Kubatira Nepfungwa Yekurumidziro
YAKATAURWA NAHANS VAN VUURE
Mamwe mangwanani muna 1962, Paul Kushnir, mutariri webazu reWatch Tower Society muNetherlands, akasangana neni muruwa rwomunomira ngarava rweRotterdam. Achitarira kwandiri ari kune rumwe rutivi rwetafura mukahotera kasina chiedza chakajeka, akati: “Unoziva, Hans, kuti kana ukagamuchira uyu mugove, iwe nomudzimai wako muchangowana bedzi tikiti rokuenda?”
“HUNGU, uye ndine chokwadi zvikuru chokuti Susiewo achabvumirana naikoko.”
“Eya, kukurukurei naSusie. Kana mukakurumidza zvikuru kundizivisa chisarudzo chenyu kuchava kuri nani.”
Mangwanani akatevera acho akawana mhinduro yedu: “Tichaenda.” Naizvozvo pana December 26, 1962, takambundira hama dzokunyama neshamwari paSchiphol Airport yeAmsterdam yakafukidzwa nesinou, uye takabhururuka tichienda kundima yedu itsva youfundisi—Netherlands New Guinea (zvino West Irian, Indonesia)—nyika yavaPapua.
Takava nepanikiro here pamusoro pokugamuchira uyu mugove unodenha? Kwete chaizvoizvo. Takanga tatsaurira nomwoyo wose upenyu hwedu kukuita kuda kwaMwari, uye takavimba kuti aizotitsigira. Tichitarira shure paupenyu hwedu, tinogona kuona kuti chivimbo chedu muna Jehovha hachina kutongoiswa pasina kufanira. Asi ndisati ndarondedzera chakaitika muIndonesia, regai ndikuudzei pamusoro pamakore edu apakuvamba zvikuru.
Rovedzo Yomunguva Yehondo
Apo mhuri yangu yakatanga kushanyirwa muna 1940 neChapupu chiya chine ushingi Arthur Winkler, ndakanga ndichingova namakore gumi bedzi. Vabereki vangu vakakatyamadzwa apo vakawana izvo Bhaibheri raitaura pamusoro pedzidziso dzenhema dzechiKristudhomu. Sezvo Netherlands panguva iyeyo yakanga ichidzorwa neNazi Germany uye Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvichitambudzwa, vabereki vangu vaifanira kusarudza kana vaizobatanidzwa nesangano rakarambidzwa. Vakasarudza kudaro.
Pashure paikoko, ushingi hwaamai vangu nokudisa kwavo kurasikirwa norusununguko uye kunyange upenyu zvakandiorora. Pane imwe nguva vakachovha bhasikoro makiromita gumi neimwe uye vakamirira murima vane bhegi rakazara maturakiti eBhaibheri. Panguva yakagadzwa yokuti nhimbe chaiyo ivambe, vakachovha nokukurumidza sezvavaigona, vachipinza ruoko nguva dzose mubhegi ravo, vachiparadzira maturakiti mumigwagwa. Muchovhi aironda pakupedzisira akavasvikira uye, achifemereka, akashevedzera, kuti: “Amai, amai, muri kurasikirwa nechimwe chinhu!” Hatina kugona kurega kuseka apo Amai vakarondedzera iyi nhau.
Ndakanga ndiri muduku zvikuru, asi ndaiziva chandaida kuita noupenyu hwangu. Mukati momumwe wemisangano yedu pakati pa 1942, apo muitisi akabvunza kuti, “Ndiani anoda kubhapatidzwa panhambo inotevera?” Ndakasimudza ruoko rwangu. Vabereki vangu vakachinjana kuringa kwokunetseka, vachipanikira kana ndakanga ndichinzwisisa ukoshi hwechisarudzo chakadaro. Asi kunyange zvazvo ndakanga ndine makore 12 bedzi, ndainzwisisa icho tsauriro kuna Mwari yaireva.
Kuparidzira paimba neimba vaNazi vachitironda kwakada kungwarira. Kudzivisa kushanyira misha yaavo vangatikwenyera, pamazuva apo vanzwiri urombo veNazi vainamira mapepa anozivisa chimwe chinhu pamawindo avo, ndaichovha ndichitenderera ndichinyora kero dzavo. Pane imwe nhambo mumwe murume akandicherekedza ndokushevedzera, kuti: “Waita zvakanaka, mukomana wangu. Anyore—ose!” Ndakanga ndichidisa asi zvakajeka ndakanga ndisina kuchenjera zvakakwana! Pamugumo wehondo yacho muna 1945, takafarira kariro yorusununguko rukuru zvikuru rwokuparidzira.
Mavambo Ebasa Roupenyu Hwose
Pana November 1, 1948, pashure pokupedza kudzidza kwangu, ndakagamuchira mugove wangu wokutanga wokuparidzira nguva yakazara sapiona. Mwedzi mumwe gare gare Hama Winkler vakashanyira mhuri yandakanga ndichigara nayo. Vanofanira kuva vakanga vauya kuzoona zvandakanga ndakaita nemhaka yokuti nokukurumidza pashure ndakakokwa kuzoshanda pabazu rehofisi yeSociety muAmsterdam.
Gare gare ndakakumbirwa kushanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha somutariri wedunhu. Ipapo, mukupera kwa 1952, ndakagamuchira kokero yokupinda kirasi yechi 21 yeWatchtower Bible School of Gilead muNew York kuti ndigamuchire rovedzo youfundisi. Naizvozvo, mukupera kwa 1952, vasere vedu vakabva kuNetherlands takakwira ngarava inonzi Nieuw Amsterdam ndokuenda kuAmerica.
Nechokumugumo wekosi yechikoro, Maxwell Friend, mumwe wavarairidzi, akati: “Muchakanganwa zvizhinjisa zvezvinhu madzidza pano, asi tinovimba kuti zvinhu zvitatu zvicharamba zvinemi: kutenda, tariro, uye rudo.” Uyewo zvakachengetwa mundangariro yangu nomwoyo iyeuko dzinokosha dzesangano raJehovha rinoshanda nepfungwa yekurumidziro.
Pashure ndakaora mwoyo zvikuru. Hafu yeboka redu rechiDutch—kubatanidza ini—takagoverwa kudzokera kuNetherlands. Kunyange zvazvo ndakaora mwoyo, handina kutsamwa. Ndakangokarira bedzi kuti ndaisazofanira kumirira, kufanana naMosesi wekare, makore 40 ndisati ndagamuchira mugove wokumwe.—Mabasa 7:23-30.
Mubetseri Anokosha
Apo Fritz Hartstang, shamwari yangu youbaba, akaziva nezverongedzero dzangu dzeroorano, akandiudza nokuvimba, kuti: “Handitongogoni kufunga nezvechisarudzo chakanaka kupfuura ichocho.” Baba vaSusie, Casey Stoové, vakanga vave vari murwi mukuru muResistance mukurwisana navaNazi mukati meHondo yeNyika II. Asi apo akashanyirwa neZvapupu muna 1946, akagamuchira nokudisa zvokwadi dzeBhaibheri. Nokukurumidza iye navatatu vevana vake vatanhatu—Susie, Marian, uye Kenneth—vakabhapatidzwa. Pana May 1, 1947, ava vana vose vakavamba ushumiri hwenguva yakazara samapiona. Muna 1948, Casey akatengesa bhizimisi rake, uye iyewo akavamba kupayona. Gare gare akatsinhira, kuti: “Makore iwayo akanga ari anofadza zvikurusa oupenyu hwangu!”
Ndakava akarovedzana naSusie muna 1949, apo akakokwa kuzoshanda pahofisi yebazu yeAmsterdam. Gore rakatevera racho, kunyanguvezvo, iye nomunun’una wake Marian vakaenda kundopinda kirasi yechi 16 yeGilead ndokuenda nengarava kumugove wavo woufundisi—Indonesia. Muna February 1957, pashure pamakore mashanu ebasa roufundisi ikoko, Susie akadzoka kuNetherlands kuzoroorwa neni. Panguva yacho, ndakanga ndichibatira somutariri wedunhu, uye mumakore ose eroorano yedu, akaratidza aratidzazve kurega zvinhu zvomunhu oga nokuda kwebasa roUmambo.
Pashure pomuchato wedu, takapfuurira kushanyira ungano mumativi akasiana-siana eNetherlands. Makore aSusie ebasa roufundisi mumigove yakaoma akanga amugadzirira zvakanaka nokuda kwenzendo dzedu namabhasikoro kubva paungano imwe kuenda kuinotevera. Pakanga pari apo takanga tiri mubasa redunhu muna 1962 apo Hama Kushnir akandishanyira muRotterdam ndokutikoka kuenda kuWest Irian, Indonesia.
Basa Roufundisi muIndonesia
Takasvika mutaundi reManokwari—nyika yakasiana chose chose! Kwaiva nokurira kwechienzi kwousiku hwomumativi anopisa apasi uye kupisa neguruva. Uye ipapo kwakanga kune vaPapua vaibva mukati menyika vaipfeka mutavara bedzi, vaitakura mapanga, uye vaida kufamba mushure medu chaimo ndokuedza kubata ganda redu jena—zvose zvakanga zvisiri nyore kujaira.
Mukati mamavhiki okusvika kwedu, vafundisi vakarava tsamba vari pazvikuva vachinyevera pamusoro peZvapupu zvaJehovha, uye vakapa kopi yayo kuvose vaivapo. Nhepfutepfu yenhepfenyuro yomunzvimbomo yakatozivisa tsamba yacho. Ipapo vafundisi vatatu vakatishanyira ndokuraira kuti tipinde mukati menyika kundoshanda pakati paavo vakadana kuti “vahedheni.” Mupurisa mukuru wePapua akatikurudzirawo kuti tiende, uye mumwe mutezo wamapurisa apachivande akatiudza kuti kupondwa kwedu kwakanga kuchirongwa.
Bva, haasati ari wose aitishora. Mupi wezano wezvamatongerwe enyika wavaPapua, worudzi rwechiDutch uyo akanga ava kudokuenda kuNetherlands, akatisuma kumadzishe anoverengeka echiPapua. “Zvapupu zvaJehovha zvichaunza rudzi rwuri nani rworudzidziso rwechiKristu kupfuura rwamakaziva,” akaaudza kudaro. “Naizvozvo, munofanira kuzvigamuchira.”
Gare gare, mukuru mukuru wehurumende akasvika Susie mumugwagwa ndokuita kazevezeve, achiti: “Kwakashumwa kwatiri kuti makatanga basa idzva muno, uye, naizvozvo, hatigoni kukuregai muchigara. Asi, u-u-u, . . . kudai bedzi maiva nechechi.” Kubairwa zanhi! Nokukurumidza takapaza madziro mumba medu, takaronga mabhenji, takaisa panotaurira mukurukuri, uye takaisa chiratidzo pamberi chairava kuti “Horo yoUmambo.” Ipapo takakoka mukuru mukuru wacho nokuda kweshanyo. Akagutsurira, akanyemwerera, uye akagogodza parutivi pomusoro wake nomunongedzo wake, sokunge kutaura kuti, ‘Makachenjera, makachenjera.’
Pana June 26, 1964, gore nehafu pashure pokusvika kwedu, vaPapua 12 vokutanga vavadzidzi vedu veBhaibheri vakabhapatidzwa. Nokukurumidza, vamwe gumi vakatevera, uye vanopinda misangano yedu vakaita avhareji ye 40. Mapiona maviri echiIndonesia akatumwa kuzotibatsira. Apo ungano yakanga yasanosimba muManokwari, bazu reSosaiti reIndonesia rakatigovera mumwe mugove wokuparidzira, muna December 1964.
Tisati taenda, mukuru wePublic Relations Department yehurumende akatitora parutivi ndokuti: “Ndinodemba kuenda kwenyu. Vhiki rimwe nerimwe vafundisi vakateterera kwandiri kukuendesai nemhaka yokuti vakati makanga muri kutora mitezo yavo. Asi ndakavaudza kuti: ‘Aiwa, panzvimbo pezvo, vari kuisa fetiraiza mumiti yenyu.’” Akawedzera, kuti: “Kupi kana kupi kwamunoenda, rambai muchirwa. Muchakunda!”
Pakati Pokupidigurwa Kwakamwe Kamwe Kwehurumende
Humwe usiku muna September 1965, apo takanga tichibatira mudzimbahwe, Djakarta, vapandukiri vechiKomonisiti vakauraya vatungamiriri vehondo vakawanda, vakapisa Djakarta, uye vakavamba rwisano yorudzi rwose iyo pakupedzisira yakariga purezidhendi worudzi rwacho, Sukarno. Vanenge 400 000 vakarasikirwa noupenyu hwavo!
Pane imwe nhambo taiparidzira nepo mumugwagwa unotevera kupfura nokupisa zvakanga zvichipfuurira. Zuva rakatevera racho takanzwa kuti uto rakanga rodokuparadza nzvimbo yaiva pedyo yechiKomonisiti. Vanasaimba vakaratidzika kuva vaityiswa sezvo taivasvika, asi apo vainzwa shoko redu reBhaibheri, vaisununguka ndokutikokera kupinda. Vainzwa vakakotsekana kuva nesu. Nhambo iyoyo yakadzidzisa tose zvedu kuvimba naJehovha uye kuramba takadzikama mumigariro yakaipa.
Chimwe Chishoro Chakakurirwa
Pakupera kwa 1966 takaenda kuguta reAmbon riri pazvitsuwa zvokumaodzanyemba zveMolucca zvine zviono zvakaisvonaka. Ikoko, pakati pavagari vemo vane ushamwari, vakasununguka, takawana fariro huru yomudzimu. Ungano yedu duku yakakurumidza kukura, uye vanopinda misangano vakasvika zana. Naizvozvo vakuru vakuru vechechi vechiKristudhomu vakashanyira Office for Religious Affairs kuzomanikidzira ishe wayo kuti atidzinge muAmbon. Asi ipapo padhesiki rashe wacho, vakaona mabhuku eWatch Tower Society akaratidzirwa zvakajeka! Vachikundikana kuchinja ndangariro yashe wacho, vakaonana navakuru vakuru veMinistry of Religion muDjakarta, vachitsvaka kudzingwa kwedu kwete bedzi muAmbon asi muIndonesia yosewo.
Nguva ino vakaratidzika kuva vanobudirira, nokuti February 1, 1968, akagadzwa somusi wokudzingwa kwedu. Zvisinei, hama dzedu dzechiKristu muDjakarta dzakaonana nomukuru mukuru mukuru weMuslim muMinistry of Religion, uye akabetsera kuchinja chisarudzo chacho. Mukuwedzera, muitiro wekare wakachinjwa, uye kupinda kwakabvumidzwa kuvamwezve vafundisi.
Nokudaro, mukati mamakore gumi akatevera, mumakomo akaisvonaka, matondo, uye nyanza muSumatra yokuchamhembe, takashanda navafundisi vakabva Australia, Austria, Germany, Philippines, Sweden, uye United States. Basa rokuparidzira rakabudirira, zvikurukuru pakati peboka guru rorudzi renharaunda yacho, Batak.
Zvisinei, varongi vamazano vorudzidziso pakupedzisira vakabudirira mukuita kuti basa redu rokuparidzira rirambidzwe muna December 1976, uye gore rakatevera racho vazhinjisa vavafundisi vakaenda kumigove mudzimwe nyika. Pakupedzisira, muna 1979, taifanirawo kuenda.
KuSouth America
Pari zvino takanga tava naanenge makore 50 okukura, uye takashamisika kana taigona kuita chinjo kune imwezve nyika. “Tichagamuchira mugove mutsva here kana kuti panzvimbo pezvo kugara panzvimbo imwe?” Susie akabvunza kudaro.
“Eya, Susie,” ndakapindura, “kupi kana kupi Jehovha akatikoka kuenda, akatitarisira. Ndiani anoziva kuti ndizvimwe zvikomboreroi zvine nguva yemberi?” Nokudaro, takasvika mumugove wedu mutsva, nyika yeSouth America yeSuriname. Mukati memwedzi miviri takanga tava mubasa rokufambira zvakare uye nokukurumidza takanzwa tasununguka.
Tichihwirudzura makore edu anopfuura 45 tiri muushumiri hwenguva yakazara, Susie neni tinoziva kuti tsigiro yavabereki vedu yaikosha sei kutibetsera kupfuurira mubasa roufundisi. Muna 1969, apo ndakaonazve vabereki vangu pashure pamakore matanhatu, baba vangu vakanditora parutivi ndokuti: “Kana kukaitika kuti Amai vanotanga kufa, haufaniri kudzoka kumba. Gara mumugove wako. Ndichakwanisa kuzviraramira. Asi kana kukaitika neimwe nzira, uchafanira kubvunza Amai pamusoro pako.” Amai vakataura zvimwe chetezvo.
Vabereki vaSusie vakanga vaine chimiro chimwe chetecho chisina udyire. Pane imwe nhambo Susie akanga ava asinavo kwamakore 17, bva havana kutongomunyorera tsamba imwe inoodza mwoyo. Chokwadika, kudai kwakanga kwava kusina imwe betsero yaiwanika kuvabereki vedu, tingadai takadzoka kumusha. Pfundo nderokuti, vabereki vedu vakanga vaine murangariro mumwe chetewo webasa roufundisi uye, kusvikira parufu rwavo, vakanga vabatira Jehovha nepfungwa imwe cheteyo yekurumidziro iyo vakanga vadyara mumwoyo yedu.—Enzanisa na 1 Samueri 1:26-28.
Takakurudzirwawo navanyori vetsamba vakatendeka. Pane vashomanene vasina kutongopotsa mwedzi mumwe mukutinyorera muanopfuura makore edu 30 ebasa roufundisi! Asi kupfuura vose, tinorangarira Baba vedu vanodiwa vokudenga, Jehovha, avo vanoziva nzira yokutsigira nayo vabatiri vavo vari pasi pano. Naizvozvo, sezvo zvino tinosvika mugumo wezvinoitika zvatave tichikarira, Susie neni tinoshuva ku“sanorangarira kuvapo kwezuva raJehovha” kupfurikidza nokupfuurira kubatira Jehovha nepfungwa yekurumidziro.—2 Petro 3:12, NW.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Takaroorana muna 1957
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mufaro wakadini—vaduku vatanhatu samapiona!