Vazivisi voUmambo Vanoshuma
“Anofara Munhu Awana Uchenjeri”
ICHI chirevo chakabvumikisa kuva chechokwadi muKorea, umo zvino mune Zvapupu zvaJehovha zvinofara zvinopfuura 71 000. (Zvirevo 3:13, NW) Uye fungidzira, 42 muzana yaava vashumiri iri mubasa renguva yakazara! Zvinoitika zvinotevera zvicharatidza kuti mufarwa mugariro waavo vanotsvaka uchenjeri hwechokwadi.
Mumwe mukadzi muPusan akanga apinda imwe yechechi dzechiKristudhomu kwamakore 16. Akanga acherekedza miitiro yakawanda kwazvo isiri yapamagwaro zvokuti akavamba kufunga kuti kwaigona kuva kusina Mwari. Pane rumwe rutivi, aisagona kuramba kuvapo kwaMwari, naizvozvo akanyengetera zvapachokwadi kuna Mwari kuti agowana chechi yechokwadi kana kwakanga kune chinhu chakadaro. Papfundo rino kamwe kamwe akafunga nezveZvapupu zvaJehovha, uye akayeuka kuti chechi yake yakanga yazvishora ndokunyevera vanoenda kuchechi pamusoro pazvo nemhaka yokuti Zvapupu zvakanga zvisingadaviri muUtatu, hero yomwoto, uye dzimwe dzidziso dzechiKristudhomu. Zvichida vakanga vari chechi yechokwadi here? Nebetsero yomuvakidzani, akawana nzvimbo yeHoro yoUmambo. Zuva rakatevera rimene, akapinda musangano.
Akashamiswa nenhevedzano yomusangano wacho. Pakanga pasina kudanidzira kwounyengeri kana kuti kuimba kunoratidza mirangariro sezvazvakanga zvakaita muchechi yake. Akasumwa kune chimwe Chapupu icho chakanga chichidisa kufunda Bhaibheri naye, uye fundo yokutanga yakaita maawa anoverengeka nemhaka yemibvunzo yake mizhinji. Pafundo yechipiri, akazivisa kuti aizobuda muchechi yake ndokuva Chapupu. Akaudza hanzvadzi yacho kuti haasati aizofanira kufunda naye zvakare, sezvaaigona kungopinda chete misangano. Zvisinei, akaratidzwa ukoshi hwokuva nefundo yomunhu oga yeBhaibheri mukuwedzera kukupinda misangano. Akagamuchira chikarakadzo chacho, akazvishandisa amene kuzvidzidzo zvake, uye munguva yakafanira akabhapatidzwa.
Zvino anofara kwazvo kuti akawana uchenjeri hwaMwari wechokwadi, Jehovha, uye ane tariro yokurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari.
Mutungamiriri Akarega Basa Anodzidza Zvokwadi
Mudzimai womumwe mutungamiriri wehondo akabhapatidzwa muna 1962. Murume wake akamushora pakutanga, asi gare gare akarega kumushora, uye panguva nenguva kwamakore 28 akatevera, hama dzakasiana-siana dzakafunda naye, dzichiedza kumuita kuti afarire zvokwadi. Akapinda misangano yakati nekokorodzano, asi akanga ari mumwe waavo vakarega kurangarira zvokwadi zvakakomba. Muna 1990 iye nomudzimai wake vakaenda kuJapan, uko vakapinda kokorodzano yoruwa. Pane iyi nhambo iye akasanoteerera hurukuro—chimwe chinhu chaakanga asina kuita kare. Akakatyamadzwa nehurukuro dzakasimba dzaifumura rudzidziso rwenhema, asi idzodzi zvamazvirokwazvo dzakamuita kuti azive unyengeri hwechiKristudhomu. Akaororwa nenhevedzano nomufarwa zvavanhu vaMwari muJapan, uko kwakanga kuri kumwe cheteko nezvaakanga aona muKorea. Achidzokera kuKorea, akavamba fundo yakakomba yeBhaibheri uye pakupedzisira akabhapatidzwa.
Naizvozvo pashure porubhapatidzo rwake chii chaaifanira kuita? Akarega nzvimbo yake sapurezidhendi weimwe hotera yakakurumbira yavashanyi ndokukumbanira mudzimai wake muushumiri hwoupiona hwenguva yakazara. Anorangarira kuti kuva piona wenguva dzose inzira yakanakisisa yokutsiva nayo makore 28 ayo akarasa apo airega.
Zvino anoziva kuti chirevo chokuti “anofara munhu awana uchenjeri” chinoshandawo kwaari!