Wakambotanga Mwoto Musango Here?
CHOKWADIKA KWETE, unodaro. Asi mira! Zvichida wakadaro? Teerera mashoko omudzidzi Jakobho, anoti: “Rurimi mutezo muduku, runozvirumbidza zvikuru. Tarira, mwoto muduku unotungidza [sango guru, NW] sei!”—Jakobho 3:5.
Rurimi mutezo unokosha wokutaura, asi rwakashandiswa zvisina kufanira sei! Vanhu vanoshandisa rurimi kureva nhema ndokuchera. Narwo vanotsoropodza vamwe nehasha, vanoparadza mikurumbira yavo, uye vanovanyengera. Vanyanduri venyongori vanoshandisa rurimi kunyandura kupandukira. Adolf Hitler akashandisa rwake kuunganidza rudzi nokuda kwehondo—‘mwoto musango’ zvamazvirokwazvo!
Kunyange avo vane vavariro dzakanaka vanogona kuparira ‘mwoto yomusango’ miduku. Wakambotaura chimwe chinhu uye ipapo kamwe kamwe wakashuva kuti waigona kusachitaura here? Kana zvakadaro, unonzwisisa icho Jakobho aireva apo akati: “Hakuna munhu ungapingudza rurimi.”—Jakobho 3:8.
Kunyanguvezvo, tinogona kuedza kushandisa rurimi rwedu nokuda kwezvakanaka. Kufanana nowezvamapisarema, tinogona nenzira yakasimba kuti: “Ndichachenjerera nzira dzangu, kuti ndirege kutadza norurimi rwangu.” (Pisarema 39:1) Panzvimbo pokutsoropodza vamwe nehasha, tinogona kuedza kuvavaka. Panzvimbo pokuchera vanhu, tinogona kutaura zvakanaka nezvavo. Panzvimbo pokukorovhera nokunyengera, tinogona kutaura zvokwadi ndokurairidza. Apo unosundwa nomwoyo wakanaka, rurimi runogona kutaura mashoko anoshamisa okurapa. Jesu akashandisa rurimi rwake nenzira inoshamisa kudzidzisa rudzi rwomunhu pamusoro poruponeso.
Zvirokwazvo, “rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu.” (Zvirevo 18:21) Rurimi rwako runouraisa here kana kuti runopa upenyu? Rwuno ‘tanga mwoto musango’ kana kuti kuidzima here? Wezvamapisarema akanyengetera kuna Mwari, kuti: “Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.” (Pisarema 119:172) Kana tikasakurira chimiro chendangariro chowezvamapisarema, isuwo tichashandisa rurimi rwedu nokuda kwezvakanaka.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
U.S. Forest Service photo