurwa, uye isu tinobhururuka.” (Pisarema 90:10, King James Version) Naizvozvo Bhaibheri rinopa makore 70 kana kuti 80 seavhareji yenduramo yavanhu. Asi chii chiri chiverengero chinobvira chamakore ayo munhu anogona kukarira kurarama nhasi?

Mushumo wakabudiswa neWHO (World Health Organization) muna 1992 wakaisa avhareji yenduramo munyika yose pamakore 65. Mukuwirirana neWHO, iyoyi yai“karirwa kukura neinenge mwedzi mina pagore kwamakore mashanu anotevera, zvikurukuru nemhaka yokuderedza kufa kwavacheche.” Kunyange kana nenji rokurapa rikadzivisa rufu rwomunhu upi noupi pamberi pezera ramakore 50, zvisinei, magazini yeTime inotaura kuti muUnited States, “wedzero muavhareji yenduramo yaizongova makore 3 1/2 bedzi.”

Neiko Upenyu Huri Hupfupi Kwazvo?

Dr. Jan Vijg weNetherlands’ Institute of Experimental Gerontology anotaura kuti sezvo hosha dzakati dzakabatanidzwa nourema mumuumbirwo wamasero omuviri womunhu, naizvozvo kukwegura kunoratidzika kuva kunopesvedzerwa namagene. Vamwe vanzveri vanodavira kuti taigona kurarama kwenguva refu zvikuru kudai “magene makuru mashomanene” aigona kutsiviwa sezvatinokwegura. Vamwe vanodana chikarakadzo chakadaro kuti “chakapfava.”

Zvisinei hazvo, masayendisiti anobvuma kuti “kunoratidzika kuva kune rudzi rwakati rwomuganhu woupenyu wakavakirwa mukati wakarongwa mumasero omuviri womunhu,” inoshuma kudaro magazini yeTime. Kunyange avo vanotaura kuti taka“rongwa kuti tirambe tiri vapenyu,” vanobvuma kuti “chimwe chinhu chinoipa.” Zvamazvirokwazvo, pamakore 65, 70, kana kuti 80 kana kuti mamwe mashomanene, upenyu hwedu huno“kurumidza kugurwa” murufu, seizvo Bhaibheri rinotaura.

Bva, muapostora wechiKristu Pauro wezana ramakore rokutanga N.V. akadeya kutaura nechivimbo, kuti: “Somuvengi wokupedzisira, rufu ruchaparadzwa.” (1 VaKorinte 15:26, NW) Rufu runogona sei kugumiswa? Kunyange kana rukanzarwo, unogona sei kugonana norufu rwavadiwa nhasi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe