Nzara Yakadeya Kutaurwa
MUMAKORE achangobva kupfuura aya rutyo rwenzara rwakava rwakarovedzeka nenzira inorwadza mumishumo yenhau dzenyika. KuEthiopia nokune dzimwe nzvimbo kwakabva mifananidzo isingakanganwiki yokutambura. Muna 1992 ngwariro yenyika yakanangidzirwa pavanyajambwa vengwavaira veSomalia venzara, yakaparirwa nokusanaya kwemvura nehondo. International Herald Tribune yakashuma muna September 1992, kuti: “Hakuna munhu anoziva kuti vaSomalia vangani vakafa, asi Red Cross inoisa nhamba yacho pavanopfuura 100 000. Mazana, kana zvisiri zviuru, zvinofa zuva riri rose.”
Nhamba dzacho hadzipi chaizvoizvo nhamo namarwadzo zvavanhu vanobatanidzwa. Yvette Pierpaoli, mumiriri weEurope weRefugees International, akanyora mumagazini yeCM Refugees, kuti: “MuNew York kana kuti Geneva, mubvunzo wavapoteri unoratidzika kuva wakananga zvikuru; nhamba dzinodudzwa uye nhevedzano yamazero anobatanidzwa nadzo yakaoma kunzwisisa. Asi kure nezviuru zvamamaira, pamiganhu yenyika dzisisadzorwi, huro yako inodzipwa nemirangariro uye ukuru hwokutambura hunokuita kuti ude kuridza mhere.”
Apo Red Cross inotaura kuti nhamburiko dzayo dzokuyamura Somalia dzinomirira basa rayo gurusa rokuyamura vanhu, vacherekedzi vazhinji vanonyunyuta kuti chitarisiko chikuru ndechiya cheyamuro duku zvikuru, yakanyanyononoka. Pierpaoli anoti: “Nyika dzinobetsera dziri kuzengurira kupfuurira, dzaneta nokutsigira Africa iyo iri kuparara. . . . Dzinoshora vagari veAfrica nokuda kwokutarisira kwavo kwakashata, makaro avatungamiriri vavo, rwisano dzinoratidzira kuva dzisingagumi.”
Bhaibheri rakadeya kutaura nguva apo kwaizova neperevedzo dzezvokudya “munzvimbo imwe pashure peimwe.” Idzi perevedzo dzezvokudya, pamwe chete nezvimwe zvinoitika zvakawanda, zvakadai sehondo, kudengenyeka kwapasi, uye nhenda, zvinoratidzira kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo. (Ruka 21:11, 31, NW) Bhaibheri rinoratidzazve kuti muUmambo ihwohwu hune mutsa hwaMwari, muchava nezvokudya zvakawanda nokuda kworudzi rwose rwomunhu. “Papasi pachava nezviyo zvizhinji,” akanyora kudaro wezvamapisarema. “Pamusoro pamakomo pachava nokupfachuka.”—Pisarema 72:16, NW.