RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w93 11/1 p. 32
  • Nguva Yokukohwa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yokukohwa!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
w93 11/1 p. 32

Nguva Yokukohwa!

NEIKO nhau ye“chiKristu” yave isiri yechiKristu kwazvo? Vanhu vakawanda vanofunga vanobvunza uyu mubvunzo, asi Jesu akaupindura anodokusvika makore 2 000 apfuura mumufananidzo. Iye akataura nezve“munhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make.” Ipapo, “muvengi wake akauya, akakusha mashawi pakati pezviyo.” Apo mbeu dzakamera, vashandi vakacherekedza mashawi uye vaida kuadzura. Asi munhu wacho akati: “Regai zvikure zvose zviri zviviri kusvikira pa[kukohwa, NW].” Panguva yokukohwa, gorosi raizoparadzaniswa namashawi.—Mateo 13:24-30.

Jesu, achitsanangura mufananidzo wacho, akataura kuti iye amene akanga ari uyo akadyara “mbeu yakanaka”—maKristu echokwadi. Muvengi akanga ari Satani, uyo akadyara “mashawi”—achipinza maKristu okuedzesera muungano. Jesu akabvumira maKristu enhema neechokwadi kuvapo pamwe chete—asi bedzi kutozosvikira pakukohwa. Ipapo aizoparadzaniswa.—Mateo 24:36-44.

Nokudaro, hatishamiswi apo tinodzidza kuti masangano “echiKristu” mumazana ose amakore akazvidza Mwari kupfurikidza nokugamuchira dzidziso dzechihedheni, kufuratira utere, kutsigira hondo dzokukunda, uye kuitisa bvunzurudzo dzoutsinye. Tinoziva muna ikoku mbeu yakashata yakasimwa naSatani. Zvisinei, apo tinorava nezvavanhu vamwe navamwe vakatambura kupinzwa mutorongo kana kuti rufu panzvimbo pokubvumiranisa pane zvisina kufanira nheyo dzeBhaibheri, tinoona kuti mbeu yakanaka haina kuparadzwa.

Jesu akataura kuti kukohwa yakanga iri “mhedziso yetsika yezvinhu.” (NW) Sezvo tiri kurarama mumhedziso yetsika yenyika iripo yezvinhu, ino inofanira kuva nguva yokukohwa! Naizvozvo kuparadzanisa kunofanira kuve kwakaitika pakati pamaKristu echokwadi neenhema. Nhasi, kunofanira kuva navanhu, kwete vanhu vakapararira chete, avo vanokodzera rondedzero yaJesu yamaKristu echokwadi—avo vari pasi poUmambo hwaMwari uye vanoparidzira mashoko akanaka pamusoro pahwo, avo vanosimudzira tsika dzakavakirwa paBhaibheri ndokuramba dzidziso dzechihedheni vachida zvokwadi yeBhaibheri, avo vanoratidzira zita raMwari uye vasati vari rutivi rwenyika.—Mateo 6:33; 24:14; Johane 3:20; 8:32; 17:6, 16.

Tinokuvimbisa kuti, vanhu vakadaro varipo! Unoda kubatira Mwari nenzira inogamuchirika here? Ipapo tsvaka ava vanhu, uye batira Mwari navo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe